RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 7/15 pp. 29-31
  • Une “Mwoyo Unoteerera” Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Une “Mwoyo Unoteerera” Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vaiva Nomwoyo Unoteerera
  • Kuteerera Zvishoma Hakuna Kukwana
  • Kuteerera Kwako Kwakakwana sei?
  • Mwoyo Unoteerera Unounza Zvikomborero
  • Jehovha Anoda Kuti Umuteerere
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Batsira Vamwe Kuti ‘Vateerere Zvichibva Pamwoyo’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Dzidza Teerero Kupfurikidza Nokugamuchira Chirango
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jesu “Akadzidza Kuteerera”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 7/15 pp. 29-31

Une “Mwoyo Unoteerera” Here?

APO Soromoni akava mambo waIsraeri wekare, akanzwa asina kukodzera. Naizvozvo akakumbira Mwari uchenjeri nezivo. (2 Makoronike 1:10) Soromoni akanyengeterawo kuti: “Ipai muranda wenyu mwoyo unoteerera, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu.” (1 Madzimambo 3:9, NW) Kudai Soromoni aiva ne“mwoyo unoteerera,” aizotevera mitemo nenheyo zvaMwari ndokuwana chikomborero chaJehovha.

Mwoyo unoteerera hausi mutoro asi chikonzero chomufaro. Muapostora Johane akanyora kuti: “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi.” (1 Johane 5:3) Zvechokwadi, tinofanira kuteerera Mwari. Pashure pezvose, Jehovha Musiki wedu Mukuru. Pasi nezvose zviri pariri ndezvake, kunyange sirivheri nendarama yose. Nokudaro hatigoni chaizvoizvo kupa Mwari chinhu chipi nechipi chokunyama, kunyange zvazvo achitibvumira kushandisa pfuma yemari yedu kuti tiratidze kumuda kwedu. (1 Makoronike 29:14) Jehovha anotikarira kumuda ndokufamba naye nokuzvininipisa, tichiita kuda kwake.—Mika 6:8.

Jesu Kristu paakabvunzwa uri murayiro mukuru paMutemo, akati: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga.” (Mateo 22:36-38) Imwe nzira yokuratidza rudo irworwo kuteerera Mwari. Naizvozvo unofanira kuva munyengetero womumwe nomumwe wedu kuti Jehovha atipe mwoyo unoteerera.

Vaiva Nomwoyo Unoteerera

Bhaibheri rakazara nemienzaniso yaavo vaiva nemwoyo inoteerera. Somuenzaniso, Jehovha akaudza Noa kuti avake areka hombe nokuda kwokuchengetwa kwoupenyu. Iri raiva basa guru rakatora makore 40 kana kuti 50. Kunyange namaturusi ane simba ose amazuva ano nemimwe michina inowanika zvino, raizova basa rounyanzvi kuvaka chivako chihombe chakadaro chaigona kuyangarika. Uyezve, Noa aifanira kunyevera vanhu avo pasina kupokana vakamunyomba nokumuseka. Asi akanga achiteerera nokungwarira. Bhaibheri rinoti: “Akaita zvose saizvozvo.” (Genesi 6:9, 22; 2 Petro 2:5) Noa akaratidza kuda kwake Jehovha kupfurikidza nokuteerera nokutendeka kwamakore akawanda. Muenzaniso wakaisvonaka wakadini nokuda kwedu tose!

Rangarirawo tateguru Abrahama. Mwari akamuudza kuti abve muUri yakabudirira yavaKardhea aende kunyika isingazivikanwi. Abrahama akateerera pasina mubvunzo. (VaHebheru 11:8) Kwoupenyu hwake hwose, iye nemhuri yake vakagara mumatende. Pashure pamakore akawanda somueni munyika, Jehovha akamukomborera nomukadzi wake anoteerera, Sara, nomwanakomana anonzi Isaka. Abrahama ane makore 100 okukura anofanira kuva akada sei uyu mwanakomana woukweguru hwake! Makore akati gare gare, Jehovha akakumbira Abrahama kubayira Isaka sechipiriso chinopiswa. (Genesi 22:1, 2) Mufungo wacho pachawo wokuita izvozvo unofanira kuva wakarwadza Abrahama. Kunyange zvakadaro, akapfuurira kuteerera nokuti aida Jehovha uye aiva nokutenda kuti mbeu yakapikirwa yaizouya kupfurikidza naIsaka, kunyange kana Mwari aifanira kumumutsa kuvakafa. (VaHebheru 11:17-19) Zvisinei, apo Abrahama akanga oda kuuraya mwanakomana wake, Jehovha akamumisa ndokuti: “Zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.” (Genesi 22:12) Nemhaka yokuteerera kwake, Abrahama anotya Mwari akasvika pakuzivikanwa se“hama yaMwari.”—Jakobho 2:23.

Jesu Kristu muenzaniso wedu wakaisvonaka wokuteerera. Mukati mokuvapo kwake asati ava munhu, akawana mufaro mubasa rokuteerera Baba vake vari kudenga. (Zvirevo 8:22-31) Somunhu, Jesu akateerera Jehovha muzvinhu zvose, nguva dzose achifarira kuita kuda kwake. (Pisarema 40:8; VaHebheru 10:9) Nokudaro, Jesu aigona kutaura zvechokwadi kuti: “Ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba. Wakandituma uneni. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.” (Johane 8:28, 29) Pakupedzisira, kuti areverere uchangamire hwaJehovha nokudzikinura rudzi rwomunhu runoteerera, Jesu akapa nokudisa upenyu hwake, achifa rufu runodukupisa norunorwadza zvikuru. Zvirokwazvo, “akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.” (VaFiripi 2:8) Muenzaniso wakadini mukuratidza mwoyo unoteerera!

Kuteerera Zvishoma Hakuna Kukwana

Havasi vose vaitaura kuva vanoteerera Mwari vakamuteerera chaizvoizvo. Rangarira Mambo Sauro waIsraeri wakare. Mwari akamurayira kuti aparadze vaAmareki vakaipa. (1 Samueri 15:1-3) Kunyange zvazvo Sauro akavaparadza sorudzi, akasiya mambo wavo ndokuchengetedza mamwe amakwai avo nenzombe. Samueri akabvunza kuti: “Wakaregerereiko kuteerera inzwi raJehovha?” Achipindura, Sauro akati: “Zvirokwazvo ndakateerera inzwi raJehovha . . . vanhu [vaIsraeri] ndivo vakatora zvakapambwa, iwo makwai nenzombe, nezvakanaka pazvinhu zvakanga zvatsaurwa, kuti vabayire Jehovha.” Achisimbisa kudikanwa kwokuteerera kwakazara, Samueri akapindura kuti: “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuterera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe. Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi. Zvawakaramba shoko raJehovha, naiye wakurambawo, kuti urege kuva mambo.” (1 Samueri 15:17-23) Sauro akarasikirwa zvikuru sei nemhaka yokuti haana kuva nomwoyo unoteerera!

Kunyange Mambo akachenjera Soromoni, uyo akanga anyengeterera mwoyo unoteerera, haana kupfuurira kuteerera Jehovha. Mukupesana nokuda kwaMwari, akaroora vakadzi vokumwe avo vakamuparira kutadzira Mwari. (Nehemia 13:23, 26) Soromoni akarasikirwa nenyasha dzaMwari nemhaka yokuti haana kupfuurira kuva nomwoyo unoteerera. Iyi inyevero yakadini nokuda kwedu!

Izvi hazvirevi kuti Jehovha anorayira kukwana nokuda kwavabatiri vake. ‘Anorangarira kuti tiri guruva.’ (Pisarema 103:14) Tose zvedu tine chokwadi chokuita zvikanganiso pane dzimwe nguva, asi Mwari anogona kuona kana chaizvoizvo tine chishuwo chomwoyo wose chokumufadza. (2 Makoronike 16:9) Kana tikatadza nemhaka yokusakwana asi tichipfidza, tinogona kukumbira kukanganwirwa pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu, tichivimba kuti Jehovha “uchakanganwira zvikuru.” (Isaya 55:7; 1 Johane 2:1, 2) Betsero yavakuru vechiKristu vane rudo ingadikanwawo kuti tigogona kunaya mumudzimu ndokuva nokutenda kwakasimba nomwoyo unoteerera.—Tito 2:2; Jakobho 5:13-15.

Kuteerera Kwako Kwakakwana sei?

Savabatiri vaJehovha, vakawanda vedu nenzira isingapokanwi tinonzwa kuti tine mwoyo unoteerera. Tingarangarira kuti, Handisi kugoverana mubasa rokuparidza Umambo here? Handimiri ndakasimba here panomuka nhau huru dzakadai sokusatora rutivi? Uye handipindi misangano yechiKristu nguva dzose, sokukurudzira kwakaita Pauro here? (Mateo 24:14; 28:19, 20; Johane 17:16; VaHebheru 10:24, 25) Chokwadi, vanhu vaJehovha vose zvavo vanoratidza kuteerera nomwoyo wose mumativi anokosha akadaro.

Asi zvakadiniko nomufambiro wedu munhau dzamazuva ose, zvichida mune dzingaratidzika kuva nhau duku? Jesu akataura kuti: “Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku, wakatendekawo pazvikuru; asi usakarurama pazvinhu zviduku-duku haangaruramiwo pazvikuru.” (Ruka 16:10) Naizvozvo mumwe nomumwe wedu angaita zvakanaka kuzvibvunza kuti, Ndine mwoyo unoteerera here kana toreva nezvezvinhu kana kuti nhau duku idzo vamwe vasingatongozivi nezvadzo?

Wezvamapisarema akaratidza kuti kunyange mukati meimba yake, maakanga asingaonekwi navamwe ‘akafamba nokutendeseka kwomwoyo wake.’ (Pisarema 101:2) Paunenge wakagara mumba mako, ungavhura terevhizheni ndokutanga kuona bhaisikopo. Ipapo chaipo, kuteerera kwako kunogona kuedzwa. Bhaisikopo ringava nounzenza mukati. Uchapfuurira kuritarira here, uchipa zvikonzero zvenhema zvokuti ndiro rudzi rwebhaisikopo riri kuratidzwa mazuva ano? Kana kuti mwoyo wako unoteerera uchakusunda here kutsinhirana nenhungamiro yomuMagwaro yokuti, ‘upombwe netsvina ngazviregwe kurehwa pakati penyu’? (VaEfeso 5:3-5) Uchadzima TV, kunyange kana nhau yacho ichifadza here? Kana kuti uchachinja nhepfenyuro yacho kana chirongwa chikava chamasimba masimba here? “Jehovha unoidza vakarurama,” akaimba kudaro wezvamapisarema, “asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.”—Pisarema 11:5.

Mwoyo Unoteerera Unounza Zvikomborero

Chokwadika, kune nharaunda dzakawanda dzoupenyu matinogona kuzvinzvera nenzira inobudirira kuti tione kana tichiteerera Mwari chaizvoizvo zvinobva pamwoyo. Kuda kwedu Jehovha kunofanira kutisunda kumufadza ndokuita zvaanotiudza muShoko rake, Bhaibheri. Mwoyo unoteerera uchatibatsira kuchengeta ukama hwakanaka naJehovha. Zvirokwazvo, kana tichiteerera zvakazara, ‘mashoko omuromo wedu nokufungisisa kwomwoyo wedu zvichafadza pamberi paJehovha.’—Pisarema 19:14.

Nemhaka yokuti Jehovha anotida, anotidzidzisa kuteerera nokuda kwokubetserwa kwedu. Uye tinobetsereka zvikuru nokupa ngwariro nomwoyo wose kudzidziso yaMwari. (Isaya 48:17, 18) Naizvozvo, ngatigamuchirei nomufaro betsero inogoverwa naBaba vedu vokudenga kupfurikidza neShoko rake, mudzimu wake, uye sangano rake. Tiri kudzidziswa zvakanaka kwazvo zvokuti zvakaita sokunge kuti tiri kunzwa inzwi shure kwedu richiti: “Heyi nzira, fambai nayo.” (Isaya 30:21) Sezvo Jehovha achitidzidzisa kupfurikidza neBhaibheri, zvinyorwa zvechiKristu, uye misangano yeungano, ngatipei ngwariro, ngatishandisei zvatinodzidza, uye ndoku“teerera pazvinhu zvose.”—2 VaKorinte 2:9.

Mwoyo unoteerera uchaguma nomufaro wakawanda nezvikomborero zvakawanda. Uchatiunzira rugare rwendangariro, nokuti tichaziva kuti tinofadza Jehovha Mwari zvikuru ndokuita kuti mwoyo wake ufare. (Zvirevo 27:11) Mwoyo unoteerera uchava dziviriro nokuda kwedu patinoedzwa kuita chakashata. Zvechokwadi, ipapo, tinofanira kuteerera Baba vedu vokudenga ndokunyengetera kuti: “Ipai muranda wenyu mwoyo unoteerera.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]

Kubva muSelf-Pronouncing Edition of the Holy Bible, rine shanduro dzeKing James neRevised

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe