RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 9/1 pp. 8-13
  • Pasinei Zvapo Nokuitwa Neguruva, Fambira Mberi!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pasinei Zvapo Nokuitwa Neguruva, Fambira Mberi!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinjo Yemigariro
  • Ivowo Vakanga Vakaitwa Neguruva
  • Kuva TakaitwaNeguruva Kunorevei Nokuda KweduSomunhu Mumwe Nomumwe?
  • Kana Munhu Akafa Anoendepi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Midzimu Haina Kurarama Ndokufira Pasi Pano
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Kurudziranai Sezvo Zuva Rinoswedera Pedyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Chii Chingaitwa Nokuora Mwoyo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 9/1 pp. 8-13

Pasinei Zvapo Nokuitwa Neguruva, Fambira Mberi!

“Iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.”—PISAREMA 103:14.

1. Bhaibheri rakarurama mune zvesayenzi here mukutaura kuti vanhu vakaitwa neguruva? Tsanangura.

MUNYAMA, tiri guruva. “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) Iyi rondedzero yakapfava yokusikwa kwomunhu inotsinhirana nezvokwadi yesayenzi. Zvinhu zvose izvo muviri womunhu wakaumbwa nazvo zvinowanwa mu“guruva revhu.” Wezvamakemikoro akambotaura kuti muviri womunhu mukuru i 65 muzana oxygen, 18 muzana carbon, 10 muzana hydrogen, 3 muzana nitrogen, 1,5 muzana calcium, uye 1 muzana phosphorus, nezvasara zvakaumbwa nezvimwe zvinhu. Kana idzi fungidziro dzakarurama chose chose hakusati kuchikosha. Idi rinoramba riripo: “Tiri guruva”!

2. Nzira iyo Mwari akasika nayo vanhu inoparira kuitai mauri, uye neiko?

2 Ndiani, kunze kwaJehovha, aigona kusika zvisikwa zvakaoma kunzwisisa kudaro neguruva bedzi? Mabasa aMwari akakwana uye haana utera, naizvozvo kusarudza kwake kusika munhu neiyi nzira zvamazvirokwazvo hachisi chisakiso chokunyunyuta. Zvamazvirokwazvo, kuti Musiki Mukuru akakwanisa kusika munhu neguruva rapasi nenzira inotyisa neinoshamisa kunowedzera kunzwisisa kwedu simba Rake risina kuganhurirwa, unyanzvi, uye uchenjeri hunoshanda.—Dheuteronomio 32:4 (NW), mashoko omuzasi; Pisarema 139:14.

Chinjo Yemigariro

3, 4. (a) Mukusika munhu neguruva, chii icho Mwari asina kureva? (b) Dhavhidhi akanga achinongedzera kuchii paPisarema 103:14, uye mashoko akapoteredza anotibetsera sei kusvika iyi mhedziso?

3 Zvisikwa zveguruva zvine miganhu. Mwari haana kutongoda, zvisinei, kuti iyi ive inorema kana kuti inonyanyoganhurira. Yakanga isina kunzi iparire kuora mwoyo kana kuti kuguma nokusafara. Zvisinei, seizvo mashoko akapoteredza mashoko aDhavhidhi paPisarema 103:14 anoratidzira, miganhu iyo vanhu vari pasi payo inogona kuparira kuodzwa mwoyo uye inoguma nokusafara. Nei? Apo Adhama naEvha vasina kuteerera Mwari, vakaparira mugariro wakachinjwa wemhuri yavo yenguva yemberi. Kuitwa neguruva panguva iyeyo kwakava nerevo itsva.a

4 Dhavhidhi akanga achitaura, kwete pamusoro pemiganhu yomusikirwo iyo kunyange vanhu vakakwana vakaitwa neguruva vangadai vakava nayo, asi pamusoro poutera hwavanhu hwakaparirwa nokusakwana kwakagarwa nhaka. Nezvisizvo angadai asina kuti nezvaJehovha: “Iye, unokanganwira zvakaipa zvako zvose; unoporesa kurwara kwako kwose; unodzikinura upenyu hwako pakuparadzwa; [iye] haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.” (Pisarema 103:2-4, 10) Pasinei zvapo nokuitwa neguruva, kudai vanhu vakakwana vakaramba vakatendeka, vangadai vasina kutongokanganisa, kutadza, zvokuti vade kanganwiro; uyewo vangadai vasina kuva nehosha dzinoda kurapa. Kupfuura zvose, vangadai vasina kutongofanira kuburukira mugomba rorufu mavaigona kuwanwazve bedzi kupfurikidza norumuko.

5. Neiko kusina kutiomera kunzwisisa mashoko aDhavhidhi?

5 Zvatisina kukwana, tose zvedu takatambura zvinhu izvo Dhavhidhi akataura nezvazvo. Isu tinoziva nguva dzose nezvemiganhu yedu nemhaka yokusakwana. Tinosuruvariswa apo iyo pane dzimwe nguva inoratidzika kukanganisa ukama hwedu naJehovha kana kuti nehama dzedu dzechiKristu. Tinozvidemba kuti kusakwana kwedu nedzvinyiriro dzenyika yaSatani panhambo nenhambo zvinotisundira mukushaya tariro. Sezvo kutonga kwaSatani kuri kusvika kumugumo nokukurumidza, nyika yake iri kushandisa dzvinyiriro huru zvikuru nguva dzose pavanhu vose zvavo uye zvikurukuru pavaKristu.—Zvakazarurwa 12:12.

6. Neiko vamwe vaKristu vanganzwa vakaodzwa mwoyo, uye Satani angashandisa sei rudzi urwu rwokunzwa?

6 Iwe unorangarira kuti kurarama upenyu hwechiKristu kuri kuva kwakaoma zvikuru here? Vamwe vaKristu vakanzwiwa vachitaura kuti kana vakava nenguva refu zvikuru vari muzvokwadi vanoratidzika kuva vanova vasina kukwana zvikuru. Sezvingabvira zvikuru, zvisinei, kunongova kuti vazova vanoziva nenzira inowedzera nezvokusakwana kwavo vamene uye kusakwanisa kwavo kuwirirana nemipimo yakakwana yaJehovha nenzira yavangada. Zvomenemene, kunyanguvezvo, iwoyu sezvingabvira mugumisiro wokupfuurira kukura muzivo nokunzwisisa zvinodikanwa zvakarurama zvaJehovha. Kunokosha kuti tisatongobvumire kuziva kupi nokupi kwakadaro kutiodza mwoyo kusvikira papfundo rokuita zvinoda Dhiabhorosi. Mumazana ose amakore akaedza aedzazve kushandisa kuodza mwoyo kuti aparire vabatiri vaJehovha kuti vasiye kunamata kwechokwadi. Kunyanguvezvo, kuda Mwari kwapachokwadi, pamwe chete noku“venga nembengo huru” Dhiabhorosi, kwakadzivisa vakawanda zvikurusa vavo kuita kudaro.—Pisarema 139:21, 22; Zvirevo 27:11.

7. Murutivii matingava vakafanana naJobho padzimwe nguva?

7 Zvisinei, vabatiri vaJehovha pane imwe nguva vanganzwa vaodzwa mwoyo. Kusagutswa nezviitwa zvedu timene kungagonawo kuva chikonzero. Zvisakiso zvokunyama kana kuti ukama hwakakuvadzwa nemitezo yemhuri, shamwari, kana kuti vashandi biyedu zvingabatanidzwa. Jobho akatendeka akava akaodzwa mwoyo kwazvo zvokuti akateterera Mwari, kuti: “Haiwa! Dai muchindivanza henyu paSheori, muchindichengeta pakavanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo.” Zvino, kana migariro yakaoma yaigona kusunda Jobho, “munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa,” kuva nenhambo dzokuora mwoyo, hakushamisi kuti chinhu chimwe chetecho chinogona kuitika kwatiri.—Jobho 1:8, 13-19; 2:7-9, 11-13; 14:13.

8. Neiko kuodzwa mwoyo kwapanhambo nenhambo kuchigona kuva chiratidzo chakanaka?

8 Kunonyaradza sei kuziva kuti Jehovha anonzvera mwoyo uye haafuratiri vavariro dzakanaka! Haasati achizotongoramba avo vanovavarira muuchokwadi hwose kumufadza. Kuodzwa mwoyo kwapanhambo nenhambo, kutaura idi, kungava chiratidzo chakanaka, chinoratidzira kuti hatisi kurerutsa basa redu kuna Jehovha. Kuchirangarirwa nouyu murangariro, uyo asingatongorwisani nokuodzwa mwoyo angasava anoziva mumudzimu nezvoutera hwake sezvinoita vamwe nezvehwavo. Yeuka: “Unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.”—1 VaKorinte 10:12; 1 Samueri 16:7; 1 Madzimambo 8:39; 1 Makoronike 28:9.

Ivowo Vakanga Vakaitwa Neguruva

9, 10. (a) VaKristu vangaita zvakanaka kutevedzera kutenda kwaani? (b) Mosesi akaita sei kumugove wake?

9 VaHebheru ganhuro 11 rinoronga chiverengero chakati chezvapupu zvapamberi pechiKristu zvaJehovha zvakashandisa kutenda kwakasimba. VaKristu vomuzana rokutanga ramakore naavo vomunguva dzazvino uno vakaita nenzira yakafanana. Zvidzidzo zvinodzidzwa kwavari zvinokosha. (Enzanisa naVaHebheru 13:7.) Somuenzaniso, kutenda kwaani vaKristu vangagona kutevedzera zviri nani kupfuura uko kwaMosesi? Iye akarayirwa kuti azivise mashoko orutongeso kumutongi wenyika aiva nesimba gurusa wenguva yake, Farao weEgipita. Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuzivisa mashoko orutongeso akafanana parudzidziso rwenhema namamwe masangano anopikisana noUmambo hwakagadzwa hwaKristu.—Zvakazarurwa 16:1-15.

10 Kuita iri basa hausi mugove uri nyore, sezvakaratidza Mosesi. “Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsraeri muEgipita here?” iye akabvunza kudaro. Tinogona kunzwisisa mirangariro yake yokusakwanisa. Iye akanetsekawo pamusoro pokuti vaIsraeri biyake vaizoita sei: “Havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu?” Jehovha ipapo akamutsanangurira kuti aigona sei kubvumikisa chiremera chake, asi Mosesi akanga ane chimwe chinetso. Iye akati: “Haiwa, Jehovha, handizi munhu unogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu une muromo usingagoni.”—Eksodho 3:11; 4:1, 10.

11. Kufanana naMosesi, tingaita sei kumisengwa youbati ushe hwaMwari, asi kupfurikidza nokushandisa kutenda, tinogona kuva nechivimbo nezvechii?

11 Panhambo nenhambo, tinganzwa sezvakaita Mosesi. Kunyange zvazvo tichiziva misengwa yedu youbati ushe hwaMwari, tingashamisika kuti tinogona kumboita sei. ‘Ndini aniko kuti ndinofanira kusvika vanhu, vamwe venzvimbo huru zvikuru yenzanga, yemari, kana kuti yedzidzo, uye kurangarira kuvadzidzisa nzira dzaMwari? Hama dzangu dzomudzimu dzichaita sei apo ndinopa tsinhiro pamisangano yechiKristu kana kuti kupa hurukuro pachikuva muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari? Hadzisati dzichizoona kusakwanisa kwangu here?’ Asi yeuka, Jehovha akanga ana Mosesi uye akamushongedza nokuda kwomugove wake nemhaka yokuti Mosesi akashandisa kutenda. (Eksodho 3:12; 4:2-5, 11, 12) Kana tikatevedzera kutenda kwaMosesi, Jehovha achava nesu ndokutishongedzerera basa reduwo.

12. Kutenda kwaDhavhidhi kunogona kutikurudzira sei mukutarisana nokuodzwa mwoyo pamusoro pezvivi kana kuti kuperevedza?

12 Munhu upi noupi anonzwa avhiringidzwa kana kuti kuodzwa mwoyo nemhaka yezvivi kana kuti kuperevedza anogona zvamazvirokwazvo kunzwa sezvakaita Dhavhidhi apo akati: “Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.” Achiteterera Jehovha, Dhavhidhi akatiwo: “Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, dzimai zvakaipa zvangu zvose.” Kunyanguvezvo, haana kutongobvumira kuodzwa mwoyo kumubira chishuvo chake chokubatira Jehovha. “Regai kundirasha pamberi penyu; musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.” Dhavhidhi nenzira yakajeka akanga ari “guruva,” asi Jehovha haana kumusiya, nemhaka yokuti Dhavhidhi akashandisa kutenda muchipikirwa chaJehovha chokusazvidza “mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.”—Pisarema 38:1-9; 51:3, 9, 11, 17.

13, 14. (a) Neiko tisingafaniri kuva vateveri vavanhu? (b) Mienzaniso yaPauro naPetro inoratidza sei kuti kunyange ivo vakanga vakaitwa neguruva?

13 Cherekedza, zvisinei, kuti nepo tichifanira kurangarira iri “gore rezvapupu rakakura rikadai” sekurudziro kuti “timhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa,” hatiudzwi kuva vateveri vazvo. Tinoudzwa kutevera nhanho dza“Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu,” kwete vanhu vasina kukwana—kwete kunyange vaapostora vakatendeka vomuzana ramakore rokutanga.—VaHebheru 12:1, 2; 1 Petro 2:21.

14 Vaapostora Pauro naPetro, mbiru muungano yechiKristu, vakagumbuka padzimwe nguva. “Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita,” akanyora kudaro Pauro. “Ndiri munhu uri pakutambudzika!” (VaRoma 7:19, 24) Uye Petro munhambo yokunyanyova nechivimbo akaudza Jesu, kuti: “Kana vose vakagumburwa kwamuri, ini handingatongogumburwi.” Apo Jesu akanyevera Petro kuti aizoMuramba katatu, Petro nokuzvitutumadza akapokanidza Tenzi wake, achiganza, kuti: “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini.” Bva akaramba Jesu, chikanganiso chakamuparira kuchema zvikuru. Hungu, Pauro naPetro vakanga vakaitwa neguruva.—Mateo 26:33-35.

15. Pasinei zvapo neidi rokuti takaitwa neguruva, ikurudziroi yatinayo yokufambira mberi?

15 Pasinei zvapo noutera hwavo, zvisinei, Mosesi, Dhavhidhi, Pauro, Petro, uye vamwe vakafanana navo vakakunda. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti vakashandisa kutenda kwakasimba muna Jehovha, vakamuvimba chose chose, uye vakasanomunamatira pasinei zvapo nemhinganidzo. Vakamuvimba kuti agovere “ukuru hwesimba.” Uye iye akadaro, asingatongovatenderi kuti vawe zvokusanaya. Kana tikaramba tichishandisa kutenda, tinogona kuva nechokwadi kuti apo rutongeso runopiwa muchinoitika chedu, ruchava runotsinhirana namashoko, okuti: “Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” Ikoku kunotipa kurudziro yakadini yokuti tifambire mberi pasinei zvapo neidi rokuti takaitwa neguruva!—2 VaKorinte 4:7; VaHebheru 6:10.

Kuva TakaitwaNeguruva Kunorevei Nokuda KweduSomunhu Mumwe Nomumwe?

16, 17. Pakunouya pakutonga, Jehovha anoshandisa sei nheyo inotsanangurwa pana VaGaratia 6:4?

16 Ruzivo rwokuzviwanira rwakadzidzisa vabereki vakawanda navadzidzisi uchenjeri hwokuyera vana kana kuti vadzidzi mukuwirirana namano omunhu oga, kwete pahwaro hwokuenzanisa navaenzani kana kuti vomukirasi biyavo. Ikoku kunotsinhirana nenheyo yeBhaibheri iyo vaKristu vakaudzwa kutevera, yokuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.”—VaGaratia 6:4.

17 Mukutsinhirana neiyi nheyo, kunyange zvazvo Jehovha achibata navanhu vake seboka rakarongwa, iye anovatonga somunhu mumwe nomumwe. VaRoma 14:12 inoti: “Mumwe nomumwe wedu uchazvidavirira kuna Mwari.” Jehovha anosanoziva kuumbwa kwamavara anogarwa nhaka omumwe nomumwe wavabatiri vake. Iye anoziva kuumbwa kwavo kwomuviri nokwendangariro, mano avo, simba noutera zvavo zvakagarwa nhaka, bviro dzavanadzo, pamwe chete netambanuko dzavanoshandisa zvakanaka idzi bviro kubereka zvibereko zvechiKristu. Tsinhiro dzaJesu pamusoro pechirikadzi yakadonhedza mari duku mbiri muchivigiro chetembere nomuenzanisiro wake wembeu yakadyarwa pavhu rakaisvonaka mienzaniso inokurudzira yavaKristu vanganzwa vakaora mwoyo nemhaka yokuzvienzanisa vamene nokusachenjera navamwe.—Marko 4:20; 12:42-44.

18. (a) Neiko tichifanira kusarudza chakunoreva kuva guruva kwatiri somunhu oga? (b) Neiko kuzvinzvera timene kwokutendeseka kusingafaniri kutiparira kupera mwoyo?

18 Kunokosha kuti tisarudze chakunoreva kuva guruva kwatiri timene somunhu oga kuitira kuti tigone kubatira kubviro yedu yakazara zvikurusa. (Zvirevo 10:4; 12:24; 18:9; VaRoma 12:1) Kupfurikidza bedzi nokuziva zvikuru kuneta uye utera zvedu zvomunhu oga tinogona kugara takasvinurira dikanwo nebviro dzevandudziko. Mukuzvinzvera, timene ngatisatongofuratira simba romudzimu mutsvene mukutibetsera kuvandudza. Kupfurikidza naro, chisiko chose chakasikwa, Bhaibheri rakanyorwa, uye, pakati penyika iri kufa, chaunga chenyika itsva ine rugare chakavapo. Naizvozvo mudzimu waMwari une simba zvamazvirokwazvo rakaringana kupa avo vanoukumbira uchenjeri nesimba zvinodikanwa kuchengeta perero.—Mika 3:8; VaRoma 15:13; VaEfeso 3:16.

19. Kuitwa kwedu neguruva haisi pembedzo yechii?

19 Kunonyaradza sei kuziva kuti Jehovha anoyeuka kuti tiri guruva! Hatifaniri kutongorangarira, zvisinei, kuti iyi ipembedzo yapamutemo yokuderedza shingairo kana kuti zvichida kunyange yokuita chakaipa. Nyangwe napaduku pose! Kuti Jehovha anoyeuka kuti tiri guruva kuratidzirwa kwomutsa wake usakafanirwa. Asi hatidi kuva “vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.” (Judhasi 4) Kuitwa neguruva haisi pembedzo yokusava noumwari. MuKristu anovavarira kukurira zvido zvakaipa, achirwadzisa muviri wake nokuutungamirira somuranda, kuti adzivise “kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari.”—VaEfeso 4:30; 1 VaKorinte 9:27.

20. (a) Mumativii maviri matine “zvakawanda zvokuita mubasa raShe”? (b) Neiko tine chikonzero chetariro?

20 Zvino, mukati mamakore okugumisira etsika yenyika yaSatani, haisi nguva yokuderera—kwete kana toreva nezvebasa rokuparidza Umambo uye kwete kana toreva nezvokukudziridza zvizere zvikuru zvibereko zvomudzimu waMwari. Munharaunda dzose dziri mbiri tine “zvakawanda zvokuita.” Zvino inguva yokufambira mberi nemhaka yokuti tinoziva kuti “basa [redu] harisi risina maturo.” (1 VaKorinte 15:58, NW) Jehovha achatitsigira, nokuti nezvake Dhavhidhi akati: “Haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Mufaro wakadini kuziva kuti Jehovha ari kutibvumidza isu somunhu oga kugoverana mubasa gurusa zvisikwa zvohunhu zvisina kukwana zvati zvambogoverwa kuita—uye ikoku pasinei zvapo nokuitwa kwedu neguruva!

[Mashoko Omuzasi]

a Bhuku rinotsinhira Bhaibheri Herders Bibelkommentar, richitsinhira pamusoro pePisarema 103:14, rinoti: “Iye anosanoziva kuti akasika vanhu neguruva rapasi, uye anoziva utera norudzi rwoupenyu hwavo hunopfuura, hunovaremera zvikuru kubvira pachivi chapakuvamba.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Genesi 2:7 nePisarema 103:14 akasiyana sei mukunongedzera kuvanhu savakaitwa neguruva?

◻ Neiko VaHebheru ganhuro 11 riri manyuko ekurudziro nokuda kwavaKristu nhasi?

◻ Neiko tiri vakachenjera kushandisa nheyo inooneswa pana VaGaratia 6:4?

◻ VaHebheru 6:10 na 1 VaKorinte 15:58 anobetsera sei kudzivisa kuora mwoyo?

[Mifananidzo iri papeji 10]

VaKristuvanotevedzera kutenda kwavanamati biyavo, asi vanotevera Mukwanisi wokutenda kwavo, Jesu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe