RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 53
  • Kana Munhu Akafa Anoendepi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Munhu Akafa Anoendepi?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Midzimu Haina Kurarama Ndokufira Pasi Pano
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Mubvunzo 2: Chii Chichaitika Kwandiri Kana Ndafa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Vakafa Vari Kupi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 53

Kana Munhu Akafa Anoendepi?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri rinoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5; Pisarema 146:4) Saka patinofa tinenge tisisipo. Vashakabvu havana chinhu chavanogona kufunga, kuita, kana kunzwa.

“Uchadzokera kuguruva”

Mwari akatsanangura zvinoitika kana tichinge tafa paaitaura naAdhamu, munhu wokutanga. Nemhaka yokuti Adhamu haana kuteerera, Mwari akamuudza kuti: “Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Mwari asati asika Adhamu “neguruva revhu,” kwakanga kusina munhu anonzi Adhamu. (Genesisi 2:7) Saka Adhamu paakafa akadzokera kuguruva uye akanga asisiko.

Ndizvowo zvinoitika kuvanhu vari kufa iye zvino. Bhaibheri richitaura nezvevanhu uye mhuka, rinoti: “Zvose zvakabva kuguruva, uye zvose zvinodzokera kuguruva.”—Muparidzi 3:19, 20.

Kana munhu akafa hazvirevi kuti zvatoperera ipapo

Bhaibheri rinowanzofananidza rufu nokurara. (Pisarema 13:3; Johani 11:11-14; Mabasa 7:60) Munhu akafa nehope haazivi zvinenge zvichiitika. Ndizvowo zvinoitika kune munhu akafa haaziviwo zvinenge zvichiitika. Asi Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anogona kumutsa vakafa senge ari kumutsa munhu akarara obva amupazve upenyu. (Jobho 14:13-15) Kumunhu achazomutswa naMwari, kwaari paanofa hazvirevi kuti zvabva zvatopera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe