PFUNGWA YEMUBHAIBHERI
Jesu “Akadzidza Kuteerera”
Jesu agara achiteerera Jehovha kubvira kare. (Joh. 8:29) Saka nei Bhaibheri richizoti, “Akadzidza kuteerera pamatambudziko aakasangana nawo”?—VaH. 5:8.
Jesu paaiva panyika, akasangana nezvinhu zvaakanga asina kumbobvira asangana nazvo kudenga. Akarerwa nevabereki vaida Mwari asi vakanga vaine chivi. (Ruka 2:51) Akatambudzwa nevatungamiriri vezvitendero vaiva nemwoyo yakaipa uye vatungamiriri vehurumende vaiva neutsinye. (Mat. 26:59; Mako 15:15) Uyewo akafa zvinorwadza. Bhaibheri rinoti, “akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu.”—VaF. 2:8.
Zvese izvi zvakaita kuti Jesu awedzere kuteerera kupfuura zvaaiita achiri kudenga. Saka akanga ava kunyatsokodzera kuva Mambo uye Mupristi Mukuru anokwanisa kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu. (VaH. 4:15; 5:9) Kudzidza kwaakaita kuteerera kubva pamatambudziko aakasangana nawo kwakaita kuti awedzere kufarirwa naJehovha. Nesuwo kana tikaramba tichiteerera patinosangana nematambudziko atinosangana nawo, Jehovha achawedzera kutifarira uye tinokwanisa kuita chero basa raanotipa.—Jak. 1:4.