RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 4/15 pp. 14-19
  • Jehovha Anozadzika Zvipikirwa Zvake Kune Vakatendeka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anozadzika Zvipikirwa Zvake Kune Vakatendeka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda Kwechokwadi Munguva Dzekare
  • Migumisiro Yokushayiwa Kutenda
  • Kutenda Kunoratidzirwa Munguva Yedu
  • Nguva Yemberi Yakaisvonaka Yavakatendeka
  • Nguva Yemberi Inofadza Inovimbiswa
  • Vimba naJehovha Kuti Azadzike Donzo Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Tinofamba Nokutenda, Hatifambi Nokuona”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • “Simbisai Mwoyo Yenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Shandisa Kutenda Kwakavakirwa Pazvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 4/15 pp. 14-19

Jehovha Anozadzika Zvipikirwa Zvake Kune Vakatendeka

“Iye, wakapikira, wakatendeka.”—VAHEBHERU 10:23.

1, 2. Nei tichigona kuva nechivimbo chakazara muzvipikirwa zvaJehovha?

JEHOVHA anokumbira vabatiri vake kuti vatange uye vachengete kutenda kwakasimba maari nomuzvipikirwa zvake. Nokutenda kwakadaro munhu anogona kuvimba naJehovha zvakakwana kuti aite zvaakapikira kuita. Shoko rake rakafuridzirwa rinozivisa kuti: “Jehovha wehondo wakapika, achiti: Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.”—Isaya 14:24.

2 Kutaura kwokuti, “Jehovha wehondo wakapika,” kunoratidza kuti anopa mhiko yake yakakomba kuti azadzike zvipikirwa zvake. Ndicho chikonzero nei Shoko rake richigona kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Patinovimba naJehovha ndokuzvibvumira kuti titungamirirwe nouchenjeri hwake, nzira dzedu dzichatitungamirira kuupenyu husingaperi dzisingakundikani, nokuti uchenjeri hwaMwari “muti woupenyu kune vanounamatira.”—Zvirevo 3:18; Johane 17:3.

Kutenda Kwechokwadi Munguva Dzekare

3. Noa akaratidza sei kutenda Jehovha?

3 Chinyorwa chamabasa aJehovha kune avo vaiva nokutenda kwechokwadi chinopupurira kuvimbika kwake. Somuenzaniso, makore anopfuura 4 400 apfuura, Mwari akaudza Noa kuti nyika yezuva rake yaizofanira kuparadzwa naMafashamo enyika yose. Akarayira Noa kuti avake areka huru yokuchengetera vanhu nemhuka. Noa akaitei? VaHebheru 11:7 inotiudza kuti: “Nokutenda Noa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake.” Nemhaka yei Noa akatenda chinhu chakanga chisati chamboitika, chinhu chakanga “chichigere kuonekwa”? Nemhaka yokuti aiziva zvakakwana nezvokubata kwaMwari kwakapfuura nemhuri yavanhu kuti anzwisise kuti chipi kana chipi chinotaurwa naMwari chinoitika. Naizvozvo Noa akanga ane chivimbo chokuti Mafashamo aizoitika.—Genesi 6:9-22.

4, 5. Nei Abrahama akavimba naJehovha zvakazara?

4 Mumwe muenzaniso wokutenda kwechokwadi ndiAbrahama. Makore anoda kusvika 3 900 apfuura, Mwari akamuudza kuti abayire Isaka, mwanakomana wake bedzi akaberekwa nomudzimai wake, Sara. (Genesi 22:1-10) Abrahama akaita sei? VaHebheru 11:17 inoti: “Nokutenda Abrahama, achiidzwa, wakabayira Isaka.” Zvisinei, panhambo yokupedzisira, ngirozi yaJehovha yakamisa Abrahama. (Genesi 22:11, 12) Zvisinei, nei Abrahama aizorangarira kunyange kuita chinhu chakadaro? Nemhaka yokuti, sokutaura kunoita VaHebheru 11:19, “wakati Mwari unogona kumutsa [Isaka] kunyange kuvakafa.” Asi Abrahama aigona sei kutenda rumuko nepo akanga asati amboruona uye pakanga pasina chinyorwa chomunguva yakapfuura charwo?

5 Yeuka, Sara wakanga ane makore 89 apo Mwari akavapikira mwanakomana. Chibereko chaSara chakanga chapfuura nguva yokubereka vana—chafa, sokunge zvakadaro. (Genesi 18:9-14) Mwari akaita kuti chibereko chaSara chive chipenyu, uye akabereka Isaka. (Genesi 21:1-3) Abrahama aiziva kuti sezvo Mwari akaita kuti chibereko chaSara chakafa chive chipenyu, ipapo aigona kuitawo kuti Isaka ave mupenyu kana zvaiva madikanwa. VaRoma 4:20, 21 inoti nezvaAbrahama: “Akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga ane simba rokuchiitawo.”

6. Joshua akaratidza sei kuvimba naJehovha?

6 Makore anopfuura 3 400 apfuura apo Joshua akanga ava namakore anopfuura zana ezera uye pashure poupenyu hwokuziva kuti Mwari akavimbika sei, akapa chikonzero ichi nokuda kwechivimbo chake: “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.”—Joshua 23:14.

7, 8. Chiito chipi chokuponesa chakaitwa navaKristu vakatendeka muzana rokutanga ramakore, uye nei?

7 Makore anenge 1 900 apfuura, vanhu vakawanda vanozvininipisa vakaratidzira kutenda kwechokwadi. Vakaziva mukuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri kuti Jesu akanga ari Mesiya uye vakagamuchira dzidziso dzake. Vachiva nohwaro hwakasimba mumaidi uye muMagwaro echiHebheru, vakatenda zvaidzidziswa naJesu. Nokudaro, Jesu paakataura kuti rutongeso rwaMwari rwakanga rwuri kuuya mukurwisana neJudhea neJerusarema nemhaka yokusatendeseka, vakamutenda. Uye paakavaudza kuti vaifanira kuita chiito chipi kuti vazviponese, vakachiita.

8 Jesu akaudza vatendi kuti apo Jerusarema rinenge rakomberedzwa namauto, vaifanira kutiza. Mauto eRoma akarwisana neJerusarema mugore ra66 C.E. Asi ipapo vaRoma vakaenda pasina chikonzero chinotsanangurwa. Ichocho chakanga chiri chiratidzo chokuti vaKristu vasiye guta racho, nokuti Jesu akanga ati: “Kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.” (Ruka 21:20, 21) Avo vaiva nokutenda kwechokwadi vakabuda muJerusarema nenzvimbo yakapoteredza ndokutizira kuchengeteko.

Migumisiro Yokushayiwa Kutenda

9, 10. (a) Vatungamiriri vorudzidziso vakaratidza sei kushayiwa kwavo kutenda Jesu? (b) Ndeipi yakanga iri migumisiro yokushayiwa kutenda ikoko?

9 Vaya vakanga vasina kutenda kwechokwadi vakaitei? Havana kutiza pavakanga vane mukana. Vaifunga kuti vatungamiriri vavo vaigona kuvaponesa. Asi, vatungamiriri ivavo navateveri vavo vaivawo noufakazi hwokuva Mesiya kwaJesu. Naizvozvo nei vasina kugamuchira zvaakataura? Nemhaka yechimiro chomwoyo wavo wakaipa. Izvi zvakaratidzwa pakutanga pavakaona vanhuwo zvavo vakawanda vachidirana kuna Jesu pashure pokunge amutsa Razaro. Johane 11:47, 48 inorondedzera kuti: “Vapristi vakuru navaFarise vakaunganidza makurukota [dare rapamusoro rechiJudha], vakati: Todiniko, nokuti uyu [Jesu] unoita zviratidzo zvizhinji? Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.” Joh 11 Ndima 53 inoti: “Zvino kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuuraye.”

10 Jesu akanga aita chishamiso chinoshamisa zvakadini—kumutsa Razaro kuvakafa! Asi vatungamiriri vorudzidziso vaida kuti Jesu aurayirwe kuita izvozvo. Uipi hwavo hwakakomba hwakaratidzirwazve apo “vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye naRazarowo, nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kuna Jesu.” (Johane 12:10, 11) Razaro akanga achangomutswa kuvakafa, uye vapristi ivavo vaida kumuona afa zvakare! Vakanga vasingaitiri hanya pamusoro pokuda kwaMwari kana kuti garikano yavanhu. Vakanga vane udyire, vachiitira hanya pamusoro penzvimbo dzavo nebetsero. “Vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuura kukudzwa naMwari.” (Johane 12:43) Asi vakaripa nokuda kwokushayiwa kutenda kwavo. Mugore ra70 C.E., mauto eRoma akadzoka ndokuparadza nzvimbo yavo norudzi rwavo, pamwe chete navakawanda vavo.

Kutenda Kunoratidzirwa Munguva Yedu

11. Pakuvamba muzana rino ramakore, kutenda kwechokwadi kwakaratidzirwa sei?

11 Muzana rino ramakore, pavewo pane varume navakadzi vakawanda vokutenda kwechokwadi. Somuenzaniso, kare mukuvamba kwama1900, vanhu vose zvavo vakanga vachikarira nguva yemberi ine rugare, inobudirira. Panguva imwe cheteyo, avo vakatenda Jehovha vakanga vari kuzivisa kuti rudzi rwomunhu rwakanga rwava kuda kupinda munguva yarwo yakaipisisa yenhamo yakanga isati yambovapo. Ndizvo zvakafanotaurwa muShoko raMwari muna Mateo ganhuro 24, 2 Timotio ganhuro 3, mune mamwe magwaro. Izvo vanhu ivavo vokutenda vakataura zvakaitika chaizvoizvo, kuvambira muna 1914 neHondo Yenyika I. Zvirokwazvo nyika yakapinda mu“mazuva okupedzisira” ane “nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1) Nei vabatiri vaJehovha vakaziva chokwadi pamusoro pamamirire ezvinhu kare panguva iyoyo apo vamwe vakanga vasingazivi? Nemhaka yokuti, kufanana naJoshua, vakanga vachitenda kuti hapana rimwe ramashoko aJehovha raizokundikana.

12. Nhasi, chipikirwa chipi chaJehovha icho vabatiri vake vanovimba zvakazara?

12 Nhasi, vabatiri vaJehovha, vanovimba naye, vanoda kusvika mamiriyoni matanhatu munyika yose. Vanoziva kubva muufakazi hwokuzadzikwa kweshoko rouporofita raMwari kuti achakurumidza kugumisa gadziriro ino yezvinhu yamasimba masimba, younzenza. Naizvozvo vane chivimbo chokuti nguva iri pedyo apo vachaona kushanda kwa1 Johane 2:17, iyo inoti: “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” Vabatiri vake vanovimba zvakazara kuti Jehovha achazadzika chipikirwa ichi.

13. Unogona kuvimba naJehovha kusvika pakadini?

13 Unogona kuvimba naJehovha kusvika pakadini? Unogona kumuvimba zvakazara! Kunyange kana ukarasikirwa noupenyu hwako zvino nokuda kwokumubatira, achakudzorera upenyu hwakaisvonaka zvikuru murumuko. Jesu anotivimbisa kuti: “Nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro [ndiko kuti, vanoyeukwa naMwari] vachanzwa inzwi rake.” (Johane 5:28, 29) Unoziva chiremba upi noupi, mutungamiriri wezvamatongerwe enyika, musayendisiti, muzvinabhizimisi, kana kuti mumwe munhuwo zvake anogona kuita izvozvo here? Chinyorwa chavo chomunguva yakapfuura chinoratidza kuti havagoni. Jehovha anogona, uye achadaro!

Nguva Yemberi Yakaisvonaka Yavakatendeka

14. Shoko raMwari rinopikira vakatendeka nguva yemberi yakaisvonaka zvakadini?

14 Jesu akaratidzira uchokwadi hwenyika itsva muUmambo hwaMwari, hwokudenga achiti: “Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateo 5:5) Izvozvo zvakasimbisa chipikirwa chaMwari chinowanwa pana Pisarema 37:29: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Uye nguva pfupi Jesu asati afa apo muiti wezvakaipa akaratidza kumutenda, Jesu akati kumunhu iyeye: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Hungu, saMambo woUmambo hwaMwari, Jesu achaona kuti murume uyu anomutsirwa kuupenyu pasi pano nemukana wokurarama nokusingaperi muParadhiso iyoyo. Nhasi, avo vanoisa kutenda kwavo muUmambo hwaJehovha vanogonawo kutarisira kurarama muParadhiso apo “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

15, 16. Nei upenyu huchava hune rugare kudaro munyika itsva?

15 Ngatizvifungidzirei tiri munyika itsva iyoyo. Fungidzira kuti tava kutogara mairi. Nokukurumidza, hatigoni kurega kucherekedza vanhu vanofara kwose kwose vachigara pamwe chete murugare rwakakwana. Vari kufarikanya mamiriro ezvinhu akafanana naayo anorondedzerwa pana Isaya 14:7: “Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba.” Nei vari kudaro? Chimwe chikonzero, cherekedza kuti masuo edzimba haana zvimai zvekiyi. Hazvidikanwi, sezvo pasina utsotsi kana kuti masimba masimba. Zvakangoita chaizvo sezvakataura Shoko raMwari kuti zvaizova: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4.

16 Hapasisinazve hondo, nokuti munyika iyi itsva, hondo inorambidzwa. Zvombo zvose zvachinjwa kuva zvishandiso zvorugare. Mupfungwa yakakwana, Isaya 2:4 yazadzikwa: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” Asi, ipapoka, ndizvo zvataikarira! Nei? Nemhaka yokuti vagari vemunyika itsva vakawanda vakanga vadzidza munguva yakapfuura kuita izvozvo pavakanga vachibatira Mwari munyika yekare.

17. Magarirei achava muUmambo hwaMwari?

17 Chimwezve chinhu chaunocherekedza ndechokuti hakuna urombo. Hapana munhu anogara muchitangwena kana kuti anopfeka mamvemve kana kuti asina pokugara. Munhu wose ane musha wakanaka uye nzvimbo yakachengetwa zvakanaka ine miti yakanaka nemaruva. (Isaya 35:1, 2; 65:21, 22; Ezekieri 34:27) Uye hapana nzara nemhaka yokuti Mwari akazadzika chipikirwa chake chokuti paizova nezvokudya zvakawanda nokuda kwavose: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Pisarema 72:16) Zvirokwazvo, munhungamiro yoUmambo hwaMwari, paradhiso ine mbiri inokura mupasi rose, sezvo Mwari akaronga kare muEdheni.—Genesi 2:8.

18. Munyika itsva, ndezvipi zvinhu zvisingazotyisidzirizve vanhu?

18 Unoshamisikawo pamusoro pesimba guru rine vanhu vose. Izvi imhaka yokuti zvino vane miviri yakakwana nendangariro. Hapasisinazve urwere, marwadzo, kana kuti kufa. Hapana munhu ari muwiricheya kana kuti pamubhedha womuchipatara. Zvose izvozvo zvakapera nokusingaperi. (Isaya 33:24; 35:5, 6) Chokwadi, hapanawo mhuka dzinotyisidzira, nokuti dzakaitwa dzine rugare nesimba raMwari!—Isaya 11:6-8; 65:25; Ezekieri 34:25.

19. Nei mazuva ose munyika itsva achava oku“farikanya kwazvo”?

19 Kubudirira kwakaisvonaka zvakadini kunoitwa navagari vomunyika iyi itsva vakatendeka! Simba ravo nounyanzvi uye upfumi hwenyika zvinopiwa kuzvinorondwa zvinobetsera, kwete kuzvinorwadza; kuti vabatire pamwe navamwe, kwete kukwikwidzana navo. Uye munhu wose waunosangana naye mumwe munhu waunogona kuvimba nemhaka yokuti, sokupikira kwakaita Mwari, vose “[vanhu] vachadzidziswa naJehovha.” (Isaya 54:13) Sezvo munhu wose achidzorwa nemitemo yaMwari, pasi ra“zara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Zvirokwazvo, mazuva ose muiyi nyika itsva achaita izvo Pisarema 37:11 yakataura kuti aizova, oku“farikanya kwazvo.”

Nguva Yemberi Inofadza Inovimbiswa

20. Tinofanira kuitei kuti tifarikanye nguva yemberi ine rugare?

20 Tinofanira kuitei kuti tive rutivi rwenguva yemberi iyoyo inofadza? Isaya 55:6 inotiudza kuti: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo.” Uye sezvatinotsvaka, chimiro chedu chendangariro chinofanira kuva sechinorondedzerwa pana Pisarema 143:10: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu.” Avo vanoita izvi vanogona kufamba vasina chavanopomerwa pamberi paJehovha nomumazuva aya okupedzisira uye vanogona kutarisira nguva yemberi yakaisvonaka. “Cherekedzai munhu wakakwana, mutarire wakarurama; nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare. Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwe chete; pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.”—Pisarema 37:37, 38.

21, 22. Mwari ari kuitei nhasi, uye rovedzo yacho inoitwa sei?

21 Iko zvino Jehovha ari kudana avo vanoda kuita kuda kwake kubva mumarudzi ose. Ari kuvaita hwaro hwenzanga yake yapasi itsva, sokufanotaura kwakaita uporofita hweBhaibheri kuti: “Pamazuva okupedzisira [nguva yatiri kurarama mairi zvino] . . . vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha [kunamatwa kwake kwechokwadi kwakakwirira] . . . Uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.”—Isaya 2:2, 3.

22 Zvakazarurwa 7:9 inorondedzera ava se“vazhinji zhinji . . . vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” Zva 7 Ndima 14 inoti: “Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru,” vanopukunyuka kuguma kwetsika ino. Uhu hwaro hwenyika itsva zvino hunoda kusvika mamiriyoni matanhatu, vatsva vakawanda vachiva rutivi rwahwo gore rimwe nerimwe. Ava vabatiri vose vakatendeka vaJehovha vari kurovedzwa nokuda kwoupenyu munyika yake itsva. Vari kudzidza unyanzvi hwomudzimu nohumwe hunodikanwa kuti vashandure pasi rino kuti rive paradhiso. Uye vanovimba zvakazara kuti Paradhiso iyoyo ichava yechokwadi nemhaka yokuti “iye, wakapikira, wakatendeka.”—VaHebheru 10:23.

Mifungo Yokuhwirudzura

◻ Migumisiroi iyo kushayiwa kutenda kwakaunza muzana rokutanga ramakore?

◻ Vabatiri vaMwari vanogona kumuvimba zvakadini?

◻ Vakatendeka vakachengeterwa nguva yemberi yakadini?

◻ Tinofanira kuitei kuti tive nechokwadi chenguva yemberi inofadza nokuda kwedu pachedu munyika itsva yaMwari?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Iko zvino Jehovha ari kuumba hwaro hwenzanga itsva yapasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe