RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 10/15 pp. 8-9
  • Upfumi hwaMambo Soromoni Hwakakatutsirwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upfumi hwaMambo Soromoni Hwakakatutsirwa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Tsvaga Chinhu Chinokosha Kupfuura Goridhe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Mambo Ane Pfuma Nouchenjeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Temberi yaJehovha
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 10/15 pp. 8-9

Upfumi hwaMambo Soromoni Hwakakatutsirwa Here?

“Zvino mari yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenta ane mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakuverengwa kwayo.”—1 Madzimambo 10:14.

MAERERANO nendima iyoyo yeBhaibheri, Mambo Soromoni akawana matani anopfuura 25 endarama mugore rimwe! Iyoyo nhasi ingava inokosha madhora $2,160,000,000. Inopfuura nekanodokusvika kaviri ndarama yakacherwa munyika yose mugore ra1800. Ikoku kunobvira here? Ufakazi hwezvinocherwa mumatongo hunoratidzei? Hunokarakadza kuti chinyorwa cheBhaibheri cheupfumi hwaSoromoni chinodavirika zvirokwazvo. Biblical Archaeology Review inoti:

◻ Mambo Thutmose III weEgipita (zana ramakore rechipiri B.C.E.) akapa anenge matani 13,5 ezvinhu zvendarama kutemberi yaAmon-Ra paKarnak—uye izvo zvakanga zviri rutivi bedzi rwechipo chacho.

◻ Manyoro eEgipita anogovera ufakazi hwezvipo zvinoita hwerengedzo yeanenge matani 383 endarama nesirivha zvakapiwa naMambo Osorkon I (pakuvamba muzana ramakore rokutanga B.C.E.) kuna vamwari.

Kupfuurirazve, vhoriyamu inonzi Classical Greece yenhevedzano yeGreat Ages of Man inoshuma, kuti:

◻ Migodhi yePangaeum muThrace yakabudisa anopfuura matani 37 endarama gore rimwe nerimwe nokuda kwaMambo Phillip II (359-336 B.C.E.).

◻ Apo mwanakomana waPhillip Alexander Mukuru (336-323 B.C.E.) akatapa Susa, dzimbahwe reumambo hwePersia, pfuma inosvika anopfuura zvikuru matani 1 200 endarama yakawanwa.—The Encyclopœdia Britannica.

Naizvozvo rondedzero yeBhaibheri youpfumi hwaMambo Soromoni haisi yokunyanyisa. Yeukawo kuti Soromoni “wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera” panguva iyoyo.—1 Madzimambo 10:23.

Soromoni akashandisa sei pfuma yake? Chigaro chake choumambo chakanga chakafukidzwa “nendarama yakanatswa,” midziyo yake yokunwira yakanga iri “yendarama,” uye akanga ane nhovo huru 200 uye nhovo duku 300 “dzendarama yakapambadzirwa.” (1 Madzimambo 10:16-21) Kupfuura zvose, ndarama yaSoromoni yakashandiswa maererano netemberi yaJehovha muJerusarema. Zvigadziko zvemwenje zvetemberi uye midziyo inoyera yakadai semaforoko, mbiya, foshoro, uye midziyo yokushambira, zvakanga zvakaitwa nendarama nesirivha. Makerubhi akareba mamita 4,5 muNzvimbo Tsvene tsvene, artari yezvinonhuwira, uye kunyange mukati mose meimba zvakanga zvakafukidzwa nendarama.—1 Madzimambo 6:20-22; 7:48-50; 1 Makoronike 28:17.

Zvakadini netemberi yakafukidzwa nendarama? Nenzira inofadza, kushandiswa kwakadaro kwendarama kwakanga kusitongori kwechienzi munyika yakare. Biblical Archaeology Review inotaura kuti Amenophis III weEgipita “akakudza mwari mukuru Amun netemberi paThebes yakanga ‘yakafukidzwa yose nendarama, huriri hwayo hwakashongedzwa nesirivha, [uye] masuo ayo ose neelectrum’”—muvhenganiswa wendarama nesirivha. Kupfuurirazve, Esar-haddon weAssyria (zana ramakore rechinomwe B.C.E.) akafukidza masuo uye akafukidza madziro etemberi yaAshur nendarama. Nezvetemberi yeSin paHarran, Nabonidus weBhabhironi (zana ramakore rechitanhatu B.C.E.) akanyora, kuti: “Ndakafukidza madziro ayo nendarama nesirivha, uye ndakaaita kuti apenye sezuva.”

Nokudaro, zvinyorwa zvenhau zvinokarakadza kuti nhoroondo yeBhaibheri youpfumi hwaMambo Soromoni haina kukatutsirwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe