Rudzidziso Rwako Ingarava Isingatongofaniri Kusiyiwa Here?
NGARAVA iri pakati pedutu. Vakatakurwa, avo vari kuparapatika zvikuru kuponesa ngarava yavo, vakatarisana nechisarudzo chakamwe kamwe: kugaramo kana kuti zvimwe kusiya ngarava yacho ndokuzviponesa vamene. Waiziva here kuti ichi chiitiko chinotyisa chinoshandiswa somuenzaniso worudzidziso?
Vafundisi, zvikurukuru nyanzvi dzeKaturike, vanowanzoenzanisa chechi yavo nengarava iyo iri kubuda zvakakotsekana mudutu. Ivo vanotaura kuti iyi ngarava, inofambiswa naJesu kana kuti Petro, inomirira mutoo bedzi woruponeso. Murangariro wavafundisi ndowokuti, ‘Usatongosiya ngarava. Chechi yakatambura njodzi dzakakomba kare, asi ingarava yakabuda zvakakotsekana mumadutu ose ekare.’ Vamwe vanoti, ‘Kuisiyirei? Ndizvimwei zviriko? Kuregerereiko kugara ndokubetsera kuipinza mumvura dzakaterama zvikuru?’
Mutsinhirano nouyu mutauro wokufananidzira, vanhu vakawanda, vorudzi rwose rwamarudzidziso, vanorangarira kuti, ‘Ndinoziva kuti rudzidziso rwangu haruna kururama muzvinhu zvakawanda, asi ndinovimba kuti ruchachinja. Handidi kurusiya. Ndingada kuva norutivi mukurubetsera kukurira zvinetso zvarwo.’ Rudzi urwu rwokurangarira rungarayirwa nechidakadaka chapachokwadi chorudzidziso rwavakare vomunhu kana kuti kunyange norutyo rwo“ku[ru]fumura.”
Muenzaniso wakakodzera ndiwo uya waHans Küng, mufundisi akapanduka anosanozivikanwa weKaturike, uyo akarangarira, kuti: “Ndinofanira here kusiya igwa racho mukati medutu, ndichisiyira avo ndakakwasva navo kusvikira zvino kuti vatarisane nemhepo, vakupe mvura, uye zvichida kurwira kupukunyuka?” Iye akapindura, kuti: “Handisati ndichizorega kushanda kwangu mukati mechechi.” Chimwe chisarudzo kwaizova “kuparadzana neiyi chechi, nemhaka yokusavimbika kwayo, nokuda kworudo rwezvinokosha zvikuru, uye zvichida, kuva vaKristu vechokwadi zvikuru.”—Die Hoffnung bewahren.
Asi munhu anogona here kugara ari mugwa rechechi yake amene achikarira kuti Mwari, mungoni dzake, achabvumira marudzidziso ose nhambo isina kuganhurirwa yenguva yokuchinja? Iwoyo mubvunzo wakakomba. Sezvinoratidzirwa nomuenzaniso, kusiya nokukurumidza ngarava yapinda mungozi kupfurikidza nokukwira magwa anoponesa upenyu asina kuchengeteka kwaizova kune ngozi sokugara mungarava iri kunyura. Kuchenjera here kugara muchechi pasinei zvapo nechingaitika, api kana api ari mamirire ayo ezvinhu? Ikariroi dzechinjo dzinopa marudzidziso nhasi? Mwari achaabvumira kurwisana nokuda kwake kwenguva yakareba sei?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Chesnot/Sipa Press