RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/15 pp. 5-7
  • Chivimbo Chinogona Kudzorerwa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chivimbo Chinogona Kudzorerwa!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chakava Mugumisiro Wacho? Ukama Husina Kunaka
  • Ndiani Watinofanira Kuvimba?
  • Kudzorera Chivimbo
  • Nei Pane Kusavimbana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Kusimbisa Kuvimba Kwedu Nokururama kwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Nei Tichichembera Uye Tichifa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Tinofanira Kuvimba naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/15 pp. 5-7

Chivimbo Chinogona Kudzorerwa!

KUNYANGE ZVAZVO kushayikwa kwechivimbo kwapanguva ino chiri chiratidzo che“mazuva okupedzisira,” kushayikwa kwechivimbo kwakavawo pachena zviuru zvamakore zvakapfuura. (2 Timotio 3:1) Kwakatanga kumuka munzvimbo isina kufanira zvikuru—muparadhiso. Bhaibheri rinoti nezvenzvimbo yacho: “Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu waakanga aumba. Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.”—Genesi 2:8, 9.

Ndima dzinotevera dzinojekesa kuti izvi zvinei chokuita nokushayikwa kwechivimbo kwezuva ranhasi. Tinorava kuti: “Jehovha Mwari akarayira munhu, achiti: Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Adhama aiva nechikonzero chipi nechipi chokupanikira zvakanga zvataura Jehovha here?

Tinopfuurira kurava kuti: “Zvino nyoka yakanga ine mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi: Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda? Mukadzi akati kunyoka; Tingadya hedu michero yemiti pamunda, asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari wakati: Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa. Nyoka ikati kumukadzi: Hamungafi zvirokwazvo; nokuti Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa. Zvino mukadzi wakati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora michero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.”—Genesi 3:1-6.

Mukufuratira kunyevera kwakajeka kwaMwari, Adhama naEvha vakaratidza kusava nechivimbo muna Jehovha. Vakafanana nomuvengi waMwari Satani, uyo akanga ataura naEvha kupfurikidza nenyoka chaiyoiyo. Satani akanga asingavimbi nzira yaJehovha yokutonga nayo. Nemhaka yaizvozvi uye mwoyo wokudada nokuzvikudza, akapandukira Mwari ndokutsausa vanhu kuti vaite zvakafanana. Akavapesvedzera kufunga kuti Mwari akanga asingafaniri kuvimbwa naye.

Chii Chakava Mugumisiro Wacho? Ukama Husina Kunaka

Ungava wakacherekedza kuti vanhu vasingavimbi nevamwe vanozviwana zvakaoma kuchengeta ushamwari. Publilius Syrus, munyori wechiLatin womuzana rokutanga B.C.E., akanyora kuti: “Chivimbo ndicho bedzi chisungo choushamwari.” Kupfurikidza nechiito chavo chokupandukira, Adhama naEvha vakaratidza kuti vakanga vasingavimbi naMwari. Nokudaro, zvirokwazvo Mwari akanga asina chikonzero chokuvavimba. Somugumisiro wokushayiwa chivimbo, vanhu vokutanga vakarasikirwa noushamwari hwaMwari. Hapana chiratidziro chokuti Jehovha akazombotaurazve navo pashure pokunge avawana vane mhaka yokupanduka.

Ukama pakati paAdhama naEvha hwakatamburawo. Jehovha akanyevera Evha kuti: “Uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye uchava ishe wako.” (Genesi 3:16) The Jerusalem Bible rinoti: “Uchakuremedza.” Panzvimbo pokushandisa umusoro hune rudo pamukadzi wake, sezvakanga zvadiwa naMwari, Adhama zvino akava tenzi wake, achimuremedza.

Pashure pokunge vatadza, Adhama akaedza kusundira mhaka yacho kumudzimai wake. Sokufunga kwake vakabudiswa mubindu rakakwana vachipinzwa mupasi risina kupedzwa nemhaka yezvaakanga aita, vatongerwa kushanda mumigariro isina kukwana vasati vadzokera kuguruva. (Genesi 3:17-19) Tinogona kufungidzira zvakanaka kuti apa ndipo pakabva kupesana kwavaviri vacho. Adhama angava akashatirwa, achitaura kuti haaizofa akateerera Evha zvakare. Sezvinobvira akaona pasina chinomutadzisa kumuudza chaizvoizvo kuti, ‘Ndini bhasi, kubva zvino zvichienda mberi!’ Kune rumwe rutivi, Evha angave akaona kuti Adhama akanga akundikana murutivi rwake somusoro wemhuri, zvichimuparira kuti asamuvimba. Zvisinei hazvo, kupfurikidza nokuratidza kusavimba naMwari, vanhu vakarasikirwa noushamwari hwavo naye uye vakakuvadza ukama hwavo.

Ndiani Watinofanira Kuvimba?

Haasi munhu wose akafanirwa nechivimbo chedu, sezvinoratidzirwa nomuenzaniso waAdhama naEvha. Tinogona sei kuziva akafanirwa neasina kufanirwa nechivimbo chedu?

Pisarema 146:3 rinotipa zano, kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” Uye pana Jeremia 17:5-7, tinorava kuti: “Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, une mwoyo unotsauka kuna Jehovha.” Kune rumwe rutivi, “Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.”

Sezvinobvumwa, kuvimba navanhu hakuna kushata nguva dzose. Magwaro iwayo ari kungojekesawo mufungo wokuti kuvimba naMwari hakuzombofi kwakava kusingabetseri, asi kuvimba navanhu vasina kukwana pane dzimwe nguva kunogona kutungamirira kungwavaira. Somuenzaniso, vanhu vanovimba kuti vanhu vaite zvinogona kuitwa naMwari bedzi—kugovera ruponeso ndokuunza rugare rwakazara nokuchengeteka—vachaora mwoyo.—Pisarema 46:9; 1 VaTesaronika 5:3.

Chaizvoizvo, vanhu namasangano avanhu akafanirwa nokuvimbwa bedzi zvichienderana nokuti vanoita mukutsinhirana nezvinangwa zvaMwari nokuratidzira nheyo dzaMwari. Nokudaro, kana tichizoita kuti vamwe vavimbe nesu, tinofanira kutaura chokwadi, tichiva vakatendeseka nevanovimbika. (Zvirevo 12:19; VaEfeso 4:25; VaHebheru 13:18) Kuvimbwa kwatinoitwa navamwe kuchanzi kwakanaka ndokubvumikisa kuva kunoparira simba rinogoveranwa nokukurudzirana kana bedzi tichizvibata maererano nenheyo dzeBhaibheri.

Kudzorera Chivimbo

Zvapupu zvaJehovha zvine chikonzero chakasimba chokuvimba naMwari nokukurudzira vamwe kuita zvakafanana. Jehovha akatendeseka uye akavimbika, anogona kuvimbwa naye nguva dzose kuti aite zvaakataura, nokuti hazvi“bviriri Mwari kuti areve nhema.” Kuvimba naMwari worudo hakufi kwakatungamirira kukuora mwoyo.—VaHebheru 6:18; Pisarema 94:14; Isaya 46:9-11; 1 Johane 4:8.

Vanhu vakabatana mukuvimba naJehovha uye vanorarama maererano nemitemo yake vanosundwa zvakasimba kuratidza kuvimbana. Zvinofadza zvikuru kuona vanhu vakavimbika munyika iri kutambura nokusavimbana! Fungidzira kuti nyika yaizova yakasiyana zvakadini dai tikagona kuvimba zvakakwana nezvinotaurwa nokuitwa navanhu vose! Izvi zvichaitika munyika itsva iri kuuya yakavimbiswa naMwari. Hakuzofizve kwakava nokusavimbana!

Ungada kurarama panguva iyoyo here? Kana zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinokukumbira kuti usimbise kuvimba kwako naMwari nezvipikirwa zvake kupfurikidza nokudzidza zvakawanda pamusoro pezvaanoda kuti tive noupenyu. Kufundwa kweBhaibheri kunobvumikisa kuti Mwari ariko, kuti anofarira kubudirira kwavanhu, uye kuti achakurumidza kugadzirisa zvinetso zvenyika kupfurikidza noUmambo hwake. Mamiriyoni akadzidza kuvimba naMwari neShoko rake, Bhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidzira basa ravose rekosi yefundo yeBhaibheri yazvinoita pachena. Kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino nokuda kwemamwe mashoko.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Kusavimba naMwari kunoita kuti ukama hwavanhu hukanganisike

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Vanhu vakafanirwa nokuvimbwa bedzi zvichienderana nokuti vanoita mukutsinhirana nemitemo yaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe