RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 7/15 pp. 8-13
  • Kuramba Takanaka Munyika Yakazadzwa Nouipi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuramba Takanaka Munyika Yakazadzwa Nouipi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika Yakazadzwa Nouipi yeRoma
  • Nyika Yanhasi Yakazadzwa Nouipi
  • Kuramba Uipi Hwenyika
  • Uri Kuronda Kunaka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kukudziridza Kwatingaita Kunaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Tingagovera Sei Kunaka Kukutenda Kwedu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Nei Mwari Akarwisa VaKenani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 7/15 pp. 8-13

Kuramba Takanaka Munyika Yakazadzwa Nouipi

“Itai zvose musinganyunyuti, musina nharo; kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka.”—VAFIRIPI 2:14, 15.

1, 2. Nei Mwari akarayira kuparadzwa kwavaKanani?

MIRAYIRO yaJehovha haisiyi nzvimbo yokubvumirana pane zvisina kufanira. VaIsraeri vakanga voda kupinda muNyika Yakapikirwa apo muporofita Mosesi akavaudza kuti: “Unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, navaAmori, navaKanani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi; sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako.”—Dheuteronomio 7:2; 20:17.

2 Sezvo Jehovha ari Mwari ane ngoni, nei akarayira kuparadzwa kwavagari veKanani? (Eksodho 34:6) Chimwe chikonzero chakanga chiri ‘chokuti vaKanani vasadzidzisa Israeri kuita maererano nezvinhu zvose zvinonyangadza zvavakaitira vamwari vavo uye nokudaro vatadzire Jehovha Mwari.’ (Dheuteronomio 20:18) Mosesi akatiwo: “Nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kwokuipa kwavo.” (Dheuteronomio 9:4) VaKanani vakanga vari muenzaniso chaiwo wouipi. Ushati hwevatano nokunamata zvidhori zvakanga zviri mavara okunamata kwavo. (Eksodho 23:24; 34:12, 13; Numeri 33:52; Dheuteronomio 7:5) Makunakuna, ungochani, uye kurara nemhuka kwakanga kuri ‘mararamiro enyika yeKanani.’ (Revhitiko 18:3-25) Vana vasina mhaka vakabayirwa kuvamwari venhema nenzira youtsinye. (Dheuteronomio 18:9-12) Hazvishamisi kuti Jehovha akarangarira kungovapo kweaya marudzi setyisidziro kugarikano yokunyama, yetsika, uye yomudzimu yavanhu vake!—Eksodho 34:14-16.

3. Chii chakaitika nemhaka yokuti vaIsraeri havana kuita zvizere mirayiro yaMwari pamusoro pavagari veKanani?

3 Nemhaka yokuti mirayiro yaMwari haina kuitwa zvizere, vagari vakawanda veKanani vakapukunyuka kukurira kwaIsraeri Nyika Yakapikirwa. (Vatongi 1:19-21) Pashure penguva yakati, pesvedzero inokura zvishoma nezvishoma yavaKanani yakanzwiwa, uye kwaigona kunzi: “[VaIsraeri] vakaramba mitemo [yaJehovha] nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varayirwa naJehovha kuti varege kuita saivo.” (2 Madzimambo 17:15) Hungu, mumakore akapfuura vaIsraeri vakawanda vakaita uipi chaihwo uhwo hwakanga hwaparira Mwari kuti arayire kutsakatika kwavaKanani—kunamata zvidhori, vatano yakanyanyisa, uye kunyange kubayira vana!—Vatongi 10:6; 2 Madzimambo 17:17; Jeremia 13:27.

4, 5. (a) Chii chakaitika kuna Israeri naJudha vasina kutendeka? (b) Murayiroi unopiwa pana VaFiripi 2:14, 15, uye mibvunzoi inomutswa?

4 Muporofita Hosea naizvozvo akazivisa kuti: “Inzwai shoko raJehovha, imi vana vaIsraeri, nokuti Jehovha une gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakuna zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino. Hakuna zvimwe asi kupika, nokunyengera, nokuuraya, nokuba, nokuita upombwe; vanopaza dzimba, kuteura ropa kunoramba kuchitevera kuteura ropa. Saka nyika ichachema, mumwe nomumwe ugeremo uchapera simba, pamwe chete nemhuka dzesango neshiri dzokudenga; naidzo hove dzegungwa dzichabviswa.” (Hosea 4:1-3) Muna 740 B.C.E., umambo hwakashata hwokuchamhembe hwaIsraeri hwakakurirwa neAsiria. Rinoda kupfuura zana ramakore gare gare, umambo hwokumaodzanyemba husina kutendeka hwaJudha hwakakurirwa neBhabhironi.

5 Izvi zviitiko zvinoratidzira kuti kunogona kuva nengozi sei kuzvibvumira kukurirwa nouipi. Mwari anozvidza kusarurama uye haasati achizokushivirira pakati pavanhu vake. (1 Petro 1:14-16) Ichokwadi kuti tinorarama mu“nyika yakaipa yazvino,” munyika iri kuwedzera kuva yakaipa. (VaGaratia 1:4; 2 Timotio 3:13) Kunyange zvakadaro, Shoko raMwari rinorayira vaKristu vose kuramba vachiita nenzira yokuti vave “vasina chavangapomerwa, navasina kururama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwa[va]noonekwa pakati parwo sezviedza panyika.” (VaFiripi 2:14, 15) Asi tinogona sei kuramba takanaka munyika yakazadzwa nouipi? Zvinobvira chaizvoizvo kuita kudaro here?

Nyika Yakazadzwa Nouipi yeRoma

6. Nei vaKristu vezana rokutanga ramakore vakatarisana nedenho yokuchengeta kunaka?

6 VaKristu vezana rokutanga ramakore vakatarisana nedenho yokuramba vakanaka nemhaka yokuti uipi hwaizadza rutivi rwuri rwose rwenzanga yeRoma. Muzivi weRoma Seneca akati nezvavairarama panguva imwe naye: “Vanhu vanoparapatika mumakwikwi ouipi. Zuva riri rose chishuvo chokuita zvakaipa chinokura, kutya kwacho kunoderera.” Akaenzanisa nzanga yavaRoma ne“nzanga yemhuka dzesango.” Hazvishamisi, ipapo, kuti nokuda kwevaraidzo vaRoma vakatsvaka mitambo yevatano uye yokurwa.

7. Pauro akarondedzera sei uipi hwakanga hwazara pakati pavakawanda vezana rokutanga ramakore C.E.?

7 Muapostora Pauro angava akanga achirangarira mufambiro wakaipa wavanhu vomuzana rokutanga ramakore paakanyora kuti: “Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubayiro wakafanira wokurashika kwavo.” (VaRoma 1:26, 27) Yasarudza kuronda zvishuvo zvisina kuchena zvenyama, nzanga yeRoma yakazadzwa nouipi.

8. Vana kazhinji kazhinji vaibatwa zvisina kufanira sei munzanga dzechiGiriki neRoma?

8 Nhau haijekesi kupararira kwakanga kwakaita ungochani pakati pavaRoma. Pasina mubvunzo, kunyange zvakadaro, vakapesvedzerwa namadzitateguru avo echiGiriki, ayo aihuita zvizere. Kwakanga kwakarovedzeka kuti varume vakuru vashatise majaya, vachiva noukama hwomudzidzi nomudzidzisi uhwo kazhinji kazhinji hwaitungamirira vaduku mumuitiro wakashata wevatano. Pasina mubvunzo, Satani namadhimoni ake vakanga vachitsigira uipi hwakadaro uye kubatwa zvisina kunaka kwavana.—Joere 3:3; Judhasi 6, 7.

9, 10. (a) 1 VaKorinte 6:9, 10 yakashora sei uipi hwamarudzi akasiyana-siyana? (b) Chii chakanga chiri mamiriro ezvinhu avamwe vaiva muungano yeKorinte, uye ichinjoi yakaitika muchiitiko chavo?

9 Achinyora afuridzirwa naMwari, Pauro akaudza vaKristu vaiva muKorinte kuti: “Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, kana mbavha, kana vane ruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari. Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.”—1 VaKorinte 6:9-11.

10 Tsamba yakafuridzirwa yaPauro nokudaro yakashora unzenza, ichitaura kuti “mhombwe” hadzinga“gari nhaka yoUshe hwaMwari.” Pashure pokuronga uipi hwakati, zvisinei, Pauro akati: “Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa.” Nebetsero yaMwari zvaibvira kuti vaiti vezvakaipa vave vakachena mumeso ake.

11. VaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakaita sei mumamiriro ezvinhu akaipa ezuva ravo?

11 Hungu, kunaka kwechiKristu kwakapararira kunyange munyika yaiva yakazadzwa nouipi yezana ramakore rokutanga. Vatendi vaka‘shandurwa kupfurikidza nokuchinja mirangariro yavo.’ (VaRoma 12:2) Vakasiya “munhu wekare” uye vaka‘itwa vatsva musimba raisunda ndangariro dzavo.’ Nokudaro vakatiza uipi hwenyika ndoku“fuk[a] munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.”—VaEfeso 4:22-24.

Nyika Yanhasi Yakazadzwa Nouipi

12. Ichinjoi yakaitika munyika chibviro cha1914?

12 Zvakadiniko nezuva redu? Nyika yatinorarama mairi yakazadzwa nouipi zvikuru kupfuura nakare kose. Zvikurukuru chibviro cha1914 pave pane kuderera kwetsika munyika yose. (2 Timotio 3:1-5) Vachiramba pfungwa dzegamuchidzanwa pamusoro pokunaka, tsika, mukurumbira, vakawanda vakava vanofunga zvavo voga uye vari ku“zvipa vasina hanya kuutere.” (VaEfeso 4:19) Magazini yeNewsweek yakati: “Tiri kurarama muzera rokuita mazvakemazvake mutsika,” ichiwedzera kuti mugariro wetsika wakapararira “wakaita kuti pfungwa dzose dzechakanaka nechakaipa dzive nhau dzomunhu oga, dzinodiwa nemirangariro kana kuti chisarudzo chetsika.”

13. (a) Yakawanda yevaraidzo yanhasi inotsigira sei uipi? (b) Varaidzo isina kufanira inogona kuva netapuroi yakaipa pavanhu?

13 Somuzana rokutanga ramakore, varaidzo yakaipa yakarovedzeka nhasi. Terevhizheni, redhiyo, mabhaisikopu, uye mavhidhiyo nguva dzose zvinogovera zvinhu zvine chokuita nevatano. Uipi hwakatopinda mumakombiyuta. Zvevatano zviri kuwanikwa zvakawedzerwa pamakombiyuta anhasi uye zviri kuwanikwa navanhu vamazera akasiyana-siyana. Chii chiri tapuro dzaizvozvi zvose? Mumwe munyori wepepanhau akati: “Apo kuteurwa kweropa nemasimba masimba uye vatano yokusasarura zvinozadza tsika dzedu dzakakurumbira, tinorovedzaniswa nokuteura ropa nemasimba masimba uye vatano yokusasarura. Tinokura takaneta. Uipi hunoramba huchishivirirwa zvikuru nemhaka yokuti zvishomanene zvinotikatyamadza.”—Enzanisa na1 Timotio 4:1, 2.

14, 15. Ufakazii huripo hwokuti tsika dzevatano dzakaderera munyika yose?

14 Rangarira uyu mushumo uri muThe New York Times: “Zvaizova zvakarangarirwa sezvinokatyamadza makore 25 apfuura zvino zvava kugamuchirwa segadziriro yokurarama. Nhamba yevaroorani vanosarudza kugara pamwe chete panzvimbo pokuroorana yakakwira ne80 muzana [muUnited States] pakati pa1980 na1991.” Ichi hachisi chinetso cheNorth America chete. Magazini yeAsiaweek inoshuma kuti: “Hurukuro yetsika iri kuitika mukati me[Asia] mose. Nhau yacho ndeyorusununguko rwevatano mukupesana nemipimo yetsika, uye dzvinyiriro dzokuchinja dziri kukura zvakasimba.” Nzvero dzinoratidza kugamuchirwa kuri kuwedzera kwoupombwe uye vatano musati maroorana munyika dzakawanda.

15 Bhaibheri rakafanotaura kuti mubato waSatani waizova wakakomba muzuva redu. (Zvakazarurwa 12:12) Hazvifaniri kutishamisa, ipapoka, kuti uipi ihwohwo huri kupararira zvinoshamisa. Somuenzaniso, kubatwa zvisina kufanira muvatano kwavana kwakasvika mipimo yakakura.a United Nations Children’s Fund inoshuma kuti “kubatwa zvisina kufanira muvatano kwezvemari kuri kukuvadza vana munodokuva munyika iri yose.” Gore rimwe nerimwe “vana vanopfuura miriyoni imwe vanoshumwa kuti vanomanikidzwa kuva pfambi, vanotengeswa nokuda kwezvinangwa zvevatano, uye vanoshandiswa mukubudiswa kwezvevatano zvavana.” Ungochani hunozivikanwawo, uye vamwe vezvamatongerwe enyika uye vatungamiriri vorudzidziso vanotungamirira kukuhutsigira se“mamwe mararamire.”

Kuramba Uipi Hwenyika

16. Zvapupu zvaJehovha zvinotora chimiroi pamusoro petsika dzevatano?

16 Zvapupu zvaJehovha hazvikumbaniri mumuitiro waavo vanoita mipimo yokuzvidira younzenza. Tito 2:11, 12 inoti: “Nyasha dzaMwari dzakaonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino.” Hungu, tinosakurira ruvengo chairwoirwo, kusema, uipi hwakadai sevatano musati maroorana, upombwe, uye zviito zvoungochani.b (VaRoma 12:9; VaEfeso 5:3-5) Pauro akapa zano iri: “Mumwe nomumwe unoreva zita raShe ngaabve pakusarurama.”—2 Timotio 2:19.

17. VaKristu vechokwadi vanorangarira sei kushandiswa kwezvinwiwa zvinodhaka?

17 VaKristu vechokwadi vanoramba murangariro wenyika wehunoratidzika kuva uipi huduku. Somuenzaniso, vanhu vakawanda nhasi vanorangarira kushandisa zvisina kufanira zvinwiwa zvinodhaka sevaraidzo inofadza. Asi vanhu vaJehovha vanoteerera zano raVaEfeso 5:18 rinoti: “Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pane kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya.” Kana muKristu akasarudza kunwa, anoita kudaro nomwero.—Zvirevo 23:29-32.

18. Nheyo dzeBhaibheri dzinotungamirira sei vabatiri vaJehovha mukubata kwavo mitezo yemhuri?

18 Savabatiri vaJehovha, tinorambawo murangariro wavamwe vari munyika wokuti kuzhamba nokupopotera mukwanyina wako kana kuti vana kana kuti kuvatuka nemashoko anorwadza mufambiro unogamuchirika. Vachitsunga kuronda nzira youchenjeri, varume vechiKristu navadzimai vanoshanda pamwe chete kuti vashandise zano raPauro rokuti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri; muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.”—VaEfeso 4:31, 32.

19. Uipi hwakapararira sei munyika yebhizimisi?

19 Kusatendeseka, unyengeri, kureva nhema, unyanzvi hwebhizimisi hwoutsinye, uye kuba zvinozivikanwawo nhasi. Imwe nyaya yaiva mumagazini yebhizimisi inonzi CFO inoshuma kuti: “Imwe nzvero yevashandi 4 000 . . . yakawana kuti 31 muzana yevanhu vakanzverwa yakanga yapupurira ‘kusazvibata kwakakomba’ mukati megore rakapfuura.” Kusazvibata kwakadaro kwaibatanidza kureva nhema, zvinyorwa zvenhema, kubatwa zvisina kufanira muvatano, uye kuba. Kana tichizoramba takachena mutsika mumeso aJehovha, tinofanira kudzivisa mufambiro wakadaro ndokuva vakatendeseka mukubata kwedu kwezvemari.—Mika 6:10, 11.

20. Nei vaKristu vachida kusunungurwa pa“kuda mari”?

20 Rangarira zvakaitika kune mumwe murume akafungidzira kuti aizova nenguva yakawanda yebasa raMwari kana akaita mhindu yokukurumidza muchirongwa chemari. Akatungamirira vamwe muchirongwa chemari kupfurikidza nokukatutsira mhindu dzavo dzaikarirwa. Apo idzo dzisina kubereka, akatambura kwazvo kuti afukidze kurasikirwa kukuru kwakaitika zvokuti akaba mari yaakanga aronzeswa. Nemhaka yezviito zvake uye murangariro wokusapfidza, akadzingwa muungano yechiKristu. Yechokwadi zvikuru inyevero yeBhaibheri yokuti: “Vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:10.

21. Mufambiroi wakarovedzeka pakati pavanhu vari munyika, asi avo vari munzvimbo dzinovimbwa muungano yechiKristu vanofanira kuzvibata sei?

21 Varume venyika vane simba nepesvedzero kazhinji kazhinji havana tsika uye vanoratidzira chokwadi chokutaura kwokuti, ‘Simba rinoshatisa.’ (Muparidzi 8:9) Mune dzimwe nyika, chioko muhomwe nezvimwe zvimiro zvoushati mararamire pakati pavatongi, mapurisa, uye vezvematongerwe enyika. Zvisinei, avo vanotungamirira muungano yechiKristu vanofanira kuva vane tsika uye havafaniri kuisa mutoro pavamwe. (Ruka 22:25, 26) Vakuru, pamwe chete nevabatiri vanoshumira, havabatiri “nokuda kwokukarira pfuma yakaipa.” Vanofanira kusabvuma kuedza kupi nokupi kushandisa kana kuti kupesvedzera kusarudza kwavo kupfurikidza nekariro yokupfuma kwomunhu oga.—1 Petro 5:2; Eksodho 23:8; Zvirevo 17:23; 1 Timotio 5:21.

22. Nyaya inotevera ichakurukurei?

22 Kazhinji kazhinji, vaKristu nenzira inobudirira vari kunangana nedenho yezuva ranhasi yokuchengeta kunaka munyika yedu yakazadzwa nouipi. Bva, kunaka kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura kungodzivisawo zvako uipi. Nyaya inotevera ichakurukura chakunoda chaizvoizvo kusakurira kunaka.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nhevedzano yenyaya inoti “Dzivirirai Vana Venyu!,” iri muMukai! yaOctober 8, 1993.

b Avo vakabatikana muzviito zvoungochani munguva dzakapfuura vanogona kuita chinjo mumufambiro wavo, sezvakaita vamwe muzana rokutanga ramakore. (1 VaKorinte 6:11) Mashoko anobetsera akapiwa muMukai! yaApril 8 1995, mapeji 21-3.

Mifungo Yokuhwirudzura

◻ Nei Jehovha akarayira kuparadzwa kwavaKanani?

◻ Uipii hwaizivikanwa navose muzana rokutanga ramakore, uye vaKristu vakaita sei nemamiriro ezvinhu akadaro?

◻ Ufakazii huripo hwokuti nyika yakapupurira kuderera kwetsika kwenyika yose chibviro cha1914?

◻ Uipii hunozivikanwa navose uhwo vanhu vaJehovha vanofanira kuramba?

[Mufananidzo uri papeji 9]

VaKristu vezana rokutanga ramakore vakanga vakanaka, kunyange zvazvo vaigara munyika yaiva yakazadzwa nouipi

[Mufananidzo uri papeji 10]

Uipi hwakatopinda kunyange mumakombiyuta, huchipa vanhu vaduku navamwe mukana wokuona zvinhu zvevatano

[Mufananidzo uri papeji 12]

VaKristu vanofanira kuchengeta kunaka, kwete kutevedzera miitiro yokusatendeseka yavamwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe