“Kana Mune Mungava Wemitero, Terai Mitero”
“MUNYIKA ino hapana chinhu chine chokwadi kunze kworufu nemitero.” Yakadaro imwe nyanzvi mune zvehurumende yezana ramakore rechi 18 yeAmerica uye muvambi Benjamin Franklin. Mashoko ayo, anowanzonokorwa kwazvo, anoratidzira kwete bedzi kusadzivisika kwemitero asiwo rutyo rwainoparira. Nokuda kwavakawanda, kutera mitero hakufadzi kufanana nokufa.
Kunyange zvazvo kutera mitero kungava kusingafadzi, iwoyu musengwa uyo vaKristu vechokwadi vanorangarira zvakakomba zvikuru. Muapostora Pauro akanyorera ungano yechiKristu yaiva paRoma, kuti: “Ipai munhu ari wose chamune mungava naye: Kana mune mungava wemitero, terai mitero; kana uri muripo, ipapo ripai; kana ruri ruremekedzo, ipapo remekedzai; kana ruri rukudzo, ipapo kudzai.” (VaRoma 13:7, New International Version) Uye Jesu Kristu akanga achinongedzera zvikurukuru kumitero apo akati: “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”—Marko 12:14, 17.
Jehovha akabvumidza “masimba makuru” ehurumende kuvapo uye anoda kuti vabatiri vake vazviise pasi pawo zvisina kukwana. Neiko, ipapo, Mwari achiomerera pakutera mitero kwavanamati vake? Pauro anodudza zvikonzero zvikuru zvitatu: (1) “kutsamwa” kwa“masimba makuru” mukuranga vaputsi vomutemo; (2) hana yomuKristu, iyo ichava isina kuchena kana akabiridzira pamitero yake; (3) dikanwo yokubhadhara ava “varanda” nokuda kwokuita mabasa uye kuchengeta mwero wakati wenhevedzano. (VaRoma 13:1-7) Vakawanda vangasada kutera mitero. Bva, pasina kupokana vaisazoda kugara munyika isina mapurisa kana kuti dziviriro yomwoto, isina kuchengetwa kwemigwagwa, isina zvikoro zvavose, uye isina gadziriro yokutumira tsamba. Nyanzvi yomutemo yeAmerica Oliver Wendell Holmes akambotaura neiyi nzira: “Mitero ndiyo yatinotera nokuda kwechaunga chakabudirira.”
Kutera mitero hachisi chinhu chitsva kuvabatiri vaMwari. Vagari vomuIsraeri yakare vaitera chimiro chakati chemitero kutsigira madzimambo avo, uye vamwe vavatongi ivavo vairemedza vanhu zvikuru kupfurikidza nemitero isina mufungo. VaJudha vaibhadharawo miripo nemitero kumasimba okumwe ayo aivadzora, akadai seEgipita, Persia, uye Roma. Naizvozvo vaKristu muzuva raPauro vaisanoziva icho akanga achitaura pamusoro pacho apo akadudza kuterwa kwemitero. Vaiziva kuti kana mitero yaiva nomufungo kana kuti kwete, uye pasinei zvapo nokuti hurumende ingashandisa sei mari iyi, vaifanira kutera mutero upi kana upi wavaiva nomungava nawo. Zvimwe chetezvo zvinoshanda kuvaKristu nhasi. Zvisinei, inheyoi dzingatipa nhungamiro apo tinenge tichitera mitero yedu muidzi nguva dzakaoma?
Nheyo Shanu Dzinotungamirira
Iva ane nhevedzano. Tinobatira nokutevedzera Jehovha, uyo ari “Mwari, kwete wenyongano, asi worugare.” (1 VaKorinte 14:33, NW; VaEfeso 5:1) Kuva ane nhevedzano kunokosha apo kunouya kukutera mitero. Zvinyorwa zvako zvakakwana, zvakarurama, uye zvakarongeka here? Kazhinji kazhinji, gadziriro yokuronga zvinyorwa inodhura haidikanwi. Ungava nehamvuropu imwe hombe yakanyorwa rudzi rumwe norumwe rwechinyorwa (zvakadai samarisiti anoronga ndyiko dzako dzakasiyana-siyana). Kungava kwakakwana kuronga idzodzi muhamvuropu hombe nokuda kwegore rimwe nerimwe. Munyika dzakawanda kuri madikanwa kuchengeta zvinyorwa zvakadaro kwamakore akati kuitira apo hurumende inosarudza kunzvera zvinyorwa zvomunguva yakapfuura. Naizvozvo usarasa chinhu chipi nechipi kutozosvikira wava nechokwadi chokuti hachichadikanwizve.
Iva akatendeseka. Pauro akanyora, kuti: “Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Chishuvo chomwoyo wose chokuva vakatendeseka chinofanira kutungamirira chisarudzo chiri chose chatinoita pakutera mitero yedu. Kutanga, rangarira mitero inofanira kuterwa pamari inoshumwa. Munyika dzakawanda, mari yokuwedzera—inobva mutipisi, mabasa asiri enguva dzose, zvinotengeswa—inotererwa mutero nokukurumidza apo inopfuura chitsama chakadudzwa. MuKristu ane “hana yakanaka” achawana chinoumba mari inotereswa uko anogara uye achatera mutero wakakodzera.
Chechipiri, kune nhau yezvinobviswa. Hurumende kazhinji kazhinji dzinobvumidza vateri vemitero kubvisa ndyiko dzakati pamari yavo inotereswa. Munyika ino isina kutendeseka, vakawanda havaoni chakashata mukuva “vanonyepedzera” kana kuti “vanonyengedzera” pakukumbira zvinobviswa zvakadaro. Mumwe murume muUnited States sezvinoshumwa akatengera mudzimai wake jasi remvere rinodhura, ipapo akariturika munzvimbo yake yebhizimisi kwezuva rimwe kuitira kuti agogona kuribvisa sechimiro chakati che“chishongo” chenzvimbo yebasa! Mumwe murume akakumbira ndyiko dzomuchato womwanasikana wake sezvinobviswa zvebhizimisi. Zvakare mumwe akaedza kubvisa ndyiko dzokuti mudzimai wake afambe naye kwemwedzi yakati muFar East, kunyange zvazvo chaizvoizvo akanga ariko zvikurukuru nokuda kwezvinangwa zvoushamwaridzani nenhandaro. Kunoratidzika kuva kusina mugumo wezviitiko zvakadaro. Zvichitaurwa nenzira yakapfava, kudana chimwe chinhu kuti ndichinobviswa chebhizimisi apo icho chaizvoizvo chisiri chorudzi irworwo chimiro chakati chokureva nhema—chimwe chinhu icho Mwari wedu, Jehovha, anoshora chose chose.—Zvirevo 6:16-19.
Iva anongwarira. Jesu akanyevera vateveri vake kuva vaka“chenjera senyoka, [vaka]ruram[a] senjiva.” (Mateo 10:16) Zano iroro ringagona kusanoshanda kumiitiro yedu yokutera mitero. Zvikurukuru munyika dzakabudirira, vanhu vakawanda zvikuru mazuva ano vanobhadhara femu inoita akaunzi kana kuti nyanzvi kuti dzigadzire mitero yavo. Ipapo vanongosaina mafomu acho ndokutumira cheki yacho. Iyi yaizova nhambo yakanaka yokuteerera nyevero yakanyorwa pana Zvirevo 14:15: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.”
Vateri vemitero vakawanda vakanangana nechinetso nehurumende nemhaka yokuti va‘notenda shoko riri rose’ romutarisiri weakaunzi asingangwariri kana kuti mugadziri wemitero asina ruzivo rwokuzviwanira. Kuri nani zvikuru sei kuva akangwara! Ngwarira nhanho dzako kupfurikidza nokurava nokungwaririra gwaro ripi neripi usati warisaina. Kana zvimwe zvinonyorwa, zvakasiiwa, kana kuti zvinobviswa zvikaratidzika kuva zvechienzi kwauri, ita kuti zvitsanangurwe—kanodzokororwa kana kuri madikanwa—kutozosvikira wagutsikana kuti nhau yacho yakatendeseka uye ndeyapamutemo. Sezvinobvumwa, munyika dzakawanda mitemo yemitero yazova yakaoma zvikuru, asi kusvikira kutambanuko inobvira, kuchenjera kunzwisisa chinhu chipi nechipi chaunosaina. Mune zvimwe zviitiko, ungawana kuti muKristu biyako uyo akarovedzana nomutemo wemitero anogona kupa nzwisiso yakati. Mumwe muKristu mukuru uyo anobata nenhau dzemitero segweta akati nenzira yakajeka: “Kana mutarisiri wako weakaunzi akakarakadza chimwe chinhu chinonzwika kuva chakanyanyonaka zvokusava chechokwadi, ipapo zvimwe hachisiri chokutendeseka!”
Iva ane mutoro. “Munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaGaratia 6:5) Apo kunouya kukutera mitero, muKristu mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wokuva akatendeseka naanochengeta mutemo. Iyi haisiri nhau iyo vakuru veungano vanotarisira boka riri mutarisirwo yavo. (Enzanisa na 2 VaKorinte 1:24.) Havazvibatanidzi vamene munhau dzemitero kutoti nhau yakati yechakaipa chakakomba, zvichida inobatanidza ruzvidzo munzanga, ikauya kungwariro yavo. Kazhinji kazhinji, iyi inharaunda umo muKristu mumwe nomumwe ane mutoro wokushandisa hana yake yakarovedzwa zvakafanira mukushandisa nheyo dzapaMagwaro. (VaHebheru 5:14) Ikoku kunobatanidza kuziva kuti kusaina gwaro romutero—pasinei zvapo nokuti ndiani arigadzira—kungasanoumba kutaura kwapamutemo kwokuti warava gwaro racho ndokudavira kuti zvarinaro ndezvechokwadi.a
Iva asina chaangapomerwa. Vatariri vechiKristu vanofanira kuva “[va]sina cha[v]angapomerwa” kuti vagokwanirisa nokuda kwenzvimbo yavo. Nenzira yakafanana, ungano yose inofanira kuva isina chaingapomerwa mumeso aMwari. (1 Timotio 3:2; enzanisa naVaEfeso 5:27.) Naizvozvo vanovavarira kuchengeta mukurumbira wakanaka munzanga, kunyange apo kunouya kukutera mitero. Jesu Kristu amene akagadza muenzaniso muna ikoku. Mudzidzi wake Petro akabvunzwa kana Jesu aitera mutero wetembere, nhau duku yamadrakema maviri. Chaizvoizvo, Jesu aihesvurwa pauyu mutero, sezvo tembere yakanga iri imba yaBaba vake uye hapana mambo anoteresa mwanakomana wake amene mutero. Jesu akataura zvakadaro; bva akatera mutero iwoyo. Kutaura idi, akatoshandisa chishamiso kuti abudise mari yaidikanwa! Neiko akabhadhara mutero uyo aihesvurwa nenzira yakafanira? Seizvo Jesu amene akataura, kwakanga kuri “kuti tirege kuvagumbusa.”—Mateo 17:24-27.b
Chengeta MukurumbiraUnokudza Mwari
Zvapupu zvaJehovha nhasi nenzira yakafanana zvinoitira hanya kuti zvisagumbure vamwe. Nenzira isingashamisi, ipapo, seboka, zvinofarikanya mukurumbira wakanaka munyika yose savagari vemo vakatendeseka, vanotera mitero. Somuenzaniso, pepanhau reSpaniya El Diario Vasco rakatsinhira pamusoro pokunzvenga mutero kwakapararira muSpaniya, asi akati: “Vasingabatanidzwi bedzi Zvapupu zvaJehovha. Apo zvinotenga kana kuti kutengesa, ukoshi hwe[zvinhu] zvavanonyoresa zvichipinda munyika izvokwadi yakakwana.” Nenzira yakafanana, pepanhau reU.S. San Francisco Examiner rakatsinhira makore akati apfuura, kuti: “Ungarangarira [Zvapupu zvaJehovha] savagari vemo vomuenzaniso. Zvinotera mitero nokushingaira, zvinotarisira vanorwara, zvinorwisa kusagona kurava nokunyora.”
Hapana muKristu wechokwadi angada kuita chinhu chipi nechipi chingasvibisa uyu mukurumbira unowanwa kupfurikidza nenhamburiko yokushingaira. Kana ukatarisana nechisarudzo, waizobvuma mutoro wokuzivikanwa somubiridziri womutero nokuda kwokuchengetedza mari here? Aiwa. Zvirokwazvo waizoisva zvako warasikirwa nemari pane kusvibisa zita rako rakanaka ndokurasa zvinokosha zvako uye kunyange kunamata kwako Jehovha muchimiro chakashata.
Chokwadi, kuchengeta mukurumbira somunhu akarurama, akatendeseka kungasanokudyira mari padzimwe nguva. Sokutaura kwakaita nyanzvi yakare yechiGiriki Plato mazana amakore 24 apfuura: “Apo kunenge kune mutero wemari, munhu akarurama achatera yakawanda uye asina kururama shomanene pachitsama chimwe chetecho chemari.” Angava akawedzera kuti munhu akarurama haatongozvidembi kubhadhara mutengo wokuva akarurama. Kunyange kungova nomukurumbira wakadaro kwakafanirwa nomutengo wacho. Ikoku ndokwechokwadi chaizvoizvo kuvaKristu. Mukurumbira wavo wakanaka unokosha kwavari nemhaka yokuti unokudza Baba vavo vokudenga uye unogona kubetsera kukwevera vamwe kumararamire avo uye kuna Mwari wavo, Jehovha.—Zvirevo 11:30; 1 Petro 3:1.
Kupfuura zvose, kunyanguvezvo, vaKristu vechokwadi vanokoshesa ukama hwavo vamene naJehovha. Mwari anoona chinhu chiri chose chavanoita, uye vanoshuva kumufadza. (VaHebheru 4:13) Naizvozvo, vanoramba muedzo wokuedza kubiridzira hurumende. Vanoziva kuti Mwari anofadzwa nomufambiro wokutendeseka, wakarurama. (Pisarema 15:1-3) Uye sezvo vachida kufadza mwoyo waJehovha, vanotera mitero yose yavane mungava wayo.—Zvirevo 27:11; VaRoma 13:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Ikoku kungapa denho kuvaKristu avo vanonyoresa mubatanidzwa wefomu romutero nomukwanyina asingatendi. Mudzimai wechiKristu aizoita nhamburiko yokungwarira kudzikamisa nheyo youmusoro nechinodikanwa chokuteerera mitemo yemitero yaKesari. Anofanira kuziva, kunyanguvezvo, nezvemigumisiro yapamutemo inobvira yokusaina nokuziva gwaro renhema.—Enzanisa naVaRoma 13:1; 1 VaKorinte 11:3.
b Nenzira inofadza, yaMateo ndiyo Evhangeri bedzi inonyora ichi chiitiko muupenyu hwapasi hwaJesu. Seaichimbova muteresi iye amene, Mateo pasina kupokana akaororwa nomudzimu waJesu muiyi nhau.