Kupa—Kunokarirwa Here?
UNGASANOZIVA kuti kupa zvipo kunowanzodzorwa netsika. Mutsika dzakawanda zvikurusa kune nhambo apo zvipo zvinokarirwa. Zvipo zvakadaro zvingarangarirwa seratidzirwo yoruremekedzo kana kuti ratidzirwo yorudo. Zvakawanda zvazvo hazvitongoshandiswi nomugamuchiri; zvimwe zvinobetsera kugutsa zvinodikanwa chaizvo uye zvinoongwa zvikuru.
MuDenmark apo mwana anoberekwa, shamwari nehama dzokunyama dzinoshanya ndokuunza zvipo izvo vanokarira kuti zvichava zvinoshanda kukacheche. Mune dzimwe nyika, shamwari dzingava nepati apo zvipo zvinopiwa mukukarira kubereka.
Nhambo apo zvipo zvinokarirwa, mune zvinoitika zvakawanda, zviitiko zvegore negore. Kunyange zvazvo kuchengeta kwakadaro kwakanga kusiri muitiro pakati pavaKristu vapakuvamba, kwazova kwakakurumbira zvikuru pakati pavanozviti vaKristu vakawanda zvikurusa navasati vari vaKristu zvakafanana. Muitiro wokupa zvipo zvezuva rokuberekwa ungapera mune dzimwe tsika sezvo vana vanokura, asi tsika pakati pavaGiriki inorayira zvakasiyana. MuGreece ngwariro hurusa inopiwa kumazuva okuberekwa. Vanopawo zvipo kumunhu pa“zuva rezita” rake. Iroro chii? Eya, tsika yorudzidziso inobatanidza “musande” akasiyana kuzuva rimwe nerimwe regore, uye vanhu vakawanda vanotumidzwa mazita a“vasande.” Apo zuva ra“vasande” rinosvika, avo vane zita iroro vanogamuchira zvipo.
Mukuwedzera kukuchengetwa kwemazuva okuberekwa nokuda kwavana vavo, vekuKorea vane zororo renyika rinozivikanwa seZuva Ravana. Inguva apo kunenge kune kuvhakacha kwemhuri uye apo zvipo zvinopiwa kuvana pasinei zvapo nezuva ravo rokuberekwa. VekuKorea vanewo Zuva Ravabereki, apo vana vanopa vabereki vavo, uye Zuva Ravadzidzisi, apo vadzidzi vanokudza vadzidzisi vavo ndokuvapa zvipo. Maererano netsika yevokuKorea, apo munhu anosvika makore 60 okukura, pati huru inoitwa. Mhuri neshamwari vanokumbanira mukutambanudzira kushuvira nduramo refu nomufaro, uye zvipo zvinopiwa kuuyo asvika nhambo iyoyo muupenyu.
Muchato ndeimwe nhambo apo tsika yakakurumbira inorayira zvipo. Apo varoorani muKenya vanoroorana, mhuri yechikomba inokarirwa kupa chipo kumhuri yemwenga. Vaenzi vanounzawo zvipo. Kana mwenga nechikomba vakatevera mirayiro yetsika, vachagara pachikuva, apo vaenzi vanounza mberi zvipo zvavo. Sezvo chimwe nechimwe chinopiwa, chiziviso chichaitwa chokuti “Nhingi aunza chipo kuvaroorani.” Vakawanda vavapi vaisazofadzwa zvikuru kudai vaisagamuchira kuzivikanwa kwakadaro.
Pakati pevokuLebanon, apo mumwe munhu anoroora, shamwari navavakidzani, kunyange vanhu vasinganyatsoziva varoorani vacho, vanouya nezvipo kwamazuva akati pashure paikoko. Kubvira pauduku, vanodzidziswa kuti kupa zvipo mutoro, kufanana nokubhadhara chikwereti. “Kana ukasakuita, haunzwi zvakanaka,” akadaro mumwe murume wokuLebanon. “Igamuchidzanwa.”
Panhambo dzose apo kupa kunokarirwa, zvisinei, munyika dzakawanda Kirisimasi ndiyo inokosha. Hazvina kudaro here uko unogara? Nguva pfupi yapfuura sa1990, kwaifungidzirwa kuti vokuAmerica pagore vanopedza anenge mabhiriyoni 40 amadhora pazvipo zveKirisimasi. Nemirangariro mikuru zororo iroro rinochengetwawo navaBuddha uye vaShinto muJapan, uye zvimiro zvakasiyana-siyana zvokuchengeta kwacho zvinowanika muEurope, South America, uye mativi eAfrica.
Kirisimasi mwaka apo vanhu vanokarira kufara, asi vakawanda havasi kudaro. Uye vakawanda vanowana kuti kutenga zvipo kunosundwa nemirangariro uye funganyo pamusoro pokubhadhara mabhiri anowanika zvinofukidza nhambo dzipi nedzipi dzomufaro idzo vanowana.
Bva, Bhaibheri rinotaura kuti kupa kune mufaro. Zvirokwazvo uripo, zvichitsamira pachimiro chendangariro machiri kupa kwacho kunoitwa.—Mabasa 20:35.