RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 7/1 pp. 4-7
  • Chechi Yakakamurwa—Inogona Kupukunyuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chechi Yakakamurwa—Inogona Kupukunyuka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Munhu Wokusateerera Mutemo”
  • Zviyo Namashawi
  • Kupesana Kutsva
  • “Budai Mariri Vanhu Vangu”
  • Kutenda kwechiKristu Kumwe Bedzi Kwechokwadi—Chinhu Chechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nguva Yemberi Yechikristu Ichange Yakaita Sei?
    Mukai!—2007
  • “Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mufananidzo Wegorosi Nemasora
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 7/1 pp. 4-7

Chechi Yakakamurwa—Inogona Kupukunyuka Here?

“VOSE vanobvuma zvokwadi inoponesa yaKristu ndeveChechi inooneka. Kupesana kwechiKristudhomu—pakati paMabvazuva naMadokero, uye mukati meRoma nechechi dzeReformation—kupesana mukati meChechi imwe.” (Christians in Communion) Ndiko kurangarira kunoita munyori mumwe chiKristu—semhuri yakapararira zvikuru yamarudzidziso, vose vachibvuma rudzi rwakati rwokutenda muna Jesu Kristu.

Zvisinei, imhuri yakakamurwa, ine zvitendero nemipimo yomufambiro zvinorwisana. “ChiKristu chomuzuva razvino . . . chine mipimo yakaderera zvikuru youmutezo hwechechi kupfuura iyo yokukwira mubhazi,” anodaro mumwe mucherechedzi. Ipapoka, tinofanira kuongorora sei mugariro wacho womudzimu? Bishopi weKaturike Basil Butler anogumisa, kuti: “ChiKristu chakakamurwa chinorwara zvikuru zvamazvirokwazvo.” (The Church and Unity) Chirwere chacho chakavamba sei? Pane tariro dzokunaya here?

“Munhu Wokusateerera Mutemo”

Muapostora Pauro akanyevera kuti kusanzwana kwaizotanga. KuvaKristu vaiva muTesaronika avo vaifunga kuti kuvapo kwaKristu kwakanga kwava pedyo, iye akanyora, kuti: “Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti [zuva raJehovha] harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, [nomunhu wokusateerera mutemo, NW] mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa.”—2 VaTesaronika 2:3.

Uyu “munhu wokusateerera mutemo” akapinza kuwa pakutenda nokupandukira muungano yechiKristu. Iye ndiani? Haasati ari munhu mumwe upi noupi asi, panzvimbo pezvo, boka ravafundisi vechiKristudhomu. Iri boka rakazvisimudzira rimene paungano yakawa pakutenda nokukurumidza zvikuru pashure porufu rwavaapostora vaJesu, uye pakupedzisira rakasvika pakudzidzisa uzivi hwechihedheni, hwakadai soUtatu nokusafa kwomweya womunhu. (Mabasa 20:29, 30; 2 Petro 2:1-3) Kufanana noutachiona hunouraya, iro rakazadza ungano yaitaura kuva yechiKristu nepfungwa dzakafuridzirwa namadhemoni idzo dzaizotungamirira nenzira isingadzivisiki kukusanzwana.—VaGaratia 5:7-10.

Hosha yacho yakanga yatotanga muzuva romuapostora Pauro. Iye akanyora, kuti: “Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobate basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye unodzivisa zvino achibviswa.” (2 VaTesaronika 2:7) Vaapostora vakashanda sechinodzivisa chepfu yokuwa pakutenda. Apo pesvedzero yavo inobatanidza yakabviswa, kuwa pakutenda kusingadzorwi kwakapararira seronda.—1 Timotio 4:1-3; 2 Timotio 2:16-18.

Mibato youyu “munhu wokusateerera mutemo” inopfuurira isingadereri. Mumushumo wemisi ichangobva kupfuura iyi pa“chechi muchitambudzo chevatano nechedzidziso,” mumwe dhikoni mukuru weChechi yeEngland anonokorwa mashoko saanonyunyuta, achiti: “Zvikarakadzo zvinokumbira vafundisi kusapinda muvatano kunze kweroorano zvinorambwa. Vanovatana navane mitezo mimwe cheteyo yevatano vanogadzwa. Ivo vakaita kuti zvakanaka zvive zvakaipa nezvakaipa zvive zvakanaka.”—The Sunday Times Magazine, London, November 22, 1992.

Zviyo Namashawi

Jesu Kristu amene akadzidzisa kuti chiKristu chechokwadi chaizonyangarika kwechinguvana mukuoneka. Iye akataura kuti kuvambwa kweungano yechiKristu kwakanga kwakafanana nomumwe munhu aidyara mbeu yakaisvonaka mumunda make. Asi, Jesu akati, “muvengi wake akauya, akakusha mashawi pakati pezviyo.” Apo varanda vake vakabvunza kana vachifanira kuedza kudzura mashawi, mwene womunda akati: “Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura nezviyowo.” Uku kuvhengana kwezviyo namashawi kwaizopfuurira kwenguva yakareba sei? Mwene womunda akati: “Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka.”—Mateo 13:25, 29, 30.

Kusvikira “pakucheka,” kana kuti nguva yeparadzaniso mukati mamazuva okupedzisira e“tsika yezvinhu,” vaKristu venhema vakakura pamwe chete navaKristu vechokwadi. (Mateo 28:20, NW) Satani Dhiabhorosi akashandisa vawi pakutenda kutanga ungano yechiKristu yokuedzesera yakaipa neyakakamurwa. (Mateo 13:36-39) Ivo vakaita chipameso chinonyadzisa chechiKristu chechokwadi. (2 VaKorinte 11:3, 13-15; VaKorose 2:8) Sezvo chechi yakaparadzika mumazana amakore apfuura, kwakava kwakaoma nenzira inowedzera kuziva vaKristu vechokwadi.

Kupesana Kutsva

Munguva dzazvino uno zvikuru, inodaro The Testing of the Churches—1932-82, “kupesana [k]utsva kwakaoneka, zvikurukuru sangano resimba rechienzi, nesimbiso yaro pakutenda kwomunhu oga noruzivo rwokuzviwanira.” Nenzira inofadza, vamwe vanoona masangano okuberekwa zvakare, esimba rechienzi sezviratidzo zvokunaya kwomudzimu panzvimbo pokupesana kutsva. Northern Ireland, somuenzaniso, yakawana kumutsidzira kwakadaro muma 1850. Tariro huru dzakamutswa. Mumwe mushumo wakataura nezvo“mubatanidzwa wehama . . . pakati pomuPresbyterian, muWesleyan, uye vafundisi veIndependent” uye wakataura kuti “zuva riri rose rakaunza mishumo mitsva yezvipapadzungu, kurara, zviono, zviroto namanenji.”—Religious Revivals.

Vakawanda vakaona idzi ratidziro dzinoshamisa soufakazi hwomudzimu waMwari unoshanda kumutsidzira chechi yake. “Chechi yaMwari,” akadaro mumwe mucherechedzi, “mupfungwa yayo yakakwirira zvikurusa yakamutsidzirwa muaya maruwa.” Zvisinei, kunyange zvazvo uku kumutsidzira chaiko kwakaziviswa se“nhambo ine mbiri neisina muenzaniso munhau yorudzidziso yeUlster,” iko nokumwe kumutsidzira kwakafanana nako hakuna kuparira chinzwano chorudzidziso pakati paavo vanotaura kuberekwazve kwomudzimu.

Vakadaro vachaita nharo kuti vakabatana muzvinhu zvinokosha. Asi idzi inharo dzimwe chetedzo dzinoshandiswa norutivi rwose rwasara rwechiKristudhomu, avo vanorangarira kuti “chinobatanidza vaKristu chinotova chinokosha zvikuru kwazvo kupfuura zvinhu zvichiri kuvakamura.” (The Church and Unity) ChiKristudhomu chinoti: “Chinzwano chedu chikuru nomumwe nomumwe uye navaKristu biyedu vose chakasimba murubhapatidzo rwedu muna Kristu.” (Christians in Communion) Kutaura kuti kupesana hakukoshi nemhaka yokutenda kwavose muna Jesu, zvisinei, kwakafanana nokutaura kuti kenza haina kukomba chero bedzi mwoyo wako wakasimba.

Zvomene ndeyokuti masangano orudzidziso akadaro azvino uno akawedzera kunyongano ndokuparira nyonganyonga yomudzimu sezvo vadzidzisi vanonyengetedza vanozviunganidzira vamene vateveri. Jim Jones naDavid Koresh mienzaniso yazvino yavatungamiriri vomudzimu vakatsausa zviuru. (Mateo 15:14) Mumwe mufundisi weBaptist mutezo mukuru weKu Klux Klan. Iye anobatanidza nhimbe yake youkuru hwavachena nokumutsidzira kworudzidziso uye anotaura kuti avo vanotora rutivi mairi vacha“piwa simba renhungamiro youmwari, kupiwa ushingi hwaIye akafira paKarivhari [Jesu Kristu].”

Zvakadiniko naanofungidzirwa kuva manenji, mabasa esimba, uye zviratidzo zvinoitwa muzita raJesu? Yeuka nyevero yakasimba yaJesu Kristu yokuti, havasati vari avo vanongoti zvavo “Ishe, Ishe” vanowana tendero yake, asi, panzvimbo pezvo, avo ‘vanoita kuda kwaBaba vake.’ Vakawanda nhasi havambozivi zita raBaba vake, Jehovha. Jesu akanyevera nezvaavo vaizo‘dzinga madhemoni muzita rake, uye kuita mabasa esimba muiri zita’ asi vaizova “vaiti vokusarurama.”—Mateo 7:21-23.

“Budai Mariri Vanhu Vangu”

Chii chiri kariro yokunaya yechiKristudhomu chinorwara? Yakashata zvikuru. Tinofanira here, ipapoka, kutora zano rabhishopi weKaturike Butler, roku“kumbanira [chechi] pasina chinetso chikuru nokupa yamuro yedu kuku‘cheneswa’ kwayo kunopfuurira kunobva mukati mamapoka ayo”? Aiwa! ChiKristudhomu chakakamurwa nechinokamura hachisati chichizopukunyuka. (Marko 3:24, 25) Icho rutivi rwoumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema runonzi Bhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:2, 3) Iri sangano rorudzidziso rine mhaka yeropa rakatarisana noruparadziko rwava pedyo pasimba raMwari.

Bhaibheri harikarakadzi kuti vaKristu vechokwadi varambire mukati meiri sangano rakaipa rorudzidziso ndokuedza kurivandudza kuvambira mukati. Panzvimbo pezvo, iro rinopa zano, richiti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.”—Zvakazarurwa 18:4, 5.

“Budai” ndokuenda kupi? Yeuka, Jesu akapikira kuti panguva yokucheka, vaKristu vechokwadi vaizounganidzwa pamwe chete zvakare muchinzwano chenyika yose. Muporofita Mika akadeya kutaurawo kuunganidzazve kwakadaro naawa mashoko: “Ndichavaisa pamwe chete samakwai muchirugu.” (Mika 2:12) Ikoku kwakaitika here?

Hungu! vaKristu vechokwadi zvino vari kuunganidzwa muuhama hwakabatana mupasi rose. Ndivanaani? Ivo iungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha, izvo zvinozivisa zvakabatana mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari munyika 231. Ivo vakaramba dzidziso dzinokamura dzechiKristudhomu ndokutsvaka kunamata Mwari mukuwirirana nezvokwadi yeShoko rake.—Johane 8:31, 32; 17:17.

Unokokwa noushamwari kutaura nazvo. Kana uchida kuziva zvakawanda pamusoro peZvapupu zvaJehovha, tapota onana nazvo munzvimbomo kana kuti kupfurikidza nekero yakafanira iri papeji 2 yamagazini ino.

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Mwari warangarira zvisakarurama zvaro”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe