Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Kutizira Kusangano Roubati Ushe hwaMwari raJehovha
KARE kare muporofita Isaya akasundwa kuzivisa kuti: ‘Vanofanira kurumbidza Jehovha muzvitsuwa zvegungwa.’ (Isaya 24:15) Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira zvitsuwa zvegungwa serutivi rwe“nyika dzose” idzo Jesu akati “evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa.”—Mateo 24:14; Marko 13:10.
Marquesas Islands inowanika makiromita 1 400 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweTahiti. Rutivi rweboka rezvitsuwa zviri kwazvo zvoga muSouth Pacific zvinonzi French Polynesia. Nevhu rakaorera, rinowanika pakuputika kwepasi nemamiriro okunze anodziya, anonaya, zvirimwa zvinokura zvakanaka muizvi zvitsuwa. Zvisinei, vanhu veMarquesas vari kuberekawo rumwe rudzi rwemichero. Rangarira chakaitika cheimwe mhuri yakadavidza kushoko reUmambo pachitsuwa cheHiva Oa.
Jean nemudzimai wake, Nadine, vakanga vasingafari neyainzi nzanga yakabudirira yeWestern Europe yavairarama mairi. Naizvozvo vakasarudza kubva mumararamiro iwayo okubatikana ndokutamira kuMarquesas Islands nemwana wavo. Imba yavo itsva, yakavakwa nemushenjere, yakanga iri mumupata waiva pawo woga. Kuti vasvike vavakidzani vavo vepedyosa, vaifanira kufamba nemunzira yemugomo isina kunaka kwemaawa maviri. Musha waiva pedyo zvikurusa wakanga una chiremba, chikoro, uye chitoro wakanga uri kure zvokufamba maawa matatu nemotokari.
Jean naNadine vakanga vasingafariri rudzidziso. Zvisinei, vaikurukura pamusoro pemavambo eupenyu. Kazhinji kazhinji, vaikurukura zvakadzama pamusoro perondedzero dzakaoma kunzwisisa dzemhindumupindu. Asi hapana imwe yerondedzero dzavo yakavaunzira gutsikano.
Pashure pokugara vari voga kwemakore matanhatu, vakashamiswa nokushanyirwa nevaviri veZvapupu zvaJehovha. Zvapupu zvacho zvakanga zvanzwa kwaiva naJean naNadine kubva kuvagari vemisha yepedyo. Sezvingakarirwa, kurukurirano yacho yakatungamirira kukukurukurwa kwerondedzero yemhindumupindu. Kumufaro wevaroorani vacho, Zvapupu zvakanga zvine kopi yebhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Jean naNadine vakafadzwa kuva nebhuku rakakurukura kunzverwa kwakakwana kwematangire akaita upenyu pano.
Nguva pfupi gare gare, fundo yeBhaibheri yakatangwa. Mukati menhambo yeanenge makore matatu, Jean naNadine vakaita fambiro mberi yakadzikama. Vakapwiswa kuti nokukurumidza pasi rose richava paradhiso. Pashure pokunge vava nevana vatatu, kufamba kwemaawa mana kuti vapinde misangano yeChikristu paHoro yoUmambo kwakava basa rakaoma. Zvisinei, izvozvo hazvina kuvaregedzesa kupinda. Pakupedzisira Jean naNadine vakaratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha kupfurikidza nerubhabhatidzo rwomumvura. Vakaita izvozvo pakokorodzano yakaitirwa mumusha mukuru, apo nhamba yepamusoro yevakapinda yakanga iri vanhu 38!
Kuitira kubetsera boka duku revaparidzi voUmambo, mhuri yacho yakasarudza kusiya musha wayo uyo waiva pawo woga. Vakatamira kumusha waigarwa nevanhu vanenge chiuru chimwe, uko Jean zvino anobatira somubatiri anoshumira muungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Iyi mhuri, iyo pakutanga yakatizira kuzvitsuwa zvacho kuti itize budiriro, inokurangarira seropafadzo kuva yakawana nzvimbo imwe bedzi yechokwadi yekutizira, sangano raJehovha roubati ushe hwaMwari.