RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 January p. 19
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Firipo Anobhapatidza Mumwe Mukuru Mukuru weEtiopia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Firipo—Muevhangeri Aishingaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Zvokubatsira Kunzwisisa Bhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 January p. 19
Firipi akagara nemurume wekuItiopiya mungoro yemabhiza ine mavhiri mana uye ine mutyairi.

Waizviziva Here?

Mukuru mukuru wekuItiopiya aiva mungoro yakaita sei paakaonana naFiripi?

SHOKO rechiGiriki iro rakashandurwa kuti “ngoro” muShanduro yeNyika Itsva rinogona kureva ngoro dzakagadzirwa zvakasiyana-siyana. (Mab. 8:​28, 29, 38) Asi zvinoita sekuti muItiopiya uyu aiva mungoro yakakura kupfuura dziya dzaishandiswa muchiuto kana mumijaho. Ona zvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti tidaro.

MuItiopiya uyu aiva mukuru mukuru ainge afamba rwendo rwakareba chaizvo. Aiva “murume aiva nechinzvimbo pasi paKandase mambokadzi wevaItiopiya, aichengeta pfuma yake yese.” (Mab. 8:27) Itiopiya yaisanganisira nyika yava kunzi Sudan uye chikamu chiri nechekuzasi zasi kwenyika yeEgypt. Kunyange zvazvo murume uyu angangodaro aisashandisa ngoro imwe chete parwendo rwacho rwese, anofanira kunge aiva nezvinhu zvakawanda zvekushandisa parwendo irworwo rwakareba. Pangoro dzaishandiswa mumakore iwayo pakutakura vanhu, paiva nedzaiva nemavhiri mana uye dziine denga. Bhuku rinonzi Acts—An Exegetical Commentary rinoti, “Ngoro dzakadaro dzaiva nenzvimbo yakakura yekuisa mabhegi nezvimwewo zvinhu, zvichiita kuti vanhu vakwanise kufamba zviri nyore uye zvichida vaite nzendo refu.”

MuItiopiya wacho aiverenga pakasvika Firipi. Nyaya yacho inoti “Firipi akamhanya ari parutivi payo, [akanzwa mukuru mukuru wacho] achiverenga zvinonzwika bhuku remuprofita Isaya.” (Mab. 8:30) Ngoro dzeparwendo dzainge dzisina kugadzirirwa kuti dzimhanye. Sezvo ngoro idzi dzaifamba zvishoma nezvishoma, mukuru mukuru uyu aikwanisa kuverenga arimo, uye ndizvo zvakaitawo kuti Firipi akwanise kubata ngoro iyi netsoka.

MuItiopiya wacho “akakumbira Firipi kuti akwire azogara naye.” (Mab. 8:31) Mungoro yemujaho, vanhu vaiita zvekumira. Asi mungoro yerwendo maiva nepekugara sepainge pakagara mukuru mukuru wekuItiopiya naFiripi.

Maererano nenhoroondo yakafemerwa iri muna Mabasa chitsauko 8 uye uchapupu huripo hwezvaiitika kare, mabhuku edu ava kuratidza mukuru mukuru wekuItiopiya ari mungoro yakati kurei kupfuura yehondo kana kuti yemujaho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe