RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 8/15 pp. 3-4
  • Unogona Sei Kurarama Munharaunda Ine Ngozi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Sei Kurarama Munharaunda Ine Ngozi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchengeta Chimiro Chendangariro Chakanaka
  • Hondo Isingahwinhwi Mukurwisana Neutsotsi
    Mukai!—1998
  • Apo Kwakanga Kusina Utsotsi
    Mukai!—1998
  • Kurwisa Kugumisa Utsotsi
    Mukai!—1996
  • Kuparwa Kwemhosva Hakuderedzeki Here?
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 8/15 pp. 3-4

Unogona Sei Kurarama Munharaunda Ine Ngozi?

“NDAITYA nguva dzose. Ndaitya ndiri murifiti yomuchivako. Ndaitya ndiri mumotokari yangu. Ndaitya ndiri mufurati rangu. Kwaiva noutsotsi kwose kwose. Vanhu vaigarobirwa,” anodaro Maria. Unonzwa souyu mukadzi wokuBrazil here, kutya uri munharaunda yako, zvikurukuru murima rousiku?

Kurava nyaya dzoutikitivha kungava kunofadza, asi muupenyu chaihwo hakuwanzovi nomugumo unofadza. Mhosva ingaramba isina kupedzwa. Kana kuti nyaya dzavanhu vanouraya vanhu, mumwe munhu anofanira kupfuurira kurarama asina murume, baba, kana kuti mwanakomana, asina mudzimai, amai, kana kuti mwanasikana. Utsotsi hwamasimba masimba huri kuwedzera munharaunda yako here? Unopanga nzvimbo yakanyarara uko mhuri yako yaizova yakakotsekana here? Kana kuti, kana ukamanikidzirwa kurerera vana vako munharaunda yakazadzwa noutsotsi, chii chaunogona kuita kuti upukunyuke?

Sezvinobvumwa, kuchine maguta uko utsotsi hushomanene hunoshumwa. Munyika dzakawanda, vanhu vachiri kugara murunyararo rwomumaruwa kana kuti mumisha ine runyararo. Asi zvinhu zviri kuchinja nokukurumidza kunyange munzvimbo dzaichimborangarirwa sedzisina utsotsi. Somuenzaniso, muBrazil makore 50 apfuura, 70 muzana yavanhu yaigara mumaruwa. Zvino 70 muzana inogara mumaguta. Pamwe chete nemikana yamabasa kwakauya wedzero muzvinetso zvomuguta, zvakadai soutsotsi namasimba masimba. Ungave uchigara munzvimbo ine ngozi kana kuti kwete, uchiri anofanira kuenda kubasa kana kuti kuchikoro uye kuita zvinhu zvakawanda usiri pamusha.

Achibvuma “zviratidzo zvorutyo,” mukuru wamapurisa muRio de Janeiro anodudza kusaruramisira kwomunzanga noutsotsi hwakarongwa sezvinhu zvinoparira. Anorangarirawo kuti mapepanhau neterevhizheni zvinoparirawo rutyo rwakapararira, “rwuri kupesvedzera mudzimu wavanhu nenhau dzinosuruvarisa.” Kupindwa muropa nemurimo, kuputsika kwemhuri, uye dzidziso yakaipa yorudzidziso zvinoparirawo kuwedzera kwokusateerera mutemo. Uye nguva yemberi ichaunzei? Muitiro wenguva dzose wezviono zvamasimba masimba, unodukupiswa mumabhuku nomumafirimu sevaraidzo, zvichaparira vanhu kuva vasingarangariri vamwe here? Nharaunda dzinorangarirwa kuva dzisina utsotsi dzichavawo dzine ngozi here?

Sezvo masimba masimba asati ari musere nokuda kwanyajambwa, tine chishuvo chakasimba chokuva vakakotsekana. Hakushamisi kuti vagari vanoitira hanya vanorayira mapurisa akawedzerwa mumigwagwa uye zvirango zvomutorongo zvakakomba zvikuru kana kuti kunyange chirango chorufu! Pasinei zvapo nengozi, vamwe vanowana pfuti dzokuzvidzivirira vamene. Vamwe vachida kuti zviremera zviganhurire kutengeswa kwezvombo. Asi pasinei zvapo nenhau dzakaipa dzokuti utsotsi hwakapararira, hapana dikanwo yokupera mwoyo. Kutaura idi, vagari vakawanda vemumaguta makuru akadai seJohannesburg, Mexico City, New York, Rio de Janeiro, uye São Paulo havana kutongobirwa. Ngatinzverei kuti vanhu vanorarama sei munharaunda ine utsotsi.

Kuchengeta Chimiro Chendangariro Chakanaka

Pamusoro penharaunda yakazadzwa noutsotsi, mumwe munyori anotsinhira pamusoro pe“kungwarira nokushivira kwezviuru zvavaBrazil vakakwanisa kurarama nechiremera chakati uye gadzikano pasinei zvapo namamiriro ezvinhu akaoma.” Pashure pamakore 38 ari muRio de Janeiro, Jorge anoti: “Ndinodzivisa migwagwa nenharaunda dzakati handiratidzi chiringa chipi nechipi. Ndinodzivisawo kufamba mumugwagwa usiku uye handiratidzi kunyanyotya. Kunyange zvazvo ndakangwarira, ndinorangarira vanhu sokunge kuti vaiva vakatendeseka, ndichivabata nechiremera noruremekedzo.”

Hungu, dzivisa zvinetso zvisiri madikanwa. Usapindira muzvinhu zvavamwe. Usatongorerutse idi rokuti rutyo rwakanyanyisa runogona kutapura simba rokufunga, kuchiita kuti kunyange vanhu vanosanozvibata vaite nenzira isina mufungo. Pamusoro pebasa rake munzvimbo dzine ngozi, Odair anoti: “Ndinoedza kuva wapachokwadi, ndisingadyisi ndangariro yangu norutyo rwezvinhu zvakaipa zvingaitika nemhaka yokuti ikoku kunoparira kusagadzikana kusiri madikanwa norutyo. Ndinoedza kuremekedza vanhu vose.” Kunze kwokungova akasvinurira uye kuva kure navanonyumwira, anowedzera imwe yamuro yokudzora mirangariro yomunhu amene: “Kupfuura zvose, ndinosakurira chivimbo muna Jehovha Mwari, ndichiyeuka kuti hapana chaasingaoni uye chinhu chiri chose chinoitika chine tendero yake.”

Bva, hapana anoda kugara achitya. Kupfuura zvose, ndiani angaramba kuti rutyo rwakanyanyisa nedzvinyiriro zvinokuvadza utano hwendangariro nohwomuviri? Nokudaro, itariroi iripo nokuda kwaavo vanotya kuti vangagona kudenhwa panguva ipi neipi? Sezvo vakawanda vachitya kuti zvakaipisisa pamusoro poutsotsi zvichiri mberi, tichazomboona mugumo wamasimba masimba here? Tinokukoka kurava nyaya inotevera, “Rutyo Ruchaguma Rini?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe