RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 2/1 pp. 8-13
  • Kudzidzisa Kwoumwari Kunokurira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzisa Kwoumwari Kunokurira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvakwa Kwouchenjeri
  • Bhuku Guru Rinofundwa raJehovha
  • Nzwisiso Inofambira Mberi
  • Kupinda Muchiedza Chinoshamisa chaMwari
  • Namata Nomudzimu Nezvokwadi
  • Kunokurira Miedzo Nenyika
  • Farikanya Betsero Dzokudzidzisa Kwoumwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kokorodzano Dzinofadza Dzinosimudzira Kudzidzisa Kwoumwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Dzoruwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kudzidziswa naJehovha Kusvikira Kuzuva Rino
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 2/1 pp. 8-13

Kudzidzisa Kwoumwari Kunokurira

“Meso enyu anofanira kuva meso anoona Muraidzi wenyu Mukuru. Uye nzeve dzenyu mumene dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Iyi ndiyo nzira. Fambai mairi, imi vanhu.’”—ISAYA 30:20, 21, NW.

1. Neiko muraidzo waJehovha uchigona kunzi nomazvo kudzidzisa kwoumwari?

JEHOVHA MWARI ndiye Manyuko okudzidzisa kwakanakisisa munhu upi noupi anogona kugamuchira. Kana tikateerera apo anotaura, zvikurukuru kupfurikidza neShoko rake Rinoyera, achava Muraidzi wedu Mukuru. (Isaya 30:20) Rugwaro rweBhaibheri rwechiHebheru rwunomuidzawo kuti “Mwari.” (Pisarema 50:1) Nokudaro, muraidzo waJehovha kudzidzisa kwoumwari.

2. Mupfungwai yakuri kwechokwadi kuti Mwari oga ndiye akachenjera?

2 Nyika inodada namasangano ayo akawanda edzidzo, asi hapana nerimwe rawo rinopa kudzidzisa kwoumwari. Chokwadi, uchenjeri hwose hwenyika uhwo rudzi rwomunhu rwakaunganidza munhau yose hunova hushomanene pakuenzaniswa nomuraidzo woumwari wakavakirwa pauchenjeri husingagumi hwaJehovha. VaRoma 16:27 inotaura kuti Mwari oga akachenjera, uye ikoku ndokwechokwadi mupfungwa yokuti Jehovha bedzi ane uchenjeri hwakakwana.

3. Neiko Jesu Kristu ari mudzidzisi mukurusa ati ambofamba pasi?

3 Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, muenzaniso wouchenjeri uye ndiye mudzidzisi mukurusa ati ambofamba pasi. Hakushamisi! Kwamakore Jehovha akanga ave ari Mudzidzisi wake mumatenga. Kutaura idi, kudzidzisa kwoumwari kwakavamba apo Mwari akatanga kuraidza chisiko chake chokutanga, Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi. Jesu aigona naizvozvo kuti: “Ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.” (Johane 8:28; Zvirevo 8:22, 30) Mashoko aKristu amene akanyorwa muBhaibheri anowedzera zvakawanda kuzivo yedu yokudzidzisa kwoumwari. Kupfurikidza nokudzidzisa izvo Jesu akadzidzisa, maKristu akazodzwa anoteerera Muraidzi wawo Mukuru, ane kuda kwokuti “kuchenjera kukuru kwaMwari” kuziviswe kupfurikidza neungano.—VaEfeso 3:10, 11; 5:1; Ruka 6:40.

Kutsvakwa Kwouchenjeri

4. Chii chakataurwa pamusoro pamano ouropi?

4 Kuwana uchenjeri hunobva mukudzidzisa kwoumwari kunoda kushandiswa kwokushingaira kwamano edu okufunga akapiwa naMwari. Ikoku kunobvira nemhaka yokuti uropi hwomunhu hune bviro huru zvikuru. Rinoti bhuku rinonzi The Incredible Machine: “Kunyange komupiyuta dzakaoma kunzwisisa zvikurusa idzo tinogona kuisa muchiono ndedzechinyakare dzakaenzaniswa nokuoma kunzwisisa kunodokuva kusingagumi nokuchinjika zvouropi hwomunhu—mavara akaitwa kuti abvire kupfurikidza nomuitiro wawo wakaoma kunzwisisa, wakaratidzirwa wezviratidzo zvamagetsi. . . . Mamirioni ezviratidzo zvinopfuura nomuuropi hwako panguva ipi neipi anotakura mutoro wechienzi wamashoko. Iwo anounza mashoko pamusoro pemhoteredzo dzomuviri wako dzomukati nokunze: pamusoro pechikaka chiri muchigunwe chako, kana kuti kunhuwira kwekofi, kana kuti tsinhiro yeshamwari inosetsa. Sezvo zvimwe zviratidzo zvinoita ndokukamuranisa mashoko, izvo zvinoparira mirangariro yakati, yeuko, mifungo, kana kuti gadziriro izvo zvinotungamirira kuchisarudzo. Panodokuva pakare pakarepo, zviratidzo zvinobva muuropi hwako zvinoudza mamwe mativi omuviri wako chokuita: fambisa fambisa chigunwe chako, inwa kofi, seka, kana kuti zvichida pindura zvinosetsa. Munguvayo uropi hwako huri kutarisirawo kufema kwako, kemesitiri yeropa, tembiricha, uye mimwe miitiro inokosha yausingazivi. Hunotuma mirairo inochengeta muviri wako uchishanda zvakanaka pasinei zvapo nechinjo yenguva dzose mumhoteredzo yako. Hunogadzirirawo zvinodikanwa zvomunguva yemberi.”—Peji 326.

5. Mupfungwa yapaMagwaro, uchenjeri chii?

5 Kunyange zvazvo uropi hwomunhu pasina panikiro hune mano anoshamisa, tinogona sei kushandisa ndangariro munzira yakanakisisa? Kwete kupfurikidza nokuzvinyudza timene chose chose mufundo yakaoma yomutauro, nhau, sayenzi, kana kuti rudzidziso rwakaenzana. Tinofanira kushandisa mano edu okufunga zvikurukuru kuti tigamuchire kudzidzisa kwoumwari. Iko kwoga kunoguma nouchenjeri hwapachokwadi. Asi chii chiri uchenjeri hwechokwadi? Mupfungwa yapaMagwaro, uchenjeri hunoisa simbiso pachisarudzo chakanaka chakavakirwa pazivo yakarurama uye nzwisiso chaiyoiyo. Uchenjeri hunotigonesa kushandisa zivo nenzwisiso nenzira inobudirira kupedza zvinetso, kudzivisa kana kuti kudzivirira ngozi, kubetsera vamwe, uye kusvika nharidzano. Nenzira inofadza, Bhaibheri rinosianisa uchenjeri noufuza uye upenzi—mavara zvirokwazvo atinoda kudzivisa.—Dheuteronomio 32:6; Zvirevo 11:29; Muparidzi 6:8.

Bhuku Guru Rinofundwa raJehovha

6. Kana tichizoratidzira uchenjeri hwechokwadi, chii chinofanira kushandiswa zvakanaka?

6 Kune uchenjeri hwenyika hwakawanda makatipoteredza. (1 VaKorinte 3:18, 19) Chokwadi, nyika ino yakazara nezvikoro namaraibhurari zvine mamarioni amabhuku! Mazhinji aaya mabhuku anofundwa anopa muraidzo mumutauro, nhamba, sayenzi, uye dzimwe nzvimbo dzezivo. Asi Muraidzi Mukuru akagovera bhuku rinofundwa rinopfuura mamwe ose—Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri. (2 Timotio 3:16, 17) Rakarurama kwete bedzi pakududza zvidzidzo zvakadai senhau, mugariro wapasi, uye ruzivo rwemiti asiwo pakudeya kutaura nguva yemberi. Uyezve, rinotibetsera kurarama upenyu hunofadza zvikurusa nohunobudirira zvikurusa iye zvino. Chokwadika, sezvo vadzidzi vari muchikoro chekunyika vachifanira kushandisa mabhuku avo, tinofanira kuva vakasanorovedzana neBhuku guru rinofundwa raMwari ndokurishandisa kana tichizoratidzira uchenjeri hwechokwadi saavo “vanodzidziswa naJehovha.”—Johane 6:45, NW.

7. Neiko ungataura kuti kurovedzana kwoungwaru nezviri muBhaibheri hakuna kukwana?

7 Bva, kurovedzana kwoungwaru neBhaibheri hakusati kuri kumwe cheteko nouchenjeri hwechokwadi nokuwirirana nokudzidzisa kwoumwari. Kuenzanisira: Muzana ramakore rechi 17 N.V., mumwe murume weKaturike ainzi Cornelius van der Steen akatsvaka kuva muJesuit asi akarambwa nemhaka yokuti akanga akanyanya kupfupika. Manfred Barthel anoti mubhuku rake The Jesuits—History & Legend of the Society of Jesus: “Dare rakazivisa van der Steen kuti vakanga vakagadzirira kurega chinodikanwa chourefu, asi bedzi kana aizodzokorora nomusoro Bhaibheri rose. Nyaya yacho yaisazotongokodzera kutaura kudai van der Steen akanga asina kuwirirana neichi chikumbiro chokuzviti tutumadzei.” Inhamburiko yakadini yakwakada kuziva nomusoro Bhaibheri rose! Zvirokwazvo, zvisinei, kunokosha zvikuru kwazvo kunzwisisa Shoko raMwari kupfuura kuriziva nomusoro.

8. Chii chichatibetsera kubetserwa nokudzidzisa kwoumwari ndokuratidzira uchenjeri hwechokwadi?

8 Kana tichizobetserwa zvizere nokudzidzisa kwoumwari uye tichizoratidzira uchenjeri hwechokwadi, tinoda zivo yakarurama yaMagwaro. Tinofanirawo kutungamirirwa nomudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinobata basa. Ikoku kuchatigonesa kudzidza zvokwadi huru, “zvinhu zvakadzama zvaMwari.” (1 VaKorinte 2:10, NW) Nokudaro, ngatifundei nokushingaira Bhuku guru rinofundwa raJehovha ndokunyengeterera nhungamiro yake kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Mutsinhirano naZvirevo 2:1-6, ngatipei ngwariro kuuchenjeri, kurereudzira mwoyo wedu kunzwisiso, uye kudana nokuda kwenzwisiso. Tinofanira kuita ikoku sokunge tiri kutsvaka pfuma yakavanzika, nokuti ipapo bedzi ndipo paticha‘nzwisisa kutya Jehovha ndokuwana zivo imene yaMwari.’ Kurangarirwa kwokukurira nebetsero zvokudzidzsa kwoumwari kuchawedzera kuonga kwedu uchenjeri hunopiwa naMwari.

Nzwisiso Inofambira Mberi

9, 10. Mwari akataurei, sezvakanyorwa pana Genesi 3:15, uye chii chiri nzwisiso yakafanira yamashoko iwayo?

9 Kudzidzisa kwoumwari kunokurira kupfurikidza nokupa kuvanhu vaJehovha nzwisiso inofambira mberi yaMagwaro. Somuenzaniso, takadzidza kuti akanga ari Satani Dhiabhorosi akataura kupfurikidza nenyoka muEdheni ndokupomera zvenhema kuti Mwari akanyepa apo Iye akataura kuti rufu rwaizova chirango chokudya muti wakarambidzwa. Kunyanguvezvo, tinoona kuti kusateerera Jehovha Mwari kwakaunza rufu padzinza romunhu. (Genesi 3:1-6; VaRoma 5:12) Bva, Mwari akapa rudzi rwomunhu tariro apo akaudza nyoka, uye nokudaro Satani, kuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.”—Genesi 3:15.

10 Mashoko iwayo akabatanidza chakavanzika chakaziviswa nenzira inofambira mberi kupfurikidza nokudzidzisa kwoumwari. Jehovha akadzidzisa vanhu vake kuti musoro mukurusa weBhaibheri kurevererwa kwouchangamire hwake kupfurikidza neMbeu, muzukuru waAbrahama naDhavhidhi ane maruramiro apamutemo kuubati ushe hwoUmambo. (Genesi 22:15-18; 2 Samueri 7:12, 13; Ezekieri 21:25-27) Muraidzi wedu Mukuru akatidzidzisa kuti Jesu Kristu ndiyo Mbeu huru yo“mukadzi,” sangano rapose pose raMwari. (VaGaratia 3:16) Pasinei hapo nomuedzo uri wose uyo Satani akaunza paari, Jesu akachengeta perero—kunyange kusvikira kurufu, kupwanywa kweMbeu muchitsitsinho. Takadzidzawo kuti vadyi venhaka pamwe voUmambo vane 144 000 vanobva pakati porudzi rwomunhu vachagoverana naKristu mukupwanya musoro waSatani, “nyoka yakare.” (Zvakazarurwa 14:1-4; 20:2; VaRoma 16:20; VaGaratia 3:29; VaEfeso 3:4-6) Tinoonga sei zivo yakadaro yeShoko raMwari!

Kupinda Muchiedza Chinoshamisa chaMwari

11. Neiko kuchigona kutaurwa kuti kudzidzisa kwoumwari kunokurira kupfurikidza nokupinza vanhu muchiedza chomudzimu?

11 Kudzidzisa kwoumwari kunokurira kupfurikidza nokupinza vanhu muchiedza chomudzimu. MaKristu akazodzwa akava nechinoitika ichocho mukuzadzikwa kwa 1 Petro 2:9, inoti: “Imi muri rudzi rwakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.” Nhasi, chiedza chinopiwa naMwari chiri kufarikanywawo ne“boka guru” richararama nokusingaperi muparadhiso yapasi. (Zvakazarurwa 7:9, NW; Ruka 23:43) Sezvo Mwari anodzidzisa vanhu vake, Zvirevo 4:18 inobvumikisa kuva yechokwadi: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” Uyu muitiro wokudzidza kunofambira mberi unonatsa nzwisiso yedu yokudzidzisa kwoumwari, kunyange sezvo vadzidzi vachiita fambiro mberi nemhaka yebetsero yakaisvonaka yomudzidzisi apo vanofunda girama, nhau, kana kuti chimwe chidzidzo.

12, 13. Kudzidzisa kwoumwari kwakadzivirira vanhu vaJehovha pangozi dzipi dzedzidziso?

12 Kumwe kukurira kwokudzidzisa kwoumwari ndekwokuti kunodzivirira vagamuchiri vako vanozvininipisa pa“dzidziso dzamadhemoni.” (1 Timotio 4:1, NW) Pane rumwe rutivi, tarira kuchiKristudhomu! Shure muna 1878, mukuru mukuru weRoma Katurike John Henry Newman akanyora, kuti: “Vachivimba panguva iyeyo nesimba rechiKristu rokudzivisa kutapura kwezvakaipa, uye kushandura zvishandiswa zvimene nezvisaririra zvokunamata madhemoni kukushandisa kweevhangeri, . . . vatongi veChechi kubva panguva dzapakuvamba vakanga vakagadzirira, kana nguva ikasvika, kugamuchira, kana kuti kutevedzera, kana kuti kubvumira tsika dzaivapo nemiitiro zvavanhu, pamwe chete nouzivi hweboka rakadzidza.” Newman akawedzera kuti zvinhu zvakadai semvura tsvene, zvipfeko zvouprista, uye mifananidzo zvaiva “zvose zvamavambo echihedheni, uye zvakatsveneswa nokugamuchirwa kwazvo muChechi.” Vanhu vaMwari vanoonga zvamazvirokwazvo kuti kudzidzisa kwoumwari kunovadzivirira pakuwa pakutenda kwakadaro. Kunokunda zvimiro zviri zvose zvoudhemoni.—Mabasa 19:20.

13 Kudzidzisa kwoumwari kunokurira mhosho yorudzidziso munzira iri yose. Saavo vanodzidziswa naMwari, somuenzaniso, hatidaviri Utatu asi tinobvuma kuti Jehovha ndiye Wokumusorosoro, Jesu Mwanakomana wake, uye mudzimu mutsvene isimba rinobata basa raMwari. Hatityi hero yomwoto, nokuti tinoziva kuti hero yeBhaibheri iguva ravose rorudzi rwomunhu. Uye nepo vezvorudzidziso rwenhema vachitaura kuti mweya womunhu haufi, tinoziva kuti vakafa havatongozivi chinhu. Tinogona kududza chiverengero chikuru chezvokwadi dzakawanwa kupfurikidza nokudzidzisa kwoumwari. Chikomborero chakadini kuva vakasununguka pausungwa hwomudzimu kuBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema!—Johane 8:31, 32; Zvakazarurwa 18:2, 4, 5.

14. Neiko vanhu vaMwari vachigona kuramba vachifamba muchiedza chomudzimu?

14 Nemhaka yokuti kudzidzisa kwoumwari kunokurira mhosho yorudzidziso, kunogonesa vanhu vaMwari kufamba muchiedza chomudzimu. Chaizvoizvo, vanonzwa shoko shure kwavo richiti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai mairi, imi vanhu.” (Isaya 30:21, NW) Kudzidzisa kwaMwari kunodzivirirawo vabatiri vake pakurangarira kwenhema. Apo “vaapostora venhema” vakanga vachiparira nhamo muungano muKorinte, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari, tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.” (2 VaKorinte 10:4, 5; 11:13-15) Mirangariro inopesana nokudzidzisa kwoumwari inoputswa nomuraidzo unopiwa nounyoro muungano uye nokuparidzira mashoko akanaka kuna avo vari kunze.—2 Timotio 2:24-26.

Namata Nomudzimu Nezvokwadi

15, 16. Kunamata Jehovha nomudzimu nezvokwadi kunorevei?

15 Sezvo basa rokuparidzira Umambo rinopfuurira, kudzidzisa kwoumwari kunokurira mukuratidza vanyoro nzira yokunamata nayo Mwari “[nomudzimu, NW] nezvokwadi.” Patsime raJakobho pedyo neguta reSikari, Jesu akaudza mukadzi weSamaria kuti aigona kugovera mvura yaipa upenyu husingaperi. Achinongedzera kuvaSamaria, iye akawedzera, kuti: “Imi munonamata chamusingazivi . . . Nguva inouya nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba [nomudzimu, NW] nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.” (Johane 4:7-15, 21-23) Jesu ipapo akazvizivisa amene saMesia.

16 Asi tinogona sei kunamata Mwari nomudzimu? Kupfurikidza nokupa kunamata kwakachena kunobva mumwoyo inoonga yakazadzwa norudo rwaMwari rwakavakirwa pazivo yakarurama yeShoko rake. Tinogona kumunamata nezvokwadi kupfurikidza nokuramba nhema dzorudzidziso uye kupfurikidza nokuita kuda kwoumwari, sezvinoziviswa muBhuku guru rinofundwa raJehovha.

Kunokurira Miedzo Nenyika

17. Ungagona sei kubvumikisa kuti kudzidzisa kwoumwari kwakabetsera vabatiri vaJehovha kutarisana nemiedzo?

17 Apo vanhu vaMwari vanotarisana nemiedzo, kudzidzisa kwoumwari kunokurira kwakurirazve. Rangarira izvi: Pakutanga kweHondo yeNyika II, muna September 1939, vabatiri vaJehovha vaida nzwisiso chaiyo muBhuku rake guru rinofundwa. Yebetsero huru yakanga iri nyaya iri muThe Watchtower, November 1, 1939, iyo yakaratidza zvakajeka kudzidzisa kwoumwari panhau yokusatora rutivi kwechiKristu. (Johane 17:16) Nenzira yakafanana, mukuvamba kwama 1960, nyaya dzeNharireyomurindi pamusoro pokuzviisa pasi kune mwero pe“zviremera zvikuru” zvehurumende dzakabetsera vanhu vaMwari kuwirirana nokudzidzisa kwoumwari mukutarisana nokusaterama kwechaunga.—VaRoma 13:1-7, NW; Mabasa 5:29.

18. Muzana ramakore rechipiri nerechitatu N.V. vaitaura kuva maKristu vakarangarira sei nhandaro yakashata, uye kudzidzisa kwoumwari kunogovera betseroi pamusoro paikoko nhasi?

18 Kudzidzisa kwoumwari kunotibetsera kukurira miedzo, yakadai senyengedzo yokutsvaka varaidzo yakashata. Cherekedza zvakataurwa navaiti maKristu vomumazana amakore rechipiri nerechitatu reNguva yedu yaVose. Tertullian akanyora, kuti: “Hatina chokuita, mukutaura, kuona kana kuti kunzwa, noupengo hweshoo yemhuka dzinoita zvinokosha, kusanyara kwehoro yemitambo, utsinye hwenhandare.” Mumwe munyori wenguva iyoyo akabvunza, kuti: “Chii icho muKristu akatendeka anoita pakati peizvi zvinhu, sezvo angasatongofunga pamusoro pouipi? Neiko achiwana mufarwa mukuratidzwa kwoushati?” Kunyange zvazvo ava vanyori vakararama makore akati pashure pamaKristu omuzana rokutanga ramakore, vakashurikidza varaidzo yakashata. Nhasi, kudzidzisa kwoumwari kunotipa uchenjeri hwokudzivisa varaidzo yakashata, youtere, uye yamasimba masimba.

19. Kudzidzisa kwoumwari kunotibetsera sei kukurira nyika?

19 Kuwirirana nokudzidzisa kwoumwari kunotigonesa kukurira nyika imene. Hungu, kushandisa kudzidzisa kwoMuraidzi wedu Mukuru kunotiita vanokunda pesvedzero dzakashata dzenyika ino iri musimba raSatani. (2 VaKorinte 4:4; 1 Johane 5:19) VaEfeso 2:1-3 inotaura kuti Mwari akatiita vapenyu kunyange zvazvo takanga takafa mukudarika kwedu nezvivi apo taifamba mukuwirirana nomutongi wechiremera chemhepo. Tinoonga Jehovha kuti kudzidzisa kwoumwari kunotibetsera kukurira zvishuvo zvenyika nomudzimu unobva kumuvengi wake nowedu—munyengeri mukuru, Satani Dhiabhorosi!

20. Mibvunzoi yakafanira kurangarirazve?

20 Nenzira yakajeka, ipapo, kudzidzisa kwoumwari kunokurira munzira dzakawanda. Kutaura idi, kwaizoratidzika kuva kusingabviri kududza kukurira kwako kwose. Kunotapura vanhu munyika yose. Asi kuri kukuitirei? Kudzidzisa kwoumwari kuri kutapura sei upenyu hwako?

Chii Chawadzidza?

◻ Uchenjeri hwechokwadi hungarondedzerwa sei?

◻ Chii icho Mwari akazivisa nenzira inofambira mberi pamusoro paGenesi 3:15?

◻ Kudzidzisa kwoumwari kwakakurira sei muzvinhu zvomudzimu?

◻ Kunamata Mwari nomudzimu nezvokwadi kunorevei?

◻ Kudzidzisa kwoumwari kwakabetsera sei vabatiri vaJehovha kukurira miedzo nenyika?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Jesu akachengeta perero kusvikira kurufu—kupwanywa kweMbeu muchitsitsinho

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe