RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 5/1 pp. 22-26
  • Tsungiriro Inotungamirira Kufambiro Mberi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsungiriro Inotungamirira Kufambiro Mberi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavambo Maduku
  • Kuvavarira Kutevedzera Muenzaniso Wababa
  • Kugoverana Mubasa roUmambo
  • Ushingi Mukunangana Nechishoro
  • Mubetseri Akatendeka uye Akavimbika
  • Jehovha Akakomborera Kutsunga Kwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kutsungirira Kunounza Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ndakasimbiswa Nechivimbo Changu Muna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kubvuma Zvaunokumbirwa naJehovha Kunounza Mibayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 5/1 pp. 22-26

Tsungiriro Inotungamirira Kufambiro Mberi

YAKATAURWA NAJOSÉ MAGLOVSKY

Apo mupurisa akabata ruoko rwangu, ndakatsvaka baba vangu. Ndisingazivi, zvisinei, vakanga vatoendeswa kukamba yamapurisa. Apo ndakasvika ikoko, mapurisa akabvuta zvinyorwa zvedu zvose, kubatanidza maBhaibheri edu, ndokuzviunganidza pasi. Pakuona izvozvi, baba vangu vakabvunza, kuti: “Munoisa kunyange namaBhaibheri pasi?” Mukuru mukuru wamapurisa akakumbira ruregerero, ipapo akanhonga maBhaibheri ndokuaisa patafura.

TAKAGUMA sei tava mukamba yamapurisa? Chii chatakanga tave tichiita? Takanga tiri munyika isingadaviri kuvapo kwaMwari inodzorwa namapurisa, zvokuti takatorerwa kunyange Bhaibheri here? Kupindura iyi mibvunzo, tinofanira kudzokera shure kuna 1925, ndisati ndatomboberekwa.

Mugore iroro baba vangu, Estefano Maglovsky, uye amai vangu, Juliana, vakabva mune yainzi panguvayo Yugoslavia ndokutamira kuBrazil, vachigara muSão Paulo. Kunyange zvazvo Baba vakanga vari muPurotesitendi uye Amai vari muKaturike, rudzidziso rwakanga rusiri chinhu chinoparadzanisa pakati pavo. Kutaura idi, makore gumi gare gare chimwe chinhu chakaitika icho chakavabatanidza pamwe chete murudzidziso. Babamudiki vakavavigira bhukwana rine mavara mana rechiHungary raibata nemugariro wavakafa. Vakanga vagamuchira bhukwana racho sechipo, uye vakakumbira Baba kurirava ndokuvaudza zvavaifunga nezvezviri mukati, zvikurukuru rutivi rwapamusoro pe“hero.” Baba vakapedza usiku hwose vachirava varavazve bhukwana racho, uye zuva rakatevera, apo babamudiki vavo vakauya nokuda kwezvavaifunga, Baba vakazivisa zvakakwana, kuti: “Heinoi zvokwadi!”

Mavambo Maduku

Sezvo chinyorwa chacho chaibva kuZvapupu zvaJehovha, vose vari vaviri vakazvitsvaka kuti vadzidze zvakawanda pamusoro pezvitendero zvavo nedzidziso. Apo zvakawanika pakupedzisira, mitezo inoverengeka yemhuri yedu yakavamba kuva nekurukurirano dzeBhaibheri neZvapupu. Gore rimwe chetero, 1935, fundo yeBhaibheri yenguva dzose muchiHungary yakatangwa, neavhareji yavanhu vasere vachipinda, uye chibviro chenguva iyoyo takava nefundo dzeBhaibheri dzenguva dzose mumusha medu.

Mushure memakore maviri okudzidza Bhaibheri, Baba vakabhapatidzwa muna 1937 ndokuva Chapupu chine mbavarira chaJehovha, vachigoverana mubasa rokuparidza paimba neimba uyewo kubatira somubatiri nomuitisi wefundo akagadzwa. Vakayamura mukuumbwa kweungano yokutanga muSão Paulo, muchikamu cheVila Mariana. Ungano yacho gare gare yakatamisirwa pakati peguta ndokuva inozivikanwa seCentral Congregation. Makore gumi gare gare ungano yechipiri yakaumbwa, munharaunda yeYpiranga, uye Baba vakagadzwa somubatiri weungano ikoko. Muna 1954 ungano yechitatu yakaumbwa, muchikamu cheMoinho Velho, uko vakabatirawo somubatiri weungano.

Nokukurumidza apo iri boka rakasanosimbiswa, vakavamba kubetsera boka raiva pedyo muSão Bernardo do Campo. Nemhaka yechikomborero chaJehovha panhamburiko dzeaya mapoka maduku eZvapupu mukati memakore, kukura kwave kuchishamisa, zvokuti muna 1994 kwakanga kwava navaparidzi vanopfuura 70 000 muungano 760 dziri muSão Paulo. Nenzira isingafadzi, Baba havana kurarama kuti vaone uku kukura. Vakafa muna 1958 pazera ramakore 57.

Kuvavarira Kutevedzera Muenzaniso Wababa

Vara rababa vangu rakatanhamara, kufanana navamwe vaKristu vakakura mumudzimu, rakanga riri mutsa wavo. (Ona 3 Johane 1, 5-8.) Somugumisiro, takava neropafadzo yokuva naAntonio Andrade nomudzimai wake nemwanakoma savaenzi, avo vakauya kuBrazil vachibva kuUnited States naHama naHanzvadzi Yuille muna 1936. Vakanga variwo vaenzi mumusha medu vakanga vari vakapedza kufunda vaviri veWatchtower Bible School of Gilead, Harry Black naDillard Leathco, avo muna 1945 vakanga vari vafundisi vokutanga kugoverwa kuBrazil. Vamwe vakawanda vakavatevera. Idzi hama nehanzvadzi dzakanga dziri manyuko ekurudziro enguva dzose kumunhu ari wose mumhuri yedu. Ndichionga ikoku uye nokuda kwokubetserwa kwemhuri yangu, ndakavavarira kutevedzera muenzaniso wababa vangu pamusoro pevara rechiKristu romutsa.

Kunyange zvazvo ndakanga ndine makore mapfumbamwe chete okukura apo Baba vakadzidza zvokwadi muna 1935, somwanakomana mukuru, ndakavamba kuvakumbanira mumibato yavo youbati ushe hwaMwari. Tose zvedu taipinda misangano navo paHoro yoUmambo iri padzimbahwe reZvapupu muSão Paulo paEça de Queiroz Street, Nhamba 141. Nemhaka yokudzidzisa nerovedzo izvo Baba vakandipa, ndakakudziridza chishuvo chikuru chokubatira Jehovha, uye muna 1940, ndakazvitsaurira ndimene kuna Jehovha, ndichiratidzira ikoku noruombeko rwomumvura muRwizi rweTietê urwo zvino rwashatiswa, runoyerera napakati peSão Paulo.

Nokukurumidza ndakadzidza chakwaireva kuva muparidzi wenguva dzose wamashoko akanaka, kusima nokudiridza shoko rezvokwadi muna vamwe uye kuvaitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Zvino, sezvandinoona zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvakazvitsaurira muBrazil, ndinofara zvikuru kuziva kuti ndakashandiswa Naye kubetsera vakawanda vavo kusvika pazivo yezvokwadi kana kuti kukudza kuinzwisisa kwavo.

Pakati paavo vandakabetsera pakanga pana Joaquim Melo, uyo ndakasangana naye muushumiri hwapaimba neimba. Ndakanga ndichitaura kuvamwe varume vatatu avo vakanga vachiteerera asi vasina fariro huru. Ipapo ndakacherechedza mukomana muduku uyo akanga atikumbanira uye akanga achiteerera nengwariro huru. Ndichiona fariro yake, ndakanangidzira ngwariro yangu kwaari uye, mushure mouchapupu hwakanaka, ndakamukoka kuFundo yeBhuku yeUngano. Haana kupinda fundo yacho, asi akaoneka paChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari uye mushure macho akapinda misangano nguva dzose. Akaita fambiro mberi yakanaka, akabhapatidzwa, uye kwamakore anoverengeka akabatira somushumiri anofambira, achiperekedzwa nomudzimai wake.

Ipapo kwakanga kuna Arnaldo Orsi, uyo ndakasangana naye kunzvimbo yangu yebasa. Ndaipupura kumumwe mushandi biyangu nguva dzose asi ndakacherechedza kuti mumwe murume muduku ane ndebvu aiteerera nguva dzose, naizvozvo ndakavamba kutaura zvakananga kwaari. Akanga ari wemhuri yavaKaturike vakasimba asi aibvunza mibvunzo yakawanda pamusoro penhau dzakadai sokusvuta, kutarira mafirimu ounzenza, uye aiita unyanzvi hwokuzvidzivirira nahwo hwejudo. Ndakamuratidza icho Bhaibheri rinotaura, uye kukushamisika kwangu kunofadza, zuva rakatevera akandikoka kuzoona achiparadza chikwepa chake negwenya pamwe chete nomuchinjikwa wake, akaparadza mafirimu ake ounzenza, uye akaveura ndebvu dzake. Murume akachinja munguva pfupi zvikuru! Akaregawo kuita judo uye akakumbira kufunda Bhaibheri neni zuva nezuva. Pasinei zvapo nechishoro chaibva kumudzimai wake uye baba, akaita fambiro mberi yakanaka mumudzimu nebetsero yehama dzaigara pedyo naye. Munguva pfupi, akabhapatidzwa uye nhasi anobatira somukuru weungano. Mudzimai wake nevana vakagamuchirawo zvokwadi.

Kugoverana Mubasa roUmambo

Apo ndakanga ndava naanenge makore 14 okukura, ndakatanga kushanda mufemu yokushambadzira, uko ndakadzidza kunyora zvikwangwani. Ikoku kwakabvumikisa kuva kunoshanda zvikuru, uye kwamakore anoverengeka ndakanga ndiri hama bedzi muSão Paulo yaishandiswa kunyora zvikwangwani nezviratidzo zvapamusoro pomugwagwa zvaizivisa nezvehurukuro dzavose nekokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha. Kwaanodokusvika makore 30, ndakava neropafadzo yokubatira somutariri weDhipatimendi Rokunyora Zvikwangwani. Ndaichengeta mazororo angu nguva dzose kuti ndishande pakokorodzano, kunyange kurara muhoro yekokorodzano kuti zvikwangwani zvinyorwe panguva.

Ndakavawo nomukana wokushanda nemotokari yeSosaiti yaibudisa manzwi, icho chakanga chiri chinhu chitsva chaicho panguva yacho. Taiisa zvinyorwa zvedu zveBhaibheri pachigadziko, uye sezvo motokari yaibudisa manzwi yaiparidza shoko rakatapwa, taitaura kuvanhu vaibuda mumisha yavo kuti vaone chakanga chichiitika. Imwe nzira yatakashandisa kuzivisa mashoko akanaka oUmambo yakanga iri yegiramufomu rinotakurika, uye ndichine marekodhi aishandiswa kupa zvinyorwa zveSosaiti. Zvinyorwa zveBhaibheri zvakawanda zvikurusa zvakagoverwa somugumisiro.

Mumazuva iwayo Chechi yeKaturike yaiita midungwe mirefu mumigwagwa yeSão Paulo, kazhinji kazhinji varume vachiva pamberi vachivhura nzira. Imwe Svondo, Baba neni takanga tichigovera Nharireyomurindi neMukai! mumugwagwa apo mudungwe murefu wakaoneka. Baba, sezvayakanga iri tsika yavo, vakanga vakapfeka ngowani yavo. Mumwe wavarume akanga ari pamberi pomudungwe akadanidzira, kuti: “Bvisa ngowani yako! Hauoni here kuti mudungwe uri kuuya?” Apo Baba vakarega kubvisa ngowani yavo, varume vakawanda vakauya, vachitisundira kufafitera rechimwe chitoro vachiparira dzongonyedzo. Ikoku kwakabata ngwariro yomumwe mupurisa, uyo akauya kuzoona chakanga chichiitika. Mumwe wavarume akamubata ruoko, achida kutaura naye. “Bvisa ruoko rwako payunifomu yangu!” mupurisa wacho akarayira kudaro, achivhizura ruoko rwomurume wacho. Ipapo akabvunza chakanga chichiitika. Murume wacho akatsanangura kuti Baba vakanga vasingazobvisi ngowani nokuda kwomudungwe, achiwedzera, kuti: “Ndiri muapostora weRoma Katurike.” Mhinduro isingakarirwi yakanga iri yokuti: “Wati uri muRoma? Ipapo dzokera kuRome! Ino iBrazil.” Ipapo akatendeukira kwatiri, achibvunza, kuti: “Ndiani atanga kusvika pano?” Apo Baba vakapindura kuti ndisu, mupurisa wacho akadzinga varume vacho ndokutiudza kupfuurira nebasa redu. Akamira parutivi pedu kutozosvikira mudungwe wose wapfuura—uye Baba havana kubvisa ngowani yavo!

Zvinoitika zvakadai saichochi zvakanga zvisiri zvenguva dzose. Asi apo zvaiitika, kwakanga kuchikurudzira kuziva kuti kwakanga kuna vanhu vaidavira ruramisiro nokuda kwovorushoma uye vakanga vasinganamati Chechi yeKaturike.

Pane imwe nhambo, ndakasangana nomumwe wechiduku uyo akaratidza fariro ndokundikumbira kudzoka vhiki yaitevera. Pandakadzoka akandigamuchira zvakanaka ndokundikumbira kupinda mukati. Ndakashamiswa sei kuzviona ndimene ndakomberedzwa nechikwata chepwere chichindituka uye chichiedza kundishatirisa! Mamiriro ezvinhu akaipa zvikuru, uye ndakarangarira kuti vaizondidenha nokukurumidza. Ndakaudza akanga andikoka kuti kana chinhu chipi nechipi chikaitika kwandiri, iye oga aizova nomutoro uye kuti mhuri yangu yaiziva kwandakanga ndiri. Ndakavakumbira kuti vandirege ndiende, uye vakabvuma. Zvisinei, ndisati ndabva, ndakataura kuti kana upi noupi wavo aida kutaura kwandiri ari oga, ndaizowanika. Gare gare, ndakaziva kuti vakanga vari boka ravanyanyisi, shamwari dzomuprista womunzvimbomo uyo akanga avakurudzira kuronga uyu musangano. Ndakafara kusava muudzori hwavo.

Pamavambo, chokwadika, fambiro mberi muBrazil yakanga ichinonoka, ichidokuva isingacherechedzwi. Takanga tiri murutivi rwokutanga rwo“kusima,” nenguva shomanene inowanika nokuda kwo“kusakura” no“kukohwa” zvibereko zvamabasa edu. Taiyeuka nguva dzose izvo muapostora Pauro akanyora, achiti: “Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa.” (1 VaKorinte 3:6, 7) Nokusvika kwavakapedza kufunda veGilead vaviri vokutanga muna 1945, takarangarira kuti nguva yakanga yasvika nokuda kwouku kukura kwakanga kwakamirirwa kwenguva refu.

Ushingi Mukunangana Nechishoro

Kukura kwakanga kusati kuchizouya pasina chishoro, zvisinei, zvikurukuru pashure pokunge Hondo yeNyika II yavamba muEurope. Kwakanga kune chitambudzo chakananga nemhaka yokuti vanhu vakawanda zvikuru nezvimwe zvezviremera havana kunzwisisa chimiro chedu chokusatora rutivi. Pane imwe nhambo, muna 1940, apo takanga tichiita basa ramagazini nezvikwangwani pakati peSão Paulo, mumwe mupurisa akandisvika achibva nechokumashure, akabvarura zvikwangwani zvacho, uye akandibata ruoko ndokundiendesa kukamba yamapurisa. Ndakatsvaka baba vangu, asi vakanga vasipo. Zvisingizivikanwi kwandiri, ivo nedzimwe hama nehanzvadzi dzinoverengeka, kubatanidza Hama Yuille, avo vakanga vachitarisira basa muBrazil, vakanga vatoendeswa kukamba yamapurisa. Sezvaratidzirwa mundima yokutanga, ikoko ndakasangana naBaba vangu zvakare.

Sezvo ndakanga ndiri muduku, ndaisagona kuchengetwa uye nokukurumidza ndakaendeswa kumusha nomumwe mupurisa ndokugamuchidzwa kuna amai vangu. Usiku humwe chetehwo hanzvadzi dzakabudiswawo. Gare gare mapurisa akasarudza kubudisa hama dzose, dzinenge gumi, kunze kwaHama Yuille. Zvisinei, hama dzakaomerera, dzichiti: “Zvimwe tingaenda tose kana kuti hapana anoenda.” Mapurisa acho akanga akaoma, naizvozvo vose vakapedza usiku vari pamwe chete mukamuri rinotonhora pauriri hwesemende. Zuva rakatevera vose vakabudiswa pasina ganhuriro. Nguva dzinoverengeka hama dzakasungwa nokuda kwokupupura nezvikwangwani. Zvikwangwani zvacho zvakazivisa hurukuro yavose nebhukwana raiva nomusoro unoti Fascism or Freedom, uye zvimwe zviremera zvakakunzwisisa kureva kuti takanga tichitsigira Fascism, uko nenzira yomuzvarirwo kwakatungamirira kukusanzwisisana.

Basa rehondo rinomanikidzirwa rakapawo zvinetso nokuda kwehama duku. Muna 1948, ndakanga ndiri wokutanga kuiswa mujere muBrazil pamusoro peiyi nhau. Zviremera zvakanga zvisingatongozivi chokuita neni. Ndakachinjirwa kumisasa yamauto yaiva muCaçapava ndokupiwa basa rokudyara nokutarisira muriwo mubindu pamwe chete nokuchenesa kamuri raishandiswa navakuru vakuru nokuda kwerovedzo yokurwa. Ndakanga ndine mikana yakawanda yokupupura nokugovera varume vacho zvinyorwa. Mukuru mukuru anotarisira akanga ari wokutanga kubvuma kopi yebhuku reSosaiti raChildren. Gare gare, ndakatogoverwa kupa zvidzidzo pamusoro porudzidziso kumauto anenge 30 kana kuti 40 ayo akanga asingakwanisi kurovedza muviri uye akanga akapfigirwa murimwe kamuri. Pakupedzisira, mushure meinenge mwedzi gumi ndiri mujere, ndakatongwa ndokubudiswa. Ndinoonga Jehovha, uyo akandipa simba rokutsungirira tyisidziro dzacho, kusaremekedza, uye kutuka izvo ndaiwana kubva kuvamwe vavarume.

Mubetseri Akatendeka uye Akavimbika

Pana June 2, 1951, ndakaroora Barbara, uye chibviro chenguva iyoyo ave ari shamwari yakavimbika uye yakatendeka mukudzidzisa vana vedu uye kuvarera mu“kuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Pavashanu vavana vedu, vana vari kubatira Jehovha nomufaro munzvimbo dzakasiyana-siyana. Tariro yedu ndeyokuti, pamwe chete nesu, vachapfuurira kutsungirira muzvokwadi uye kubetsera mukuparira fambiro mberi yesangano nebasa riri kuitwa. Mitezo yemhuri iri mumufananidzo wakabatanidzwa vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha kunze kwomudukusa, mucheche ari mumaoko. Pana ivava, vana vakuru uye vaviri mapiyona enguva dzosewo, kuchiratidzira uchokwadi hwaZvirevo 17:6, inoti: “Vazukuru ikorona yavatana; kukudzwa kwavana ndivo madzibaba avo.”

Zvino, pazera ramakore 68, utano hwangu hausati huri hwakanakisisa. Muna 1991, ndakagadziridzwa tsinga nhatu dzeropa kupfurikidza nokuvhiya uye gare gare ndakavhiyiwa tsinga yeropa kupfurikidza nokushandisa chubhu inotatamuka. Zvisinei, ndinofara kuva ndinokwanisa kupfuurira kubatira somutariri anotungamirira muungano iri muSão Bernardo do Campo, ndichitevera mumakwara ababa vangu, avo vakanga vari pakati povokutanga kutanga basa kuno. Zera redu zvamazvirokwazvo nderechienzi, richiva nomukana wokugoverana muropafadzo isingazotongodzokororwi yokuzivisa kugadzwa kwoUmambo hwouMesiya hwaJehovha. Naizvozvo hatitongofaniri kukanganwa mashoko aPauro kuna Timotio, anoti: “Asi iwe . . . bata basa romuevhangeri, upedzise basa rako kwazvo.”—2 Timotio 4:5.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vabereki vangu, Estefano naJuliana Maglovsky

[Mufananidzo uri papeji 26]

José naBarbara nemitezo yemhuri yavo yavabatiri vakazvitsaurira vaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe