Hausati Uchizoda Kuipotsa!
KUPOTSA chii? Kokorodzano yeRuwa ye“Nhume Dzerugare rwaMwari” inokurumidza kusvika yeZvapupu zvaJehovha! Munzvimbo zhinjisa kokorodzano ichavamba na9:30 Chishanu mangwanani nepurogiramu yenziyo. Pashure pokuteerera bvunzurudzo dzinosimbisa kutenda mukati merutivi runoti “Kunzwa Kubva Kuvazivisi Vanoshingaira Vorugare,” uchafarikanya hurukuro inokurudzira inoti “Mwari Anodei Kwatiri?”
Inokosha paChishanu masikati ichava hurukuro chaiyo inonyandura inoti “Basa Redu Senhume Dzorugare rwaMwari.” Ipapo rutivi runoti “Kubetsera Vamwe Kudzidza Zvinodikanwa zvaMwari” ruchagovera zvikarakadzo pakudzidzisa vatsva. Irworwi ruchateverwa nehurukuro yokusiyirana yakakodzera nguva inoti “Ngwarira Misungo Isingaoneki Yevaraidzo.” Purogiramu yeChishanu ichaguma nehurukuro dzinoti “Dzivisa Dhiyabhorosi—Usashivirire Makwikwi” uye “Kutsigira Nokuvimbika Kunaka kweShoko raMwari.”
Purogiramu yeChitanhatu mangwanani ichasimbisa ukoshi hwebasa rokuita vadzidzi muhurukuro yokusiyirana ine mativi matatu inoti “Nhume Dzinounza Mashoko Akanaka Orugare.” Rusando rwacho ruchaguma nehurukuro dzinoti “Kupa Nomufaro Mukati Mesangano raJehovha” uye “Upenyu Nerugare Kupfurikidza Netsauriro Nerubhapatidzo,” pashure payo kuchava nomukana wokuti vadzidzi vatsva vabhapatidzwe.
Hurukuro yeChitanhatu masikati inoti “Rangarira Mifungo yaJehovha Pazvinhu” ichapindura mibvunzo yakadai sokuti ‘VaKristu vari kugoverana mubasa rokuparadzanisa nhasi here?’ uye ‘Ndeupi uri murangariro weBhaibheri wechirango chokuuraya?’ Uchafarikanyawo hurukuro yokusiyirana inofadza ine mativi maviri inoti “Mwari Worugare Anokuitira Hanya” uye zvikurukuru hurukuro yokugumisa inoti “Ronda Rugare rwaMwari Muupenyu Hwemhuri.”
Purogiramu yeSvondo mangwanani ichabatanidza hurukuro yokusiyirana ine mativi matatu inoti “Kuziva Rudzi Rwakarurama Rwenhume” uye hurukuro inoti “Inzwa uye Teerera Shoko raMwari.” Purogiramu yamangwanani ichaguma nemutambo une vatambi vane zvipfeko zvekare uyo uchabudisa zvidzidzo zvinokosha munhoroondo yeBhaibheri yeMutongi Gidheoni.
Rusando rwekupedzisira rwekokorodzano paSvondo masikati ruchatanhamarisa hurukuro yavose, ine musoro unoti “Rugare Rwechokwadi Pakupedzisira!—Kubva Mumanyukoi?” Pakupedzisira, hurukuro inosunda inoti “Kufambira Mberi Senhume Dzerugare rwaMwari” ichagumisa kokorodzano.
Ita gadziriro zvino kuti upinde. Kuti uwane nzvimbo iri pedyosa zvikurusa nemusha wako, svika Horo yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino.