RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 5/15 pp. 4-7
  • Chengeteko Yechokwadi Zvino Uye Nokusingaperi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengeteko Yechokwadi Zvino Uye Nokusingaperi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chengeteko Nokuda Kwavabatiri vaMwari
  • Izvo Mwari Anoitira Vanhu Vake
  • Chengeteko Yechokwadi Nokuda Kwavose Here?
  • Pakupedzisira—Chengeteko Yechokwadi Nokusingaperi!
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Rudzii Rwechengeteko Rwaunoshuva?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kutarira Mberi Kwo“rugare Nechengeteko” Zvinoitwa Nomunhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 5/15 pp. 4-7

Chengeteko Yechokwadi Zvino Uye Nokusingaperi

HAPANA panikiro kuti Jehovha Mwari anogona kugovera vanhu vake chengeteko. Ndiye “Wamasimba ose.” (Pisarema 68:14) Zita rake rakatanhamara rinoreva kuti “Anoparira Kuvapo.” Irori rinomuzivisa saIye bedzi muchisiko chose anokwanisa kukurira mhinganidzo ipi neipi kuitira kuti azadzike zvipikirwa zvake ndokuita kuda kwake. Mwari amene anoti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:11.

Mwari anogovera chengeteko nokuda kwaavo vanovimba naye. Shoko rake rinovimbisa ikoku. “Zita raJehovha inhare yakasimba,” akadaro Mambo akachenjera Soromoni achifuridzirwa naMwari. “Wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.” Akatizve: “Aninani unovimba naJehovha, uchachengetwa.”—Zvirevo 18:10; 29:25.

Chengeteko Nokuda Kwavabatiri vaMwari

Jehovha nguva dzose akagovera chengeteko avo vanovimba naye. Somuenzaniso, muporofita Jeremia akafarikanya dziviriro yaMwari. Apo hondo dzeBhabhironi dzakakomba Jerusarema rakaramba kutenda, vanhu vaifanira ku“dya zvokudya zvakayerwa vachitya.” (Ezekieri 4:16) Mamiriro ezvinhu akava akakomba kwazvo zvokuti vamwe vakadzi vakabika ndokudya vana vavo vamene. (Mariro 2:20; 4:10) Kunyange zvazvo Jeremia panguva iyoyo akanga ari muchitokisi nemhaka yokuparidza kwake kwokusatya, Jehovha akava nechokwadi chokuti “vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta.”—Jeremia 37:21.

Apo Jerusarema rakakundwa navaBhabhironi, Jeremia haana kuurawa kana kuti kuzvuzvurudzwa somusungwa achienda kuBhabhironi. Panzvimbo pezvo, “mukuru wavarindi [weBhabhironi] akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.”—Jeremia 40:5.

Mazana amakore gare gare Jesu Kristu akavimbisa vabatiri vaMwari, kuti: “Musafunganya muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukeiko? Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:31-33.

Ikoku kunoreva here kuti vabatiri vaJehovha vachafarikanya dziviriro youmwari pangwavaira yose yomuzuva razvino? Aiwa, hazvina kudaro. Vakatendeka vanogona kukuvadzwa. VaKristu vechokwadi vanorwara, vanotambudzwa, vanova vanyajambwa veutsotsi, vanofa mutsaona, uye vanotambura mune dzimwe nzira.

Kunyange zvazvo Jehovha achigere kugovera chengeteko yakakwana pakuvadziko, mishumo inoratidza kuti anoshandisa simba rake kugovera vabatiri vake ndokuvadzivirira. VaKristu vanodzivirirwawo pazvinetso zvizhinji nemhaka yokuti vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo. (Zvirevo 22:3) Kupfuurirazve, vanofarikanya chengeteko yesangano renyika yose rehama nehanzvadzi dzokumudzimu dzine rudo, idzo dzinobetserana munguva dzokushayiwa. (Johane 13:34, 35; VaRoma 8:28) Somuenzaniso, mukupindura mamiriro ezvinhu akaipa okupererwa nezano rose ehama dzazvo muRwanda yakasakadzwa nehondo, Zvapupu zvaJehovha muEurope zvakapa nokukurumidza ndokudzitumira matani 65 ezvipfeko uye mishonga, zvokudya, uye mimwe migove zvinokosha madhora 14 400 000.—Enzanisa naMabasa 11:28, 29.

Kunyange zvazvo Jehovha achibvumidza miedzo kuwira vaKristu vechokwadi, vane vimbiso yokuti achavapa simba, betsero, uye uchenjeri hwokutsungirira. Achinyorera vatendi biyake, muapostora Pauro akati: “Hakuna muidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.”—1 VaKorinte 10:13.

Izvo Mwari Anoitira Vanhu Vake

Nhasi, mamiriyoni avanhu anofara kuita kuda kwaMwari. Haamanikidzwi kubatira Mwari; anoita saizvozvo nemhaka yokuti anomuziva uye anomuda. Uyewo, nemhaka yokuti Jehovha anoda vabatiri vake vakavimbika, anopikira kushandura pasi kuva paradhiso umo rudzi rwomunhu rwunoteerera ruchafarikanya rugare, utano, uye chengeteko nokusingaperi.—Ruka 23:43.

Mwari achaita ikoku kupfurikidza nehurumende yokudenga, ina Mambo wake akagadzwa, Jesu Kristu, soMutongi wayo. (Dhanieri 7:13, 14) Bhaibheri rinonongedzera kuhurumende iyi se“ushe hwaMwari” uye se“ushe hwokudenga.” (1 VaKorinte 15:50; Mateo 13:44) Umambo hwaMwari huchatsiva hurumende dzose dzavanhu. Panzvimbo pokuva nehurumende zhinji pasi pano, kuchava nehurumende imwe bedzi. Ichatonga mukururama pamusoro papasi rose.—Pisarema 72:7, 8; Dhanieri 2:44.

Jehovha anotambanudzira kuna vose kokero yokurarama muUmambo hwacho. Imwe nzira yaanoita nayo ikoku iri kupfurikidza nokuparadzirwa kukuru kweBhaibheri, bhuku rinotsanangura izvo Umambo huchaitira rudzi rwomunhu. Bhaibheri ndiro bhuku rinoparadzirwa zvikurusa renyika, uye rinowanika zvino, rose kana kuti murutivi, mumitauro inopfuura 2 000.

Jehovha Mwari anobetsera norudo vanhu kunzwisisa izvo Bhaibheri rinodzidzisa pamusoro poUmambo. Anoita saizvozvo kupfurikidza nokurayiridza uye kutuma vanhu kunotsanangurira vamwe Magwaro. Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni mashanu zvino zviri kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika dzinopfuura 230.

Chengeteko Yechokwadi Nokuda Kwavose Here?

Munhu ari wose achagamuchira kokero yokuva mudzorwi weUmambo hwaMwari kupfurikidza nokuwirirana nemipimo yake yakarurama here? Aiwa, nemhaka yokuti vanhu vazhinji havafariri kuita kuda kwaMwari. Vanoramba nhamburiko dzokuvabetsera kuchinja upenyu hwavo nokuda kwezviri nani. Zvirokwazvo, vanozviratidza vamene kuva vakafanana naavo Jesu akati nezvavo: “Mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, nzeve dzavo dzakadzivira; nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, nokunzwa nenzeve, nokunzwisisa nomwoyo, vakadzoka [kuna Mwari] ndivaporese.”—Mateo 13:15.

Kunogona sei kuzombova nechengeteko yechokwadi pasi pano pakati paavo vanoramba kurarama mutsinhirano nenzira dzaMwari dzakarurama? Hakugoni kuva. Vanhu vasina umwari vanotyisidzira chengeteko yaavo vanoda kubatira Jehovha.

Mwari haamanikidzi vanhu kuchinja, asi haasati achizoshivirira ushati nokusingaperi. Kunyange zvazvo Jehovha achipfuurira nokushivirira kutuma Zvapupu zvake kundodzidzisa vanhu nezvenzira dzake nezvinangwa, haasati achizopfuurira kuita saizvozvo kwenguva refu zvikuru. Jesu Kristu akafanotaura, kuti: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.”—Mateo 24:14.

“Kuguma” kucharevei nokuda kwaavo vanoramba mipimo yaMwari? Kuchareva kutongwa kwavo kwakaipa neruparadziko. Bhaibheri rinotaura nezvekuunzwa kweku“tsiva avo vasingazive Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu; ivo vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi.”—2 VaTesaronika 1:6-9.

Pakupedzisira—Chengeteko Yechokwadi Nokusingaperi!

Pashure peruparadziko rwaavo vanoramba nzira dzaJehovha dzerugare, Umambo hwaMwari huchaunza nhambo yakaisvonaka yechengeteko nokuda kwekubetserwa kwavakarurama pasi pano. (Pisarema 37:10, 11) Nyika itsva iyoyo ichava mhesano yakadini neiyo yatinogara nhasi!—2 Petro 3:13.

Nzara nokurumwa nenzara hazvichazovipozve. Munhu ari wose achava nezvakawanda zvokudya. Bhaibheri rinotaura kuti ‘marudzi ose achafarikanya mabiko ezvokudya zvakakora.’ (Isaya 25:6) Hakusati kuchizova nokuperevedza kwezvokudya, nokuti “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16.

Vanhu havasati vachizogarazve muzvitangwena kana kuti mumataundi ezvitangwena. MuUmambo hwaMwari, vose vachava nemisha yakaisvonaka, uye vachadya zvokudya zvinorimwa munyika yavo vamene. Bhaibheri rinovimbisa, kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.”—Isaya 65:21.

Panzvimbo peurovha hwakapararira, kuchava nebasa rine chimuko, uye vanhu vachaona migumisiro yakanaka inobva mariri. Shoko raMwari rinoti: “Vach[a]farira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo.”—Isaya 65:22, 23.

Mukutonga kwoUmambo, vanhu havasati vachizotambura ndokufa nehosha. Shoko raMwari rinotivimbisa, kuti: “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24.

MuParadhiso yapasi ichava yechokwadi nokukurumidza, kutambura nemarwadzo, rusuruvaro nerufu, zvichabviswa. Hungu, kunyange rufu! Vanhu vachararama nokusingaperi muParadhiso! Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari “uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

Mukutonga kwaJesu Kristu, “Muchinda worugare,” upenyu pasi pano pakupedzisira huchava hwakachengeteka zvirokwazvo. Zvirokwazvo, chengeteko yenyika yose ichavapo mukutonga kwakarurama, kune rudo kwehurumende imwe—Umambo hwaMwari.—Isaya 9:6, 7; Zvakazarurwa 7:9, 17.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Chengeteko yomunhu inoratidzira chivimbo mune ramangwana, . . . [kutenda] kugadzikana kwemamiriro ezvinhu ezvematongerwe enyika neezvemari.”—Mumwe mukadzi anogara muAsia.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

“Chinokuita kuti unzwe usina kuchengeteka kupfuura zvose masimba masimba neusindimari.”—Mumwe murume anogara muSouth America.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Handina kunzwa ndakachengeteka mukati me . . . kuvhozhokerwa. Kana nyika iri muhondo, vanhu vanofanira sei kunzwa vakachengeteka?”—Mumwe mudzidzi wechikoro chavaduku muMiddle East.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

“Ndichanzwa ndakachengeteka apo ndinoziva kuti ndinogona kufamba mumigwagwa usiku ndisingabatwi chibharo.”—Mumwe musikana wechikoro muAfrica.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe