Waizviziva Here?
Nei vaJudha vakanga vakapararira zvikuru panguva yakazosvika Jesu?
Jesu paakaudza boka revateereri kuti kwaaizoenda vaisagona kuenda naye, vaJudha vakazvibvunza kuti: “Munhu uyu anoda kuenda kupi. . . ? Kuti anoda kuenda kuvaJudha vakapararira pakati pevaGiriki . . . here?” (Johani 7:32-36) Pasina nguva refu adaro, mamishinari echiKristu akaparidza mashoko akanaka kuvaJudha vakanga vakapararira munzvimbo dzakanga dzakapoteredza Gungwa reMediterranean.—Mabasa 2:5-11; 9:2; 13:5, 13, 14; 14:1; 16:1-3; 17:1; 18:12, 19; 28:16, 17.
VaJudha vakapararira nokuti vakanga vaitwa nhapwa nemarudzi akanga avatapa vachibva kunyika yokumusha kwavo—kutanga nevaAsiriya, muna 740 B.C.E., zvadaro nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. Vashomanana vakanga vasara ndivo chete vakadzokera kuIsraeri. (Isaya 10:21, 22) Vazhinji vakanga vakangopararira nenyika.
Saka, muzana remakore rechishanu B.C.E., nzvimbo dzaigara vaJudha dzaiva mumatunhu 127 eUmambo hwePezhiya. (Esteri 1:1; 3:8) Zvakaitwa nevaJudha kuti vatendeutsire vanhu kuchiJudha, zvaireva kuti nokufamba kwenguva vanhu vakawanda vakasvika pakumboti zivei Jehovha uye Mutemo waakapa vaJudha. (Mateu 23:15) VaJudha vaibva munyika dzakawanda vaivapo paMutambo wePendekosti muna 33 C.E. muJerusarema, pavakanzwa mashoko akanaka nezvaJesu. Saka, kupararira kwakanga kwakaita vaJudha muUmambo hwose hweRoma kwakaita kuti dzidziso dzaKristu dzikurumidze kupararira.
Mambo Soromoni akanga aine goridhe rakawanda sei?
Magwaro anoti Hiramu, mambo weTire, akatumira matani mana egoridhe kuna Soromoni, mambokadzi weShebha akamupa goridhe rakawandawo saizvozvo, uye boka rengarava dzaSoromoni rakaunza matani 15 egoridhe kubva kuOfiri. Nhoroondo yacho inoti, “Ndarama yakauya kuna Soromoni mugore rimwe chete yairema matarenda endarama mazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu,” kana kuti yaipfuura matani 25. (1 Madzimambo 9:14, 28; 10:10, 14) Mashoko aya ndeechokwadi here? Nzvimbo dzaichengeterwa goridhe ramambo dzaiva dzakakura zvakadini kareko?
Mamwe mashoko akanyorwa kare, anonzi nenyanzvi ndeechokwadi, anoti Farao Thutmose III wokuIjipiti (mumireniyamu yechipiri B.C.E.) akaunza matani egoridhe 13,5 kutemberi yaAmun-Ra kuKarnak. Muzana remakore rechisere B.C.E., Mambo wokuAsiriya Tigrati-pireseri III, akawana matani anopfuura mana egoridhe somuripo kubva kuTire, uye Sagoni II akapa goridhe rakawandawo saizvozvo sechipo kuna vanamwari veBhabhironi. Mambo Philip II wokuMakedhoniya (359-336 B.C.E.) anonzi aichera matani anopfuura 28 egoridhe gore rimwe nerimwe mumigodhi yePangaeum muThrace.
Mwanakomana waPhilip ainzi Alexander Mukuru (336-323 B.C.E.) akatapa guta reSusa raiva muPezhiya, anonzi akatora matani 1 180 egoridhe kubva ikoko, uye matani 7 000 kubva kuPezhiya yose. Saka zvinotaurwa neBhaibheri nezvegoridhe raiva naMambo Soromoni pazvinoenzaniswa nemashoko aya, zvinongoratidza kuti hakusi kuwedzeredza.