Nhambo Inofadza—Kupedza Kufunda Kwekirasi yechi104 yeGilead
“IRI izuva rinofadza, uye tose tiri kufara.” Namashoko iwayo Carey Barber, mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, akazarura purogiramu inofadza yokupedza kufunda yekirasi yechi104 yeWatchtower Bible School of Gilead musi wa14 March, 1998. Vateereri vane 4 945 vakakumbirwa kuti vavambe chiitiko chacho kupfurikidza nokuimba rwiyo rwoUmambo nhamba 208, rwune musoro unoti “Rwiyo Rwokufara.”
Zano Rinoshanda Rokuramba Tichifara
Chikamu chokuzarura chepurogiramu, kutevedzana kwehurukuro pfupi shanu dzakavakirwa paBhaibheri, chakagovera zano rinoshanda pamusoro penzira yokuramba tine mudzimu wokufara uyo wakazadza zuva rokupedza kufunda.
Hurukuro yokutanga yakapiwa naJoseph Eames weBato Rokunyora. Akataura pamusoro waiti “Tevedzera Mudzimu Wavakavimbika,” wakavakirwa panhoroondo yeBhaibheri iri pana 2 Samueri maganhuro 15 ne17, apo Absaromi, mwanakomana waDhavhidhi, akaronga kutorera baba vake umambo hwavakapiwa naMwari kupfurikidza nokunyandura kumukira. Zvisinei, pane avo vakaramba vakavimbika kune akazodzwa waJehovha, Mambo Dhavhidhi. Vafundisi vatsva vaigona kudzidza chidzidzoi mune izvi? “Kwose kwose kwamunoenda mumugove wenyu woufundisi, tsigirai mudzimu wokubatira pamwe nenzira yokuvimbika uye kuremekedza chiremera choubati ushe hwaMwari. Betserai vamwe kuita zvimwe chetezvo,” vakagumisa kudaro Hama Eames.
Tevere papurogiramu pakanga pana David Sinclair, uyo akaonesa zvinodikanwa gumi, zvinodudzwa muPisarema 15, zvokuva vaeni mu‘tende raJehovha.’ Hurukuro yake, yaiva nomusoro waiti “Pfuurirai Savaeni Mutende Renyu Roufundisi,” yakakurudzira vadzidzi vakanga vari kupedza kufunda kuti vashandise pisarema iri mumigove yavo youfundisi, mavaizova vaeni. Hama Sinclair vakasimbisa kukosha kwokurarama maererano nemitemo yaMwari panguva dzose. Mugumisiro wacho? Pisarema 15:5 rinoti: “Munhu unoita zvinhu izvezvi haangatongozununguswi.”
John Barr, mutezo woMutumbi Unodzora, akatevera ndokupa ngwariro kutapuro inonyandura iyo kuimba pamisangano yechiKristu kunopa. Asi rwiyo rwunofadza zvikuru rwuri kuimbwa kupota pasi ndorupi nhasi? Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwaMesiya. Chii chiri kubva mukuimba uku kwose, kana kuti kuparidza pamusoro poUmambo? Mutsetse wechipiri werwiyo nhamba 208 unoti nokupfupikisa: “Nokuparidza nokudzidzisa, vazhinji vounzwa kuna Ja. Ivo voimba nziyo dzom’faro, dzichinzwika kure zvikuru!” Hungu, zuva rimwe nerimwe vadzidzi vatsva vanenge 1 000 vari kubhabhatidzwa. Hama Barr vakagumisa kuti: “Hama, hazvifadzi here kufunga, kuti muri kutumirwa kundima kunosangana norudzi rwavanhu vachava vakangomirira kunzwa rwiyo rwenyu rwerumbidzo?”
“Teerera Manzwi Avane Ruzivo Rwokuzviwanira” wakanga uri musoro wehurukuro yakazopiwa naJames Mantz weBato Rokunyora. Akaratidza kuti zvimwe zvinhu zvinongogona kudzidzwa neruzivo rwokuzviwanira rwomunhu oga. (VaHebheru 5:8) Kunyange zvakadaro, Zvirevo 22:17 inotikurudzira ku‘rerekera nzeve yedu ndokunzwa mashoko avakachenjera,’ kana kuti avo vakawana ruzivo rwokuzviwanira. Vadzidzi vari kupedza kufunda vanogona kudzidza zvakawanda kune avo vakavatangira kuenda. “Vanoziva nzira yokutaurirana nayo navatengesi vomuzvitoro zvomunzvimbomo. Vanoziva kuti inharaunda dzipi dzomuguta dzokudzivisa nemhaka yengozi dzomuviri kana kuti dzetsika. Vanoziva zvinoshatirisa vanhu vomunzvimbomo. Vafundisi venguva yakareba vanoziva zvamunoda kuti mufare uye kuti mubudirire mumugove wenyu,” vakadaro Hama Mantz.
Achitaura pamusoro unoti “Koshesa Mugove Wako Woubati Ushe hwaMwari,” Wallace Liverance, munyori weGilead School, akatsanangura kuti nepo vamwe vafundisi, vakadai somuapostora Pauro, Timotio, uye Bhanabhasi, vakagamuchira migove yavo ichibva kuna Mwari kupfurikidza nomudzimu mutsvene kana kuti kumwe kuratidza kwenenji, vafundisi vakarovedzwa neGilead vanogoverwa nzvimbo mumunda wenyika yose no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Akaenzanisa migove yavafundisi nenzvimbo idzo Gidheoni akapa varume vake avo vaifanira kurwisa vaMidhiani. (Vatongi 7:16-21) “Koshesai mugove wenyu woufundisi woubati ushe hwaMwari. Sezvo varwi vaGidheoni ‘vakaramba vakamira mumwe nomumwe munzvimbo yake,’ rangarirai mugove wenyu senzvimbo yenyu yokuva mairi. Ivai nokutenda kuti Jehovha anogona kukushandisai sezvaakaita mazana matatu aGidheoni,” vakakurudzira kudaro Hama Liverance.
Kuda Vanhu Kunoguma Nomufaro
Nharireyomurindi yakamboti: “Panzvimbo pokuvakira fariro dzedu noupenyu pazvinhu zvinogadzirwa uye zvinhu zvegadziriro iyi iripo zvino, zvinhu zvisina chokwadi chokupfuurira, zviri nani uye kuchenjera zvikuru sei kufarira vanhu chaizvoizvo uye kudzidza kuwana mufaro wechokwadi mukuitira vamwe zvinhu.” Mutsinhirano naizvozvo, Hama Mark Noumair, mumwe wevarayiridzi veGilead School, akakurukura neboka ravadzidzi zviitiko zvavo zvebasa romumunda ndokutsinhira kuti: “Kuratidza fariro yomunhu oga muvamwe ndizvo zvichakuitai kuti muve vafundisi vakanaka.”
Zvinoparira Mufaro Mumunda Wokumwe
Ndezvipi zviri zvimwe zvinoparira kubudirira nomufaro mubasa roufundisi? Hama Charles Woody veBato Rebasa uye Harold Jackson, aimbova mufundisi muLatin America uye mubetseri weDare Rokudzidzisa, vakabvunzurudza mitezo yeMatare Ebazu yakasiyana-siyana yakanga ichipinda kirasi yechipfumbamwe yechikoro chacho chavashandi vamapazu. Houno muenzaniso wezano iro ava vaiva naro rokugovera:
Albert Musonda wokuZambia akati: “Apo mufundisi anotanga kuenda ndokukwazisa hama, zvinoparira mudzimu wakanaka zvikuru nemhaka yokuti hama dzichaswedera pedyo nomufundisi, uye mufundisi achaswedera pedyo nadzo.”
Rolando Morales wokuGuatemala akakarakadza kuti apo vafundisi vatsva vanopiwa chimwe chinhu chokunwa navanhu vane ushamwari, vanogona kupindura nenzira yomutsa uye nokungwarira kuti: “Ndiri mutsva munyika. Ndinoshuva kuti dai ndanwa, asi muviri wangu hauna zvinodzivirira zvomuzvarirwo izvo muviri wenyu unazvo. Ndinokarira kuti rimwe zuva ndinogona kugamuchira, uye ndichafara kudaro.” Ndedzipi dziri betsero dzemhinduro yorudzi irworwo? “Vanhu havazogumburwi, uye vafundisi vachava varatidza mutsa kuvamwe.”
Chii chinogona kubetsera vafundisi kuti vatsungirire mumigove yavo? Hama Paul Crudass, vakapedza kufunda vekirasi yechi79 yeGilead, avo vave vachishanda muLiberia kwamakore 12 apfuura, vakataura izvi: “Ndinoziva kuti ichokwadi kuti vabereki vanosuwa vana vavo. Asi pane nguva apo mufundisi anenge achiedza kurovedzana nenyika, mhoteredzo, tsika, vanhu. Anganzwa achida kurega. Kana akawana tsamba inobva kumusha ichiti, ‘Tinozokusuwa; hatizivi kuti tichaita sei usipo,’ izvozvo zvingamuparira kuti arongedze mabhegi ake ndokuenda kumusha. Zvinokosha zvikuru kuti hama dzokunyama dziri pano nhasi dziyeuke izvozvo.”
Pashure pokubvunzurudza, hurukuro yokupedzisira papurogiramu yakapiwa naTheodore Jaracz, mutezo weMutumbi Unodzora. Musoro wake waiti: “Chengeta Umambo Huri Pakutanga Muupenyu Hwako.” Vafundisi vanogona sei kuramba vakananga uye vasingatsauswi pabasa ravo? Akavakurudzira kuva norudungwe rwefundo yeBhaibheri yomunhu oga, iyo ichavabetsera kuchengeta fariro dzoUmambo pakutanga muupenyu. Uye pakanga pane chiyeuchidzo ichi chakakodzera nguva: “Vamwe vafundisi vakaregeredza fundo yomunhu oga nemhaka yokuti vakabatikana zvikuru nezvinhu zvemagetsi, E-mail, uye kombiyuta. Tinofanira kuva nepfungwa yakanaka yokuva vakadzikama mukushandisa chishandiso chipi nechipi uye kusapedza nguva yakawandisa pane chimwe chinhu chingagona kuvhiringidza fundo yedu yomunhu oga yeShoko raMwari.”
Pashure pehurukuro yaHama Jaracz pakauya kupiwa kwemadiploma uye kuraviwa kwetsamba yokuonga yaibva kukirasi yacho. Mumiririri wekirasi yacho akataura manzwire aiita vanhu vose nenzira iyi: “Takaona ufakazi hwakajeka hworudo urwo Jesu akataura kuti rwaizoratidzira vadzidzi vake, uye izvi zvakativimbisa kuti pasinei zvapo nokuti tiri kupi, pane sangano rine ushamwari, rine rudo, uye rakafanana namai rinotitsigira. Netsigiro yakadaro, takagadzirira kuenda kumigumo yenyika.” Wakanga uri mugumisiro unobaya mwoyo wezuva rokupedza kufunda rinofadza rekirasi yeGilead yechi104.
[Bhokisi riri papeji 24]
Mashoko Ekirasi
Nhamba yenyika dzinomiririrwa: 9
Nhamba yenyika dziri kuendwa: 16
Nhamba yavadzidzi: 48
Nhamba yavaroorani: 24
Avhareji yezera: 33
Avhareji yamakore muchokwadi: 16
Avhareji yamakore mubasa renguva yakazara: 12
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi104 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva pemberi kuenda kumashure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe
(1) Romero, M.; Howarth, J.; Blackburne-Kane, D.; Hohengasser, E.; West, S.; Thom, S. (2) Colon, W.; Glancy, J.; Kono, Y.; Drews, P.; Tam, S.; Kono, T. (3) Tam, D.; Zechmeister, S.; Gerdel, S.; Elwell, J.; Dunec, P.; Tibaudo, H. (4) Taylor, E.; Hildred, L.; Sanches, M.; Anderson, C.; Bucknor, T.; Hohengasser, E. (5) Howarth, D.; Ward, C.; Hinch, P.; McDonald, Y.; Sanches, T.; Thom, O. (6) Drews, T.; Tibaudo, E.; Elwell, D.; Dunec, W.; Blackburne-Kane, D.; Ward, W. (7) Anderson, M.; Zechmeister, R.; McDonald, R.; Bucknor, R.; Glancy, S.; Gerdel, G. (8) Romero, D.; Hinch, R.; Hildred, S.; Taylor, J.; Colon, A.; West, W.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Hama dzakagoverana mukurayiridza kirasi yechi104: (kubva kuruboshwe) W. Liverance, U. Glass, K. Adams, M. Noumair