RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 5/1 pp. 13-18
  • Hakuna Rugare Nokuda Kwenhume Dzenhema!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hakuna Rugare Nokuda Kwenhume Dzenhema!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzinonzi Nhume Dzorugare
  • UN Somuwadzanisi Here?
  • Zvikonzero Zvoku‘chema Zvikuru’
  • Chakavanzika Chinotyisa Chinopedzwa
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Shanyo Yapapa KuUN—Chii Chayakaita?
    Mukai!—1996
  • Kubatira Senhume Dzorugare rwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Rugare Rwechokwadi—Rwunobva Mumanyukoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 5/1 pp. 13-18

Hakuna Rugare Nokuda Kwenhume Dzenhema!

“Vanoita zvakaipa vachagurwa . . . asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—PISAREMA 37:9, 11.

1. Nei tichifanira kukarira kuwana nhume, dzose dziri mbiri dzechokwadi nedzenhema, mu“nguva yokupedzisira”?

NHUME—dzenhema kana kuti dzechokwadi? Kwaive nemarudzi ose ari maviri munguva dzeBhaibheri. Asi zvakadini nezuva redu? Pana Dhanieri 12:9, 10, tinorava kuti imwe nhume yokudenga yakaudza muporofita waMwari kuti: “Mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira. Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa uchanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.” Zvino tiri kurarama “panguva yokupedzisira” iyoyo. Tinoona here musiyano mukuru pakati pe“vakaipa” ne“vakachenjera”? Zvirokwazvo tinodaro!

2. Isaya 57:20, 21 iri kuzadzikwa sei nhasi?

2 Paganhuro 57, ndima 20 ne21, tinorava mashoko enhume yaMwari Isaya: “Vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara. Zvanzi naMwari wangu: Vakaipa havana rugare.” Mashoko iwaya anorondedzera zvakafanira sei nyika ino sezvainosvika zana ramakore rechi21! Vamwe vanotobvunza kuti, ‘Tichazombosvika zana ramakore iroro here?’ Nhume dzakachenjera dzinofanira kutiudzei?

3. (a) Musiyanoi unoitwa pana 1 Johane 5:19? (b) “Vakachenjera” vanorondedzerwa sei muna Zvakazarurwa ganhuro 7?

3 Muapostora Johane aive nenzwisiso yakafuridzirwa naMwari. Pana 1 Johane 5:19, zvinonzi: “Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose igere muna iye wakaipa.” Vanopesana nenyika ino ndivo vaIsraeri vomudzimu 144 000, vakasarira vari kukwegura vachinesu. Vanokumbanira ivava nhasi “vazhinjizhinji . . . vakabva kundudzi dzose, navanhu, nendimi,” avo zvino vanopfuura mamiriyoni mashanu, avo vanewo nzwisiso. “Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru.” Uye nei vachituswa? Nemhaka yekuti ivowo “vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana” kupfurikidza nokushandisa kutenda murudzikinuro rwaJesu. Senhume dzechiedza, ivowo “vanomushumira [Mwari] masikati nousiku.”—Zvakazarurwa 7:4, 9, 14, 15.

Dzinonzi Nhume Dzorugare

4. (a) Nei dzinonzi nhume dzorugare dziri munyika yaSatani dzichakundikana? (b) VaEfeso 4:18, 19 inoshanda sei nhasi?

4 Zvakadini, kunyange zvakadaro, nezvedzinonzi nhume dzorugare mutsika yaSatani yenyika? Pana Isaya ganhuro 33, ndima 7, tinorava kuti: “Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzorugare dzinochema zvikuru.” Ikoku ndekwechokwadi sei nezvaavo vanofamba-famba vasingaterami vachibva mudzimbahwe renyika vachienda kune rimwe, vachiedza kuunza rugare! Hazvina maturo sei! Nei? Nemhaka yekuti vanobata nezviratidzo zvezvinetso zvenyika panzvimbo pekubata nezvisakiso zvikuru. Kutanga, havazivi kuti Satani ariko, uyo muapostora Pauro anorondedzera sa“mwari wenyika ino.” (2 VaKorinte 4:4) Satani akadyara mbeu dzeuipi pakati porudzi rwomunhu, nemugumisiro wokuti ruzhinji, kubatanidza vatongi vazhinji, zvino vanokodzera rondedzero yaVaEfeso 4:18, 19: “Vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo; vakazvipa vasina hanya kuutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.”

5. (a) Nei masangano evanhu achikundikana sevawadzanisi vorugare? (b) Ishokoi rinonyaradza iro Pisarema 37 rinopa?

5 Hakuna sangano revanhu vasina kukwana rinogona kubvisa mumwoyo yevanhu makaro, udyire, uye ruvengo izvo zvakapararira kwazvo nhasi. Musiki wedu bedzi, Changamire Ishe Jehovha, anogona kuita izvozvo! Uyezve, ndivo vanyoro bedzi, vashomanene pakati porudzi rwomunhu, avo vanobvuma nhungamiro yake. Migumisiro kuna ivava uye kune vakaipa venyika inosiyaniswa paPisarema 37:9-11: “Vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”

6, 7. Chinyorwai chemarudzidziso enyika chinoratidza kuti akundikana kubatira senhume dzorugare?

6 Nhume dzorugare dzinogona kuwanwa here, ipapo, pakati pemarudzidziso enyika ino iri kurwara? Eya, chinyorwa cherudzidziso kusvikira zvino ndechipi? Nhau inoratidza kuti rudzidziso rwakagoverana, hungu, rwakatova munyanduri wekudeurwa kukuru kweropa mumazana ose amakore. Somuenzaniso, Christian Century yevhiki yaAugust 30, 1995, ichishuma pamusoro penyongano mune yaichimbova Yugoslavia, yakati: “MuBosnia inodzorwa nevaSerb, vaprista vanogara pazvigaro zvapamberi zveparamende yokuzviitira, uyewo vanotungamirira, uko masangano emauto uye kunyange zvombo zvinokomborerwa hondo dzisati dzavamba.”

7 Zana ramakore rebasa roufundisi reChikristudhomu muAfrica harina kuunza mugumisiro uri nani, sezvakaratidzirwa zvakanaka muRwanda, nyika inotaurwa kuva ine vagari vemo vane 80 muzana veKaturike. The New York Times yaJuly 7, 1995, yakashuma kuti: “Golias, magazini yeKaturike isina kwayakarerekera, yevanhu vasiri vafundisi yakabudiswa muLyons [France], inoronga kuzivisa vamwe vaprista 27 veRwanda nemanani mana avo inotaura kuti vakauraya kana kuti vakakurudzira kuuraya muRwanda gore rapfuura.” African Rights, sangano rinoona nezvekodzero dzavanhu muLondon, rakatsinhira izvi: “Kunyange kupfuura kunyarara kwawo, machechi anofanira kuzvidavirira nokuda kwokutora rutivi kwokushingaira kwevamwe vevaprista vawo, vafundisi uye manani mukuparadza rudzi.” Ikoku kwakafanana nemamiriro ezvinhu muna Israeri apo nhume yaJehovha yechokwadi Jeremia yakarondedzera ku“nyadziswa” kwaIsraeri, pamwe chete nevatongi vake, vaprista vake, uye vaporofita vake, achiwedzera kuti: “Pamipendero yenguo dzako pakawanikwawo ropa ravarombo vasina mhaka.”—Jeremia 2:26, 34.

8. Nei zvinganzi Jeremia aiva nhume yorugare?

8 Jeremia kazhinji kazhinji akanzi muporofita woruparadziko, asi aigonawo kunzi nhume yaMwari yorugare. Akanongedzera kurugare kazhinji seizvo Isaya akanga aita iye asati. Jehovha akashandisa Jeremia kuzivisa rutongeso paJerusarema, achiti: “Nokuti guta rino rakamutsa kutsamwa kwangu nehasha dzangu kubva pazuva ravakarivaka kusvikira zuva ranhasi, kuti ndiribvise pamberi pangu, nokuda kwezvakaipa zvose zvavana vaIsraeri navana vaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navaprista vavo, navaporofita vavo, navanhu vaJudha, navagere Jerusarema.” (Jeremia 32:31, 32) Ikoku kwakafanofananidzira rutongeso rwaJehovha pavatongi uye vafundisi vari muChikristudhomu nhasi. Kuti rugare rwechokwadi rwupararire, ava vanyanduri veushati nemasimba masimba vanofanira kubviswa! Zvirokwazvo havasi nhume dzorugare.

UN Somuwadzanisi Here?

9. UN yakataura sei kuva nhume yorugare?

9 Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose haringagoni here kuva nhume yechokwadi yerugare? Pashure pezvose, mashoko okusuma chata yaro, akapiwa muna June 1945, mazuva 41 chete bhomba reatomu risati raparadza Hiroshima, akataura donzo raro: “kuponesa zvizvarwa zvinotevera mudambudziko rehondo.” Mitezo 50 yaikarirwa yeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose yakanga ichizo“batanidza simba [rayo] kuti ichengete rugare nekuchengeteka zvemunyika dzakawanda.” Nhasi UN ine nyika 185 dziri mitezo, dzose dzinofungidzirwa kuti dzakazvipira kudonzo rimwe chetero.

10, 11. (a) Vatungamiriri vorudzidziso vakataura sei kutsigira kwavo UN? (b) Vanapapa vakakwenengera “Mashoko Akanaka oUmambo hwaMwari” munzirai?

10 Mumakore akapfuura, UN yave ichirumbidzwa zvikuru, zvikurukuru navatungamiriri vorudzidziso. Pana April 11, 1963, Pope John XXIII akasaina tsamba yake inotumirwa kumabhishopu yaiva nomusoro unoti “Pacem in Terris” (Rugare Pasi Pano) umo akati: “Chido chedu chapachokwadi kuti Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose—mumaumbirwe aro uye muupfumi hwaro—rikwanise nguva dzose mabasa aro makuru uye akaisvonaka.” Gare gare, muna June 1965, vatungamiriri vorudzidziso, vanotaurwa kuva vanomirira hafu yevagari venyika, vakachengeta muSan Francisco zuva rokuvambwa rechi20 reUN. Uyewo muna 1965, Pope Paul VI pane imwe shanyo kuUN akairondedzera se“tariro yokupedzisira yetsinhirano norugare.” Muna 1986, Pope John Paul II akabatira pamwe mukutsigira Gore Ramarudzi Akawanda reUN Rorugare.

11 Zvakare, mukati meshanyo yake muna October 1995, papa akazivisa kuti: “Nhasi tiri kupemberera Mashoko Akanaka oUmambo hwaMwari.” Asi chaizvoizvo iye inhume yaMwari yemashoko akanaka oUmambo here? Achitaura nezvezvinetso zvenyika, akapfuurira kuti: “Sezvatinotarisana neidzi denho huru, tinogona sei kukundikana kubvuma basa reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose?” UN, panzvimbo peUmambo hwaMwari, ndicho chisarudzo chapapa.

Zvikonzero Zvoku‘chema Zvikuru’

12, 13. (a) UN yakaita sei sezvinorondedzerwa pana Jeremia 6:14? (b) Nei utungamiriri hweUN huchibatanidzwa murondedzero iri pana Isaya 33:7?

12 Kuchengeta kwechi50 kwegore negore kweUN kwakakundikana kuratidzira kariro ipi neipi chaiyoiyo ye“rugare pasi pano.” Chimwe chikonzero chakaratidzirwa nemumwe munyori muThe Toronto Star yeCanada, uyo akanyora kuti: “U.N. ishumba isina mazino, iyo inodzvova painosangana noutsinye hwomunhu, asi inofanira kumirira kuti mitezo yayo ipinze mazino ayo okunyepedzera isati yagona kuruma.” Kazhinji kazhinji kuruma ikoko kwave kuri kuduku zvikuru uye kunononoka zvikuru. Nhume dzorugare mutsika iripo yenyika, uye zvikurukuru idzo dziri muChikristudhomu, dzave dzichitaura mashoko aJeremia 6:14 anoti: “Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti: Rugare, rugare! izvo hakuna rugare.”

13 Vanyori vakuru vanotevedzana veUN vakashanda nesimba, uye pasina mubvunzo zvapachokwadi, kuti vaite kuti UN ibudirire. Asi kukakavadzana kwenguva dzose pakati pemitezo 185 ine madonzo akawanda pamusoro penzira yokudzora nayo hondo, kuronga muitiro, uye kutarisira zvemari kwakapinganidza kariro dzokubudirira. Mumushumo wake wegore negore nokuda kwa1995, aiva munyori mukuru panguva iyoyo akanyora nezvekuderera kwe“kutyiwa kwengwavaira yepasi rose yenyukireya” sokuzarura nzira yokuti “marudzi ashande pamwe chete kufambiro mberi yezvemari neyenzanga nokuda kworudzi rwose rwomunhu.” Asi akawedzera kuti: “Nenzira inosuruvarisa, chinyorwa chezvinhu zvenyika mumakore mashomanene apfuura chabvumikisa zvikuru kariro idzodzo dzokuva netariro kuva nhema.” Zvirokwazvo, dzinoshuva kuva nhume dzorugare dziri ‘kuchema zvikuru.’

14. (a) Nei kuchigona kutaurwa kuti UN yakabhuroka mune zvose zviri zviviri zvemari nomutsika? (b) Jeremia 8:15 iri kuzadzikwa sei?

14 Mumwe musoro mukuru waiva muThe Orange County Register yeCalifornia wairava kuti: “U.N. Yakabhuroka Mune Zvemari, Mutsika.” Nyaya yacho yakataura kuti pakati pa1945 na1990, kwaiva nehondo dzinopfuura 80, idzo dzakauraya vanhu vanopfuura mamiriyoni 30. Yakanokora mashoko emumwe munyori wechinyorwa chaOctober 1995 cheReader’s Digest uyo “anorondedzera kushanda kwemauto eU.N. sekunoratidzirwa ne‘vatungamiriri vasingakwanirisi, varwi vasingazvidzori, zvibvumirano nevavengi, kukundikana kudzivirira zvakashata uye padzimwe nguva kutoparira zvinotyisa.’ Uyezve, ‘kuwanda kwemarara, unyengeri, uye tsika yakashata zvakakura zvikuru.’” Mune chimwe chikamu chakanzi “U.N. pazera ramakore 50,” The New York Times yaiva nomusoro mukuru waiti “Kushandisa Zvisina Kufanira Nemarara Zvinoparadza Vavariro Dzakanakisisa dzeU.N.” The Times yeLondon, England, yaiva nenyaya yaiva nemusoro une mashoko anoti “Kusava Nesimba Pazera Ramakore 50—UN inoda gadziriro yokurovedza muviri kuti isimbe. Chaizvoizvo, zvakaita sezvatinorava pana Jeremia ganhuro 8, ndima 15: “Takanga takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakasvika; takanga takatarira nguva yokuporeswa, asi tarirai, takavhunduswa.” Uye tyisidziro yekuparadza kukuru kwenyukireya ichiri kutyisidzira rudzi rwomunhu. Nenzira yakajeka, UN haisi nhume yorugare urwo rudzi rwomunhu rwunoda.

15. Bhabhironi rakare nevana varo vorudzidziso vakabvumikisa sei kuva zvose zviri zviviri vanoparadza uye vanopusisa?

15 Chii chichava mugumisiro waizvozvi zvose? Shoko raJehovha rouporofita harisiyi mubvunzo. Pakutanga, chii chiri mberi nokuda kwemarudzidziso enhema enyika ayo kazhinji kazhinji akava noushamwari zvikuru neUN? Akabva pamavambo mamwe okunamatwa kwezvidhori, Bhabhironi rakare. Nenzira yakakodzera, anorondedzerwa pana Zvakazarurwa 17:5 se“Bhabhironi, Guta Guru, mai vemhombwe navezvinonyangadza zvenyika.” Jeremia akarondedzera kuparadzwa kweiri boka rounyengeri. Kufanana nemhombwe, akanyengera vezvematongerwe enyika vapasi, achibata kumeso UN uye kuumba ukama hwakaipa nemasimba ayo ezvematongerwe enyika. Ave ari vatori rutivi vakuru muhondo dzenhau. Mumwe mutsinhiri akataura achinongedzera kuhondo yorudzidziso muIndia: “Karl Marx akanongedzera kurudzidziso semushonga unokotsirisa vanhu. Asi kutaura ikoko hakugoni kuva kwakarurama zvikuru nemhaka yekuti mushonga unokotsirisa mushonga unorarisa, unoita kuti vanhu vave nerukope. Aiwa, rudzidziso rwakafanana zvikuru nemushonga une simba wakanatswa. Rwunobudisa masimba masimba makuru uye isimba rinoparadza zvikuru.” Munyori iyeye haana kururamawo. Rudzidziso rwenhema rwuri zvose zviri zviviri rwunopusisa uye rwunoparadza.

16. Nei vanhu vane mwoyo yakatendeseka vachifanira kutiza zvino kubva muBhabhironi Guru? (Onawo Zvakazarurwa 18:4, 5.)

16 Chii, ipapo, icho vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanofanira kuita? Nhume yaMwari Jeremia inotipa mhinduro: “Tizai mubve mukati meBhabhironi, mumwe nomumwe aponese upenyu hwake, . . . nokuti inguva yokutsiva kwaJehovha.” Tinofara kuti mamiriyoni akatiza muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Uri mumwe waivava here? Ipapo unogona kunzwisisa zvakanaka nzira iyo Bhabhironi Guru rakatapura nayo marudzi apasi: “Marudzi avanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapenga.”—Jeremia 51:6, 7.

17. Rutongesoi rwodokuitwa paBhabhironi Guru, uye chii chinotevera chiito ichocho?

17 Nokukurumidza, mitezo ino“penga” yeUN ichashandiswa naJehovha kuti irwise rudzidziso rwenhema, sezvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 17:16 kuti: “Nyanga dzine gumi dzawaona, nechikara, ndivo vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto.” Ikoku kucharatidzira kutanga kwekutambudzika kukuru kunonongedzerwa pana Mateo 24:21 uye kuchaguma paArmagedhoni, hondo yezuva guru raMwari Wamasimba Ose. Kufanana neBhabhironi rekare, Bhabhironi Guru richagamuchira rutongeso rwunoziviswa pana Jeremia 51:13, 25: “Iwe ugere pamvura zhinji une pfuma zhinji, kuguma kwako kwasvika, icho chiyero chezvawakawana nokunyengera. Tarira, ndine mhosva newe, iwe gomo rokuparadza, rinoparadza nyika yose—ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakukungurusa pamabwe, ndichakuita gomo rakatsva.” Marudzi akashata, anonyandura hondo achatevera rudzidziso rwenhema muruparadziko sezvo zuva raJehovha ramatsive rinovabatawo.

18. Isaya 48:22 ichigere kuzadzikwa riini uye sei?

18 Pana 1 VaTesaronika 5:3, zvinonzi nezvavakaipa: “Kana vachiti, Rugare, nokugarika—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba; havangatongopukunyuki.” Ivava ndivo avo Isaya akati nezvavo: “Tarirai . . . nhume dzorugare dzinochema zvikuru.” (Isaya 33:7) Zvirokwazvo, sezvatinorava pana Isaya 48:22, “Zvanzi naJehovha: Vakaipa havana rugare.” Asi inguvai yemberi yakamirira nhume dzechokwadi dzerugare rwaMwari? Nyaya yedu inotevera ichataura.

Mibvunzo Yokuhwirudzura

◻ Vaporofita vaMwari vakaratidzira nhume dzenhema nemashokoi akasimba?

◻ Nei masangano avanhu achikundikana mukuedza kupinza rugare rwunogara?

◻ Nhume dzechokwadi dzorugare dzinosiyana sei nevatsigiri veUN?

◻ Vanyoro vanofanira kuitei kuitira kuti vafare murugare rwaJehovha rwakapikirwa?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Isaya, Jeremia, uye Dhanieri vose vakafanotaura kukundikana kwenhamburiko dzorugare dzomunhuwo zvake

[Mufananidzo uri papeji 16]

“Nyika igere muna iye wakaipa.”—Muapostora Johane

[Mufananidzo uri papeji 17]

“Vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo.”—Muapostora Pauro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe