Nyika Isina Hondo—Rini?
CHATA yeChibatanwa chaMarudzi yakavamba kushanda pana October 24, 1945. Iyo ndiyo chirongwa chine udzame zvikuru nokuda kwerugare rwenyika chati chamboitwa navanhu. NeNyika 51 dziri mitezo yapakuvamba, Chibatanwa chaMarudzi chakava sangano gurusa ramarudzi akawanda munhau yenyika. Uyewo, kwenguva yokutanga nakare kose, sangano ramarudzi akawanda raizova neuto rokusimbisa rugare nechengeteko ndokuparira nyika isina hondo.
Nhasi, chiine Nyika 184 dziri mitezo Chibatanwa chaMarudzi chakasimba kupfuura nakare kose. Neiko, ipapoka, sangano rine simba zvikurusa ramarudzi akawanda munhau rakakundikana kupedza zvizere zvinangwa zvaro zvakanaka zvikuru?
Rudzidziso—Mhinganidzo Huru
Chinhu chimwe chikuru chinoomesa ibasa iro rudzidziso runoita munhau dzenyika. Chokwadi, marudzidziso makuru enyika akaisa tsigiro yawo kuChibatanwa chaMarudzi kuvambira pakuumbwa kwacho. Achinongedzera kukuchengeta musi wegore negore kwacho kwechi50, Pope John Paul II akataura nezveChibatanwa chaMarudzi se“chishandiso chakaisvonaka chokusimudzira nokuchengetedza rugare.” Mirangariro yake inogoveranwa nenzanga yose yenyika yevatungamiriri vorudzidziso. Asi iyi batano yokungwarira pakati porudzidziso nehurumende haigoni kuvanza idi rokuti rudzidziso rwave rwuri mhinganidzo uye rwunosembura kuChibatanwa chaMarudzi.
Kwamazana amakore rudzidziso rwakaita rutivi rukuru mukusimudzira kana kuti kutsigira ruvengo rwourudzi, hondo, uye kuparadza marudzi. Mumakore mashoma apfuura, mukuedzesera kwemirangariro yorudzidziso, vavakidzani vakaurayana. Shoko rokuti “kuparadza dzinza” rakashandiswa zvakafara maererano nehondo iri muBalkans. Zvisinei, kuvengana kwamasimba masimba uko vakawanda vanako ikoko kwakavakirwa pakuva nechokuita norudzidziso panzvimbo pedzinza, sezvo vakawandisa vavo vane mavambo mamwe chetewo edzinza. Hungu, rudzidziso rwunofanira kugamuchira rutivi rukuru rwemutoro wokudeurwa kweropa muyaichimbova Yugoslavia; Chibatanwa chaMarudzi hachina kukwanisa kukumisa.
Nenzira yakakodzera, mumwe purofesa worudzidziso wapakoreji nguva pfupi yapfuura akataura kuti “munyika yapashure perwisano yepfungwa dzakasiyana umo mune kuwedzera kwehondo yerudzidziso, kunzverwa kwerudzidziso uye kuparadza rudzi kungava chimwe chezvinhu zvinoda ngwariro yokutanga zvikuru, pasinei zvapo nokusagadzikana kwakunoparira.” Kuziva kutsva kwokuti rudzidziso rwuri kudzongonyedza sei nhamburiko dzorugare rwenyika kwakajeka nhasi.
Imwe ziviso yomuna 1981 yeUN yakati: “Nemhaka yokuti tinoitira hanya kuratidzirwa kwokusashivirira uye kuvapo kworusaruro munhau dzorudzidziso kana kuti rudaviro rwuchiri kuoneka mudzimwe nharaunda dzenyika, Tatsunga kugamuchira nzira dzose dziri madikanwa nokuda kwokubviswa kwokukurumidza kwokusashivirira kwakadaro muzvimiro zvakwo zvose nokuratidzirwa uye kudzivirira nokurwisa rusaruro pahwaro hwerudaviro rworudzidziso.”
Mutsinhirano neziviso yavo, Chibatanwa chaMarudzi chakazivisa 1995 kuva Gore Rokushivirira. Kutaura chaizvoizvo, zvisinei, kuchazombobvira here kuwana rugare nechengeteko munyika yakakamurwa norudzidziso?
Nguva Yemberi Yorudzidziso
Uporofita huri mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa hunogovera mhinduro. Hunotaura nezve“mhombwe huru” yokufananidzira iyo inogara sa“vahosi” uye ino“bata ushe hwamadzimambo enyika.” Iyi mhombwe inorarama muku“zvifadza” uye ine ukama nehurumende dzenyika. Idzi hurumende dzinoratidzirwa se“chikara chitsvuku,” pachiri mhombwe inokwira zvakakotsekana. (Zvakazarurwa 17:1-5, 18; 18:7) Achizivikanwa se“Bhabhironi . . . Guru,” uyu mukadzi ane simba uye ane unzenza anotumidzwa zita reBhabhironi rekare, manyuko orudzidziso rwokunamata zvidhori. Nenzira yakakodzera, nhasi mhombwe inomirira marudzidziso ose enyika, ayo akabatanidzwa muzvinhu zvehurumende.
Nhau yacho inopfuurira kutaura kuti, pashure penguva yakati, Mwari achakuisa mumwoyo yamativi ezvehondo echikara kuti aite chiito. Ivava “vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomwoto.” (Zvakazarurwa 17:16)a Nokudaro Jehovha Mwari amene achave aita chiito chokutanga kupfurikidza nokusunda marudzi ane simba mukuita nhimbe kuti abvise rudzidziso rwenhema. Gadziriro yorudzidziso yenyika yose, netemberi dzayo dzoumbozha uye zvinonamatwa, zvichaparadzwa chose chose. Mhinganidzo yorudzidziso kukutanga rugare nechengeteko panguva iyoyo ichave yabva munzira yavo. Asi kunyange panguva iyeyo, kuchave norugare nechengeteko chaizvoizvo pasi pano here?
Muzvarirwo Womunhu Wokusakwana
Kune simbisiro ipi neipi yokuti kubvisa rudzidziso kuchazarurira nzira nyika isina hondo here? Aiwa. Chibatanwa chaMarudzi chichapfuurira kutarisana namamiriro ezvinhu anosuruvarisa. Kune rumwe rutivi, vanhu vanoda rugare nechengeteko. Bva, kune rumwe rutivi, vanhu ndivo vanoparira tyisidziro huru kurugare nechengeteko. Ruvengo, rudado, kuzvikudza, udyire, uye kusaziva utera hwavanhu hunoparira kakavadzano dzose nehondo.—Jakobho 4:1-4.
Bhaibheri rakafanotaura kuti muzuva redu vanhu vaizova “vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi.”—2 Timotio 3:1-4.
Munyori Mukuru Boutros Boutros-Ghali akabvuma kuti “nyika iri kutambura kuipa kwenzanga nekwetsika uko, munzanga dzakawanda, kuri kwemwero mukuru.” Hapana mwero wemazano okuyanana unogona kupomhodza miitiro inokuvadza yomuzvarirwo womunhu asina kukwana.—Enzanisa naGenesi 8:21; Jeremia 17:9.
Jesu Kristu—Muchinda Worugare
Nenzira yakajeka, Chibatanwa chaMarudzi hachina mano okuunza rugare rwenyika. Mitezo navatsigiri vacho vose vanhu vasina kukwana, pasinei zvapo nenharidzano dzavo dzakakwirira. Bhaibheri rinotaura kuti “nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Uyezve, Mwari anonyevera, kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.—Pisarema 146:3.
Bhaibheri rinofanotaura icho Jehovha Mwari achaita kupfurikidza noMwanakomana wake, “Muchinda worugare.” Bhuku raIsaya 9:6, 7 rinoti: “Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”
Marudzi enyika akaneteswa namakore 50 enhamburiko dzakavhiringidzwa. Nokukurumidza zvikuru achaparadza masangano orudzidziso akafanana nemhombwe. Ipapo Jesu Kristu, “MAMBO WAMADZIMAMBO, NASHE WAMADZISHE,” neuto rake ravarwi vokudenga vachaparadza hurumende dzose dzavanhu ndokuuraya vose vanoramba uchangamire hwaMwari. (Zvakazarurwa 19:11-21; enzanisa naDhanieri 2:44.) Kupfurikidza naikoku Jehovha Mwari achaparira nyika isina hondo.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwekufunda kwakadzama uporofita hwebhuku raZvakazarurwa pamusoro peBhabhironi Guru, ona maganhuro 33 kusvikira ku37 ebhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa muna 1988 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Bhokisi riri papeji 7]
MURANGARIRO WECHIKRISTU WECHIBATANWA CHAMARUDZI
Muuporofita hweBhaibheri, hurumende dzavanhu dzinowanzofananidzirwa sechikara. (Dhanieri 7:6, 12, 23; 8:20-22) Nokudaro, kwamakumi amakore akawanda magazini yeNharireyomurindi yakazivisa zvikara zvomuna Zvakazarurwa maganhuro 13 ne 17 nehurumende dzenyika dzanhasi. Ikoku kunobatanidza Chibatanwa chaMarudzi, icho chinofananidzirwa muna Zvakazarurwa ganhuro 17 sechikara chitsvuku chine misoro minomwe nenyanga gumi.
Zvisinei, ichi chimiro chapaMagwaro hachipembedzi chimiro chipi nechipi chokusaremekedza hurumende kana kuti vakuru vakuru vadzo. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswa ipapo naMwari. Saka unoramba simba, unodzivisa zvakaiswa ipapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva.”—VaRoma 13:1, 2.
Nenzira inowirirana, Zvapupu zvaJehovha, izvo zviri kuchengeta kusatora rutivi kwachose chose mune zvamatongerwo enyika, hazvipindiri muhurumende dzavanhu. Hazvinyanduri chimurenga kana kuti kutora rutivi muzviito zvokusateerera kwavagari vemo. Panzvimbo pezvo, zvinoziva kuti hurumende yakati iri madikanwa kuchengetedza mutemo nenhevedzano munzanga yavanhu.—VaRoma 13:1-7; Tito 3:1.
Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sangano reChibatanwa chaMarudzi sezvazvinoita mamwe mapoka ehurumende dzenyika. Zvinobvuma kuti Chibatanwa chaMarudzi chinopfuurira kuvapo netendero yaMwari. Mutsinhirano neBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvinopa ruremekedzo rwakafanira hurumende nokudziteerera chero bedzi kuteerera kwakadaro kusingadi kuti zvitadzire Mwari—Mabasa 5:29.