Kutsigira Nokuvimbika Shoko raMwari Rakafuridzirwa
“Takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari.” —2 VAKORINTE 4:2.
1. (a) Chii chave chichidikanwa kuitira kuti basa riri muna Mateo 24:14 na 28:19, 20 riitwe? (b) Bhaibheri raiwanika kusvikira kutambanukoi mumitauro yavanhu apo mazuva okupedzisira akavamba?
MUUPOROFITA hwake hukuru pamusoro penguva yokuvapo kwake kwoumambo nokuguma kwetsika yezvinhu yekare, Jesu Kristu akafanotaura kuti: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” Akarayirawo vateveri vake kuti: “Mudzidzise marudzi ose, . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.” (Mateo 24:14; 28:19, 20) Kuzadzikwa kwouporofita ihwohwo kunobatanidza basa guru rokushandura nokudhinda Bhaibheri, kudzidzisa vanhu zvarinoreva, uye kuvabatsira kurishandisa muupenyu hwavo. Iropafadzo yakadini kugoverana mubasa rakadaro! Pakasvika 1914 Bhaibheri kana kuti chimwe chikamu charo rakanga ratobudiswa mumitauro 570. Asi kubvira panguva iyoyo mazana emimwe mitauro netwumitauro twakawanda zvakanga zvawedzerwa, uye mumitauro yakawanda mune shanduro inopfuura imwe.a
2. Ivavariroi dzakasiyana-siyana dzakapesvedzera basa revashanduri veBhaibheri navabudisi?
2 Zvakaomera mushanduri upi noupi kutora mashoko emumwe mutauro ndokuaita kuti anzwisisike kuna avo vari kurava nokunzwa mumwe mutauro. Vamwe vashanduri veBhaibheri vakaita basa ravo vachiziva zvikuru kuti zvavaishandura iShoko raMwari. Vamwe vakangofadzwa bedzi nekuoma kunoda unyanzvi kwebasa racho. Vangave vakarangarira zviri muBhaibheri senhaka yetsika inokosha. Kuvamwe, rudzidziso ndiro basa ravo, uye kukwanisa kubudisa bhuku rine zita ravo somushanduri kana kuti mubudisi rutivi rwekurarama kwavo. Vavariro dzavo sezviri pachena dzinopesvedzera maitire avanoita basa ravo.
3. New World Bible Translation Committee inorangarira sei basa rayo?
3 Zvakataurwa neNew World Bible Translation Committee zvinoshamisa: “Kushandura Magwaro Matsvene kunoreva kushandurira zvinofunga Jehovha Mwari nezvaanotaura mune mumwe mutauro . . . Iyoyo ipfungwa inovhundutsa zvikuru. Vashanduri veBhaibheri rino, avo vanotya nokuda Mwari Akanyora Magwaro Matsvene, vane basa chairo ravanoMuitira rokushandura mifungo yake nemitemo zvakarurama sezvinobvira. Vanonzwawo vaine basa rokubatsira varavi vanonzvera avo vanovimba nekushandurwa kweShoko rakafuridzirwa raMwari Mukurusa nokuda kwokuponeswa kwavo kusingagumi. Iri dare ravarume vakazvitsaurira rakabudisa New World Translation of the Holy Scriptures kwemakore akawanda richiziva basa rinokosha rakadaro.” Vavariro yedare racho yaiva yokuva neshanduro yeBhaibheri yaizova yakajeka uye inonzwisisika uye yaizowirirana zvikuru nechiHebheru nechiGiriki chapakuvamba kuti igovere pokutangira kukura muzivo yakarurama.
Chii Chakaitika kuZita raMwari?
4. Zita raMwari rinokosha sei muBhaibheri?
4 Imwe yevavariro huru dzeBhaibheri ndeyekubatsira vanhu kuziva Mwari wechokwadi. (Eksodho 20:2-7; 34:1-7; Isaya 52:6) Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti zita raBaba vake “rikudzwe noutsvene,” riyereswe. (Mateo 6:9) Mwari akaita kuti zita rake pachake rive muBhaibheri kanopfuura ka7 000. Anoda kuti vanhu vazive zita iroro nemavara eMuridzi waro.—Maraki 1:11.
5. Vashanduri vakasiyana-siyana vakashandura sei zita raMwari?
5 Vashanduri vakawanda veBhaibheri vakaremekedza zvapachokwadi zita raMwari uye vakarishandisa nguva dzose mubasa ravo. Vamwe vashanduri vanoda Yave. Vamwe vakasarudza chimiro chezita raMwari chiri mumutauro wavo nepo chichibatanidzwa zvakajeka nezvinowanwa murugwaro rwechiHebheru, sezvinobvira muchimiro chinozivikanwa zvikuru nemhaka yokushandiswa kwenguva refu. New World Translation of the Holy Scriptures inoshandisa Jehovha kane 7 210 mumagwaro ayo makuru.
6. (a) Mumakore mashomanene apfuura, vashanduri vakaitei pamusoro pezita raMwari? (b) Maitire iwaya akapararira sei?
6 Mumakore mashomanene apfuura, kunyange zvazvo vashanduri veBhaibheri vachichengeta mazita avanamwari vechihedheni vakadai saBhaari naMoreki, vari kubvisa zita raMwari wechokwadi nokukurumidza zvikuru mushanduro dzeShoko rake rakafuridzirwa. (Eksodho 3:15; Jeremia 32:35) Mundima dzakadai saMateo 6:9 naJohane 17:6, 26, shanduro inoparadzirwa zvikuru yekuAlbania inoshandura mashoko echiGiriki nokuda kwa“zita renyu” (ndiko kuti, zita raMwari) ichingoti “imi,” sezvinonzi magwaro iwayo aisataura nezvezita. PaPisarema rechi83:18, The New English Bible neToday’s English Version anobvisa zita raMwari pachake uye chinhu chipi nechipi chinoratidza kuti Mwari ane zita. Kunyange zvazvo zita raMwari raioneka mushanduro dzakare dzeMagwaro echiHebheru mumitauro yakawanda zvikurusa, shanduro itsva zvikuru dzaiwanzoribvisa kana kuti kungoridudza kumamajini. Ndizvo zvakaitika muchiNgezi, pamwe chete nemune mimwe mitauro yeEurope, Africa, South America, India, uye zvitsuwa zvePacific.
7. (a) Vamwe vashanduri veBhaibheri muAfrica vari kubata sei zita raMwari? (b) Unonzwa sei pamusoro paizvozvo?
7 Vanoshandurira Bhaibheri mune mimwe mitauro yemuAfrica vari kupfuura mwero. Panzvimbo pokungotsiva zita raMwari nezita romuMagwaro, rakadai sokuti Mwari kana kuti Tenzi, vari kuisa mazita akatorwa muzvitendero zvorudzidziso zvomunzvimbomo. MuThe New Testament and Psalms in Zulu (shanduro ya1986), zita rokuti Mwari (uNkulunkulu) rakashandiswa richichinjaniswa nezita romunhu oga (uMvelinqangi) iro vanhu vechiZulu vanonzwisisa kuva rinoreva ‘tateguru mukuru anonamatwa kupfurikidza namadzitateguru avanhu.’ Imwe nyaya yaiva mumagazini inonzi The Bible Translator, yaOctober 1992, yakashuma kuti mukugadzira Bhaibheri reChichewa iro richanzi Buku Loyera, vashanduri vakanga vachishandisa Chauta sezita rokutsiva nzvimbo yaJehovha. Chauta, seizvo nyaya yacho yakatsanangura, “ndiMwari wavakangogara vachiziva nokunamata.” Bva, vazhinji vavanhu ivava vanonamatawo zvavanodavira kuti midzimu yavakafa. Ichokwadi here kuti vanhu vakanyengetera kuna “Musikavanhu,” ipapo zita rose rose ravanoshandisa nokuda kwa“Musikavanhu” rinoshanda kutsiva Jehovha, pasinei zvapo nokuti kunamata kwavo kungabatanidza zvimwe zvipi? Chokwadika kwete! (Isaya 42:8; 1 VaKorinte 10:20) Kutsiva zita raMwari pachake nechimwe chinhu chinoita kuti vanhu vanzwe kuti zvitendero zvavo zvorudzidziso zvakarurama hakuvabatsire kuswedera pedyo naMwari wechokwadi.
8. Nei donzo raMwari rokuita kuti zita rake riziviswe risina kukanganiswa?
8 Zvose izvozvi hazvina kuchinja kana kuti kukanganisa donzo raJehovha rokuita kuti zita rake rizivikanwe. Mumitauro yomuEurope, Africa, nyika dzeAmerica, kuMabvazuva, uye zvitsuwa zvegungwa, kuchiri kuparadzirwa maBhaibheri akawanda ane zita raMwari. Kunewo Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 5 400 000 munyika nenharaunda 233 idzo dzinopa pamwe chete maawa anopfuura bhiriyoni pagore zvichiudza vamwe pamusoro pezita nedonzo raMwari wechokwadi. Zvinodhinda nokuparadzira maBhaibheri—aya ane zita raMwari—mumitauro inotaurwa navanhu 3 600 000 000 vevagari vapasi, kubatanidza chiNgezi, chiChinese, chiRussian, chiSpanish, chiPutukezi, chiFrench, uye chiDutch. Zvinodhindawo mabhuku anoyamura kufunda Bhaibheri mumitauro inozivikanwa navanhu vakawanda zvikurusa vavagari vapasi. Nokukurumidza Mwari pachake achaita chiito nenzira ichazadzika kutaura kwake kumarudzi kwokuti “vachaziva kuti [ndiye] Jehovha.”—Ezekieri 38:23.
Apo Zvitendero Zvomunhu Oga Zvinopesvedzera Shanduro
9. Bhaibheri rinoratidza sei mutoro wakakomba une avo vanobata Shoko raMwari?
9 Avo vanoshandura Shoko raMwari pamwe chete naavo vanoridzidzisa vane basa rakakomba. Muapostora Pauro akati pamusoro poushumiri hwake nohweshamwari dzake: “Takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari asi pakuratidza kwedu zvokwadi; tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari.” (2 VaKorinte 4:2) Kushatisa kunoreva kuodza kupfurikidza nokupinza chimwe chinhu chisiri chemo kana kuti chisina basa. Muapostora Pauro akanga asina kuita savafudzi vasina kutendeka vaIsraeri mumazuva aJeremia avo vakatsiurwa naJehovha nemhaka yokuti vaiparidza pfungwa dzavo panzvimbo pezvaitaurwa naMwari. (Jeremia 23:16, 22) Asi chii chakaitika munguva dzazvino uno?
10. (a) Dzimwe vavariro dzisiri dzokuvimbika kuna Mwari dzakapesvedzera sei vamwe vashanduri munguva dzazvino uno? (b) Ibasai ravakanga vachiita zvisina kufanira?
10 Mukati meHondo Yenyika II, rimwe dare renyanzvi dzezverudzidziso nevafundisi rakabatira pamwe nehurumende yeNazi muGermany kuti vabudise “Testamende Itsva” yakavandudzwa iyo yaibvisa kutaura kwose kwaitsigira vaJudha nezvose zvairatidza kuti Jesu aiva muJudha. Munguva pfupi yapfuura zvikuru, vashanduri vakabudisa The New Testament and Psalms: An Inclusive Version vakaenda kune rimwe divi rakasiyana, vachivavarira kubvisa zvose zvairatidzira kuti vaJudha vakakonzera kufa kwaKristu. Vashanduri ivavo vairangarirawo kuti varavi vanotsigira kodzero dzavakadzi vaizofara zvikuru kudai Mwari akataurwa nezvake, kwete saBaba, asi saBaba-Amai, uye kudai Jesu ainzi, kwete Mwanakomana waMwari, asi Mwana wake. (Mateo 11:27) Pavaidaro, vakabvisa nheyo yokuzviisa pasi kwevakadzi kuvarume vavo uye kuteerera vabereki kwevana. (VaKorose 3:18, 20) Vabudisi veidzi shanduro havana kugoverana zvakajeka kutsunga kwomuapostora Pauro kusa‘shatisa shoko raMwari.’ Vakanga vachikanganwa basa romushanduri, vachitora basa romunyori, kubudisa mabhuku aishandisa mukurumbira weBhaibheri semutoo wokutsigira nawo pfungwa dzavo.
11. Dzidziso dzechiKristudhomu dzinosiyana sei nezvinotaura Bhaibheri pamusoro pemweya norufu?
11 Machechi echiKristudhomu anowanzodzidzisa kuti mweya womunhu mudzimu, kuti unosiya muviri pakufa, uye kuti haufi. Mukupesana, shanduro dzakare dzeBhaibheri mumitauro yakawanda zvikurusa dzinotaura zvakajeka kuti vanhu mweya, kuti mhuka mweya, uye kuti mweya unofa. (Genesi 12:5; 36:6; Numeri 31:28; Jakobho 5:20) Izvozvo zvakaomera vafundisi.
12. Dzimwe shanduro dzazvino uno dzinokanganisa sei zvokwadi dzeBhaibheri?
12 Parizvino dzimwe shanduro itsva dzinokanganisa zvokwadi idzodzi. Sei? Dzinongodzivisa chete kushandura zvakananga zita rechiHebheru neʹphesh (mweya) mune dzimwe ndima. Pana Genesi 2:7, dzingataura kuti munhu wokutanga “akavamba kurarama” (panzvimbo pokuti “akava mweya mupenyu”). Kana kuti vangataura nezve“chisikwa” panzvimbo pe“mweya” kana vachitaura nezveupenyu hwemhuka. (Genesi 1:21) Mundima dzakadai saEzekieri 18:4, 20, vangataura nezve“munhu” (panzvimbo pe“mweya”) seanofa. Kushandura kwakadaro, zvichida kwakarurama kumushanduri. Asi zvinobatsirei kumutsvaki wechokwadi ane pfungwa dzakatokanganiswa nedzidziso dzisiri dzomuMagwaro dzechiKristudhomu?b
13. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzakavanza donzo raMwari pamusoro pepasi nemitooi?
13 Mukuedza kutsigira chitendero chavo chokuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga, vashanduri—kana kuti vafundisi vanoongorora basa ravo—vangavavarirawo kuvanza zvinotaura Bhaibheri pamusoro pedonzo raMwari nokuda kwapasi. PaPisarema 37:11, shanduro dzakawanda dzinorava kuti vanozvininipisa vachagara pa“nyika.” “Nyika” kushandurwa kunobvira kweshoko (ʼeʹrets) rinoshandurwa murugwaro rwechiHebheru. Zvisinei, Today’s English Version (iyo yakashandiswa nokuda kwokushandurira kune mimwe mitauro) inopfuura mwero. Kunyange zvazvo iyi shanduro ichishandura shoko rechiGiriki rokuti ge ichiti “pasi” ka17 muEvhangeri yaMateo, pana Mateo 5:5 inobvisa “pasi” yoshandisa kutaura kwokuti “zvakapikirwa naMwari.” Mitezo yechechi inowanzofunga nezvedenga. Havazi kuziviswa zvakatendeseka kuti, muMharidzo yake Yapagomo, Jesu Kristu akataura kuti vasina hasha, vanyoro, kana kuti vanozvininipisa vacha“gara nhaka ye[pasi, NW].”
14. Ipfungwai dzomunhu oga dzinooneka mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri?
14 Dzimwe shanduro dzeMagwaro sezviri pachena dzakanyorwa dzine murangariro wokubatsira vaparidzi kuwana mari yakawanda. Ichokwadi kuti Bhaibheri rinotaura kuti: “Mubati wakafanirwa nomubayiro wake.” (1 Timotio 5:18) Asi pana 1 Timotio 5:17, parinotaura kuti varume vakuru vanotungamirira zvakaisvonaka “vanofanirwa nokukudzwa kaviri,” kukudza bedzi uko vamwe vavo vanorangarira sokwakafanira kududzwa ndekuya kune chokuita nezvemari. (Enzanisa na1 Petro 5:2.) Nokudaro, The New English Bible rinotaura kuti vakuru ava “vakafanirwa nokubhadharwa chitsama chemari chakapetwa kaviri.”
Kutsigira Nokuvimbika Shoko raMwari
15. Tinogona sei kusarudza shanduro dzeBhaibheri dzokushandisa?
15 Izvozvi zvose zvinorevei kumuravi weBhaibheri mumwe uye nokuda kwaavo vanoshandisa Bhaibheri kudzidzisa vamwe? Mumizhinjisa yemitauro inoshandiswa zvikurusa, kune shanduro inopfuura imwe yokusarudza. Ratidza nzwisiso mukusarudza Bhaibheri raunoshandisa. (Zvirevo 19:8) Kana shanduro isina kururama pamusoro pekuzivikanwa kwaMwari pachake—ichibvisa zita rake muShoko rake rakafuridzirwa—vashanduri vangavewo vakakanganisa zvimwe zvikamu zveBhaibheri here? Paunenge usina chokwadi nouchokwadi hwokushandurwa, edza kurienzanisa neshanduro dzakare. Kana uri mudzidzisi weShoko raMwari, shandisa shanduro dzinotsigira zvizere zviri murugwaro rwapakuvamba rwechiHebheru nechiGiriki.
16. Tinogona sei kuratidza somunhu oga kuvimbika mukushandisa kwedu Shoko raMwari rakafuridzirwa?
16 Tose zvedu tinofanira kuva vanhu vakavimbika kuShoko raMwari. Tinoita izvozvo kupfurikidza nokuitira hanya zvikuru pamusoro pezvirimo kuitira kuti, kana izvozvo zvichibvira, tinopedzera nguva yakawanda zuva riri rose tichirava Bhaibheri. (Pisarema 1:1-3) Tinodaro kupfurikidza nokushandisa zvizere zvarinotaura muupenyu hwedu, kudzidza kushandisa nheyo dzaro nemienzaniso sehwaro hwokuita zvisarudzo zvakanaka. (VaRoma 12:2; VaHebheru 5:14) Tinoratidza kuti tinotsigira nokuvimbika Shoko raMwari kupfurikidza nokuriparidza nokushingaira kuvamwe. Tinoitawo kudaro savadzidzisi kupfurikidza nokushandisa Bhaibheri nokungwarira, tisingatongomonyanise kana kuti kuwedzera zvarinotaura kuti zvikodzerane nepfungwa dzedu. (2 Timotio 2:15) Zvakafanotaurwa naMwari zvichaitika pasina mubvunzo. Akavimbika mukuzadzika Shoko rake. Ngativei vanhu vakavimbika mukuritsigira.
[Mashoko Omuzasi]
a Masangano eUnited Bible Societies muna 1997 akaronga mitauro 2 167 netwumitauro makabudiswa Bhaibheri rose, kana kuti chikamu charo. Nhamba iyi inobatanidza twumitauro twakawanda twemimwe mitauro.
b Iyi kurukurirano inotaura nezvemitauro inokwanisa kujekesa nhau yacho asi vashanduri vakasarudza kusadaro. Mashoko anowanika anoganhurira zvakakomba izvo vashanduri vanogona kuita mune mimwe mitauro. Varayiridzi vakatendeseka vorudzidziso, ipapo, vachatsanangura kuti kunyange zvazvo mushanduri akashandisa mashoko akawanda kana kuti kunyange kana akashandisa shoko rine revo yomuMagwaro, shoko romutauro wapakuvamba, neʹphesh, rinoshandiswa kune zvose zviri zviviri vanhu nemhuka uye rinomirira chimwe chinhu chinofema, chinodya, uye chinogona kufa.
Unoyeuka Here?
◻ Ivavariroi dzakapesvedzera basa revashanduri veBhaibheri munguva dzazvino uno?
◻ Nei kushandura kwamazuva ano kusina kukanganisa donzo raMwari pamusoro pezita rake?
◻ Dzimwe shanduro dzinokanganisa sei zvokwadi dzeBhaibheri pamusoro pemweya, rufu, uye pasi?
◻ Tinogona kuratidza kuti tinotsigira Shoko raMwari nokuvimbika munzirai?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Unofanira kushandisa shanduro yeBhaibheri ipi?