RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 7/15 pp. 8-9
  • Firipo Anobhapatidza Mumwe Mukuru Mukuru weEtiopia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Firipo Anobhapatidza Mumwe Mukuru Mukuru weEtiopia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Chinyiko Chingandidzivisa Ndirege Kubhapatidzwa?”
  • Chidzidzo Nokuda Kwedu
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Firipo—Muevhangeri Aishingaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Zvokubatsira Kunzwisisa Bhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 7/15 pp. 8-9

Vakaita Kuda kwaJehovha

Firipo Anobhapatidza Mumwe Mukuru Mukuru weEtiopia

ARI mungoro make, mumwe muEtiopia akanga achishandisa nguva yake nekuchenjera. Akanga achirava zvinonzwika—muitiro waizivikanwa navose pakati pevafambi vemuzana ramakore rekutanga. Murume uyu chaiye akanga ari mukuru mukuru “mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weEtiopia.”a “Waichengeta fuma yake yose”—chaizvoizvo, akanga ari gurukota rezvemari. Mukuru mukuru uyu akanga achirava Shoko raMwari kuitira kuti awane zivo.—Mabasa 8:27, 28.

Pedyopo pakanga pane muevhangeri Firipo. Ngirozi yakanga yamutungamirira kunzvimbo iyi, uye zvino akaudzwa, kuti: “Swedera, urambire pangoro iyo.” (Mabasa 8:26, 29) Tinogona kufungidzira Firipo achizvibvunza amene kuti, ‘Murume uyu ndiani? Ari kuravei? Nei ndatungamirirwa kwaari?’

Sezvo Firipo aimhanya parutivi pengoro, akanzwa muEtiopia wacho achirava mashoko aya: “Wakaiswa pakubayiwa segwai; segwayana rinyerere pamberi pomuveuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake; pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; ndianiko ucharondedzera rudzi rwake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.”—Mabasa 8:32, 33.

Firipo nokukurumidza akaziva chikamu chacho chamashoko. Chakanga chichibva mumanyoro aIsaya. (Isaya 53:7, 8) MuEtiopia wacho akakatyamadzwa nezvaakanga achirava. Firipo akavamba kurukurirano kupfurikidza nokubvunza, kuti: “Unonzwisisa zvaunorava here?” MuEtiopia wacho akapindura, kuti: “Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri?” Ipapo akakumbira Firipo kumukumbanira mungoro yake.—Mabasa 8:30, 31.

“Chinyiko Chingandidzivisa Ndirege Kubhapatidzwa?”

“Ndinokumbira kwauri,” muEtiopia wacho akadaro kuna Firipo, “muporofita unoreva aniko achidaro? Unozvireva iye amene, kana mumwe?” (Mabasa 8:34) Vhiringidziko yemuEtiopia wacho yakanga isingashamisi, nokuti kuzivikanwa kwe“gwai,” kana kuti “muranda,” weuporofita hwaIsaya kwakanguve kwave kuri chakavanzika. (Isaya 53:11) Ikoku kunofanira kuve kwakave kwakajeka sei apo Firipo akazivisa kumuEtiopia “mashoko akanaka pamusoro paJesu”! Pashure pechinguvana muEtiopia akati: “Heyi mvura; chinyiko chingandidzivisa ndirege kubhapatidzwa?” Naizvozvo Firipo akamubhapatidza pakarepo.—Mabasa 8:35-38, NW.

Ichi chakanga chiri chiito chechimbichimbi here? Nyangwe napaduku pose! MuEtiopia wacho aiva mutendeuki wechiJudha.b Naizvozvo akanga achitova munamati waJehovha ane zivo yeMagwaro, kubatanidza uporofita hwaMesiya. Zvisinei, zivo yake yakanga isina kukwana. Zvino zvaakanga agamuchira aya mashoko anokosha pamusoro pebasa raJesu Kristu, muEtiopia akanzwisisa izvo Mwari aida kwaari uye akanga akagadzirira kubvumirana. Rubhapatidzo rwakanga rwakakodzera.—Mateo 28:18-20; 1 Petro 3:21.

Pashure pezvo, “mweya waShe ukabvisa Firipo.” Akapfuurira kune mumwe mugove. MuEtiopia wacho “wakafamba rwendo rwake, achifara.”—Mabasa 8:39, 40.

Chidzidzo Nokuda Kwedu

Savabatiri vaJehovha vemuzuva razvino, tine musengwa wekubetsera vanhu vane mwoyo wakatendeseka kudzidza zvokwadi yeShoko raMwari. Vazhinji vakava vanobudirira kupa mashoko akanaka kuvamwe vachifamba kana kuti mune mamwe mamiriro ezvinhu asina kurongwa. Somugumisiro webasa rokuparidza Umambo, gore rimwe nerimwe mazana ezviuru anoratidzira kuzvitsaurira kwawo kuna Jehovha Mwari kupfurikidza nokubhapatidzwa.

Chokwadika, vatsva zvikuru havafaniri kukurumidziswa kurubhapatidzo. Pakutanga vanofanira kuwana zivo yakarurama yaJehovha Mwari neyeMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Johane 17:3) Ipapo vanofanira kupfidza, vachirega mufambiro usina kururama ndokutendeuka kuitira kuti vawirirane nemipimo yaMwari. (Mabasa 3:19) Ikoku kunotora nguva, zvikurukuru kana mafungire akashata nemufambire zvave zvakasimba zvikuru. Nepo vatsva vachifanira kurangarira zvakakomba udzidzi hwechiKristu, zvikomborero zvikuru zvinobva mukupinda muukama hwakatsaurirwa naJehovha Mwari. (Enzanisa naRuka 9:23; 14:25-33.) Avo vari Zvapupu zvaJehovha nembavarira vanotungamirira vatsva vakadaro kusangano iro Mwari ari kushandisa kuita kuda kwake. (Mateo 24:45-47) Kufanana nemuEtiopia, ava vachafara mukudzidza pamusoro peizvo Mwari anoda kwavari uye kuwirirana nazvo.

[Mashoko Omuzasi]

a “Kandase” harisi zita asi zita rokuremekedza (rakafanana na“Farao” uye “Kesari”) iro raishanda kunhevedzano yavanamambokadzi veEtiopia.

b Vatendeuki vakanga vasiri vaIsraeri avo vakasarudza kunamatira kuMutemo waMosesi.—Revhitiko 24:22.

[Bhokisi riri papeji 8]

Nei Achinzi Ngomwa?

Munhoroondo yose iri muna Mabasa ganhuro 8 (NW), muEtiopia anonongedzerwa kwaari se“ngomwa.” Zvisinei, sezvo Mutemo waMosesi waisapinza murume akachekwa muungano, murume uyu sezviri pachena akanga asiri ngomwa mupfungwa chaiyoiyo. (Dheuteronomio 23:1) Shoko rechiGiriki nokuda kwe“ngomwa” rinogona kunongedzera kumunhu ane nzvimbo yapamusoro. Nokudaro, muEtiopia akanga ari mukuru mukuru pasi pamambokadzi weEtiopia.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe