Vakabatana Muchisungo Chakakwana Chorudo
“Vasunganidzwe murudo.”—VAKOROSE 2:2.
1, 2. Ipesvedzeroi inokamuranisa iri kunzwiwa zvikurukuru nhasi?
TEERERA! Inzwi guru rinoungira mudenga rose richiti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Nokupfuura kwegore rimwe nerimwe, shoko iroro rinova rinotyisa nenzira inowedzera nokuda kwavagari vapasi.
2 Muvengi mukuru waJehovha anguve achizivikanwa somudzivisi (Satani) nomucheri (Dhiyabhorosi). Asi uyu munyengeri zvino akatora rimwe basa rakaipa—azova mwari akashatirwa! Neiko? Nemhaka yokuti akadzingwa mudenga naMikaeri nengirozi dzake muhondo yakavamba mudenga muna 1914. (Zvakazarurwa 12:7-9) Dhiyabhorosi anoziva kuti ane nguva pfupi bedzi kuti abvumikise denho yake yokuti anogona kutsausa vanhu vose pakunamata Mwari. (Jobho 1:11; 2:4, 5) Asina kwokupukunyukira, iye namadhemoni ake vakafanana nebumha renyuchi dzakashatirwa dzinoratidzira hasha dzadzo pamhomho dzisina kugadzikana dzorudzi rwomunhu.—Isaya 57:20.
3. Chii chave chiri tapuro yokuderedzwa kwaSatani munguva yedu?
3 Izvi zviitiko, zvisingaoneki namaziso avanhu, zvinotsanangura chikonzero nei zvino kune kuputsika kukuru kwetsika pakati porudzi rwomunhu. Zvinotsanangurawo nhamburiko dzoupengo dzavanhu kuti vaname kuputsika kwamarudzi ayo chaizvoizvo asingagoni kurarama mutsinhirano. Mapoka amarudzi namadzinza anorwisana zvakakomba, achiparira mamiriyoni avanhu vasina misha navakabviswa munzvimbo dzavo. Hakushamisi kuti kusateerera mutemo kuri kuwedzera pamwero usina kumboitika! Sezvakadeya kutaura Jesu, ‘rudo rwavakawanda zvikuru rworudzi rwomunhu ruri kutonhora.’ Nzvimbo iri yose yaunotarisa, kusatsinhirana nokushaya rudo zvinoratidzira vanhu vanhasi vasina kugadzikana.—Mateo 24:12.
4. Neiko vanhu vaMwari vari mungozi chaiyo?
4 Nemhaka yomumiriro wezvinhu wenyika, munyengetero waJesu nokuda kwavateveri vake unova nerevo huru zvikuru: “Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa. Havazi venyika, seni ndisi wenyika.” (Johane 17:15, 16) Nhasi, “wakaipa” zvikurukuru anoratidzira kutsamwa kwake paavo “vanochengeta mirayiro yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.” (Zvakazarurwa 12:17) Kudai kwakanga kusiri kutarisira kwaJehovha kwokungwarira nokworudo, Zvapupu zvake zvakatendeka zvaizoparadzwa. Upenyu hwedu hunotsamira pakushandisa kwedu zvakanaka gadziriro dzose idzo Mwari anoita nokuda kwechengeteko yedu yomudzimu negarikano. Ikoko kunobatanidza kuzvishandisa kwedu timene maererano nokushanda kwesimba Rake kupfurikidza naKristu, sezvakakurudzira muapostora pana VaKorose 1:29.
5, 6. Muapostora Pauro akanzwa sei pamusoro pavaKristu veKorose, uye neiko musoro worugwaro rwa 1995 wakakodzera?
5 Kunyange zvazvo Pauro sezvingabvira akanga asina kutongovaona chiso nechiso, aida hama dzake dzaiva muKorose. Akadziudza, kuti: “Ndinoshuva kuti dai maigona kunzwisisa kuti funganyo yangu nokuda kwenyu ihuru sei.” (VaKorose 2:1, The New Testament in Modern English, rakashandurwa naJ. B. Phillips) Sezvo vateveri vaJesu vasiri rutivi rwenyika, “wakaipa” aizoramba achiedza kuputsa chinzwano chehama kupfurikidza nokudyara pakati padzo mudzimu wenyika. Mashoko ayo Epafrasi akauya nawo kubva Korose akaratidzira kuti ikoku kwakanga kwave kuchiitika kusvikira kutambanuko yakati.
6 Imwe yefariro huru dzaPauro nokuda kwehama dzake dzechiKristu yaigona kupfupikiswa mumashoko, okuti: “Vasunganidzwe murudo.” Mashoko ake ane revo chaiyo nhasi, munyika yakazadzwa nokusanzwana nokushaya rudo. Kana tikafungisisa zano raPauro, tichafarikanya kutarisira kwaJehovha. Tichawanawo simba romudzimu wake muupenyu hwedu, kuchitibetsera kudzivisa dzvinyiriro dzenyika. Iri izano rokuchenjera sei! Nokudaro, VaKorose 2:2 ichava musoro worugwaro rwedu rwa 1995.
7. Itsinhiranoi inofanira kuwanwa pakati pavaKristu vechokwadi?
7 Mutsamba yapakuvamba zvikuru kuvaKorinte, muapostora akashandisa muviri womunhu somuenzaniso. Iye akanyora kuti “parege kuva nokupesana” muungano yavaKristu vakazodzwa asi kuti “mitezo ichengetane zvakaenzana.” (1 VaKorinte 12:12, 24, 25) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini! Makumbo edu anotsamirana, rimwe nerimwe rakabatanidzwa norutivi rwasara rwomuviri wedu. Zvimwe chetezvo zvinoshanda kuuhama hwedu hwenyika yose, hwakaumbwa naavo vakazodzwa uye mamiriyoni anokarira kurarama muparadhiso yapasi. Hatifaniri kuzvibvisa timene paboka ravaKristu biyedu kuti tirarame takazvimirira! Uchishanda kupfurikidza naKristu Jesu, mudzimu waMwari unoyerera uchiuya kwatiri muuwandu ukuru kupfurikidza nesonganiro yedu nehama dzedu.
Tsinhirano Yakabatana Nezivo
8, 9. (a) Chii chinokosha kukuparira kwedu kuti pave netsinhirano muungano? (b) Wawana sei zivo pamusoro paKristu?
8 Rimwe ramapfundo makuru aPauro rakanga riri rokuti tsinhirano yechiKristu yakabatanidzwa nezivo, zvikurukuru iyo pamusoro paKristu. Pauro akanyora kuti vaKristu vanofanira kuti “vasunganidzwe murudo, vave nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu.” (VaKorose 2:2) Takapinza zivo—maidi—kubvira patakavamba kufunda Shoko raMwari. Sorutivi rwokuwana nzwisiso yokuti akawanda sei aaya maidi anokodzera muchinangwa chaMwari, tinoona basa rinokosha raJesu. “Maari fuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa.”—VaKorose 2:3.
9 Ndiwo manzwire aunoita here pamusoro paJesu nebasa rake muchinangwa chaMwari? Vakawanda muchiKristudhomu vanokurumidza kududza Jesu, vachitaura kuva vakamugamuchira uye kuva vakaponeswa. Asi vanomuziva chaizvozvo here? Nyangwe, nokuti vakawanda zvikurusa vanodavira dzidziso yoUtatu isiri pamagwaro. Hausati uchingoziva zvokwadi bedzi pamusoro paikoku asi sezvingabvira une zivo yakafara zvikuru yeizvo Jesu akataura nokuita. Mamiriyoni akabetserwa muna ikoku kupfurikidza nefundo inorayiridza vachishandisa bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Bva tinofanira kuramba tichikudza zivo yedu yaJesu nenzira dzake.
10. Zivo yakavanzwa inowanikwa kwatiri munzirai?
10 Kutaura kwokuti “fuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa” muna Jesu haarevi kuti zivo yakadaro hatigoni kuinzwisisa. Panzvimbo pezvo, yakati fananei nomugodhi wakacherwa. Hatidikanwiri kutsvaka nharaunda huru yakapoteredza tichitsvaka pokutangira kuchera. Tinotoziva—zivo chaiyoiyo inovamba neicho Bhaibheri rinozivisa pamusoro paJesu Kristu. Sezvatinonzwisisa zvizere zvikuru basa raJesu mukushanda kwechinangwa chaJehovha, tinowana fuma youchenjeri hwechokwadi nezivo yakarurama. Naizvozvo chatinoda kuramba tichichera zvakadzama zvikuru, tichiburitsa zvakawanda zvemabwe anokosha kana kuti zvinhu zvinokosha muaya manyuko atakatochera.—Zvirevo 2:1-5.
11. Tingawedzera sei zivo yedu nouchenjeri nokufungisisa pana Jesu? (Enzanisira naJesu achishambidza tsoka dzavadzidzi, kana kuti shandisa mimwe mienzaniso.)
11 Somuenzaniso, tingaziva kuti Jesu akashambidza tsoka dzavaapostora vake. (Johane 13:1-20) Kunyanguvezvo, takafungisisa pamusoro pechidzidzo chaakanga achidzidzisa uye chimiro chendangariro chaakaratidzira here? Kuita saizvozvo, tingaburitsa fuma youchenjeri iyo inotigonesa—hungu, inotisunda—kuchinja mabatire atinoita neimwe hama kana kuti imwe hanzvadzi ine unhu hwanguve huchitishatirisa. Kana kuti pakupiwa mugove uyo tisingadi zvikuru, tingagamuchira nenzira yakasiyana pashure pokunge tawana revo yakazara yaJohane 13:14, 15. Ndiyo nzira iyo zivo nouchenjeri zvinotitapura nayo. Chii chingava tapuro pana vamwe sezvatinosanotevedzera zvikuru isu timene zivo yakawedzerwa yaKristu? Zvimwe boka richa‘batanidzwa zvikuru pamwe chete nenzira ine tsinhirano murudo.’a
Kutsauswa Kunogona Kukuvadza Tsinhirano
12. Tinofanira kuva vanongwarira pamusoro pezivoi?
12 Kana zivo yakarurama ichiyamura ‘kuva [kwedu] vakabatanidzwa pamwe chete nenzira ine tsinhirano murudo,’ chii chinoitika kuicho chiri “zivo iya inonzi zivo, dziri nhema hadzo”? Zvakapesana chaizvo—gakava, kusawirirana, uye kubva pakutenda. Naizvozvo tinofanira kudzivisa zivo yenhema yakadaro, sezvo Pauro akanyevera Timotio. (1 Timotio 6:20, 21) Pauro akanyorawo, kuti: “Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu unokurashai namashoko anonyengera. Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.”—VaKorose 2:4, 8.
13, 14. (a) Neiko hama dzeKorose dzakanga dziri mungozi pamusoro pezivo? (b) Neiko vamwe nhasi vangarangarira kuti havasati vari mungozi yakafanana?
13 VaKristu veKorose vakanga vakapoteredzwa nepesvedzero inonyengera yakasvika painonzi zivo zvenhema nhema. Vanhu vakawanda muKorose namakapoteredza vairemekedza zvikuru vazivi vechiGiriki. Kwaivawo navagamuchiri vedzidziso dzechiJudha avo vaida kuti vaKristu vachengete Mutemo waMosesi, zvakadai samazuva awo emitambo nezvinodikanwa zvokudya. (VaKorose 2:11, 16, 17) Pauro akanga asingarwisani nokuwana zivo yechokwadi kwehama dzake, asi dzaifanira kungwarira kuti hapana aizodzitora sanyajambwa, achishandisa zvibvumikiso zvinonyengetedza kuti adzipwise kuti dzive nomurangarirowo zvawo womunhu paupenyu nezviito. Unogona kunzwisisa kuti kudai vamwe muungano vakarega kufunga kwavo nezvisarudzo zvichiva zvinotungamirirwa nepfungwa dzakadaro dzisiri dzapamagwaro nemirangariro kuupenyu, kwaizopesana netsinhirano norudo pakati pemitezo yeungano.
14 ‘Hungu,’ ungafunga kuti, ‘ndinoona ngozi iyo vaKorose vakatarisana nayo, asi handisi mungozi yokupesvedzerwa nepfungwa dzechiGiriki, dzakadai somweya usingafi kana kuti mwari woutatu; uyewo handioni ngozi ipi neipi yokuva anonyengerwa namazororo echihedheni orudzidziso rwenhema rwandakapukunyuka.’ Kwakaisvonaka. Kwakanaka kuva anopwiswa pamusoro poukuru hwezvokwadi dzehwaro dzakaziviswa kupfurikidza naJesu uye dzinowanikwa muMagwaro. Kungava, zvisinei, kuti tiri mungozi mudzimwe zivo dzakati kana kuti mirangariro yavanhu yakapararira nhasi here?
15, 16. Murangariroi pamusoro poupenyu ungatapura kufunga kwomuKristu?
15 Chimiro chendangariro chimwe chakadaro changuve chiripo: “Chiripiko zvino chipikirwa chokuuya kwake? Madzibaba edu akavigwa, asi chinhu chiri chose chinopfuurira zvomenemene sezvachave chiri nguva dzose.” (2 Petro 3:4, The New English Bible) Murangariro iwoyo ungataurwa mumamwe mashoko, asi murangariro wacho ndimumwe chetewo. Somuenzaniso, mumwe munhu angarangarira, kuti ‘Apo ndakatanga kudzidza zvokwadi makumi amakore apfuura, mugumo wakanga uri “pakona chaipo.” Asi iwo uchigere kusvika pano, uye ndiani anoziva pauchauya?’ Sezvinobvumwa, hapana munhu anoziva apo mugumo uchasvika. Bva, cherekedza murangariro uyo Jesu akakurudzira: “Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.”—Marko 13:32, 33.
16 Kwaizova kune ngozi sei kuva nechimiro chendangariro chokuti, zvatisingazivi apo mugumo uchauya, tinofanira kuronga nokuda kwoupenyu hwakazara uye “hwenguva dzose”! Murangariro wakadaro ungagona kuratidzirwa mukurangarira, kwokuti ‘Ndingasva hangu ndaita nhanho dzichandibvumidza ini (kana kuti vana vangu) kuva nebasa rinoremekedzeka rinobhadhara zvakanaka zvikuru uye richandigonesa kufarikanya upenyu hwakanaka. Chokwadika, ndichapinda misangano yechiKristu ndokuva negoverano mubasa rokuparidza, asi hapana chikonzero chokuti ndizvishandise ndimene kana kuti kurega zvinhu zvakawanda.’—Mateo 24:38-42.
17, 18. Murangariroi uyo Jesu navaapostora vakatikurudzira kuva nawo?
17 Hakungarambwi, zvisinei, kuti Jesu navaapostora vake vakarumbidza kuti tirarame tine mufungo wekurumidziro pamusoro pokuita kuti mashoko akanaka aparidzwe, tichizvishandisa timene uye tichidisa kurega zvinhu. Pauro akanyora, kuti: “Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ifupi; kuti kubva zvino vane vakadzi vave savasina; . . . navanotenga savasina chinhu; navanobata nezvenyika, savasingabatisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuura.”—1 VaKorinte 7:29-31; Ruka 13:23, 24; VaFiripi 3:13-15; VaKorose 1:29; 1 Timotio 4:10; 2 Timotio 2:4; Zvakazarurwa 22:20.
18 Asingatongokarakadzi kuti tinoita upenyu hwakanaka nharidzano yedu, mufuridzirwo Pauro akanyora, kuti: “Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo. . . . Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise upenyu husingaperi, hwawakadanirwa kwahuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.”—1 Timotio 6:7-12.
19. Ungano inotapurwa sei apo avo vari mairi vanogamuchira murangariro woupenyu uyo Jesu akakurudzira?
19 Apo ungano inenge yakaumbwa navaKristu vanoshingaira vanovavarira zvikuru ku‘pa ziviso yapachena yakaisvonaka,’ tsinhirano ndeyomuzvarirwo. Havateri kuchimiro chendangariro, chokuti ‘Une zvinhu zvakanaka zvakawanda zvakachengeterwa makore akawanda; zorora, idya, inwa, farikanya umene.’ (Ruka 12:19) Panzvimbo pezvo, vakabatanidzwa munhamburiko imwe cheteyo, vachidisa kurega zvinhu kuti vave negoverano yakazara seinobvira muiri basa risati richitongozodzokororwazve.—Enzanisa naVaFiripi 1:27, 28.
Kungwarira Pamusoro Pezvibvumikiso Zvinonyengetedza
20. Ndeipi imwe nharaunda mairi vaKristu vangatsauswa?
20 Chokwadika, pane dzimwe nzira madziri umo vaKristu vanga‘tsauswa nezvibvumikiso zvinonyengetedza’ kana kuti kunyengera kusina maturo uko kunodzongonyedzana no‘kuva vakabatanidzwa nenzira ine tsinhirano murudo.’ Hofisi yeWatch Tower Society muGermany yakanyora, kuti: “Imwe nhau yakatungamirira kugakava muungano dzakawanda, vaparidzi uye kunyange vakuru vachitsigira marudzi okurapa anoshandiswa nehama.” Vakawedzera, kuti: “Nemhaka yemhatsa yakafara yemitoo inoshandiswa uye nhamba huru yavarwere, iyoyi inharaunda yakazaruka kugakava uye, kana mitoo yokurapa ine zviito zvokushandisa midzimu, ingava ine nengozi.”—VaEfeso 6:12.
21. MuKristu angarasikirwa sei nechinokosha chakarurama nhasi?
21 VaKristu vanoda kuramba vari vapenyu uye vane utano hwakanaka kuitira kuti vagone kunamata Mwari. Kunyanguvezvo, mutsika ino tinokwegura nokurwara izvo zvinoparirwa nokusakwana. Panzvimbo pokusimbisa nhau dzoutano, tinofanira kupa ngwariro pamhinduro chaiyoiyo, nokuda kwedu uye nokuda kwavamwe. (1 Timotio 4:16) Kristu ndiye anokosha wemhinduro iyoyo, kunyange sezvo akanga achikosha muzano raPauro kuvaKorose. Asi yeuka, Pauro akaratidzira kuti vamwe vangauya na“mashoko anonyengera” vachibvisa ngwariro yedu pana Kristu, zvichida kumitoo yokuongorora, yokurapa, kana kuti yezvokudya.—VaKorose 2:2-4.
22. Chimiroi chendangariro chakadzikama chatinofanira kuva nacho pamusoro pokutaura kwakawanda pamusoro pemitoo yokuongorora nokurapa?
22 Vanhu kupota nyika yose vari kurovanywa neshambadziro uye zvipupuriro pamusoro pamarudzi ose okurapa nemitoo yokuongorora. Kumwe kwaikoko kunoshandiswa zvakafara uye kunozivikanwa; kumwe kunotsoropodzwa zvakafara kana kuti kunogona kufungidzirwa.b Munhu mumwe nomumwe ane mutoro wokuti asarudze chaachaita pamusoro poutano hwake. Asi avo vanogamuchira zano raPauro rinowanwa pana VaKorose 2:4, 8 vachawana dziviriro pakutsauswa na“mashoko anonyengera” kana kuti “kunyengera kusina maturo” uko kunotsausa vakawanda avo, vasina tariro yoUmambo, vanoshaya betsero. Kunyange kana muKristu akapwiswa kuti kumwe kurapa kwakati kunoratidzika kuva kwakamunakira, haafaniri kusimudzira ikoku muuhama hwechiKristu, nokuti kungagona kuva nhau yekurukurirano yakapararira zvakafara negakava. Iye nokudaro anogona kuratidzira kuti anoremekedza zvikuru ukoshi hwetsinhirano muungano.
23. Neiko zvikurukuru tine chisakiso chokufara?
23 Pauro akasimbisa kuti tsinhirano yechiKristu ndiyo hwaro hwomufaro chaiwoiwo. Muzuva rake nhamba yeungano zvirokwazvo yakanga iri duku zvikuru kupfuura nhasi. Bva aigona kunyorera vaKorose, kuti: “Kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu.” (VaKorose 2:5; onawo VaKorose 3:14.) Chisakiso chedu chokufara chikuru zvikuru sei! Tingaona ufakazi chaihwoihwo hwetsinhirano, nhevedzano yakanaka, uye kusimba kwokutenda muungano yedu timene, uko kunoratidzira mumiriro wezvinhuwo zvawo wavanhu vaMwari munyika yose. Naizvozvo munguva pfupi yasara mutsika ino iripo, mumwe nomumwe wedu ngaasarudze kuti “asunganidzwe murudo.”
[Mashoko Omuzasi]
a Nepo bviro dzichidokuva dzisingagumi, mumienzaniso inotevera, ona kuti chii icho iwe pachako unogona kudzidza pamusoro paJesu chingagona kuparira tsinhirano muungano yako: Mateo 12:1-8; Ruka 2:51, 52; 9:51-55; 10:20; VaHebheru 10:5-9.
b Ona Nharireyomurindi yaDecember 15, 1982, mapeji 22-9.
Wacherekedza Here?
◻ Ndorupi ruri rugwaro rwegore rwa 1995 rweZvapupu zvaJehovha?
◻ Neiko vaKristu veKorose vaifanira kubatanidzwa nenzira ine tsinhirano murudo, uye nei tichifanira nhasi?
◻ Murangariroi unonyengera paupenyu uyo vaKristu zvikurukuru vanofanira kungwarira nhasi?
◻ Neiko vaKristu vachifanira kungwarira kuti vasatsauswe nezvibvumikiso zvinonyengetedza pamusoro poutano nemitoo yokunzvera?
[Mifananidzo iri papeji 17]
Zvirongwa zvako zvomunguva yemberi zvinonangidzira ngwariro pakuvapo kwaJesu here?