Kufarirei Rudzidziso?
MUNYIKA iri yose pamusoro papasi, munofarirwa rudzidziso. Pane rumwe rutivi, kunewo vakawanda vanotaura zvakajeka zvikuru kuti havafariri rudzidziso. Asi vakarangarira nguva dzose nenzira iyoyo here?
Muitirwo womunhu wakadaro kuti munhu haagutswi chaizvoizvo nezvinhu zvokunyama bedzi. Vanhu vanoda umudzimu. Kuvapo kwezuva nezuva kwakavakirwa pakuwana zvinodikanwa zvomuviri chete, nenhambo dzapanhambo nenhambo dzenhandaro, hakugutsi zvizere zvinodikanwa zvomukati-kati zvomunhu. Kusafanana nemhuka, vanhu vanoda kuziva kuti, ‘Chii chiri donzo roupenyu?’ ‘Upenyu huno hupfupi, uhwo hunobatanidza zvakawanda zvakaisvonaka asiwo zvakawanda zvakashata, ihwohwu ndihwo bedzi huriko here?’ Iwe hausati wabvunza mibvunzo yakafanana naiyoyi here?
Bva, mamirioni akawanda avanhu ari mapenyu nhasi akakurira mumhoteredzo dzakadzivisa rudzidziso kupi nokupi kune revo. Pesvedzero iyoyo ingave yakabva kuvabereki vavo, kuvadzidzisi, kuvaenzani, kana kuti kunyange kuhurumende.
Skalabrino, jaya rokuAlbania, akatsanangura kuti mukutonga kwechiKomonisiti vanhu vaidzidziswa kuti hakuna Mwari. Kupfuurirazve, kwakanga kune ngozi kuti vataure pamusoro porudzidziso; kuita saizvozvo kwaigona kutungamirira kukuiswa mutorongo. Bva, muna 1991, apo aiva muSwitzerland somupoteri, akapiwa banza rokufunda Bhaibheri. Akagamuchira. Neiko?
Eya, muAlbania iye akanga anzwa kuti kwakanga kune bhuku rakadai seBhaibheri, asi akanga asingazivi chaizvoizvo chinhu chipi nechipi pamusoro paro. Nokudaro, pakutanga chingave chaisava zvikurukuru chishuvo chokunzwisisa Bhaibheri chakamusunda. Nepo akaudzwa kuti aizova achifunda pamusoro pedonzo raMwari nokuda kworudzi rwomunhu nepasi, akarionawo sebanza rokuvandudza kushandisa kwake mutauro womunzvimbomo. Nokukurumidza, kunyanguvezvo, akawana kuti chaakanga achidzidza chakagutsa chishuvo chikuru chomudzimu chake. Mwoyo wake wakafadzwa nechipikirwa chaMwari chenyika itsva umo rugare rwaizotekeshera, nyika umo vanhu vaigona kurarama nokusingaperi ndokufarikanya zvakawanda zvezvinhu zvose zviri madikanwa nokuda kwoupenyu. Fariro yake yakawedzerwa apo akadzidza kuti iye nemhuri yake vaigona kuva rutivi rweiyi nyika itsva. Asingakwanisi kuchengeta mashoko akanaka kwaari amene, akaridzira runhare mhuri yake shure muAlbania kuti aagoverane navo.
Aleksei, uyo anogara muRussia, akashamiswawo nomuuyo uyo zivo yakarurama yeBhaibheri yaigona kuva nawo paupenyu hwomunhu. Akurirwa nezvinetso uye asingakwanisi kuwana tsananguro inogutsa yedonzo roupenyu, akaronga kuzviuraya. Kutanga, kunyanguvezvo, akaenda kuFinland kundoshanyira shamwari. Ari munzira muchitima, akataura pamusoro pezvinetso zvake kuvakwiri biyake. Pakati pavo pakanga pane mumwe weZvapupu zvaJehovha, uyo akamukurudzira kufunda Bhaibheri nemhaka yokuti rinopa mhinduro kuzvinetso zvakadaro. Iye akanga achipanikira. Parwendo rwokudzokera, akava nechinoitika chakafanana. Nguva ino chakanga chiri chimwe Chapupu chakataura ndokumuudza kuti chaisiva norudzi rumwe cheterwo rwezvinetso asi kuti Bhaibheri rakanga rachibetsera kukurira izvozvi. Ichowo chakamukurudzira kufunda Bhaibheri. Apo akasvika kumusha, runhare rwakarira. Yakanga iri imwe shamwari, iyo yakanga ichifunda neZvapupu uye yaifara zvikuru. Murume wacho akanga ava kuvamba kuziva kuti zvichida Bhaibheri raigona chaizvoizvo kugovera chaaida, asi aiziva kuti pasina betsero aisagona kurinzwisisa. Akabvuma kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yenguva dzose neZvapupu zvaJehovha, uye akavamba kupinda misangano yazvo. Hakuna kumutorera nguva refu kunzwisisa chikonzero nei avo vanoumbira upenyu hwavo paizvo Bhaibheri rinodzidzisa vachifara kwazvo, kunyange zvazvo ivowo vachitarisana nezvinetso zvavose kurudzi rwomunhu.
Nenzwisiso mumuitirwo womunhu, Jesu Kristu akati: “Munhu haagoni kurarama nechingwa choga.” (Mateo 4:4, The New English Bible) Iye akatiwo: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” (Mateo 5:3, NW) Mufarwa wavo unouya nemhaka yokuti vanoziva zvikuru chinodikanwa chavo, vanoita nhano dzakafanira kuti vachigutse, uye vanowana chikomborero chaMwari. Zvisinei, chinodikanwa chedu chomudzimu hachigutswi chete nokukumbanira chechi yakati kana kuti kupinda minamato yakati yorudzidziso. Rudzidziso rwomuitiro zvikuru rungafadza mirangariro, asi runogovera mhinduro dzechokwadi kuzvinetso zvoupenyu here? Kunyange zvazvo rudzidziso rwakati ruchitsigira mirangariro yakati mikuru yakanaka, kana ruchikundikana kugovera nzwisiso yechokwadi pamusoro pedonzo chairoiro roupenyu, ruchagutsa chinodikanwa chako chomudzimu here? Kweitiro hanya inotova huru zvikuru, kushandisa rudzidziso rwakadaro kuchatungamirira kuukama hwakanaka naMwari here? Pasina ihwohwo, gutsikano yechokwadi ichave ichishaikwa.
Muna ikoku vanhu vakawanda vari kutsvaka chimwe chinhu chavachigere kuwana.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Zvinodikanwa zvako zvomudzimu zvichagutswa zvirokwazvo here nokukumbanira chechi?
[Mufananidzo uri papeji 4]
Vakawanda vakawana kuti apo vanonzwisisa Bhaibheri, upenyu hunova nerevo itsva