RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 3/1 pp. 8-9
  • Rudzii Rwechengeteko Rwaunoshuva?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzii Rwechengeteko Rwaunoshuva?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Chengeteko Yechokwadi Zvino Uye Nokusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kutarira Mberi Kwo“rugare Nechengeteko” Zvinoitwa Nomunhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Tyisidziro Yenyukireya—Yabviswa Nokusingaperi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 3/1 pp. 8-9

Rudzii Rwechengeteko Rwaunoshuva?

VANHU vakasiana-siana vane mirangariro yakasiana-siana pamusoro pechengeteko. Vamwe vanoirangarira sokuterama kuri pakati pamasimba ehondo anorwisana. Somuenzaniso, masimba anodzora nyika pamwe chete navakutsirani vawo veEurope akabvumirana pazvirongwa zvakawanda zvokuderedza ngozi yokuti zvinoitika zviduku zvichatungamirira muhondo yenyika yose yenyukireya. Stockholm International Peace Research Institute Yearbook 1990 inotaura kushamiswa nokushaikwa kwefariro muzvirongwa zvakadaro kunoitwa namarudzi “mumamwe mativi enyika.”

Zvisinei, kumamirioni ari kugara munyika dzine urombo, “chengeteko” inoreva zvokudya nokutarisirwa kwoutano. “Pakunouya kukufunga pamusoro ‘porugare nechengeteko,’” anotsanangura kudaro musayendisiti wezvamatongerwe enyika Yash Tandon, “mirangariro yakagamuchirwa yetsika inodzora yokuMadokero inokurira. . . . ‘Chengeteko’ inooneka senhau yezvombo nokukanda zvombo pasi, yakasiana neitiro hanya dzechengeteko yavasina zvokudya nepokugara vezvikamu zviviri muzvitatu zvavagari venyika.”

Kana riri Bhaibheri, rinopikira kuti muUmambo hwaMwari hamusati muchizovazve nehondo. “Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna vhuna uta, nokuvhuna vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomwoto.” (Pisarema 46:9; Isaya 2:4) Kurwara mumuviri kuchava chinhu chomunguva yakapfuura. “Hakuna ugeremo uchati: ‘Ndinorwara;’ vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.”—Isaya 33:24.

MuUmambo ihwohwo, kusachengeteka kwemari hakusati kuchizotyisidzirazve munhu upi noupi. “Vachavaka dzimba nokugaramo, vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya.”—Isaya 65:21, 22.

Chinokosha zvikuru, kunyanguvezvo, Umambo huchabvisa chisakiso chikuru chokushaikwa kworugare nechengeteko. Ndiani ave ari seri kwenhau refu yomunhu yehurumende dzisingabudiriri nedzinodzvinyirira? Nepo Mwari, nokuda kwechikonzero chakanaka, akadzibvumidza kuvapo, munhu anofanira kuva nomutoro ndiSatani, sezvo Bhaibheri richitaura kuti ‘nyika yose iri musimba rowakaipa.’—1 Johane 5:19.

Isununguko yakadini, ipapoka, apo muUmambo hwaMwari, mashoko aPauro kuvaRoma anozadzikwa pakupedzisira, anoti: “Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu”! (VaRoma 16:20) Umambo hwokudenga hwaMwari bedzi, mukudzora kwaMambo Jesu Kristu, hungagona kuita chinhu chakadaro. Nokudaro, muUmambo ihwohwo bedzi umo pasi richashandurwa kuva paradhiso.—Genesi 1:28; Ruka 23:43.

Hungu, chengeteko yakapikirwa muBhaibheri ihuru zvikuru uye yakanaka zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chakaitwa nomunhu. Chokwadi, tinorava kuti “rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo”! (Zvakazarurwa 21:4) Tinogona kuvimba nezvipikirwa zvakadaro here? Hungu, nemhaka yokuti zvinobva kuMusiki wamasimba ose, Jehovha Mwari, uyo anozivisawo, kuti: “Shoko rinobuda mumuromo mangu; . . . haridzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” (Isaya 55:11) Budiriro yakati inoratidza nhano idzo Jehovha Mwari ari kuita kunyange zvino dzokuunzira rudzi rwomunhu rugare, chengeteko, uye budiriro zvakasimba mukurevererwa kwouchangamire Hwake husingagumi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe