RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 7/1 pp. 23-28
  • Kuzviisa Pasi Pechiremera Kunofadza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzviisa Pasi Pechiremera Kunofadza
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzviisa Pasi Kwokudisa Pouchangamire hwaJehovha
  • Kuzviisa Pasi paMambo Wedu Kunofadza
  • Vatariri Vanoteerera Nomufaro
  • Kuzviisa PasiKwoubati Ushe hwaMwari
  • Kubatira Nomufaro
  • Rugare RunobvaMukuzviisa Pasi Kunofadza
  • Kuzviisa Pasi Pevafudzi Vane Rudo Tichizvininipisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vafudzi Namakwai Muubati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kristu Anotungamirira Ungano Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 7/1 pp. 23-28

Kuzviisa Pasi Pechiremera Kunofadza

“Mukazoteerera nomwoyo.”—VAROMA 6:17.

1, 2. (a) Mudzimui uri pachena munyika nhasi, uye chii chiri manyuko awo netapuro yawo? (b) Vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha vanoratidza sei kuti vakasiyana?

“MUDZIMU unoshanda zvino muvanakomana vokusateerera” uri pachena zvinokatyamadza nhasi. Mudzimu wokuzvimirira kusingadzorwi, unobva kuna Satani, “mutongi wechiremera chomweya.” Uyu mudzimu, uyu “mweya” kana kuti chimiro chendangariro chikuru choudyire nokusateerera, unoshandisa “chiremera,” kana kuti simba, pavakawanda zvikurusa vorudzi rwomunhu. Ichi ndicho chikonzero chimwe nei nyika iri kupfuura nomuchakadanwa kunzi njodzi yechiremera.—VaEfeso 2:2, NW.

2 Nomufaro, vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha nhasi havazadzi mapapu avo omudzimu nouyu “mweya” wakasvipiswa, kana kuti mudzimu wokupanduka. Vanoziva kuti “kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusateerera.” Muapostora Pauro anowedzera, kuti: “Naizvozvo regai kushamwaridzana navo.” (VaEfeso 5:6, 7) Panzvimbo pezvo, vaKristu vechokwadi vanovavarira kuti va“zadzwe noMweya” waJehovha, uye vanonwa “kuchenjera, kunobva kumusoro,” kuri “kwakachena, uye kuno rugare, kunyoro, kunoteerera.”—VaEfeso 5:17, 18; Jakobho 3:17.

Kuzviisa Pasi Kwokudisa Pouchangamire hwaJehovha

3. Chii chinokosha kukuzviisa pasi kwokudisa, uye nhau inotidzidzisa chidzidzoi chikuru?

3 Chinokosha kukuzviisa pasi kwokudisa kuzivikanwa kwechiremera chapamutemo. Nhau yorudzi rwomunhu inoratidza kuti kurambwa kwouchangamire hwaJehovha hakuunzi mufaro. Kuramba kwakadaro hakuna kuunza mufaro kuna Adhama naEvha, kana kuti kuno mukuchidziri wokupanduka kwavo, Satani Dhiabhorosi. (Genesi 3:16-19) Mumugariro wake wakaipa wazvino, Satani “akatsamwa kwazvo” nemhaka yokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi. (Zvakazarurwa 12:12) Rugare nomufaro zvorudzi rwomunhu, hungu, zvechisiko chose, zvinotsamira pakuzivikanwa munyika yose kwouchangamire hwakarurama hwaJehovha.—Pisarema 103:19-22.

4. (a) Jehovha anoda vabatiri vake kuti varatidze rudzii rwokuzviisa pasi nokuteerera? (b) Tinofanira kupwiswa nezvechii, uye wezvamapiserema anotaura sei ichochi?

4 Bva, nemhaka yamavara ake anodzikamiswa zvinoshamisa, Jehovha haagutswi neteerero isina ushamwari. Iye ane simba, haiwa, hungu! Asi haasi mudzvinyiriri. Iye ndiMwari worudo, uye iye anoda kuti zvisikwa zvake zvakangwara zvimuteerere nokudisa, kuchibva murudo. Iye anoda kuti zvizviise pasi pouchangamire hwake nemhaka yokuti zvinosarudza nomwoyo wose kuzviisa zvimene muchiremera chake chakarurama nechapamutemo, zvichipwiswa kuti hakungagoni kuva nechinhu chiri nani chazvo kupfuura kumuteerera nokusingaperi. Rudzi rwomunhu urwo Jehovha anoda muchisiko chake runogoverana mirangariro yowezvamapisarema uyo akanyora, kuti: “Murairo waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo.” (Pisarema 19:7-9) Chivimbo chakakwana muururami nokururama kwouchangamire hwaJehovha—ichi ndicho chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro kana tichida kugara munyika itsva yaJehovha.

Kuzviisa Pasi paMambo Wedu Kunofadza

5. Jesu akatuswa sei nokuda kwokuteerera kwake, uye chii chatinobvuma nokudisa?

5 Kristu Jesu amene muenzaniso wakaisvonaka wokuzviisa pasi paBaba vake vokudenga. Tinorava kuti “akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.” Pauro anowedzera, kuti: “Saka Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.” (VaFiripi 2:8-11) Hungu, tinopfugama nomufaro pamberi poMutungamiriri wedu naMambo anotonga, Kristu Jesu.—Mateo 23:10.

6. Jesu akabvumikisa sei kuva chapupu nomutungamiriri kumapoka orudzi, uye “umambo hwake” huchapfuurira sei pashure pedambudziko guru?

6 NezvaKristu soMutungamiriri wedu, Jehovha akaporofita, kuti: “Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.” (Isaya 55:4) Kupfurikidza noushumiri hwake hwapasi uye kupfurikidza nokutungamirira kwake basa rokuparidzira ari mudenga pashure porufu rwake norumuko, Jesu akazviratidza amene kuva “chapupu chakatendeka, chazvokwadi” chaBaba vake kuvanhu vamarudzi ose. (Zvakazarurwa 3:14; Mateo 28:18-20) Mapoka orudzi akadaro zvino anomirirwa muzviverengero zvinowedzera na“vazhinji-zhinji,” vachapukunyuka “kutambudzika kukuru” muutungamiriri hwaKristu. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Asi utungamiriri hwaJesu haugumiri ipapo. “Umambo hwake” huchagara kwamakore ane chiuru. Nokuda kwavanhu vanoteerera, achaita mukuwirirana nezita rake rokuti “Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.”—Isaya 9:6, 7; Zvakazarurwa 20:6.

7. Kana tichida kuti Kristu Jesu atitungamire ku“mvura youpenyu,” chii chatinofanira kuita pasina kunonoka, uye chii chichatiparira kudiwa naJesu naJehovha?

7 Kana tichida kubetserwa ne“mvura youpenyu” iyo Gwaiana, Kristu Jesu, anotungamirira kwairi vanhu vane mwoyo yakarurama, tinofanira pasina kunonoka kubvumikisa kupfurikidza nenzira yedu yechiito kuti tinozviisa pasi pechiremera chake nomufaro saMambo. (Zvakazarurwa 7:17; 22:1, 2; enzanisa nePisarema 2:12.) Jesu akati: “Kana muchindida, muchachengeta mirairo yangu. Une mirairo yangu, akaichengeta, ndiye unondida; unondida uchadikanwa naBaba vangu; neni ndichamudawo.” (Johane 14:15, 21) Unoda kudiwa naJesu uye naBaba vake here? Ipapo zviise pasi pechiremera chavo.

Vatariri Vanoteerera Nomufaro

8, 9. (a) Kristu akagoverei nokuda kwokuvakwa kweungano, uye ava varume vanofanira kuva mienzaniso kuboka murutivii? (b) Kuzviisa pasi kwavatariri vechiKristu kunofananidzirwa sei mubhuku raZvakazarurwa, uye vanofanira kutsvaka sei “mwoyo unonzwisisa” pakutarisira nhau dzokutonga?

8 “Ungano inozviisa pasi paKristu.” SoMutariri wayo, akagovera “zvipo muvarume” nokuda kwo“kuvakwa” kweungano. (VaEfeso 4:8, 11, 12; 5:24, NW) Ava varume vakuru mumudzimu vanoudzwa ku‘fudza boka raMwari rinotarisirwa navo,’ va“singaiti nesimba nezva[va]kagoverwa, asi [va]ve vatungamiri veboka.” (1 Petro 5:1-3) Boka nderaJehovha, uye Kristu ndiye “mufudzi wakanaka” waro. (Johane 10:14) Sezvo vatariri vachikarira nenzira yakafanira batira pamwe yokudisa inobva kumakwai ayo Jehovha naKristu vakaisa kutarisiro yavo, ivo vamene vanofanira kuva mienzaniso yakaisvonaka yokuzviisa pasi.—Mabasa 20:28.

9 Muzana ramakore rokutanga, vatariri vakazodzwa vaimirirwa nenzira yokufananidzira savari “mu,” kana kuti “pa,” ruoko rworudyi rwaKristu, kuratidzira kuzviisa kwavo pasi pake soMusoro weungano. (Zvakazarurwa 1:16, 20; 2:1) Hakuna kuderera nhasi, vatariri vari mukati meungano dzeZvapupu zvaJehovha vanofanira kuzviisa pasi penhungamiro yaKristu ndo‘kuzvininipisa vamene pasi poruoko rune simba rwaMwari.’ (1 Petro 5:6) Apo vanokumbirwa kuti vatarisire nhau dzokutonga, kufanana naSoromoni mukati mamakore ake okutendeka, vanofanira kunyengetera kuna Jehovha: “Ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa.” (1 Madzimambo 3:9) Mwoyo unoteerera uchasunda mukuru kutsvaka kuti aone zvinhu seizvo Jehovha naKristu Jesu vanozviona kuitira kuti chisarudzo chinoitwa pasi pano chifanane sezvinobvira zvikuru neicho chinoitwa mudenga.—Mateo 18:18-20.

10. Vatariri vose vanofanira kuedza sei kutevedzera Jesu munzira yaakabata nayo makwai?

10 Vatariri vanofambira navakuru veungano vachaedza nenzira yakafanana kutevedzera Kristu munzira iyo akabata nayo makwai. Kusafanana navaFarise, Jesu haana kuisa mitemo yakawanda yakanga yakaoma kutevera. (Mateo 23:2-11) Iye akati kuna vakafanana namakwai: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.” (Mateo 11:28-30) Nepo kuri kwechokwadi kuti muKristu mumwe nomumwe anofanira “kutakura mutoro wake,” vatariri vanofanira kuyeuka muenzaniso waJesu ndokubetsera hama dzavo kunzwa kuti mutwaro wadzo womutoro wechiKristu wa“kanaka,” “unorerukira,” uye mufaro kuutakura.—VaGaratia 6:5.

Kuzviisa PasiKwoubati Ushe hwaMwari

11. (a) Munhu angaremekedza sei umusoro asi asingavi woubati ushe hwaMwari chaizvoizvo? Enzanisira. (b) Kuva woubati ushe hwaMwari zvirokwazvo kunorevei?

11 Ubati ushe hwaMwari kutonga kunoitwa naMwari. Hunobatanidza nheyo youmusoro inotaurwa pana 1 VaKorinte 11:3. Asi hunoreva zvinopfuura izvozvo. Munhu angaratidzika kuti anoratidza kuremekedza umusoro asi asati ari woubati ushe hwaMwari mupfungwa yakazara yeshoko racho. Ikoku kungagona kudaro sei? Kuenzanisira, hurumende inosarudzwa navanhu ihurumende inotongwa navanhu, uye munhu wehurumende inosarudzwa navanhu akarondedzerwa so“munhu anodavira pfungwa dzehurumende inosarudzwa navanhu.” Munhu angataura kuva munhu wehurumende inosarudzwa navanhu, anotora rutivi mukusarudza, uye kunyange kuva wezvamatongerwe enyika anoshingaira. Asi kana, mumufambiro wake wose zvawo, iye achizvidza mudzimu wehurumende inosarudzwa navanhu nenheyo dzose dzainobatanidza, kunogona here kutaurwa kuti iye ndowehurumende inosarudzwa navanhu zvechokwadi? Nenzira yakafanana, kuti ave woubati ushe hwaMwari zvapachokwadi, munhu anofanira kuita zvakawanda kupfuura kuzviisa pasi poumusoro nezita bedzi. Iye anofanira kutevedzera nzira dzaJehovha namavara. Iye anofanira kudzorwa chaizvoizvo naJehovha munzira iri yose. Uye sezvo Jehovha akashongedza Mwanakomana wake nechiremera chakazara, kuva woubati ushe hwaMwari kunorevawo kutevedzera Jesu.

12, 13. (a) Kuva woubati ushe hwaMwari kunobatanidza chii, zvikurukuru? (b) Kuzviisa pasi poubati ushe hwaMwari kunobatanidza kuteerera mitemo yakawanda here? Enzanisira.

12 Yeuka, Jehovha anoda kuzviisa pasi kwokudisa kunosundwa norudo. Iyoyo ndiyo nzira yake yokudzora nayo chisiko chose. Iye ndiye rudo rumene runotaurwa somunhu. (1 Johane 4:8) Kristu Jesu ndiye “chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye.” (VaHebheru 1:3) Iye anoda kuti vadzidzi vake vechokwadi vadanane. (Johane 15:17) Naizvozvo kuva woubati ushe hwaMwari kunobatanidza kwete bedzi kuzviisa pasi asi kuvawo ano rudo. Nhau yacho ingapetwa sezvinotevera: Ubati ushe hwaMwari kutonga kunoitwa naMwari; Mwari rudo; naizvozvo ubati ushe hwaMwari kutongwa kunoitwa norudo.

13 Mukuru angagona kufunga kuti kuti dzigova dzoubati ushe hwaMwari, hama dzinofanira kuteerera rudzi rwuri rwose rwemitemo. Vamwe vakuru vakaita mitemo kubva muzvikarakadzo zvinopiwa panguva nenguva no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45) Somuenzaniso, kwakambokarakadzwa kuti nokuda kwokuziva hama nyore nyore zvikuru muungano, kungava kwakanaka kusagara nguva dzose pachigaro chimwe chetecho muHoro yoUmambo. Ikoku kwakarehwa kuti kuve chikarakadzo chinoshanda, kwete mutemo wakaoma. Asi vamwe vakuru vangada kuchichinja kuva mutemo uye kunzwa kuti avo vasingauteveri havasi voubati ushe hwaMwari. Bva, pangava nezvikonzero zvakawanda zvakanaka nei hama kana kuti hanzvadzi ingada kugara munharaunda yakati. Kana mukuru asingarangariri norudo zvinhu zvakadaro, iye amene ari kuva woubati ushe hwaMwari zvirokwazvo here? Kuva woubati ushe hwaMwari, “zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.”—1 VaKorinte 16:14.

Kubatira Nomufaro

14, 15. (a) Mukuru anganyima sei hama kana kuti hanzvadzi dzakati mufaro wadzo mukubatira Jehovha, uye nei ikoku kusati kwaizova ubati ushe hwaMwari? (b) Jesu akaratidza sei kuti anoonga rudo runoratidzirwa nebasa redu, panzvimbo pechitsama? (c) Vakuru vanofanira kurangarirei?

14 Kuva woubati ushe hwaMwari kunorevawo kubatira Jehovha nomufaro. Jehovha ndi“Mwari womufaro.” (1 Timotio 1:11) Iye anoda kuti vanamati vake vamubatire nomufaro. Avo vanoomerera pamitemo vanofanira kuyeuka kuti pakati pemirairo iyo Israeri aifanira “kuchenjera kuti muzviite” paiva nounotevera: “Unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako pazvose zvaunobata namaoko ako.” (Dheuteronomio 12:1, 18) Chipi kana chipi chatinoita mubasa raJehovha chinofanira kuva mufaro, kwete mutoro. Vatariri vanogona kuita zvakawanda kuita kuti hama dzinzwe dzichifara kuita zvadzinogona mukubatira Jehovha. Mukupesana, kana vakuru vasingangwariri, vanogona kunyima dzimwe dzehama mufaro wadzo. Kana, somuenzaniso, vakaenzanisa, vachirumbidza avo vakasvitsa kana kuti vakapfuudza avhareji yeungano mumaawa akashandiswa vachipupurira uye nokukarakadza kutsoropodza avo vasina kuisvitsa, avo vangave vakava nechikonzero chakanaka chokushuma nguva shomanene zvikuru vachanzwa sei? Ikoku hakungagoni kuvaita kuti vanzwe vane mhaka zvisiri madikanwa here ndokuvanyima mufaro wavo?

15 Maawa mashomanene ayo vamwe vanogona kupa kukupupurira kwapachena angamirira nhamburiko huru zvikuru kupfuura maawa akawanda ayo vamwe vanoshandisa vachiparidzira, nemhaka yezera duku, utano huri nani, uye mimwe migariro. Muna ikoku, vakuru havafaniri kuvatonga. Zvamazvirokwazvo, ndikuna Jesu uko Baba vakapa “simba rokutonga.” (Johane 5:27) Jesu akatsoropodza chirikadzi murombo nemhaka yokuti chipiriso chayo chaiva chiduku kupfuura avhareji here? Aiwa, akanga achiziva icho mari idzodzo duku mbiri dzakada chaizvoizvo kwaari. Dzaiva “zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.” Dzakamirira kuda Jehovha kukuru kwakadini! (Marko 12:41-44) Vakuru vanofanira kutongoziva zvishomanene nhamburiko dzorudo dzaavo zvavo zvose muchiverengero zviri pasi pe“avhareji” here? Mukuwirirana nokuda Jehovha, nhamburiko dzakadaro dzingasanova pamusoro peavhareji!

16. (a) Kana vakuru vakashandisa nhamba muhurukuro dzavo, neiko vachida nzwisiso nedzikamo yakanaka? (b) Hama dzinogona sei kubetserwa zvakanakisisa kuwedzera basa radzo?

16 Uku kutaura kunofanira zvino kuchinjwa kuva “murairo” mutsva wokuti nhamba—kunyange maavhareji—hazvifaniri kutongodudzwa here? Nyangwe! Pfundo nderokuti vatariri vanofanira kuva vakadzikama pakati pokukurudzira hama kukudza ushumiri hwadzo nokudzibetsera kuita zvadzinogona nomufaro. (VaGaratia 6:4) Mumuenzanisiro waJesu wamatarenda, tenzi akapa zvinhu zvake kuvaranda vake “mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake.” (Mateo 25:14, 15) Vakuru nenzira yakafanana vanofanira kurangarira bviro dzomuparidzi woUmambo mumwe nomumwe. Ikoku kunoda nzwisiso. Kungasanova kuti vamwe vanoda zvomenemene kurudziro yokuita zvakawanda. Vangaonga betsero kukuronga zviri nani mubato wavo. Muchinoitika chipi nechipi, kana vachigona kubatsirwa kuita zvavanogona nomufaro, mufaro iwowo sezvingabvira uchavasimbisa kukudza mubato wavo wechiKristu pakunobvira.—Nehemia 8:10; Pisarema 59:16; Jeremia 20:9.

Rugare RunobvaMukuzviisa Pasi Kunofadza

17, 18. (a) Kuzviisa pasi kunofadza kunogona sei kutiunzira rugare nokururama? (b) Chii chinogona kuva chedu kana tikapa ngwariro chaizvoizvo kumirairo yaMwari?

17 Kuzviisa pasi kunofadza pouchangamire hwapamutemo hwaJehovha kunotiunzira rugare rukuru. Wezvamapisarema akati mumunyengetero kuna Jehovha: “Vanoda murau wenyu vano rugare rukuru; Hapana chinovagumbusa.” (Pisarema 119:165) Kupfurikidza nokuteerera mutemo waMwari, tinozvibetsera timene. Jehovha akaudza Israeri: “Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri: Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirairo yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!”—Isaya 48:17, 18.

18 Chibayiro chorudzikinuro chaKristu chinotiunzira rugare naMwari. (2 VaKorinte 5:18, 19) Kana tichitenda ropa rinodzikinura raKristu ndokuedza nokungwarira kurwisa utera hwedu ndokuita kuda kwaMwari, tinowana rusununguko mukunzwa tine mhaka. (1 Johane 3:19-23) Kutenda kwakadaro, kunotsigirwa namabasa, kunotipa chimiro chakanaka pamberi paJehovha netariro inoshamisa yokupukunyuka “kutambudzika kukuru” nokurarama nokusingaperi munyika itsva yaJehovha. (Zvakazarurwa 7:14-17; Johane 3:36; Jakobho 2:22, 23) Zvose izvozvi zvinogona kuva zvedu ‘kana bedzi tikapa ngwariro zvomenemene kumirairo yaMwari.’

19. Mufarwa wedu zvino netariro yedu youpenyu husingaperi zvinotsamira pachii, uye Dhavhidhi akataura sei kupwiswa kwedu kwomwoyo wose?

19 Hungu, mufarwa wedu zvino netariro yedu youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi zvinovakirwa pakuzviisa kwedu kunofadza pasi pechiremera chaJehovha saChangamire Ishe wechisiko chose. Ngatigoveranei nguva dzose mirangariro yaDhavhidhi, uyo akati: “Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. Saka zvino Mwari wedu, tinokuongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.”—1 Makoronike 29:11, 13.

Mapfundo Okuyeuka

◻ Jehovha anoda kuti vabatiri vake varatidze rudzii rwokuzviisa pasi nokuteerera?

◻ Jesu akatuswa sei nokuda kwokuteerera kwake, uye chii chatinofanira kubvumikisa nenzira yedu yechiito?

◻ Vatariri vose vanofanira kutevedzera sei Jesu munzira yaakabata nayo makwai?

◻ Chii chinobatanidzwa mukuva woubati ushe hwaMwari?

◻ Kuzviisa pasi kunofadza kunotiunzira zvikomboreroi?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vakuru vanokurudzira boka kuita nomufaro chipi kana chipi chavanogona

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jehovha anofarira avo vanomuteerera kubva pamwoyo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe