RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/15 pp. 25-28
  • Mwana Wako Anofanira Kuenda Kuchikoro Chebhodhingi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwana Wako Anofanira Kuenda Kuchikoro Chebhodhingi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzo Neumudzimu
  • Pesvedzero Yevamwe Vadzidzi
  • Pesvedzero Yevadzidzisi
  • Kufamba Kwakaganhurirwa
  • Kutanhamara Savakasiyana
  • Mutoro Wevabereki
  • Pane Zvimwe Here?
  • Zvinokosha Kudzidzo Yakanaka
    Mukai!—1996
  • Vabereki—Ivai Mutsigiri Womwana Wenyu
    Mukai!—1994
  • Chikoro Chinobudirira Chiri Munyika Yose
    Mukai!—1996
  • Ndinofanira Kurega Chikoro Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/15 pp. 25-28

Mwana Wako Anofanira Kuenda Kuchikoro Chebhodhingi Here?

FUNGIDZIRA kuti unogara mutaundi duku munyika ichiri kusimukira. Une vana vanoverengeka vari muchikoro chepurayimari, asi pazera ramakore 12, vachafambira mberi kuchikoro chesekondari. Munharaunda yako, zvikoro zvesekondari zvine vanhu vakawandisa, hazvina kushongedzwa zvakakwana, uye zvine vadzidzisi vasina kukwaniriswa. Kuramwa basa pane dzimwe nguva kunovhara zvikoro kwemavhiki nemwedzi panguva.

Mumwe munhu anokupa bhurocha rakanaka rinorondedzera chimwe chikoro chebhodhingi chiri muguta. Unoona mifananidzo yavadzidzi vanofara, vakapfeka zvakatsvinda, vachifundira mumakirasi akasanoshongedzwa, marabhoratori, uye raibhurari. Vadzidzi vanoshandisa makombiyuta uye vanozorora mumakamuri edhomitari akachena, anokwezva. Unorava kuti imwe yevavariro dzechikoro ndeyekubetsera vadzidzi “kuwana mwero wapamusoro zvikurusa wedzidzo yakakwirira yavanokwanisa.” Unoravazve kuti: “Vadzidzi vose vanodikanirwa kuchengeta bumbiro romutemo rokuzvibata rakafanana neiro rinowanzokarirwa mukati memhuri umo simbiso inopiwa patsika, rupfave, kuremekedza vabereki nevakura, batira pamwe, shiviriro, mutsa, kutendeseka uye kuperera.”

Jaya rinonyemwerera rinonokorwa mashoko serinoti: “Vabereki vangu vakandipa ropafadzo yakatanhamara yokupinda chikoro chakanakisisa.” Mumwe musikana anoti: “Chikoro chakaoma uye chinofadza. Pano kudzidza kunouya nenzira yomuzvarirwo.” Ungaendese mwanakomana wako kana kuti mwanasikana kuchikoro chebhodhingi chakadaro here?

Dzidzo Neumudzimu

Vabereki vose vanoitira hanya vanoda kupa vana vavo mavambo akanaka muupenyu, uye nedonzo iroro dzidzo yakanaka, yakadzikama inokosha. Kazhinji kazhinji dzidzo yekunyika inozarura masuo kumikana yeramangwana yokuwana basa uye inobetsera vanhu vaduku kuva vakuru vanokwanisa kuzvitarisira vamene nemhuri dzavo dzeramangwana.

‘Kana chikoro chebhodhingi chichipa dzidzo yakanaka pamwe chete nenhungamiro yakati yetsika, kuregererei kuchishandisa?’ ungabvunza kudaro. Mukupindura mubvunzo iwoyo, vabereki vechiKristu vanofanira kurangarira nokunyengetera chimwe chinhu chinokosha zvikuru—garikano yomudzimu yevana vavo. Jesu Kristu akabvunza kuti: “Munhu uchagobatsirweiko, kana awana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake?” (Marko 8:36) Chokwadika, muna ikoku hamutongorina betsero. Vasati vasarudza kuendesa vana vavo kuchikoro chebhodhingi, naizvozvo, vabereki vechiKristu vanofanira kurangarira tapuro iyo ikoku kungava nayo pakariro dzevana vavo dzoupenyu husingaperi.

Pesvedzero Yevamwe Vadzidzi

Zvikoro zvebhodhingi zvakati zvingava nemwero inoorora yedzidzo yakakwirira. Asi zvakadini nemipimo yetsika yaavo vanopinda kana kuti zvichida kunyange yevamwe vari kutungamirira zvikoro zvakadaro? Pamusoro perudzi rwavanhu rwaizova rwakazara muano “mazuva okupedzisira,” muapostora Pauro akanyora kuti: “Namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivavawo.”—2 Timotio 3:1-5.

Uku kuderera kwetsika nokwemudzimu ndekwepasi rose, kuchipa denho kuZvapupu zvaJehovha mukurarama maererano nenheyo dzeBhaibheri. Vadzidzi vanouya kumusha zuva riri rose vanowana kuti kunyange songaniro yavo yakaganhurirwa nevekuchikoro biyavo vekunyika inogona kushandisa pesvedzero yakashata ine simba paumudzimu hwavo. Kukurira pesvedzero iyoyo kunogona kuva kurwa kukuru nokuda kwavana vari Zvapupu, kunyange netsigiro yezuva nezuva, zano, uye kurudziro zvinobva kuvabereki vavo.

Ndeupi, ipapo, uri mumiriro wezvinhu wevana vanoendeswa kure nemisha yavo kuzvikoro zvebhodhingi? Vanoparadzaniswa, vanonyimwa tsigiro yenguva dzose yomudzimu yevabereki vane rudo. Sezvo vachigara nevomukirasi biyavo maawa 24 pazuva, dzvinyiriro yokuwirirana neboka kunoshandisa pesvedzero yakasimba zvikuru pandangariro dzavo duku nemwoyo kupfuura sezvingabvira zvaichaita pavadzidzi vanogara pamusha. Mumwe mudzidzi akati: “Mutsika, mubhodha ari kurarama mungozi kubvira mangwanani kusvikira usiku.”

Pauro akanyora kuti: “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Vabereki vechiKristu havafaniri kunyengerwa kuti vafunge kuti vana vavo havasati vachizotambura kuvadziko yomudzimu kana vari musonganiro yenguva dzose neavo vasingabatiri Mwari. Munhambo yakati yenguva, vana voumwari vanogona kuva vakagomadzwa kumipimo yechiKristu uye vanogona kurasikirwa nekuonga kwose zvinhu zvomudzimu. Pane dzimwe nguva ikoku hakuoneki kuvabereki kutozosvikira pashure pokunge vana vavo vabva pachikoro chebhodhingi. Ipapo kunowanzova kunyanyononoka kururamisa zvinhu.

Chakaitika chaClement ndechemuenzaniso. Anorondedzera kuti: “Ndisati ndaenda kuchikoro chebhodhingi, ndaida chokwadi uye ndaibuda mubasa romumunda nehama. Ndaifarikanya zvikuru kutora rutivi mufundo yedu yeBhaibheri yemhuri neFundo yeBhuku yeUngano. Zvisinei, pandakangopinda chete chikoro chebhodhingi pazera ramakore 14, ndakasiya chokwadi chose chose. Mumakore ose mashanu andakapedzera muchikoro chebhodhingi, handina kutongopinda misangano. Somugumisiro wesonganiro yakashata, ndakabatanidzwa nemirimo inodhaka, kusvuta, uye kunwa zvikuru.”

Pesvedzero Yevadzidzisi

Muchikoro chipi nechipi munogona kuva nevadzidzisi vakashata mutsika avo vanoshandisa zvisina kufanira nzvimbo yavo yechiremera. Vamwe vane utsinye nehasha, nepo vamwe vanoshandisa zvisina kufanira vadzidzi vavo muvatano. Muzvikoro zvebhodhingi zviito zvevadzidzisi vakadaro sezvingabvira zvikuru hazvishumwe.

Zvisinei, vadzidzisi vazhinjisa vanoedza zvapachokwadi kurovedza vana kuva mitezo inobudirira yenzanga, kukodzera munyika yakavapoteredza, kuwirirana. Asi muno mune chimwe chinetso chevana vari Zvapupu. Mipimo yenyika nguva dzose haiwirirane nenheyo dzechiKristu. Nepo vadzidzisi vachikurudzira vadzidzi kukodzera munyika ino, Jesu akataura kuti vateveri vake “havazi venyika.”—Johane 17:16.

Zvakadini kana zvinetso zvikamuka apo vana vanenge vari kutevera nheyo dzeBhaibheri? Kana vana vari kupinda chikoro chomunzvimbomo uye vari kugara pamusha, vanogona kukurukura zvinhu zvakadaro nevabereki vavo. Uyewo, vabereki vanogona kutungamirira vana vavo uye sezvinobvira kutaura kumudzidzisi. Somugumisiro, zvinetso nokusanzwisisana zvinowanzopedzwa nokukurumidza.

Muzvikoro zvebhodhingi inhau yakasiyana. Vadzidzi vakadaro vanodzorwa nguva dzose nevadzidzisi vavo. Kana vana vakatsigira nheyo dzechiKristu, vanofanira kuita saizvozvo pasina tsigiro yezuva nezuva yevabereki vavo. Padzimwe nguva, vana vanokwanisa kuramba vakatendeka kuna Mwari mumamiriro ezvinhu akadaro. Kazhinji kazhinji zvikuru, zvisinei, havadaro. Mwana sezvingabvira achaita kuda kwemudzidzisi.

Kufamba Kwakaganhurirwa

Kusafanana nemayunivhesiti, uko vadzidzi vanowanzova norusununguko rwokufamba pamadiro, zvikoro zvebhodhingi zvinoganhurira kufamba kwevana. Zvizhinji zvezvikoro izvozvi hazvibvumiri vadzidzi kubva muchikoro kunze kweSvondo, uye zvimwe hazvitombobvumidzi izvozvo. Mumwe mudzidzi ane makore 11 okukura wepachikoro chebhodhingi anonzi Eru anoti: “Zviremera zvechikoro hazvitongotibvumiri kuenda kumisangano, tisingatauri chinhu pamusoro pokuenda mubasa romumunda. Mukati mechikoro, mune minamato yevaKaturike nevaMuslim bedzi. Mudzidzi ari wose anofanira kusarudza rumwe rwemaviri acho kana kuti kutarisana nechishoro chakakomba chinobva kune vose vari vaviri vadzidzisi navadzidzi. Vadzidzi vanomanikidzwawo kuimba rwiyo rwerudzi nenziyo dzechechi.”

Apo vabereki vanonyoresa vana vavo muchikoro chakadaro, ishokoi ravari kuendesa kuvaduku vavo? Shoko racho ringagona kusanova rokuti dzidzo yekunyika inokosha zvikuru kupfuura kuungana nokuda kwokunamata uye kugoverana mubasa rokuita vadzidzi—kutokosha zvikuru kupfuura kuperera kuna Mwari.—Mateo 24:14; 28:19, 20; 2 VaKorinte 6:14-18; VaHebheru 10:24, 25.

Mune zvimwe zvikoro zvebhodhingi, vadzidzi Zvapupu vanokwanisa kufunda Bhaibheri pamwe chete, asi kunyange ikoku kunowanzova kwakaoma. Imwe pwere inonzi Blessing, ine makore 16, inotaura izvi pamusoro pechikoro chebhodhingi chainopinda: “Zuva riri rose vanonzi vaKristu vanoungana kuzonyengetera. Isu Zvapupu tinoedza kuvakumbira kuitira kuti tigogona kuva nefundo yedu, asi vakura vanotiudza kuti sangano redu harizivikanwe. Ipapo vanoedza kutimanikidza kunyengetera navo. Kana tikaramba, vanotiranga. Kukwirira kuvadzidzisi kunoita kuti zvinhu zviipe zvikuru. Vanotituka ndokuudza vadzidzi vakura kutiranga.”

Kutanhamara Savakasiyana

Apo vadzidzi vechikoro chebhodhingi vanozivikanwa zvakajeka seZvapupu zvaJehovha, ikoku kunogona kuvabetsera. Zviremera zvechikoro zvingavaregerera kuti vasatore rutivi mumibato yerudzidziso rwenhema inomanikidzirwa, iyo inopesana nekutenda kweZvapupu. Vadzidzi biyavo vangarega kuedza kuvabatanidza mumibato isina kunaka nekurukurirano. Masuo angazaruka okupupura kuvadzidzi biyavo nevadzidzisi. Kupfuurirazve, avo vanorarama maererano nenheyo dzechiKristu sezvingabvira havafungidzirwi kuita chakaipa chakakomba, uye pane dzimwe nguva vanowana ruremekedzo rwevadzidzisi nevadzidzi biyavo.

Zvisinei, zvinhu hazviitiki saizvozvo nguva dzose. Kutanhamara saakasiyana kunowanzoita kuti munhu muduku atambudzwe ndokunyombwa nevadzidzi nevadzidzisi zvakafanana. Yinka, mukomana ane makore 15 okukura uyo anopinda chimwe chikoro chebhodhingi, anoti: “Kuchikoro, kana uchizivikanwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, unova chipfuro. Sezvo vachiziva chimiro chedu chomudzimu nechetsika, vanoteya misungo yokutibata.”

Mutoro Wevabereki

Hapana mudzidzisi, chikoro, kana kuti koreji inogona nenzira yakarurama kuedza kuita basa rokuumba vana kuva vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha. Iroro harisi basa ravo kana kuti mutoro. Shoko raMwari rinorayira kuti vabereki vamene vanofanira kutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvevana vavo. Pauro akanyora kuti: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Vabereki vanogona sei kushandisa zano irori roumwari kana vana vavo vari kure kuchikoro chebhodhingi uko kushanya kungave kwakaganhurirwa kukamwe kana kuti kaviri pamwedzi?

Mamiriro ezvinhu anosiyana zvikuru, asi vabereki vechiKristu vanovavarira kuita mutsinhirano neuku kutaura kwakafuridzirwa: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:8.

Pane Zvimwe Here?

Vabereki vangaitei kana vachiratidzika kuve vane zvisarudzo zviviri bedzi—chikoro chebhodhingi kana kuti chikoro chisina kushongedzwa zvakakwana chomunzvimbomo? Vamwe vakazviwana vamene vari mumamiriro ezvinhu iwaya vanoronga nokuda kwezvidzidzo zvapamusha kuwedzera kudzidzo yavana vavo pachikoro chomunzvimbomo. Vamwe vabereki vanotsaura nguva yokuzvidzidzisira vamene vana vavo.

Pane dzimwe nguva vabereki vanodzivisa zvinetso kupfurikidza nokuronga pachine nguva mberi zvikuru nezvenguva apo vana vavo vanenge vakura zvakaringana zvokupinda chikoro chesekondari. Kana une vana vaduku kana kuti uri kuronga kurera mhuri, unganzvera kuti uone kana muine chikoro chesekondari chakakodzera munharaunda menyu. Kana musina, kungava kunobvira kutamira kune chiri pedyo.

Seizvo vabereki vanosanoziva, kunoda unyanzvi, shiviriro, uye nguva zhinji kuroverera mumwana kuda Jehovha. Kana ikoko kwakaoma apo mwana anenge ari kugara pamusha, kwakaoma zvikuru sei kana mwana wacho ari kugara kure zvikuru! Sezvo upenyu husingaperi hwemwana huchibatanidzwa, vabereki vanofanira kusarudza zvakakomba uye nenzira yokunyengetera kana kuendesa muduku wavo kuchikoro chebhodhingi kwakafanira ngozi yacho. Kungava kusava nouchenjeri sei kurega fariro dzomudzimu dzomwana nokuda kwebetsero dzedzidzo yechikoro chebhodhingi! Ikoku kungava kumhanyira mumba iri kutsva nokuda kwokuponesa mudziyo muduku-duku—kuzotsva bedzi nemarimi emoto.

Shoko raMwari rinoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” (Zvirevo 22:3) Zviri nani kudzivisa mumiriro wezvinhu wakaipa pane kuugadzirisa gare gare. Kungava kuchenjera kufunga nezvaikoko kana ukazvibvunza umene kuti, ‘Mwana wangu anofanira kuenda kuchikoro chebhodhingi here?’

[Bhokisi riri papeji 28]

Zvapupu Zviduku Zvinorangarira Pamusoro Pechikoro Chebhodhingi

“Pachikoro chebhodhingi, vana vari Zvapupu vanoparadzaniswa nesonganiro yomudzimu. Imhoteredzo ine utsinye zvikuru yokuita chakaipa.”—Rotimi, uyo akapinda chikoro chebhodhingi pakati pezera remakore 11 ne14.

“Kupinda misangano yechiKristu kwakanga kwakaoma zvikuru. Ndaigona bedzi kupinda paSvondo, uye kuti ndiite izvozvo, ndaifanira kusvova apo vadzidzi vaimira mumutsetse wekuchechi. Ndakanga ndisingatongofari, nokuti shure kumusha ndakanga ndajaira kupinda misangano yose yeungano, uye ndaibuda muushumiri hwomumunda Chitanhatu neSvondo. Chikoro chakanga chisiri chinoitika chinovaka. Ndakarasikirwa nezvakawanda.”—Esther, uyo aigarorohwa nevadzidzisi nemhaka yokuti aisatora rutivi muminamato yechikoro yechechi.

“Kupupurira vadzidzi biyangu kwakanga kusiri nyore muchikoro chebhodhingi. Hakusi nyore kutanhamara sewakasiyana. Ndaida kutevera boka. Zvichida ndingadai ndakava akashinga zvikuru kudai ndakanga ndave ndichikwanisa kuenda kumisangano ndokubatikana mubasa romumunda. Asi ndaigona kuita izvozvo bedzi apo ndakanga ndiri pazororo, iro raingova katatu chete pagore. Kana une rambi risingazadzwezve nemafuta, chiedza chinoderera. Zvakanga zviri zvimwe chetezvo muchikoro.”—Lara, uyo akapinda chikoro chebhodhingi kubvira pamakore 11 kusvikira ku16 ezera.

“Zvino zvandisati ndichiri muchikoro chebhodhingi, ndinofara kuti ndinogona kupinda misangano yose, kutora rutivi mubasa romumunda, uye kufarikanya rugwaro rwezuva neyasara yemhuri yose. Kunyange zvazvo kugara muchikoro kwaiva nebetsero dzakati, hakuna chinhu chinokosha zvikuru kupfuura ukama hwangu naJehovha.”—Naomi, uyo akapwisa baba vake kumubvisa kuchikoro chebhodhingi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe