Nei Pane Kusavimbana?
‘UNOGONA chaizvoizvo kuvimba munhu upi noupi here mazuva ano?’ Ungava wakanzwa mumwe munhu akavhiringidzwa achibvunza mubvunzo uyu. Kana kuti iwe ungava wakatoubvunza pawakavhiringidzwa nechimwe chinhu chakaitika muupenyu hwako.
Nenzira isingarambiki, munyika yose mune kushayikwa kwechivimbo mumasangano uye muvamwe vanhu. Kazhinji kazhinji, uku kushayikwa kwechivimbo kwakarurama. Pane munhu anokarira chaizvoizvo kuti vezvematongerwe enyika vachengete vimbiso dzavo dzavanoita vasati vavhoterwa here? Kumwe kunzvera kwakaitwa muna 1990 kwavadzidzi 1 000 muGermany kwakaratidza kuti nepo 16.5 muzana vavo vakanga vachivimba kuti vezvematongerwe enyika vangagona kupedza zvinetso zvenyika, vamwe vaivapfuura nekaviri vakaratidza kupokana kwakasimba. Uye ruzhinji rwakataura kuti rwakanga rwusingavimbi kuti vezvematongerwe enyika vanokwanisa kupedza zvinetso uyewo vaisavimba kuda kwavo kuita saizvozvo.
Pepanhau rinonzi Stuttgarter Nachrichten rakanyunyuta kuti: “Vezvematongerwe enyika vakawandisa vanotanga kurangarira zvavanofarira uye ipapo, zvimwe, zvavanhu vanovavhotera.” Vanhu vari mudzimwe nyika vanobvumirana navo. Pepanhau rinonzi The European rakati nezveimwe nyika: “Kusava nechivimbo kwepwere muvezvamatongerwe enyika kune zvikonzero zvakanaka uye vakuru vavo vanorangarira nenzira yakafanana.” Rakatsinhira kuti ‘vanhu vanovhota kakawanda vanovhotera kuti mapati ezvematongerwe enyika abve pachigaro.’ Pepanhau racho rakatizve: “Munhu upi noupi anopedza nguva ari pakati pavanhu vaduku [munyika iyoyo] anokurumidza kucherekedza kusava kwavo nechivimbo pfungwa yokusava nechinangwa.” Nepo, pasina chivimbo chavanhu, hurumende yavanhu yaigoni kuita zvakawanda. Aimbova Purezidhendi weU.S. John F. Kennedy akamboti: “Chikuru chinoita kuti hurumende ibudirire chivimbo chavanhu.”
Pamusoro pechivimbo munhau dzezvemari, kuderera kwemari kwokukurumidza nezvirongwa zvokukurumidza kupfuma zvisina kubudirira zvakaparira vakawanda kuti vazengurire. Apo misika yezvekutengeserana yenyika yakachinja chinja zvisingadzoreki muna October 1997, imwe magazini yenhau yakataura nezve“kushayikwa kwechivimbo kwakakura uye padzimwe nguva kushaya chivimbo kusina mufungo” uye nezve“kutapukira kwekukushayiwa chivimbo.” Rakataurawo kuti “ [mune imwe nyika yeAsia] hamusisina chivimbo kwazvo zvokuti kuvapo chaiko kwehurumende iri kutonga . . . kunoita sokunotyisidzirwa.” Mukupfupikisa, rakataura zviri pachena kuti: “Upfumi hunotsamira pachivimbo.”
Rudzidziso rwuri kukundikanawo kupa chivimbo. Chimwe chinyorwa chorudzidziso chokuGermany Christ in der Gegenwart chinotsinhira nenzira inosuruvarisa kuti: “Chivimbo chinoiswa muChechi navanhu chiri kuramba chichiderera.” Pakati pa1986 na1992, nhamba yavaGerman vakawanda vaivimba zvikuru, kana kuti zvimwe vaitombovimba nechechi, yakadonha kubva pa40 kuenda pa33 muzana. Kutaura idi, muyaichimbova East Germany, yakaderera kuva pasi pe20 muzana. Mukupesana, vanhu vaivimba zvishoma kana kuti vakanga vasingavimbi nechechi vakawedzera kubva mu56 kusvika ku66 muzana muyaimbova West Germany uye vakasvika ku71 muzana muyaimbova East Germany.
Kuderera kwechivimbo kwave kuri pachena mudzimwe nhau kunze kwedzematongerwe enyika, zvemari, uye rudzidziso—nhungo nhatu dzenzanga yavanhu. Mumwe muenzaniso kushanda kwomutemo. Kusajeka mumitemo yemhaka dzoutsotsi, kuoma kwokushandisa mutemo nenzira yakarurama, uye zvisarudzo zvedare zvinomutsa mibvunzo zvakavhundutsa chivimbo chavanhu zvakakomba. Maererano nemagazini yeTime, “kuvhiringidzika kwavagari vemo namapurisa kwakasvika pakusava nechivimbo mugadziriro inosunungura vanhu vanotyisa.” Nemhaka yepomero dzekukanganisa kwamapurisa uye kuva noutsinye, kunyange kuvimba nemapurisa kwakaderera.
Pamusoro pezvematongerwe enyika munyika dzakawanda, kuregwa kwehurukuro dzorugare uye zvibvumirano zvinoputswa zvinoratidzira kushayikwa kwechivimbo. Bill Richardson, mumiriri weU.S. kuSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, anonongedzera kuchinhu chikuru chinodzivisa kuwana rugare muMiddle East, achiti: “Hapana kuvimbana.”
Munguvayi somunhu mumwe nomumwe, vanhu vakawanda havavimbi kunyange hama dzokunyama dzapedyo neshamwari, avo chaivo vanowanzotendeukirwa kwavari navanhu nokuda kwokunzwisiswa nenyaradzo pavanenge vane zvinetso. Zvakafanana chaizvo nemamiriro ezvinhu ayo muporofita wechiHebheru Mika akarondedzera achiti: “Regai kuvimba nowamunogara naye, regai kutenda shamwari, dzora miromo yako kumukadzi uvete pachipfuva chako.”—Mika 7:5.
Chiratidzo Chenguva
Imwe nyanzvi yekushanda kwendangariro yokuGermany Arthur Fischer nguva pfupi yapfuura anonzi akati: “Kuvimba nokubudirira kwenzanga uye mune ramangwana romunhu kwakaderera zvinoshamisa munharaunda dzose. Vanhu vaduku vanopokana kuti masangano enzanga anogona kuvabetsera. Havasisina chivimbo, chingava chezvematongerwe enyika, zvorudzidziso, kana kuti sangano ripi neripi. Hazvishamisi kuti nyanzvi yezvokugarisana kwavanhu Ulrich Beck anotaura nezve“kusava nechokwadi” nezviremera zvenguva refu, masangano, uye nyanzvi.
Mumararamiro akadaro, vanhu vanowanzorega, kuramba chiremera chose, uye kurarama maererano nemitemo yomunhu oga, vachiita zvisarudzo vasina kubvunza zano kana kuti nhungamiro kune vamwe. Vamwe vanonyanya kunyumwira, zvichida kunyange kusarangarira, pakubata navavanorangarira kuti havachagonizve kuvimba navo. Muitiro uyu unoparira mamiriro ezvinhu asina kunaka, akadai seakarondedzerwa muBhaibheri: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada, vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo.” (2 Timotio 3:1-5, NW; Zvirevo 18:1) Zvechokwadi, kusavimbana kwanhasi chiratidzo chenguva, chiratidzo cha“mazuva okupedzisira.”
Munyika iri kutambura nokusavimbana, uye yakazara navanhu vakaita sevarondedzerwa pamusoro apa, upenyu haugoni kunakidza zvakazara. Asi zvine mufungo here kufunga kuti zvinhu zvichachinja? Kusavimbana kwanhasi kunogona kukurirwa here? Kana zvakadaro, sei uye rini?