RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/02 p. 8
  • Ratidza Kuva Nehanya Ne“nherera”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kuva Nehanya Ne“nherera”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Baba Venherera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mhuri Dzine Mubereki Mumwe Dzinogona Kubudirira!
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Iva Nehanya Nemubereki Anorera Vana Ari Oga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 11/02 p. 8

Ratidza Kuva Nehanya Ne“nherera”

1 Jehovha ndi“baba venherera.” (Pis. 68:5) Kuva nehanya kwake nokugara kwadzo zvakanaka kunoratidzwa nomurayiro uyu waakapa rudzi rwekare rwaIsraeri wokuti: “Usatambudza chirikadzi kana nherera. Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo.” (Eks. 22:22, 23) Mutemo waMwari waisanganisirawo urongwa hwokuyamura vakadaro nezvinhu zvavanoda zvokunyama. (Dheut. 24:19-21) Muurongwa hwechiKristu, vanamati vechokwadi vanorayirwa “kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo.” (Jak. 1:27) Tingatevedzera sei kuva nehanya kwaJehovha kune vaya vari kukurira mumhuri dzine mubereki mumwe kana dzine zvitendero zvakasiyana?

2 Kudzidzisa Zvine Chokuita Nokunamata: Kana uri mubereki ari oga kana kuti uine murume kana mukadzi asingatendi, kuitisa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha nguva dzose nevana vako kungava kwakaoma. Asi chidzidzo cheBhaibheri chenguva dzose uye chine zvachinoreva chinokosha kana vachizokura kuva vanhu vakuru vakadzikama, vakakura mumudzimu. (Zvir. 22:6) Kukurukura navo zuva nezuva pamusoro pezvinhu zvine chokuita nokunamata kunokoshawo. (Dheut. 6:6-9) Pane dzimwe nguva, unganzwa wakaora mwoyo, asi usarega. Kumbira simba nenhungamiro kuna Jehovha ‘sezvaunoramba uchirera vana vako mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.’—VaEf. 6:4.

3 Kana uchida kubatsirwa kutarisira mitoro yako yeMagwaro, zivisa vakuru zvaunoda. Vangakwanisa kupa mazano anobatsira kana kuti kukubatsira kuva nepurogiramu yokunamata yemhuri yako.

4 Kubatsira Kungaita Vamwe: Muzana remakore rokutanga, Timoti akava mushumiri waJehovha anoshingaira pasinei nokuti akakurira mumhuri yakanga ine zvitendero zvakasiyana. Kushingaira kwaamai naambuya vake kumudzidzisa zvinyorwa zvitsvene ari muduku pasina mubvunzo kwakaita basa guru. (Mab. 16:1, 2; 2 Tim. 1:5; 3:15) Zvisinei, akabatsirwawo nokusonganirana nevamwe vaKristu, kusanganisira muapostora Pauro, uyo akati Timoti aiva “mwana wangu anodiwa uye akatendeka munaShe.”—1 VaK. 4:17.

5 Saizvozvowo nhasi, zvinobatsira zvikuru kana hama nehanzvadzi dzakakura mumudzimu dzichiva nehanya nenherera dziri muungano! Unoziva mumwe nomumwe nezita rake here? Unotaura navo pamisangano yechiKristu uye pane dzimwe nguva here? Vakumbire kubuda newe muushumiri hwomumunda. Zvimwe nguva nenguva ungagona kuva navo pachidzidzo chenyu chemhuri kana muzvirongwa zvenhandaro yakanaka, pamwe chete nomubereki wavo ari oga kana kuti anotenda. Vechiduku ava pavanokuona seshamwari yavo, vangangotevedzera muenzaniso wako uye kukurudzira kwaunoita.—VaF. 2:4.

6 Jehovha anofarira zvikuru nherera, uye ari kukomborera kuedza kwedu kworudo kudzibatsira kuita chokwadi chadzo pachadzo. Vakawanda vakakurira mumhuri dzine mubereki ari oga kana kuti dzine zvitendero zvakasiyana vakawana kurudziro yakadaro uye zvino vari kushanda vakatendeka semapiyona, vashumiri vanoshumira, vakuru, vatariri vanofambira, mamishinari, kana kuti nhengo dzemhuri yeBheteri. Tose zvedu ngatitsvake nzira dzoku“wedzera” kuda kwatinoita nherera, tichitevedzera Baba vedu vokudenga.—2 VaK. 6:11-13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe