RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/15 pp. 10-15
  • Tinofanira Kuvimba naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kuvimba naJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chivimbo Chakavakirwa Pazivo Noushamwari
  • Kuratidza Kuvimba Zvisarudzo zvaJehovha
  • Dzivisa Kutsoropodza Zvisarudzo zvaJehovha
  • Kuratidza Kuvimba Nokururama kwaJehovha
  • Kusimbisa Kuvimba Kwedu Nokururama kwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Chivimbo Chinogona Kudzorerwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Muenzaniso Mukuru Worudo rwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tinofamba Nokutenda, Hatifambi Nokuona”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/15 pp. 10-15

Tinofanira Kuvimba naJehovha

“Jehovha uchava chivimbo chako.”—ZVIREVO 3:26.

1. Kunyange zvazvo vakawanda vachitaura kuti vanovimba naMwari, chii chinokarakadza kuti havadaro nguva dzose?

MASHOKO okuti “In God We Trust” anooneka pamari yeUnited States of America. Asika vose vanoshandisa mari iyi, munyika iyoyo kana kuti kune imwe nzvimbo, vanovimba naMwari chaizvoizvo here? Kana kuti vanovimba zvikuru nemari yacho here? Kuvimba kwakadaro nemari yenyika iyoyo kana kuti yeimwe nyika ipi neipi hakugoni kutsinhaniswa nokuvimba naMwari worudo wamasimba ose, uyo asingamboshandisi simba rake zvisina kufanira uye asina makaro munzira ipi neipi. Kutaura idi, anoshora makaro namashoko akajeka.—VaEfeso 5:5.

2. VaKristu vechokwadi vane murangariroi pamusoro pesimba repfuma?

2 VaKristu vechokwadi vanovimba naMwari, kwete nepfuma, “nokunyengera” kwayo. (Mateo 13:22) Vanoziva kuti simba remari yacho rokusimudzira mufarwa nokuchengetedza upenyu rakaganhurirwa zvikuru. Simba raMwari Wamasimba ose harina kudaro. (Zefania 1:18) Nokudaro, nderokuchenjera sei zano rinoti: “Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi”!—VaHebheru 13:5.

3. Mashoko akapoteredza Dheuteronomio 31:6 anojekesa sei kunokora mashoko kwaPauro ndima yacho?

3 Paakanga achinyorera vaKristu vechiHebheru mashoko ari pamusoro apa, muapostora Pauro akanokora mirayiridzo iyo Mosesi akapa vaIsraeri chinguvana asati afa kuti: “Simbai, mutsunge mwoyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.” (Dheuteronomio 31:6) Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Mosesi akanga achikurudzira kuvimba naJehovha kwaipfuura kungomuvimbawo zvako kuti avagovere zvinodikanwa zvokunyama. Zvakadaro sei?

4. Mwari akabvumikisa sei kuvaIsraeri kuti anogona kuvimbwa naye?

4 Mumakore 40 ayo vaIsraeri vaifanira kudzungaira murenje, Mwari akanga akatendeka mukuvagovera zvinodikanwa zvoupenyu. (Dheuteronomio 2:7; 29:5) Akavatungamirirawo. Kumwe kuratidzirwa kwaikoku kwaiva gore masikati nomwoto usiku, zvakatungamirira vaIsraeri ku“nyika inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:8; 40:36-38) Sezvo nguva yakasvika yokupinda chaizvoizvo muNyika Yakapikirwa, Jehovha akasarudza Joshua kuti atsive Mosesi. Vagari venyika yacho vaigona kukarirwa kurwisa. Asi Jehovha akanga afamba navanhu vake kwamakumi amakore, nokudaro pakanga pasina chikonzero chokutya. VaIsraeri vaiva nechikonzero chakanaka chokuziva Jehovha saMwari anogona kuvimbwa naye!

5. Mamiriro ezvinhu avaKristu nhasi akafanana sei neayo avaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa?

5 VaKristu nhasi vave vachifamba nomurenje renyika yakashata yanhasi parwendo rwavo rwokunyika itsva yaMwari. Vamwe vavo vave vachitevera nzira iyi kwamakore anopfuura 40. Zvino vakamira pamuganhu wenyika itsva yaMwari. Asi, vavengi vachiri kuda kudzivisa, vachivavarira kupinganidza upi noupi kupinda mune ichava yakafanana neNyika Yakapikirwa, ine mbiri huru kupfuura yekare yaiyerera mukaka nouchi. Nokudaro kuvaKristu nhasi, mashoko aMosesi akakodzera sei sezvaakadzokororwa naPauro kuti: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi”! Vose vanoramba vakasimba uye vakashinga, vakazara nokutenda, vachitenda muna Jehovha, vane chokwadi chokuwana mubayiro.

Chivimbo Chakavakirwa Pazivo Noushamwari

6, 7. (a) Chii chakaedza kuvimba kwaAbrahama naJehovha? (b) Abrahama angave akanzwa sei paakanga achienda kunzvimbo yaaizopisira Isaka?

6 Pane imwe nguva tateguru wavaIsraeri Abrahama akarayirwa kuti abayire mwanakomana wake Isaka sechipiriso chinopiswa. (Genesi 22:2) Chii chakagonesa ava baba vane rudo kuvimba naJehovha zvakasimba kudaro zvokuti vakanga vachidisa kuteerera pakarepo? VaHebheru 11:17-19 inopindura kuti: “Nokutenda Abrahama, achiidzwa, wakabayira Isaka; iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, wakanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga; iye wakanga audzwa, zvichinzi: Muna Isaka vana vako vachatumidzwa; nokuti wakati Mwari unogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapowo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.”

7 Yeuka kuti zvakatorera Abrahama naIsaka mazuva matatu kuti vasvike panzvimbo yaizoitirwa chipiriso. (Genesi 22:4) Paiva nenguva yakawanda yokuti Abrahama afungisisezve zvaakanga akumbirwa kuita. Tinogona kufungidzira manzwiro ake, mirangariro yake here? Kuberekwa kwaIsaka kwaiva chikonzero chisingakarirwi chokufara. Ufakazi ihwohwo hwokupindira kwaMwari hwakakudza kubatana kwakanga kwakaita Abrahama nomudzimai wake aimbova ngomwa, Sara, naMwari. Zvechokwadi pashure paizvozvo vakararama vachikarira zvaizoitika munguva yemberi yaIsaka navazukuru vake. Zvavaikarira zvakanga zvaguma nenzira isingakarirwi, sezvazvingaratidzika kuva nemhaka yezvakanga zvakumbirwa naMwari zvino here?

8. Kuvimba naMwari kwaAbrahama kwakakudziridzwa sei kupfuura kudavira kuti Aigona kuzomutsa Isaka?

8 Pasinei zvapo naizvozvo, Abrahama aiva nechivimbo chakavakirwa pazivo yomunhu oga iyo shamwari dzapedyo dzinova nayo nokuda kwomumwe nomumwe. Se“shamwari yaJehovha,” Abrahama “akatenda muna Jehovha, uye zvakarangarirwa kwaari sokururama.” (Jakobho 2:23, NW) Kuvimba naJehovha kwaAbrahama kwakapfuura kungodavira kuti Mwari aigona kuzomutsa Isaka. Abrahama akanga achipwiswa zvakakwana kuti zvaakanga achikumbirwa kuita naJehovha zvakanga zvakarurama, kunyange zvazvo Abrahama aisaziva chokwadi chose. Aisava nechikonzero chokupokana kuti Jehovha akanga akarurama mukuita chikumbiro ichi. Ipapo, chivimbo chaAbrahama chakasimbiswa sezvo ngirozi yaJehovha yakapindira kuzodzivirira Isaka pakuurawa chaikoiko sechipiriso.—Genesi 22:9-14.

9, 10. (a) Ndirini apo Abrahama akanga aratidza kuvimba naJehovha pakuvamba? (b) Ndechipi chidzidzo chinokosha chatinogona kudzidza kuna Abrahama?

9 Abrahama akanga aratidza rudzi urwu rwakafanana rwokuvimba nokururama kwaJehovha makore 25 izvi zvisati zvaitika. Anyeverwa kuti Sodhoma neGomora zvaizoparadzwa, nenzira yomuzvarirwo akava nehanya pamusoro pamagariro avanhu vakarurama vapi navapi vaigaramo, kubatanidza mwana womunun’una wake Roti. Abrahama akakumbira Mwari namashoko okuti: “Ngazvive kure nemi kuita kudaro, kuuraya vakarurama pamwe chete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa; ngazvive kure nemi; Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”—Genesi 18:25.

10 Tateguru Abrahama akapwiswa kuti Jehovha haamboiti chinhu chipi nechipi chisina kururama. Gare gare wezvamapisarema akaimba kuti: “Jehovha wakarurama panzira dzake dzose, une nyasha pazvose zvaanoita.” (Pisarema 145:17) Tinoita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinogamuchira izvo Jehovha anondibvumira kusangana nazvo pasina kupokana kururama kwake here? Ndinopwiswa kuti chipi nechipi chaanobvumira chichandibetsera uye chichabetsera vamwewo here?’ Kana tichigona kupindura kuti hungu, tadzidza chidzidzo chinokosha kuna Abrahama.

Kuratidza Kuvimba Zvisarudzo zvaJehovha

11, 12. (a) Rutivi rwupi rwechivimbo rwave rwuchidikanwa kuvabatiri vaMwari? (b) Ndechipi chingava chinetso chedu pane dzimwe nguva?

11 Avo vanorangarira Jehovha sechivimbo chavo vanoratidzawo kuvimba navarume vanosarudzwa naJehovha mukuitwa kwezvinangwa zvake. Nokuda kwavaIsraeri, izvi zvakareva kuratidza kuvimba naMosesi uye gare gare nomutsivi wake, Joshua. KuvaKristu vapakuvamba, zvaireva kuratidza kuvimba navaapostora navarume vakuru veungano yeJerusarema. Kwatiri nhasi, zvinoreva kuvimba no“muranda wakatendeka, wakangwara” akagadzwa kuti atipe “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira,” pamwe chete naavo vari pakati paavo vanoumba Mutumbi Unodzora.—Mateo 24:45.

12 Chaizvoizvo, kuvimba kwedu naavo vari kutungamirira muungano yechiKristu kunotibetsera isu pachedu. Tinoudzwa kuti: “Teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.”—VaHebheru 13:17.

Dzivisa Kutsoropodza Zvisarudzo zvaJehovha

13. Chikonzero chipi chatinacho chokuvimba naavo vakagadzwa kuti vatungamirire?

13 Bhaibheri rinotibatsira kuva vakadzikama mukuratidza kuvimba naavo vanotungamirira pakati pavanhu vaJehovha. Tingazvibvunza kuti: ‘Mosesi akambokanganisa here? Vaapostora nguva dzose vakaratidza murangariro wakafanana nowaKristu uyo Jesu aida kuti vave nawo here?’ Mhinduro dzacho dziri pachena. Jehovha akasarudza kushandisa varume vakavimbika navakazvipira kuti vatungamirire vanhu vake, kunyange zvazvo vari vanhu vasina kukwana. Nenzira inowirirana, nepo vakuru nhasi vasina kukwana, tichiri kufanira kuvaona sa“[vakagadzwa ne]Mweya Mutsvene [kuti vave] vatariri, [va]fudze kereke yaMwari.” Vakafanirwa nokutsigira kwedu nokuremekedza.—Mabasa 20:28.

14. Chii chakafanirwa nokucherechedzwa pamusoro pokusarudza kwaJehovha Mosesi panzvimbo paAroni kana kuti Miriami somutungamiriri?

14 Aroni aikurira Mosesi namakore matatu, asi vose vari vaviri vaiva vaduku kune hanzvadzi yavo, Miriami. (Eksodho 2:3, 4; 7:7) Uye sezvo Aroni aitaura zvakajeka kupfuura Mosesi, akagadzwa kuti ashande somutauriri womunun’una wake. (Eksodho 6:29-7:2) Asi, Jehovha haana kusarudza aiva mukurusa Miriami, kana kuti Aroni aitaura zvakajeka, kuti atungamirire vaIsraeri. Kusarudza kwake Mosesi kwakaitwa achiziva zvakakwana chokwadi chose nezvaidikanwa panguva yacho. Apo vakashaiwa nzwisiso iyi yakajeka kwenguva yakati, Aroni naMiriami vakanyunyuta kuti: “Ko Jehovha wakataura naMosesi iye woga here? Ko haana kutaura nesuwo here?” Miriami, angava ariye akatanga, akarangwa nokuda kwouyu murangariro wokusaremekedza akasarudzwa naJehovha, uyo iye naAroni vaifanira kuona so“munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.”—Numeri 12:1-3, 9-15.

15, 16. Karebhi akabvumikisa sei kuti akanga achivimba naJehovha?

15 Tsori 12 padzakatumwa kunosora Nyika Yakapikirwa, 10 dzakadzosa mushumo wakashata. Dzakaisa rutyo mumwoyo yavaIsraeri kupfurikidza nokutaura pamusoro pa“varume vakakura kwazvo” veKanani. Izviwo, zvakaparira vaIsraeri ku“popotera Mosesi naAroni.” Asi hadzisi tsori dzose dzakaratidza kusavimba naMosesi uye naJehovha. Tinorava kuti: “Ipapo Karebhi akanyaradza vanhu pamberi paMosesi, akati: Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda.” (Numeri 13:2, 25-33; 14:2) Chimiro chakasimba chaKarebhi chakagoveranwa netsori biyake Joshua. Vose vari vaviri vakaratidza kuti vakanga vavimba naJehovha pavakati: “Kana Jehovha achifara nesu, uchatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi. Asi . . . musatya vanhu venyika iyo . . . Jehovha unesu, regai kutya.” (Numeri 14:6-9) Uku kuvimba naJehovha kwakawana mubayiro. Pachizvarwa chavakuru vaiva vapenyu panguva iyoyo, Karebhi, Joshua, uye vamwe vaRevhi bedzi vakaropafadzwa kupinda muNyika Yakapikirwa.

16 Makore akati gare gare Karebhi akati: “Ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose. . . . Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano anamakumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mosesi, vaIsraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore anamakumi masere namashanu. Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi.” (Joshua 14:6-11) Cherekedza chimiro chendangariro chakanaka chaKarebhi, kutendeka kwake, uye mano ake omuviri. Asi, Jehovha akanga asina kusarudza Karebhi kuva mutsivi waMosesi. Iyi ropafadzo yakapiwa Joshua. Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha aiva nezvikonzero zvokusarudza kwake, uye kuti chaiva chisarudzo chakanakisisa.

17. Chii chingaratidzika kuva chakaita kuti Petro asakwanirise nokuda kwebasa?

17 Muapostora Petro akaramba Tenzi wake katatu. Akanga akarumidzawo kupedza nhau pachake, achigura nzeve yomuranda womupristi mukuru. (Mateo 26:47-55, 69-75; Johane 18:10, 11) Vamwe vangataura kuti Petro aiva mbwende, asina kudzikama, aisakodzera kufarikanya ropafadzo chaidzo. Asika, ndiani akanga apiwa kiyi dzoUmambo, achipiwa ropafadzo dzokuzarurira mapoka matatu nzira yokudanwa kwokudenga? Aiva Petro.—Mabasa 2:1-41; 8:14-17; 10:1-48.

18. Sezvinodudzwa naJudhasi, ndechipi chikanganiso chatinoda kudzivisa?

18 Mienzaniso iyi inoratidza kuti tinofanira kungwarira kutonga nezvinooneka. Kana tikavimba naJehovha, hatizopokani zvisarudzo zvake. Kunyange zvazvo ungano yake yapasi ichiumbwa navanhu vasina kukwana, vasingagoni kutaura kuti havakanganisi, ari kuvashandisa nesimba. Judhasi, munun’una kuna mai waJesu, akanyevera vaKristu vomuzana rokutanga ramakore nezvevanhu vai“ramba ukuru, nokutuka avo vane kubwinya.” (Judhasi 8-10) Hatimbofaniri kufanana navo.

19. Neiko tisina chikonzero chokutsoropodza zvisarudzo zvaJehovha?

19 Sezviri pachena Jehovha anosarudza vanhu vane zvikwaniriso zvakati zvinodikanwa nokuda kwamabasa akati kuti vatungamirire vanhu vake munzira yaanoda kuti vaende nayo panguva iyoyo yakati. Tinofanira kuvavarira kugamuchira chokwadi ichi, kwete kutsoropodza zvisarudzo zvaMwari, asi nokuzvininipisa kugutswa kushanda kwatinoiswa naJehovha somunhu mumwe nomumwe. Nokudaro tinoratidza kuti tinovimba naJehovha.—VaEfeso 4:11-16; VaFiripi 2:3.

Kuratidza Kuvimba Nokururama kwaJehovha

20, 21. Tingadzidzei munzira yaMwari yokubata naMosesi?

20 Kana pane dzimwe nguva tichinyanya kuzvivimba uye tichivimba naJehovha zvishomanene, ngatidzidzei kuna Mosesi. Paakanga ava namakore 40, akasarudza pachake kuti asunungure vaIsraeri muutapwa hweEgipita. Nhamburiko dzake pasina mubvunzo dzaiva dzine vavariro yakanaka, asi hadzina kuguma nokununurwa kwokukurumidza kwaIsraeri, kana kuti nokuita kuti mugariro wake uve nani. Kutaura idi, akamanikidzwa kutiza. Akakwanisa kusarudzwa kuita zvaaida kuita pakutanga pashure bedzi pokupedza makore 40 okurovedzwa kwakaoma munyika yokumwe. Panguva ino aigona kuvimba nokutsigira kwaJehovha nokuti zvino zvinhu zvakanga zvava kuitwa nenzira yaJehovha panguva yaiwirirana norudungwe Rwake.—Eksodho 2:11–3:10.

21 Mumwe nomumwe wedu angazvibvunza kuti: ‘Pane dzimwe nguva ndinomhanyira mberi kwaJehovha navakuru vakagadzwa muungano, ndichiedza kukurumidzisa zvinhu kana kuti kuita zvinhu nenzira yangu here? Panzvimbo pokunzwa ndafuratirwa nokuda kweropafadzo dzakati, ndinogamuchira rovedzo yangu inopfuurira nyore nyore here?’ Zvikurukuru, tadzidza chidzidzo chinokosha kuna Mosesi here?

22. Pasinei zvapo nokurasikirwa neropafadzo huru, Mosesi akanzwa sei pamusoro paJehovha?

22 Uyezve, tinogona kudzidza chimwe chidzidzo kuna Mosesi. Numeri 20:7-13 inotiudza nezvechikanganiso chaakaita, chakamuparira marwadzo. Akarasikirwa neropafadzo yokutungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa. Ipapo akataura kuti chisarudzo chaJehovha munhau iyi chakanga chisina kururama here? Akaita sokunge ari kuzviparadzanisa, achifundumwara nokuti Mwari akanga achimubata nenzira yakaipa here? Mosesi akarasikirwa nokuvimba kwake kururama kwaJehovha here? Tinogona kuwana mhinduro mumashoko akataurwa naMosesi pachake kuvaIsraeri nokukurumidza asati afa. NezvaJehovha, Mosesi akati: “Basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) Zvechokwadi Mosesi akaramba achivimba naJehovha kusvikira pamugumo chaipo. Zvakadiniko nesu? Somunhu mumwe nomumwe tiri kuita nhano dzokusimbisa kuvimba kwedu naJehovha nokururama kwake here? Tinogona sei kuita kudaro? Ngationei.

Ungapindura Sei?

◻ VaIsraeri vaiva nezvikonzeroi zvokuvimba naJehovha?

◻ Nezvechivimbo, chii chingadzidzwa kuna Abrahama?

◻ Neiko tichifanira kudzivisa kutsoropodza zvisarudzo zvaJehovha?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kuvimba naJehovha kunobatanidza kuremekedza avo vanotungamirira muungano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe