Nzira Nhete Inoenda Kurusununguko
VANHU vakangwara vashomanene vanopokana kuti chisiko chose chinodzorwa nemitemo yomusikirwo. Iyi mitemo inodzora chinhu chiri chose kubva kumaatomu maduku zvikuru kusvikira kumapoka enyeredzi makuru zvikuru ane mabhiriyoni enyeredzi. Kudai kwakanga kusina kudaro, kwaigona kuva kusina kuronga uye kusina kunzwisisa; upenyu humene hwaisagona kuvapo. Kupfurikidza nokunzwisisa mitemo yomusikirwo uye kushanda nayo, munhu akakwanisa kuita zviito zvinokatyamadza, zvakadai sokufamba pamwedzi uye kutora mifananidzo ine ruvara kubva kunzvimbo ipi neipi pasi pano kana kuti kunyange kubva munzvimbo yakapoteredza pasi ndokuiisa muterevhizheni mumisha yedu.
Asi zvakadini nemitemo yetsika? Kuomerera kwairi kunobetsera uye kunobereka zvibereko nenzira yakafanana here? Vakawanda vanoratidzika kuva vanonzwa kuti hakuna mitemo yetsika uye vanosarudza uzivi hwokuzvisarudzira kana kuti rudzidziso runowirirana nezvishuvo zvavo vamene.
Kune vamwe, zvisinei, vanosarudza imwe nzira, ‘nzira nhete inotungamirira kuupenyu’ sezvinooneswa muBhaibheri. Hatifaniri kushamisika kuti ichi chisarudzo chevorushoma bedzi, nokuti Jesu akati nezvenzira nhete: “Vanoiwana vashoma.” (Mateo 7:14) Neiko vashomanene chete?
Nemhaka yokuti nzira nhete inoganhurirwa nemitemo nenheyo zvaMwari. Ingafadza bedzi mumwe munhu ari kushuva zvapachokwadi kuwiriranisa upenyu hwake nemipimo yaMwari. Mukupesana kukuru nenzira yakafara, iyo inopa rusununguko rwokunyengera asi chaizvoizvo ichiisa muuranda, nzira nhete, iyo inoratidzika kuva inoganhurira, inosunungura munhu murutivi rwuri rwose runokosha. Miganho yayo inogadzwa ne“murayiro wokusunungurwa.”—Jakobho 1:25.
Nzira Iyo Nzira Nhete Inosunungura Nayo
Chokwadi, hakusati kuri nyore nguva dzose kurambira panzira nhete. Munhu mupenyu ari wose haana kukwana uye ane kombamiro yakagarwa nhaka kukuita zvakaipa. Naizvozvo mumwe munhu angakombamira kurasika zvishoma. Kunyange zvakadaro, betsero dzokunamatira ku‘nzira yakamanikana’ dzakafanirwa nokuzviranga kana kuti chinjo dzipi nedzipi dzinodikanwa, nokuti Mwari ‘anotidzidzisa kuti tizvibetsere.’—Isaya 48:17; VaRoma 3:23.
Kuenzanisira: Vabereki vakachenjera vanoronga ‘nzira yakamanikana’ yezvokudya nokuda kwavana vavo. Ikoku pane dzimwe nguva kunoreva kuva vakasimba panguva dzezvokudya. Asi apo vana vanokura, vachaonga chirango chorudo chavabereki vavo. Savakuru, vachave vakudziridza kuda zvokudya zvinovaka muviri. Uye mhatsa huru yezvokudya zvinovaka muviri zvinowanika zvichabvisa kutongonzwa kwavo vachiganhurirwa.
Munzira yomudzimu, Mwari anoita zvimwe chetezvo naavo vari panzira nhete inotungamirira kuupenyu. Anosakurira muvanyoro zvishuvo zvakanaka izvo zvinotungamirira kumufaro norusununguko rwechokwadi. Ikoku anokuita kupfurikidza nokugovera Shoko rake, Bhaibheri. Mukuwedzera, anotikumbira kunyengeterera mudzimu wake kuti utibetsere, uye anotirayira kusonganirana navaKristu biyedu, avo vanogona kutikurudzira kurambira munzira nhete. (VaHebheru 10:24, 25) Hungu, Mwari rudo, uye iri vara guru ndiro hwaro hwevavariro dzake nemitoo yake yose.—1 Johane 4:8.
Apo rudo, rugare, runako, kuzvidzora, uye zvimwe zvibereko zvomudzimu waMwari zvinotekeshera, nzira nhete haisati ichiratidzika kuva inoganhurira. Seizvo rugwaro runotaura, “hakuna murayiro unodzivisa zvinhu zvakadai.” (VaGaratia 5:22, 23) “Pane Mweya waShe, pane sununguko.” (2 VaKorinte 3:17) Kunyange zvino, vaKristu vechokwadi vari kuravidza urwu rusununguko. Vakasununguka pakwakawanda kwokutya kuri kutambudza vanhu nhasi, kwakadai sokutya nguva yemberi uye kutya rufu kwokudavira mashura. Kunofadza sei kufungisisa nguva yemberi apo “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa”! (Isaya 11:9) Ipapo, kunyange kutya utsotsi hakuzovipozve. Kiyi nemipingo zvichava zvisisipo nokusingaperi. Vose vachanzwa vakasununguka uye vakakotsekana—masikati nousiku, pamusha uye pasiri pamusha. Irworwo ruchava rusununguko zvirokwazvo!
Tinovimbiswa Betsero yaMwari
Chokwadi, kurarama mukuwirirana nemipimo yaMwari kunoda nhamburiko, bva “mirayiro yake hairemi,” kunyange nokuda kwavanhu vasina kukwana. (1 Johane 5:3) Sezvatinochinjira kunzira nhete ndokunzwa betsero dzokufamba mairi, tinokudziridza kusada kunokura nzira nokufunga izvo zvinozivisa avo vari munzira yakafara. (Pisarema 97:10) Kuteerera mutemo waMwari kunofadza hana dzedu tose. Panzvimbo po“kurwadziwa kwomwoyo” uye ku“wungudza nokuputsika kwomweya” izvo zviri chiratidzo chavakawanda, Mwari anopikira, kuti: “Tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo.” Hungu, mwoyo wakarovedzwa naJehovha unofara uye wakasununguka.—Isaya 65:14.
Jesu akafa kuti rusununguko chairwoirwo rutibvirire. Bhaibheri rinoti: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomnana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani na[a]ni unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Zvino, saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari, Jesu ari kushandisa betsero dzechibayiro ichocho. Nokukurumidza, mushure mo“kutambudzika kukuru,” apo nzira yakafara naavo vari mairi vachaparadzwa, achavamba nokushivirira kutungamirira rudzi rwomunhu runoteerera nenzira yokushivirira murutivi rwasara rwenzira nhete kusvikira kumugumo wayo chaiko, kukwana kwavanhu. (Zvakazarurwa 7:14-17; Mateo 24:21, 29-31) Pakupedzisira tichawana kuzadzikwa kwechipikirwa chakaisvonaka, chinoti: “Zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” Urwu rusununguko rwakapiwa naMwari harugoni kukundwa. Kunyange rufu ruchabviswa.—VaRoma 8:21; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kupfurikidza nokuona uye kunzwisisa zvakajeka uko nzira nhete inotungamirira, munhu anokwanisa zviri nani kusarudza iyi nzira ndokuramba achifamba mairi. Vechiduku zvikurukuru vanobetserwa kuti vasave nechiono chakaganhurirwa uye kuti vasashatirirwe icho vanorangarira seganhuriro dzinoiswa pavari nemipimo yaMwari. Vanodzidza kuona idzodzi sechibvumikiso chorudo rwaMwari uye sedziviriro mukurwisana nezvakaipa zvenzira yakafara. (VaHebheru 12:5, 6) Chokwadika, mumwe anodikanirwa kuva anoshivirira, achiyeuka kuti kunoda nguva kukudziridza mavara oumwari nezvishuvo, sezvakunongodawo nguva kuti muti wemichero ubereke michero yakanaka. Asi muti wacho uchabereka kana ukasakurirwa nokudiridzwa.
Naizvozvo funda Shoko raMwari, songanirana navamwe vaKristu, uye “ramba uchinyengetera” nokuda kwomudzimu mutsvene. (1 VaTesaronika 5:17) Vimba naMwari kuti akubetsere ku“ruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Asi kwose ikoku kunoshanda here? Kunoshanda chaizvoizvo here? Hungu, kwakashanda kuna Tom uyewo kuna Mary, avo vakadudzwa munyaya yapfuura.
Vakarega Kufamba Munzira Yakafara
Tom anonyora, kuti: “Pakati pama 70, takaonana neZvapupu zvaJehovha apo mumwe wazvo akashanyira musha wedu. Kurukurirano yacho yakatungamirira kufundo yeBhaibheri. Pashoma napashoma ndakavamba kuchenesa upenyu hwangu. Ndakabhapatidzwa muna 1982 uye zvino ndiri kubatira muungano yomunzvimbo muno. Mwanakomana weduwo zvino akabhapatidzwa. Ndinoonga mudzimai wangu nokuda kwokundishivirira kwamakore ose iwayo ndisati ndadzidza zvokwadi. Kupfuura zvose ndinoonga Jehovha neMwanakomana wake, Kristu Jesu, nokuda kwezvose zvavakatipa uye nokuda kwetariro yatava nayo zvino nokuda kwenguva yemberi.”
Uye zvakadini naMary? Eya, ainzwa kuti Mwari aisazotongomukanganwira, asi aida kudzidza pamusoro pake achiitira vana vake. Apo akanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichidzidzisa muvakidzani wake Bhaibheri, akakumbirawo betsero. Zvisinei, miitiro yake yakaipa yakarovererwa mundangariro yakaita kuti fambiro mberi ive yakaoma. Fundo yacho yaifambira mberi nokudzokera shure. Mwanasikana wake muduku aiva namakore manomwe, zvisinei, akamuita kuti apfuurire. “Musaneta, Mhamha. Munogona kukuita!” aidaro. Ipapo Mary aiedza zvakaoma zvikuru.
Apo murume wake wamapoto, aishandisawo mirimo zvisina kufanira, akadzoka kumusha, iyewo akakumbanira fundo yacho. Pakupedzisira vose vari vaviri vakakurira miitiro yavo yakaipa. Ipapo, mushure mokunyoresa pamutemo roorano yavo uye vakasarudza kubhapatidzwa, vakawana mufaro mukuru uye vakanzwa semhuri chaiyo kwenguva yokutanga. Nenzira inosuruvarisa, AIDS pakupedzisira yakauraya Mary, asi akafa mwoyo wake wakanangidzirwa pachipikirwa cheBhaibheri chorumuko noupenyu paparadhiso yapasi, yakacheneswa pazvisaririra zvose zvenzira yakafara inouraya.
Hungu, kunobvira kubuda munzira yakafara uye yakapamhama iyo inotungamirira kuruparadziko. Jesu Kristu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Kuregererei, ipapo, kutsunga kufamba munzira nhete inotungamirira kuupenyu? Kupfurikidza nokurangarira zvakakomba uye kushandisa izvo unodzidza muShoko raMwari, unogona kuwana somunhu oga chipikirwa chinofadza cheBhaibheri, chinoti: “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:32.