RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 2/1 pp. 20-23
  • Ndakasimbiswa Nechivimbo Changu Muna Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakasimbiswa Nechivimbo Changu Muna Jehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwana Chivimbo Muna Jehovha
  • Ndakasimbiswa Nomubato Womudzimu
  • Ushumiri Hwenguva Yakazara Hwakakudzwa
  • Migove Yangu yapaBheteri
  • Nzvimbo Yedu yeBheteri
  • Ropafadzo Dzinokosheswa
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Kubatira Jehovha Semhuri Yakabatana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 2/1 pp. 20-23

Ndakasimbiswa Nechivimbo Changu Muna Jehovha

YAKATAURWA NAAGENOR DA PAIXÃO

Mwanakomana wedu bedzi, Paul, akafa nebronchitis apo akanga achingova nemwedzi 11 chete yokukura. Mwedzi mitatu gare gare, pana August 15, 1945, mudzimai wangu anokosha akafa nemabayo. Ndakanga ndine makore 28, uye idzi ngwavaira dzakandisiya ndasuruvara uye ndichitambudzika. Bva chivimbo muna Jehovha nezvipikirwa zvake zvakandisimbisa. Regai ndirondedzere kuti ndakasvika sei pakuva neichi chivimbo.

KUBVA panguva yokuberekwa kwangu muSalvador, Bahia State, Brazil, pana January 5, 1917, Mai vakandidzidzisa kunamata “vasande” veChechi yeKaturike. Vaitomutsa vakoma vangu neni mangwanani-ngwanani kuitira kuti tigogona kunyengetera pamwe chete. Zvisinei, vabereki vangu vaipindawo misangano yecandomblé, miitiro yechiAfrica yeBrazil yevoodoo. Ndairemekedza zvitendero izvi, asi ndakanga ndisina chivimbo muvaidanwa kunzi vasande vechiKaturike kana kuti mucandomblé. Rwakandiodza mwoyo zvikurukuru rwakanga rwuri rusaruraganda rwairatidzirwa mukati maaya marudzidziso.

Pashure penguva yakati vakoma vangu vaviri vakabva pamusha kuti vatsvake basa. Gare gare baba vangu vakasiya mhuri. Naizvozvo pazera remakore mapfumbamwe, ndakanga ndichifanira kutsvaka basa kuti ndibetsere mai vangu nehanzvadzi yangu duku. Anenge makore 16 gare gare, kurukurirano nomushandi biyangu womufekitari dzakabvumikisa kuva nguva yechinjo inokosha muupenyu hwangu.

Kuwana Chivimbo Muna Jehovha

Ndakasangana naFernando Teles muna 1942. Aiwanzotaura kuti kwaiva kusina kururama kunamata “vasande.” (1 VaKorinte 10:14; 1 Johane 5:21) Pakutanga handina kupa ngwariro ipi neipi kwaari. Asi uchokwadi hwake nokufarira kwake vanhu, pasinei zvapo noruvara rwavo, zvakandikwezva, uye ndakasvika pakuyemura zivo yake yeBhaibheri, zvikurukuru zvaaitaura pamusoro poUmambo hwaMwari nepasi riri paradhiso. (Isaya 9:6, 7; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:3, 4) Achicherekedza fariro yangu, akandipa Bhaibheri nemamwe mabhuku eBhaibheri.

Mavhiki mashomanene gare gare, ndakagamuchira kokero kufundo yeBhaibheri yeungano. Boka racho rakanga riri kufunda bhuku raReligion, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society. Ndakafarikanya fundo yacho ndokuvamba kupinda misangano yose yeungano yeZvapupu zvaJehovha. Kwakandiorora zvikuru kwakanga kuri kushayikwa kworusaruraganda uye nzira yandakakurumidza kugamuchirwa nayo. Panenge panguva iyoyo ndakavamba kunyenga Lindaura. Pandakataura naye pamusoro pezvandakanga ndiri kudzidza, akavamba kupinda misangano neni.

Chimwe chinhu chakandiorora pamisangano yacho yakanga iri simbiso yaiiswa pabasa rokuparidza. (Mateo 24:14; Mabasa 20:20) Ndakurudzirwa nemapiyona, seizvo vashumiri venguva yakazara vanodanwa, ndakavamba kutaura nenzira isina kurongwa kuvamwe vaiva muchitima sezvandaidzoka nokuenda kubasa. Apo ndaiwana mumwe munhu akanga achifarira, ndaitora kero yake ndokumushanyira kuti ndiedze kusakurira fariro iyoyo.

Munguvayi, chivimbo changu muna Jehovha nesangano rake raari kushandisa chakaramba chichikura. Nokudaro, pashure pokuteerera hurukuro yeBhaibheri pamusoro petsauriro yechiKristu, ndakabhabhatidzwa, muAtlantic Ocean, pana April 19, 1943. Pazuva rimwe chetero, ndakagoverana kokutanga muushumiri hwapaimba neimba hwenguva dzose.

Mavhiki maviri gare gare, pana May 5, Lindaura neni takaroorana. Ipapo, muna August 1943, akabhabhatidzwa mukati megungano rokutanga rakaitwa neZvapupu zvaJehovha muguta reSalvador. Yearbook of Jehovah’s Witnesses ya1973 yakati pamusoro pegungano iroro: “Chiito chevafundisi chakakwanisa kunyaradza hurukuro yavose muSalvador, asi kwete kuzivisa kukuru kwakaisvonaka . . . kusati kwaitwa.” Ufakazi hwenhungamiro yaJehovha mukutarisana nechitambudzo chakakomba hwakasimbisa chivimbo changu maari.

Sezvandarondedzera pakuvamba, makore maviri chete pashure pokubhabhatidzwa kwaLindaura—uye mwedzi mitatu pashure porufu rwomwanakomana wedu—mudzimai wangu anodiwa akafa. Akanga ane makore 22 bedzi. Asi chivimbo chandakanga ndinacho muna Jehovha chakandisimbisa mukati memwedzi iyoyo yakaoma.

Ndakasimbiswa Nomubato Womudzimu

Muna 1946, gore rimwe pashure pokurasikirwa nomudzimai wangu nomwanakomana, ndakagadzwa somubatiri wefundo yeBhaibheri muungano imwe yakanga iri muSalvador panguva iyoyo. Gore rimwe chetero Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chakatanga muungano dzaiva muBrazil, uye ndakava muitisi wechikoro wokutanga muruwa rweBahia. Ipapo muna October 1946, Gungano Roumwari re“Marudzi Anofara” rakaitwa muguta reSão Paulo. Mushandirwi wangu kwamakore gumi akataura kuti akanga achindida uye akandidzvinyirira kuti ndisaenda. Zvisinei, pashure pokunge ndamutsanangurira kuti kupinda kwangu gungano racho kwaizoreva zvakawanda sei kwandiri, akandipa chipo chomwoyo wose ndokundishuvira kufamba zvakanaka parwendo rwacho.

Marusando egungano muSão Paulo’s Municipal Theater akaitwa muchiPutukezi—mutauro weBrazil—pamwe chete nomuchiNgezi, chiGerman, chiHungarian, chiPolish, uye chiRussian. Pagungano iroro magazini yeMukai! yakabudiswa muchiPutukezi. Ndakaororwa kwazvo negungano racho—vane 1 700 vakapinda hurukuro yavose—zvokuti ndakazadza kumbiriso ndokuvamba kupiyona pana November 1, 1946.

Panguva iyoyo taishandisa giramufomu zvikuru mubasa redu roupiyona. Hurukuro yaiti “Dziviriro” yakanga iri imwe yataiwanzoridzira vanasaimba. Pashure pacho, taiti: “Kuti tizvidzivirire timene kumuvengi asingaoneki, tinofanira kunamatira kushamwari isingaonekiwo. Jehovha ndiye shamwari yedu hurusa uye ane simba zvikuru kupfuura muvengi wedu, Satani. Naizvozvo tinofanira kusanonamatira kuna Jehovha kuti tizvidzivirire timene kwaari.” Ipapo taigovera bhukwana raProtection, iro raigovera mamwe mashoko.

Ndakanga ndapiyona risingasviki gore apo ndakagamuchira kokero yokubatira sapiyona chaiye neUngano yeCarioca muRio de Janeiro. Ikoko pane dzimwe nguva taitarisana nechishoro chakasimba. Mumwe wangu, Ivan Brenner, kamwe akarwiswa chaizvoizvo nasaimba. Vavakidzani vakadana mapurisa, uye tose takaendeswa kukamba yamapurisa.

Mukati mokubvunzurudzwa, saimba aiva akashatirwa akatipomera kukangaidza rugare. Mukuru wamapurisa akamurayira kuti arambe akanyarara. Ipapo mukuru wamapurisa akatendeukira kwatiri uye nounyoro akati takanga takasununguka kuenda. Akabata mupomeri wedu ndokumutongera kudenha. Mamiriro ezvinhu akadaro akasimbisa chivimbo changu muna Jehovha.

Ushumiri Hwenguva Yakazara Hwakakudzwa

Pana July 1, 1949, ndakafadzwa kukokwa kuzobatira paBheteri, seizvo nzvimbo huru dzeZvapupu zvaJehovha munyika dzinodanwa. Bheteri yomuBrazil panguva iyeyo yakanga iri pa330 Licínio Cardoso Street muRio de Janeiro. Panguva yacho, pakanga pachingova nevanhu 17 mumhuri yose yeBheteri. Kwenguva yakati ndakapinda neUngano yomunzvimbomo yeEngenho de Dentro, asi gare gare ndakagoverwa somutariri anotungamirira muungano bedzi yaiva muBelford Roxo, guta riri makiromita mashomanene kubva kuRio de Janeiro.

Kupera kwevhiki kwakanga kwakabatikana zvikuru. PaMigovera ndaienda kuBelford Roxo nechitima, ndaigoverana muushumiri hwomumunda mumasikati, uye ipapo ndaienda kuChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari noMusangano Webasa mumanheru. Ndairara ikoko nehama dzacho ndokutora rutivi muushumiri hwomumunda mangwanani aitevera acho. Masikati iwayo ndaipinda hurukuro yavose yeBhaibheri uye Fundo yeNharireyomurindi ndokudzokera kuBheteri panenge pa9:30 usiku. Nhasi mune ungano 18 muBelford Roxo.

Muna 1954, pashure pemakore matatu nehafu orudungwe irworwo, ndakagoverwa kudzokera kuRio de Janeiro somutariri anotungamirira muUngano yeSão Cristóvão. Kwamakore gumi akatevera, ndakabata neungano iyoyo.

Migove Yangu yapaBheteri

Mugove wangu wokutanga wapaBheteri wakanga uri wokuvaka garaji remotokari imwe yeSosaiti, Dodge ya1949 yakapiwa zita romusere rokuti Chocolate nemhaka yoruvara rwayo rweshava. Apo garaji racho rakapedzwa, ndakagoverwa kushanda mukicheni, mandakagara kwamakore matatu. Ipapo ndakachinjirwa kuBato reJob Press, umo ndave ndiri zvino kwaanopfuura makore 40.

Zvakawanda zvezvokudhindisa zvatakanga tinazvo zvakanga zviri zvekare. Somuenzaniso, kwamakore akawanda takanga tine muchina wokutsikirira wataidana nenzira yorudo kuti Sara, zita romudzimai waAbrahama. Wakanga washandiswa kwamakore akawanda mufekitari padzimbahwe reWatch Tower Society muBrooklyn, New York. Ipapo muma1950, wakatumirwa kuBrazil. Kuno, kufanana nomudzimai waAbrahama, muukweguru hwawo wakabereka zvibereko—muchimiro chemagazini eNharireyomurindi neMukai!

Handina kutongorega kushamiswa newedzero munhamba yezvinyorwa zvinobudiswa mumuchina wokudhinda weBrazil. Mugore rose ra1953, takadhinda magazini 324 400, asi zvino kubudiswa kwacho kunopfuura mamiriyoni matatu mwedzi mumwe nomumwe!

Nzvimbo Yedu yeBheteri

Kwave kuchifadza mukati mamakore akapfuurira kuona kukura kwenzvimbo yedu yeBheteri muBrazil. Muna 1952 takavaka fekitari ine nhurikidzwa mbiri seri kwomusha wedu muRio de Janeiro. Ipapo muna 1968, Bheteri yakatamisirwa kuchivako chitsva muguta reSão Paulo. Apo takatama, chinhu chiri chose chairatidzika kuva chikuru uye pane nzvimbo yakakura nokuda kwemhuri yedu yeBheteri yemitezo 42. Taifunga chaizvoizvo kuti ichi chivako chaizobatira nokuda kwokukura kwedu kwose kwomunguva yemberi. Zvisinei, muna 1971 wedzero mbiri dzenhurikidzwa shanu dzakavakwa, uye fekitari yakabatana nadzo yakatengwa, kugadziridzwa, uye kubatanidzwa neichi chivako. Asi mukati mamakore mashomanene, wedzero inopfuuridzirwa yevazivisi voUmambo—takapfuura 100 000 muna 1975—yakada imwe nzvimbo.

Naizvozvo, zvivako zvitsva zvakavakwa anenge makiromita 140 kubva kuSão Paulo pedyo netaundi duku reCesário Lange. Muna 1980 mhuri yedu yeBheteri yemitezo 170 yakatamisirwa kuiyi nzvimbo itsva. Kubva ipapo basa roUmambo rakakura zvinoshamisa. Zvino tine vanopfuura 410 000 vari kugoverana nguva dzose mubasa rokuparidza muBrazil! Kuti titarisire zvinodikanwa zvomudzimu zvaava vazivisi voUmambo vose, takafanira kuramba tichivaka mafekitari matsva kuti tidhinde mabhuku eBhaibheri uye nzvimbo dzokugara itsva kuti tiwanise vazvipiri vapaBheteri pokugara. Pari zvino tine inenge mitezo yemhuri yeBheteri 1 100!

Ropafadzo Dzinokosheswa

Ndinorangarira basa rapaBheteri seropafadzo inokosha. Nokudaro, kunyange zvazvo mumakore apakuvamba ndairangarira kuroorazve, ndakasarudza kunangidzira ngwariro zvizere paropafadzo dzangu paBheteri uye mubasa rokuparidza. Pano ndakava nomufarwa wokubatira pamwe chete navanhu vaduku vasingaverengeki munzvimbo yokudhindira uye wokuvarovedza mumigove yavo. Ndakaedza kubata navo sokunge vaiva vana vangu. Shingairo yavo nokusava noudyire zvakava manyuko ekurudziro huru kwandiri.

Imwe ropafadzo yave iri iyo yokufarikanya songaniro yomukamuri rimwe chetero yakaisvonaka mumakore akapfuura. Chokwadi, misiyano muunhu padzimwe nguva yakaparira denho. Bva ndakadzidza kusakarira kukwana kune vamwe. Ndakavavarira kurega kukudza zvinhu zviduku kana kuti kuzvirangarira ndimene nenzira yakakomba zvikurusa. Kuseka mhosho dzangu ndimene kwakandibetsera kushivirira dzavamwe.

Imwe ropafadzo inokosha yandakafarikanya yakanga iri yokukwanisa kupinda makokorodzano makuru amarudzi akawanda muUnited States. Rimwe raiwawa rakanga riri Gungano ra“Mashoko Akanaka Asingaperi,” rakaitirwa paYankee Stadium, New York, muna 1963, uye rimwe racho rakanga riri Gungano Ramarudzi Akawanda re“Rugare Pasi Pano” rakaitwa panzvimbo imwe cheteyo muna 1969. Apo ndakanga ndiri ikoko, ndakava nomufaro wokushanyira dzimbahwe raiva pedyo reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York!

Yakanga iriwo ropafadzo yangu kwamakore gumi kugoverana—mukuchinjana navamwe—mukutungamirira pakunamata kwamangwanani kwemhuri yeBheteri. Zvisinei, ropafadzo yakaisvonaka zvikurusa, iyo yakandiunzira mufaro mukuru nekurudziro, ndeiyo yokuendesa shoko roUmambo kuvane mwoyo yakatendeseka, kunyange seizvo Tenzi wedu, Jesu Kristu, akaita.

Mumakore mashoma apfuura ndakatarisana nedenho yokurarama nehosha yeParkinson. Itiro hanya yorudo yehama nehanzvadzi dziri muchipatara cheBheteri yave iri manyuko ebetsero yenguva dzose nenyaradzo kwandiri. Nechivimbo chakazara, ndinonyengetera kuti Jehovha agondipa simba rokupfuurira kuita unani hwangu mukunamatwa kwake kwechokwadi.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Bazu reBrazil uko zvino ndinogara

[Mifananidzo iri papeji 23]

Nomudzimai wangu, uyo akafa muna 1945

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe