RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 4/1 p. 31
  • Baba Venherera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Baba Venherera
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ratidza Kuva Nehanya Ne“nherera”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mhuri Dzisina Baba—Kuita Kuti Dzisavepo
    Mukai!—2000
  • Mhuri Dzisina Baba—Chiratidzo Chenguva Yacho
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 4/1 p. 31

Swedera Pedyo naMwari

Baba Venherera

Eksodho 22:22-24

“BABA venherera . . . ndiye Mwari ari munzvimbo yake tsvene yaanogara.” (Pisarema 68:5) Mashoko iwaya akafuridzirwa anotipa chidzidzo chinobaya mwoyo nezvaJehovha Mwari, anoda kubatsira vanoshayiwa. Mutemo waakapa kuvaIsraeri unoratidza kuti ane hanya nevana vaya vanofirwa nomubereki. Ngationgororei mashoko omuBhaibheri anotanga kutaura nezve“nherera,” ari pana Eksodho 22:22-24.

Mwari anoyambira kuti: “Musatambudza . . . nherera.” (Ndima 22) Mashoko aya akanga asiri okukumbira vanhu kuti vabatsire nherera dzaitambura; waiva murayiro waMwari. Mwana aifirwa nababa vake uye nomunhu aimuchengeta neaimuriritira aiva patsekwende yokubatwa zvisina kunaka nevanhu. Hapana munhu aifanira ku“tambudza” nherera munzira ipi zvayo. Mune mamwe maBhaibheri, shoko rokuti “tambudza” rakanzi “kubata zvisina kunaka,” “kushungurudza,” uye “kumushandisa nokuti haana zvaanokwanisa kuita.” Kushungurudza nherera yaiva nyaya yakakura mukuona kwaMwari. Izvi zvaiva zvakakura zvakadii?

Mutemo wacho unoenderera mberi uchiti: “Kana ukaitambudza, iyo ikandichemera, chokwadi ndichanzwa kuchema kwayo.” (Ndima 23) Ndima 23 haizoshandisi chisazitasingwi chinoratidza vanhu vazhinji sechiri mundima 22 chokuti, “Muka-” asi inobva yashandisa chisazitasingwi chinoratidza munhu mumwe chete chokuti “uka-.” Munhu mumwe nomumwe uye norudzi rwacho rwose zvarwo vaifanira kuteerera zvakafanana mutemo waMwari uyu. Jehovha aitarira nherera; aidziteerera, uye aigara akagadzirira kudzibatsira padzaichemera kubatsirwa.—Pisarema 10:14; Zvirevo 23:10, 11.

Saka chii chaizoitika kudai mumwe munhu aizoshungurudza nherera, zvichizoita kuti mwana iyeye acheme kuna Mwari? Jehovha anoti: “Ndichatsamwa kwazvo, uye ndichakuurayai nebakatwa.” (Ndima 24) Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoti “mashoko aya akashandurwa shoko neshoko anoti, ‘uye mhino dzangu dzichapisa,’ riri dimikira rinoratidza kutsamwa kwazvo.” Ona kuti Jehovha haana kusiyira vatongi vaiva muIsraeri kuti vaone kana mutemo uyu waichengetedzwa. Mwari pachake aizotonga munhu wose aizoshandisa zvisiri izvo mwana aiva asina anomudzivirira.—Dheuteronomio 10:17, 18.

Jehovha haana kuchinja. (Maraki 3:6) Anonzwira tsitsi vana vasina mubereki kana kuti vabereki. (Jakobho 1:27) Gara uchiziva kuti Baba venherera vanogumbuka zvakarurama kana vana vasina mhosva vakabatwa zvisina kunaka. Vaya vanoda kubata nherera zvisina kunaka havasi kuzotiza “kutsamwa kukuru kwaJehovha.” (Zefaniya 2:2) Vanhu vakaipa ivavo vachaziva kuti “zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.”—VaHebheru 10:31.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe