RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 3/15 pp. 15-20
  • Vimba naJehovha Kuti Azadzike Donzo Rake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vimba naJehovha Kuti Azadzike Donzo Rake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chakaipa?
  • Donzo raMwari Harina Kuchinja
  • Vakavimba naJehovha
  • Zvapupu zvechiKristu Zvinovimba naMwari
  • Jehovha Anozadzika Zvipikirwa Zvake Kune Vakatendeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vapukunyuki Vanobva Mumarudzi Ose
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 3/15 pp. 15-20

Vimba naJehovha Kuti Azadzike Donzo Rake

“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—PISAREMA 37:29.

1. Chii chiri donzo raJehovha nokuda kwavanhu uye nokuda kwepasi rino?

APO Jehovha akasika vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, akavaita vakakwana. Uye akavasika kuti vagorarama nokusingaperi papasi rino—kana vakateerera mitemo yake. (Genesi 1:26, 27; 2:17) Kupfuurirazve, Mwari akavaisa mumhoteredzo yeparadhiso. (Genesi 2:8, 9) Jehovha akati kwavari: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.” (Genesi 1:28) Nokudaro, vana vavo pakupedzisira vakanga vachizopararira mupasi rose, uye nyika ino yaizova paradhiso yakazadzwa nedzinza rakakwana, rinofara ravanhu. Kutanga kwakaisvonaka zvakadini mhuri yomunhu yakava nako! “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.”—Genesi 1:31.

2. Mugariro wezvinhu zvavanhu unomutsa mibvunzoi?

2 Bva, mugariro wezvinhu zvavanhu wave uripo kwezviuru zvamakore hauna kufanana nedonzo raMwari rapakuvamba. Rudzi rwomunhu rwuri kure zvikuru nokukwana uye harusati ruchitongofara. Migariro yenyika yave ichitambudza, uye sezvakaporofitwa, yakaipa zvikuru nenzira inoshamisa munguva yedu. (2 Timotio 3:1-5, 13) Naizvozvo tinogona sei kuva nechivimbo chokuti donzo raMwari nokuda kwavanhu richazadzikwa munguva yemberi iri pedyo? Nhambo refu dzenguva dzakawanda dzichapfuura nemigariro inotambudza inopfuuridzirwa here?

Chii Chakaipa?

3. Neiko Jehovha asina kugumisa nokukurumidza kupanduka kworudzi rwomunhu?

3 Avo vane zivo yakarurama yeShoko rakafuridzirwa raMwari vanoziva chikonzero nei Jehovha akabvumidza iyi migariro yakaipa pasi pano. Vanozivawo icho iye achaita pamusoro payo. Munhauro yeBhaibheri, vakaziva kuti vabereki vedu vokutanga vakashandisa zvisina kufanira chipo chinoshamisa chokuzvisarudzira icho Mwari akanga apa vanhu. (Enzanisa na 1 Petro 2:16.) Nenzira isina kururama vakasarudza nzira yokuzvimirira pana Mwari. (Genesi, maganhuro 2 ne 3) Kupanduka kwavo kwakamutsa mibvunzo youkoshi hukuru zvikurusa, yakadai seiyi: Changamire Wechisiko Chose ana maruramiro okutonga vanhu here? Kutonga kwake kwakanakisisa nokuda kwavo here? Kutonga kwomunhu kunogona kubudirira pasina tarisiro yaMwari here? Nzira yechokwadi yokuwana nayo mhinduro kune iyi mibvunzo kwakanga kuri kurega mazana amakore okutonga kwomunhu achipfuura. Miuyo yaizoratidza pasina nepanikiro yose kana vanhu vangagona kubudirira vasina Muiti wavo.

4, 5. (a) Chii chave chiri muuyo wokuramba kwomunhu kutonga kwaMwari? (b) Kupfuura kwenguva kwakaratidzira chii pasina panikiro ipi neipi?

4 Apo Adhama naEvha vakasiya Mwari, haana kuvatsigirazve mukukwana. Pasina tsigiro yake, vakaipa. Muuyo wacho wakanga uri kusakwana, ukweguru, uye pakupedzisira rufu. Kupfurikidza nemitemo yokugara nhaka, vabereki vedu vokutanga vakapfuuridzira mavara iwawo akaipa kuvazukuru vavo vose, kubatanidza isu. (VaRoma 5:12) Uye zvakadini nezvemiuyo yamazana amakore okutonga kwomunhu? Kwave kune ngwavaira, kungofanana neizvo Muparidzi 8:9 inotaura zvechokwadi: “Mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.”

5 Kupfuura kwenguva kwakaratidza pasina panikiro kuti vanhu havakwanisi kutungamirira zvinhu zvavo zvinobudirira vasina Musiki wavo. Munyori weBhaibheri akafuridzirwa Jeremia akazivisa, kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23; Dheuteronomio 32:4, 5; Muparidzi 7:29.

Donzo raMwari Harina Kuchinja

6, 7. (a) Zviuru zvamakore zvenhau zvakachinja donzo raJehovha here? (b) Chii chinobatanidzwa mudonzo raJehovha?

6 Kupfuura kwezviuru zvamakore zvenhau yomunhu—yakazadzwa nouipi kwazvo nokutambura—kwakachinja donzo raMwari here? Shoko Rake rinoti: “Nokuti zvanzi naJehovha wakasika denga rose, iye Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Naizvozvo Mwari akaumba pasi kuti rigarwe navanhu, uye iroro richiri donzo rake.

7 Jehovha haana kungosika bedzi pasi kuti rigarwe asi akarongawo kuti rive paradhiso inofanira kufarikanywa navanhu vakakwana, vanofara. Ichocho ndicho chikonzero nei Bhaibheri rakadeya kutaura kuti kwaizova ne“nyika itsva,” chaunga chitsva chavanhu, umo “munogara kururama.” (2 Petro 3:13) Uye pana Zvakazarurwa 21:4, Shoko raMwari rinotiudza kuti munyika yake itsva, “uchapisika misodzi yose pameso [orudzi rwomunhu]; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.” Kuri nokuda kwezvikonzero zvakadaro kuti Jesu aigona kutaura nezvenyika iyoyo itsva inouya pasi pano se“Paradhiso.”—Ruka 23:43.

8. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achazadzika donzo rake?

8 Sezvo Jehovha ari Musiki wamasimba ose nokuchenjera kwose wechisiko chose, hapana munhu anogona kudzivisa donzo rake. “Jehovha wehondo wakapika, achiti: Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.” (Isaya 14:24) Nokudaro, apo Mwari anoti achaita pasi rino paradhiso inogarwa navanhu vakakwana, ndizvo zvichaitika. Jesu akati: “[Vanofara, NW] vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateo 5:5; enzanisa nePisarema 37:29.) Tinogona kuva nechokwadi chokuzadzika kwechipikirwa ichocho. Kutaura idi, tinogona kuisa upenyu hwedu mungozi nokuda kwacho.

Vakavimba naJehovha

9. Chii icho Abrahama akaita chakaratidza chivimbo chake muna Jehovha?

9 Vanhu vakawanda vanotya Mwari munhau yose vakaisa upenyu hwavo mungozi pamusoro pedonzo raMwari repasi nemhaka yokuti vaipwiswa kuti aizorizadzika. Kunyange zvazvo zivo yavo ingave yakanga yakaganhurirwa, vakavimba naMwari uye vakavakira upenyu hwavo pakuitwa kwokuda kwake. Somuenzaniso, kwakanga kuna Abrahama, akararama makore anenge 2 000 Jesu asati afamba pasi pano—kare zvikuru Bhaibheri risati ravamba kunyorwa. Akavimba naJehovha kuti azadzike zvipikirwa Zvake. Sezvingabvira, Abrahama akadzidza pamusoro poMusiki kuno mukare wake akatendeka Shemi, uyo akadzidziswa naNoa. Naizvozvo apo Mwari akaudza Abrahama kutama achibva muUri yakabudirira yavaKardhea achipinda munyika isina kurovedzeka neine ngozi yeKanani, tateguru iyeyo akaziva kuti aigona kuvimba naJehovha, uye naizvozvo akaenda. (VaHebheru 11:8) Pashure penguva yakati, Jehovha akamuudza, kuti: “Ndichakuita rudzi rukuru.”—Genesi 12:2.

10, 11. Neiko Abrahama akanga achidisa kupa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Isaka?

10 Chii chakaitika pashure pokunge Isaka aberekerwa Abrahama? Jehovha akaratidzira kuna Abrahama kuti kwakanga kuri kupfurikidza naIsaka kuti vazukuru vake vaizova rudzi rukuru. (Genesi 21:12) Nokudaro, kunofanira kuve kwakaratidzika kuva mhesano huru apo Jehovha akaudza Abrahama, somuedzo wokutenda kwake, kuti abaire mwanakomana wake Isaka. (Genesi 22:2) Bva, nechivimbo chakazara muna Jehovha, Abrahama akaita matanho okubvumirana, zvomenemene achitora banga rake kuti auraye Isaka. Panguva yokupedzisira, Mwari akatuma ngirozi kuti idzivise Abrahama.—Genesi 22:9-14.

11 Neiko Abrahama akanga achiteerera kwazvo? VaHebheru 11:17-19 inozivisa, kuti: “Nokutenda Abrahama, achiidzwa, wakabaira Isaka; iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, wakanga achibaira mwana wake wakaberekwa mumwe woga; iye wakanga audzwa, zvichinzi: Muna Isaka vana vako vachatumidzwa; nokuti wakati Mwari unogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapowo kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.” VaRoma 4:20, 21 nenzira yakafanana inoti: “Akatarira chipikirwa chaMwari [Abrahama] haana kunyunyuta nokusatenda, . . . achiziva kwazvo, kuti icho [Mwari] chaakapikira, wakanga ane simba rokuchiitawo.”

12. Abrahama akatuswa sei nokuda kwokutenda kwake?

12 Abrahama akatuswa nokuda kwokutenda kwake kwete bedzi nokuponeswa kwaIsaka uye kupfurikidza nokuita kuti “rudzi rukuru” ruuye kupfurikidza naye asiwo mune imwe nzira. Mwari akaudza Abrahama, kuti: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera inzwi rangu.” (Genesi 22:18) Sei? Mambo woUmambo hwaMwari hwokudenga aizouya nomumutsara waAbrahama wedzinza. Umambo ihwowho hwazoparadzanya nyika ino yakaipa iri pasi paSatani. (Dhanieri 2:44; VaRoma 16:20; Zvakazarurwa 19:11-21) Ipapo, mupasi rakacheneswa mukutonga kwoUmambo, Paradhiso yaizokudzwa mupasi rose, uye vachibva mu“ndudzi dzose” vanhu vanoita kuda kwaMwari vaizofarikanya utano hwakakwana uye upenyu nokusingaperi. (1 Johane 2:11-17) Uye kunyange zvazvo Abrahama akanga ane zivo yakaganhurirwa bedzi yoUmambo, akavimba naMwari uye akakarira kugadzwa kwahwo.—VaHebheru 11:10.

13, 14. Neiko Jobho akavimba naMwari?

13 Mazana amakore anoverengeka gare gare, kwakanga kuna Jobho, uyo akararama pakati pamazana amakore rechi 17 nerechi 16 P.N.V. mune iyo zvino iri Arabhia. Iyewo akararama Bhaibheri risati ravamba kunyorwa. Jobho “wakanga akakwana, akarurama, waitya Mwari achinzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:1) Apo Satani akaisa chirwere chinosemesa, chinorwadza pana Jobho, murume iyeyo akatendeka “haana kutaura shoko rimwe rokutadza” munhamo yake yose. (Jobho 2:10, The New English Bible) Jobho akavimba naMwari. Uye nepo akanga asingazivi udzame pamusoro pechikonzero nei akanga ari kutambura zvikuru kwazvo, akaisa upenyu hwake mungozi pamusoro paMwari nezvipikirwa Zvake.

14 Jobho aiziva kuti kunyange kana akafa, Mwari aigona rimwe zuva kumudzorera kuupenyu kupfurikidza norumuko. Iye akaratidzira iyi tariro apo akati kuna Jehovha Mwari: “Haiwa! Dai machindivanza henyu paSheori [guva], muchindichengeta pakavanda, . . . munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo. Kana munhu achinge afa, ungararamazve here? . . . Maizodana, ini ndikakupindurai.” (Jobho 14:13-15) Kunyange zvazvo airwadziwa, Jobho akaratidzira kutenda muuchangamire hwaJehovha, achiti: “Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu.”—Jobho 27:5.

15. Dhavhidhi akataura sei chivimbo chake mumadonzo aJehovha?

15 Mazana amakore matanhatu pashure paJobho uye anenge makore ane chiuru Jesu asati auya kupasi, Dhavhidhi akataura chivimbo chake munyika itsva. Iye akati mumapisarema: “Vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Nemhaka yetariro yake isingazununguki, Dhavhidhi akakurudzira, kuti: “Vimba naJehovha . . . Farikanya kwazvo kuna Jehovha; iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.”—Pisarema 37:3, 4, 9-11, 29.

16. ‘Gore guru rezvapupu’ raiva netariroi?

16 Mumazana ose amakore, varume navakadzi vakatendeka vakava netariro imwe cheteyi youpenyu husingagumi pasi pano. Kutaura idi, vakaita ‘gore guru rezvapupu’ avo nenzira chaiyoiyo zvikuru vakaisa upenyu hwazvo mungozi pamusoro pezvipikirwa zvaJehovha. Vakawanda veZvapupu izvozvo zvakare zvaJehovha vakatambudzwa ndokuurawa nemhaka yokutenda kwavo, “kuti vawane kumuka kwakapfuura nokunaka.” Seiko? Munyika itsva, Mwari achavatusa norumuko rwuri nani nekariro youpenyu husingaperi.—Johane 5:28, 29; VaHebheru 11:35; 12:1.

Zvapupu zvechiKristu Zvinovimba naMwari

17. MaKristu omuzana rokutanga ramakore akavimba naJehovha zvakasimba sei?

17 Muzana rokutanga ramakore N.V., Jehovha akazivisa kuungano yakanga ichangobva kutangwa udzame hwakawanda pamusoro poUmambo nokutonga kwahwo pamusoro papasi. Somuenzaniso, mudzimu wake wakafuridzira muapostora Johane kunyora kuti chiverengero chinofanira kubatanidzwa naJesu Kristu muUmambo hwokudenga chaizova 144 000. Ivava vaizova vabatiri vakatendeka vaMwari vakanga va“dzikinurwa pakati pavanhu.” (Zvakazarurwa 7:4; 14:1-4) Vakanga vachizotonga papasi “samadzimambo,” (NW) naKristu mudenga. (Zvakazarurwa 20:4-6) MaKristu iwawo omuzana ramakore rokutanga akavimba naJehovha zvakasimba kwazvo kuti azadzike donzo rake roUmambo hwokudenga neugaro hwahwo hwapasi zvokuti vakanga vachidisa kufira kutenda kwavo. Vakawanda vavo vakaita izvozvo chaizvo.

18. Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinotevedzera sei vabiyazvo vekare kare?

18 Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinodokusvika mamirioni mashanu zvine chivimbo chimwe chetecho muna Mwari sezvakaita vabiyazvo vakararama mazana amakore pamberi pazvo. Izvi Zvapupu zvomuzuva razvino zvakaisawo upenyu hwazvo mungozi pamusoro pezvipikirwa zvaMwari. Zvakatsaurira upenyu hwazvo kwaari uye zvine Bhaibheri rakakwana kuti zvisimbise kutenda kwazvo. (2 Timotio 3:14-17) Izvi Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino uno zvinotevedzera vateveri vaJesu vomuzana rokutanga ramakore vakazivisa kuti vakanga vachizo“teerera Mwari kupfuura vanhu.” (Mabasa 5:29) Muzana rino ramakore vakawanda veizvi Zvapupu zvechiKristu vakatambudzwa noutsinye. Vamwe vakatourawa nokuda kwokutenda kwavo. Vamwe vakafa nechirwere, tsaona, kana kuti ukweguru. Kufanana nezvapupu zvakatendeka zvomunguva dzakapfuura, zvisinei, zvakavimba naMwari nemhaka yokuti zvaiziva kuti akanga achizozvidzorera kuupenyu munyika yake itsva kupfurikidza norumuko.—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 20:12, 13.

19, 20. Chii chatinoziva pamusoro peuporofita hweBhaibheri nokuda kwezuva redu?

19 Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa kuti kuburitswa kwazvo mumarudzi ose zvichipinzwa muuhama humwe hwapasi rose kwakadeya kutaurwa kare kare muuporofita hweBhaibheri. (Isaya 2:2-4; Zvakazarurwa 7:4, 9-17) Uye Jehovha ari kuzviita kuti zviite basa rokuparidzira munyika yose kuti zviunganidzire munyasha dzake nedziviriro vamwezve vane mwoyo yakatendeseka. (Zvirevo 18:10; Mateo 24:14; VaRoma 10:13) Vose ivava vanoisa chivimbo chavo chakazara muna Jehovha, vachiziva kuti achakurumidza kupinza nyika yake itsva inoshamisa.—Enzanisa na 1 VaKorinte 15:58; VaHebheru 6:10.

20 Uporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti nyika yaSatani yave iri mumazuva ayo okupedzisira kwaanodokusvika makore 80 zvino, chifo chegore rinokosha ra 1914. Nyika ino iri kuswedera pedyo nomugumo wayo. (VaRoma 16:20; 2 VaKorinte 4:4; 2 Timotio 3:1-5) Zvapupu zvaJehovha naizvozvo zvine ushingi nemhaka yokuti zvinoziva kuti nokukurumidza Umambo hwaMwari huchadzora zvakakwana zvinhu zvose zvapasi. Kupfurikidza nokugumisa nyika ino iripo yakaipa nokupinza nyika itsva yake yakarurama, Mwari achabvisa chose chose mugariro wakaipa wakavapo pasi pano kwamazana amakore akawanda kwazvo.—Zvirevo 2:21, 22.

21. Neiko tichigona kufara pasinei zvapo nezvinetso zvedu zvazvino?

21 Ipapo, nokusingagumi, Mwari acharatidza itiro hanya yake huru nokuda kwedu kupfurikidza nokudurura zvikomborero zvichatsiva zvikuru kuvadziko ipi neipi iyo yatakagamuchira munguva yakapfuura. Zvinhu zvakanaka zvakawanda kwazvo zvichaitika kwatiri munyika itsva zvokuti nhamo dzedu dzekare dzichanyangarika muyeuko. Kunonyaradza sei kuziva kuti Jehovha ipapo acha‘pfumbanura chanza chake ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose.’—Pisarema 145:16; Isaya 65:17, 18.

22. Neiko tichifanira kuisa chivimbo chedu muna Jehovha?

22 Munyika itsva, rudzi rwomunhu rwakatendeka ruchaona kuzadzikwa kwaVaRoma 8:21: “Zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” Vachaona uchizadzikwa uyu munyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake: “[Umambo, NW] hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:10) Naizvozvo isa chivimbo chako chakazara muna Jehovha nemhaka yokuti chipikirwa chake chisingakundikani ndeichi: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Waizopindura sei?

◻ Chii chiri donzo raJehovha nokuda kwavanhu uye nokuda kwepasi rino?

◻ Neiko Jehovha akabvumidza migariro yakaipa pasi pano?

◻ Vanhu vakatendeka vekare vakaratidza sei chivimbo chavo muna Jehovha?

◻ Neiko vabatiri vaMwari nhasi vachivimba naJehovha?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Mwari akasika vanhu kuti vararame nokusingaperi mumufarwa muparadhiso yapasi

[Mufananidzo uri papeji 18]

Abrahama akaisa chivimbo chake mumano aJehovha okumutsa vakafa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe