Kuzvarwa kwaJesu—Zvakanyatsoitika Zvacho
FUNGA nezvechiitiko chinozivikanwa zvakanyanya munhau yenyika yako. Chinonyatsopupurirwa, chakanyorwa nevanyori venhau vakawanda. Zvino, zvakadii kana mumwe munhu akakuudza kuti ichi chiitiko chakanga chisina kumboitika, kuti chaingova hacho ngano? Kana kuti, kutaura zvingaitika kwauri chaizvo, zvakadii kana mumwe munhu akataura kuti zvakawanda zvawakaudzwa nemhuri yako nezvekuzvarwa kwasekuru vako iwewe noupenyu hwavo vari vadiki ndezvenhema? Munyaya dzose dziri mbiri, kutaura kwacho ikoko kungaita kuti utsamwe. Zvechokwadi waisazombobvuma kutaura kwakadaro paunongokunzwa!
Asi, vatsoropodzi nhasi vanowanzoramba zvakanyorwa muEvhangeri naMateo naRuka zvokuzvarwa kwaJesu. Vanotaura kuti nhau idzi dzinopokanidzana zvisingabetseri uye hadzigoni kuwiriraniswa uye kuti dzose dzine nhema dzisingaiti nezvikanganiso zvenhau. Izvozvo zvingava zvechokwadi here? Panzvimbo pokubvuma kutaura kwakadai, ngatizviongororerei toga zvakanyorwa muEvhangeri dzacho. Patinenge tichidaro, ngationei kuti zvinofanira kutidzidzisei nhasi.
Chazvakanyorerwa
Chokutanga kuyeuka zvakanyorerwa nhau idzi dzeBhaibheri zvinobetsera. Hadzisi nhoroondo dzoupenyu hwomunhu; iEvhangeri. Kusiyana kwazvo kunokosha. Munhoroondo youpenyu hwomunhu, munyori angazadza mazana amapeji, achiedza kuratidza kuti munhu waari kutaura nezvake akazova sei munhu anonyatsozivikanwa zvakadaro. Saka, dzimwe nhoroondo dzoupenyu hwomunhu dzinopedza mapeji akawanda dzichitsanangura dzinza revabereki, kuzvarwa, uye nguva youdiki hwevanhu vavanenge vachitaura nezvavo. Zvakasiyana neEvhangeri. PaEvhangeri ina dzakanyorwa, dzaMateo naRuka ndidzo mbiri dzoga dzinotaura nezvekuzvarwa kwaJesu noudiki hwake. Zvisinei, havasi kuda kuratidza kuti Jesu akazosvika sei pakuva munhu waakazova. Yeuka, vateveri vaJesu vakaziva kuti akanga amborarama sechisikwa chomudzimu asati atombouya pasi pano. (Johane 8:23, 58) Saka Mateo naRuka havana kutaura nezveudiki hwaJesu kuitira kuti vazotsanangura kuti akazova munhu worudzii. Asi, vakarondedzera zviitiko zvaiwirirana nezvavainyorera Evhangeri dzavo.
Uye vaidzinyorerei? Shoko rokuti “evhangeri” rinoreva kuti “mashoko akanaka.” Varume vacho vose vakanga vane shoko rakafanana—kuti Jesu ndiye Mesiya akapikirwa, kana kuti Kristu; kuti akafira zvivi zvevanhu; uye kuti akamutsirwa kudenga. Asi vanyori vaviri vacho vakanga vanewo ruzivo rwakasiyana uye vakanyorera varavi vakasiyana. Mateo, muteresi, akaita kuti nhoroondo yake inyanyokodzera varavi vechiJudha. Ruka, chiremba, akanyorera ‘Teofiro, akakurumbira’—angangova aiva nechinzvimbo chakakwirira—uyewo, kuvamwe varavi vakawanda vechiJudha neVemamwe Marudzi. (Ruka 1:1-3) Munyori oga oga akasarudza zviitiko zvakanga zvakakodzera zvikuru uye zvaigona zvikuru kugutsa varavi vake. Nokudaro, zvakanyorwa naMateo zvinosimbisa uporofita hweMagwaro echiHebheru hwakazadzika zvinoenderana naJesu. Ukuwo, Ruka anotevera mutoo chaiwo wenhau ungadaro wakazivikanwa nevaravi vake vaisava vaJudha.
Hazvishamisi kuti nhoroondo dzavo dzinosiyana. Asi vaviri vacho havapokanidzani, sezvinotaura vatsoropodzi. Vanotsigirana, vachinyatsopindirana kuti vaumbe mufananidzo wakajeka zvikuru.
Kuzvarwa kwaJesu muBheterehema
Mateo naRuka vose vanonyora chishamiso chakasiyana nezvimwe chine chokuita nokuzvarwa kwaJesu—akazvarwa nemhandara. Mateo anoratidza kuti chishamiso ichi chakazadzika uporofita hwakataurwa mazana emakore kare naIsaya. (Isaya 7:14; Mateo 1:22, 23) Ruka anotsanangura kuti Jesu akazvarirwa muBheterehema nemhaka yokuti kunyoresa kwakarayirwa naKesari kwakamanikidzira Josefa naMaria kuti vaendeko. (Ona bhokisi riri papeji 7.) Kuzvarirwa kwaJesu muBheterehema kwakanga kuchikosha. Mazana emakore zvisati zvaitika, muporofita Mika akafanotaura kuti Mesiya aizobva muguta iri rairatidzika serisingakoshi raiva pedyo neJerusarema.—Mika 5:2.
Usiku hwokuzvarwa kwaJesu hwazova hwakakurumbira sepanovakirwa Mifananidzo Yokuzvarwa kwake. Zvisinei, zvakanyatsoitika zvakati siyanei nezvinowanzoratidzirwa. Munyori wenhau Ruka, anotiudza nezvekuverengwa kwavanhu kwakaunza Josefa naMaria kuBheterehema, anotiudzawo nezvekupedzera usiku ihwohwo hunokosha kwevafudzi vari kusango nemapoka avo. Migariro miviri iyi yakaita kuti vaongorori vakawanda veBhaibheri vataure kuti Jesu haagoni kuva akazvarwa muna December. Vanotaura kuti zvinoita sezvakanga zvisingaiti kuti Kesari amanikidzire vaJudha vaida kumumukira kuti vaende kumaguta okumusha kwavo mumwaka unotonhora nokunaya, zvaitozowedzera kutsamwisa vanhu vanopandukira. Nyanzvi dzacho dzinocherekedza kuti, zvinoita sezvisingaitiwo kuti vafudzi vaizova vari kusango nemapoka avo mumamiriro okunze akashata akadaro.—Ruka 2:8-14.
Ona kuti Jehovha akasarudza kuzivisa kuzvarwa kwoMwanakomana wake kuvashandi vakapfeka mamvemve vaigara kusango, kwete kuvatungamiri vechitendero vakadzidza nevanopesvedzera vemazuva iwayo. Vanyori nevaFarise vangadaro vakanga vasinganyanyovi nechokuita nevafudzi, vaiwanzokundikana kuchengeta zvimwe zvaidiwa nomutemo waitaurwa nemhaka yepurogiramu yebasa ravo yakanga isiri yenguva dzose. Asi Mwari akaitira nyasha varume vanozvininipisa ava, vakatendeka nokuvapa rukudzo rukuru—boka rengirozi rakavataurira kuti Mesiya, wakanga achimirirwa nevanhu vaMwari kwezviuru zvemakore, akanga achangobva kuzvarwa muBheterehema. Varume ava, kwete “madzimambo matatu” anowanzomirirwa muMifananidzo Yokuzvarwa kwaJesu, ndivo vakashanyira Maria naJosefa ndokuona mwanakomana uyu asina mhaka akarara muchidyiro.—Ruka 2:15-20.
Jehovha Anoitira Nyasha Vanotsvaka Chokwadi Vanozvininipisa
Mwari anoitira nyasha vanhu vanozvininipisa vanomuda uye vanodisisa kuona zvinangwa zvake zvichiitika. Uyu ndiwo musoro unoramba uchidzokororwa muzviitiko zvine chokuita nokuzvarwa kwaJesu. Kwapera unenge mwedzi mwana azvarwa, Josefa naMaria pavanomuendesa kutemberi vachiteerera Mutemo waMosesi, vanopa chibayiro ikoko che“njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.” (Ruka 2:22-24) Mutemo waitoda riri gwai, asi waibvumira kupa izvi zvisingadhuri kana munhu ari murombo. (Revhitiko 12:1-8) Imbozvifunga. Jehovha Mwari, Changamire wechisiko chose, akasarudza, kwete mhuri yakapfuma, asi ine urombo semhuri yaizorererwa Mwanakomana wake anodiwa, akaberekwa ari oga. Kana uri mubereki, izvi zvinofanira kukuyeuchidza zvikuru kuti chipo chakanakisisa chaunogona kupa vana vako—chinotova nani zvikuru kupfuura upfumi hwezvinhu zvokunyama kana dzidzo ine mukurumbira—imhoteredzo yomusha inoisa zvinokosha zvomudzimu pakutanga.
Patemberi, vamwezve vanamati vaviri vakatendeka, vanozvininipisa vanoitirwa nyasha naJehovha. Mumwe ndiAna, chirikadzi yaiva nemakore 84 yakanga i“singabvi mutemberi.” (Ruka 2:36, 37) Mumwe iharahwa yakanga yakatendeka yainzi Simeoni. Vose vanofadzwa nekuropafadzwa kwavaitwa naMwari—vasati vafa, kuona uyo aizova Mesiya akapikirwa. Simeoni anoporofita nezvemwana. Uporofita hwakazadzwa netariro asi hune kakuchema mukati. Anofanotaura kuti mai vadiki ava, Maria, rimwe zuva vacharwadziwa zvikuru nokuda kwemwana wavo.—Ruka 2:25-35.
Mwana Ari Mungozi
Uporofita hwaSimeoni chiyeuchidzo chinotyisa chokuti mwana uyu asina mhaka achavengwa. Kunyange paanenge achiri mucheche, ava kutovengwa. Nhoroondo yaMateo inorondedzera kuti zvakadaro sei. Mwedzi yakati kuti yapera, uye Josefa, Maria, naJesu vava kugara mune imwe imba muBheterehema. Vanoshanyirwa nevamwewo vanhu vanoverengeka vasingakariri. Pasinei zvapo nezvinoratidzwa neMifananidzo Yokuzvarwa kwaJesu isingaverengeki, Mateo haajekesi kuti vanhu vangani vakauya, uye haambovadani kuti “vachenjeri,” kana kutombovati “madzimambo matatu.” Anoshandisa shoko rechiGiriki rokuti maʹgoi, rinoreva kuti “vaongorori venyeredzi.” Izvozvi zvoga zvinofanira kupa muravi zvingaratidza kuti chimwe chinhu chakashata chiri kuitika pano, nokuti kuongorora nyeredzi unyanzvi hunoshorwa zvikuru neShoko raMwari uye hwaitodziviswa zvakasimba nevaJudha.—Dheuteronomio 18:10-12; Isaya 47:13, 14.
Vaongorori venyeredzi ava vatevera nyeredzi kubva kumabvazuva uye vakatakura zvipo zva“mambo wavaJudha wakazvarwa.” (Mateo 2:2) Asi nyeredzi yacho haivatungamiriri kuBheterehema. Inoita kuti vaende kuJerusarema uye kuna Herodhe Mukuru. Hapana munhu ari munyika ane nzira dzokuita nadzo zvinhu nevavariro zvakadaro kuti akuvadze Jesu mudiki. Murume uyu anoda kuva nezvinhu, anoda kuponda akanga auraya mitezo yakati wandei yemhuri yake yepedyo vaaiona sevanomutyisidzira.a Avhiringidzwa nokunzwa kuzvarwa kwa“mambo wavaJudha” wemangwana, anoendesa vaongorori venyeredzi kuti vandoona Iyeye muBheterehema. Sezvavanoenda, chimwe chinhu chinoshamisa chinoitika. “Nyeredzi” yaivatungamirira kuJerusarema inoita seinofamba!—Mateo 2:1-9.
Zvino, kana ichi chaiva chiedza chaicho chaiva mudenga kana kuti chaingova hacho chiono, hatizivi. Asi tinoziva kuti “nyeredzi” iyi yakanga isingabvi kuna Mwari. Zvinoshura kuti inonyatsotungamirira ava vanamati vechihedheni kuna Jesu chaiko—mwanawo zvake uye asina chaanogona kuita, anongodzivirirwa bedzi nomuvezi murombo nomudzimai wake. Vaongorori venyeredzi vacho, vanyengedzwi vasingazivi vaHerodhe, vangangodaro vaizodzoka kunotaurira mambo anoda kutsiva, zvoita kuti mwana wacho aurayiwe. Asi Mwari anopindira nomuchiroto uye anovadzorera kumusha neimwe nzira. Saka, “nyeredzi” yacho inofanira kuva yakashandiswa nomuvengi waMwari Satani, aigona kuita chero chinhu chipi zvacho kuti akuvadze Mesiya. Zvinosekesa sei kuti “nyeredzi” nevaongorori venyeredzi vanoratidzwa muMifananidzo Yokuzvarwa kwaJesu senhume dzaMwari!—Mateo 2:9-12.
Kunyange zvakadaro, Satani haaregi. Munhu wake waanoshandisa munhau yacho, Mambo Herodhe, anorayira kuti vacheche vose vari muBheterehema vane zera riri pasi pemakore maviri vaurayiwe. Asi Satani haangabudiriri kurwisa Jehovha. Mateo anonyora kuti Mwari akanguve aona kare kunyange kuurawa kwoutsinye uku kwevana vasina mhaka. Jehovha akadzivisazve Satani, achinyevera Josefa kupfurikidza nengirozi kuti atizire kuEgipita kuti akotsekane. Mateo anoshuma kuti pane imwe nguva yakazotevera Josefa akatamisazve mhuri yake duku ndokuzopedzisira agara muNazareta, kwakakurira Jesu nevanun’una vake nehanzvadzi.—Mateo 2:13-23; 13:55, 56.
Kuzvarwa kwaKristu—Zvakunoreva Kwauri
Unoona uchiti shamiswei here nokurondedzerwa kupfupi uku kwezviitiko zvine chokuita nekuzvarwa kwaJesu noudiki hwake? Vakawanda vanodaro. Vanoshamiswa kuona kuti nhoroondo dzacho dzinotonyatsowirirana uye dzakarurama, pasinei zvapo nokutaura kwakasimba kwevamwe vanhu kunopesana nazvo. Vanoshamiswa kuziva kuti zvimwe zviitiko zvakafanotaurwa mazana emakore zvisati zvaitika. Uye vanoshamiswa kuti zvimwe zvinhu zvinokosha muEvhangeri zvinosiyana zvinooneka nezvinoratidzirwa nenyaya dzegamuchidzanwa dzeMifananidzo Yokuzvarwa kwaJesu nemifananidzo inomirira kuzvarwa kwaJesu.
Kunyange zvakadaro, pamwe zvinotoshamisa kupfuura zvose ndezvokuti, mhemberero dzegamuchidzanwa dzeKirisimasi dzakawanda dzacho dzinosiya pfungwa dzinokosha dzacho dzenhoroondo dzeEvhangeri. Somuenzaniso, Baba vaJesu—kwete Josefa, asi Jehovha Mwari, havambonyanyofungwa nezvavo. Fungidzira zvavainzwa pavakapa Mwanakomana wavo anodiwa kuna Josefa naMaria kuti vamurere nokumutarisira. Fungidzira kurwadziwa kwaBaba vokudenga pakuita kuti Mwanakomana wavo akurire munyika maiva namambo akazadzwa noruvengo aizoronga kuti apondwe kunyange paakanga achingova mwana hake! Chakaita kuti Jehovha aite chibayiro ichi kwaiva kuda kwake vanhu zvikuru.—Johane 3:16.
Jesu wacho chaiye anowanzosiiwa mumhemberero dzeKirisimasi. Chokwadi, hapana zvakanyorwa zvokuti akamboudza vadzidzi vake musi waakazvarwa; uyewo hapana kana chinomboratidza kuti vateveri vake vakapemberera zuva rake rokuzvarwa.
Jesu haana kumborayira vateveri vake kuti vayeuke kuzvarwa kwake asi rufu rwake—nokukosha kwarwo kwakaita mukurumbira. (Ruka 22:19, 20) Aiwa, Jesu akanga asingashuvi kuyeukwa semwana asina zvaanogona kuita ari muchidyiro, nokuti handizvo zvaachakaita zvino. Makore anopfuura 60 aurayiwa, Jesu akazviratidza muchiono kune muapostora Johane saMambo ane simba ari kuenda kuhondo. (Zvakazarurwa 19:11-16) Tinofanira kuziva Jesu nhasi, ari mubasa iroro, soMutongi woUmambo hwokudenga hwaMwari, nokuti ndiMambo achashandura nyika.
[Mashoko Omuzasi]
a Chokwadi, Kesari Augusto akaona kuti zvakanga zvakanaka kuti uve nguruve yaHerodhe pakuti uve mwanakomana waHerodhe.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]
Ruka Akakanganisa Here?
JESU, akakurira muNazareta uye ainyanyozivikanwa somuNazareta, angava sei akazvarirwa kuBheterehema, makiromita anenge 150 kubva ikoko? Ruka anotsanangura kuti: “Zvino namazuva iwayo [Jesu asati azvarwa] chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita. Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria. Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.”—Ruka 1:1; 2:1-3.
Vatsoropodzi vanoshora zvikuru ndima iyi vachiti yakakanganiswa zvikuru kana kuti, zvakatoshata, inhema. Vanoomerera pakuti kuverengwa uku nokuva mubati kwaKuriniosi zvakaitika muna 6 kana kuti 7 C.E. Kana vakarurama, izvi zvingaita kuti tisave nechokwadi nenhoroondo yaRuka, nokuti uchapupu hunoratidza kuti Jesu anenge akazvarwa muna 2 B.C.E. Asi vatsoropodzi ava vanofuratira zvokwadi mbiri dzinokosha. Yokutanga, Ruka anobvuma kuti kwakanga kune kuverengwa kwavanhu kunopfuura kumwe—cherekedza kuti anotaura nezve“uku . . . kunyorwa kwokutanga.” Akanga achinyatsoziva nezvekumwe kunyorwa, kwaizoitwa gare gare. (Mabasa 5:37) Kuverengwa uku kwakazoitwa gare gare ndiko kumwe chete nekwakarondedzerwa nomunyori wenhau Josephus, kwakaitika muna 6 C.E. Yechipiri, kuva mubati kwaKuriniosi hakutimanikidzi kuisa kuzvarwa kwaJesu pazuva iroro rapashure. Nei? Nokuti sezviri pachena Kuriniosi akashanda munzvimbo iyoyo kaviri. Nyanzvi dzakawanda dzinobvuma kuti kutonga kwake kwokutanga kwakabatanidza 2 B.C.E.
Vamwe vatsoropodzi vanotaura kuti Ruka ndiye akatanga nyaya yokuverengwa kuti atsvage chikonzero chokuzvarirwa kwaJesu muBheterehema, zvobva zvazadzika uporofita hwaMika 5:2. Uku kutaura kunoita Ruka murevi wenhema wamaune, uye hapana mutsoropodzi anogona kubatanidza kufungidzira kwakadaro nemunyori wenhau akangwarira akanyora Evhangeri nebhuku raMabasa.
Chimwezve chinhu chisina mutsoropodzi anogona kuchitsanangura: Kuverengwa kwacho pachako kwakazadzika uporofita! Mumakore ezana rechitanhatu B.C.E., Dhanieri akaporofita nezvemutongi aizo“tuma muteresi kupfuura napakaisvonaka paushe hwake.” Izvi zvakashanda kuna Augusto nemurayiro wake wokuverenga vanhu muna Israeri here? Uporofita hwacho hunopfuurira kufanotaura kuti Mesiya, kana kuti “Muchinda wesungano,” aizo“paradzwa” paitonga mutsivi womutongi uyu. Jesu chokwadi aka“paradzwa,” kuurayiwa, paitonga mutsivi waAugusto, Tibherio.—Dhanieri 11:20-22.
[Mifananidzo]
Kesari Augusto (27 B.C.E.-14 C.E.)
Tibherio Kesari (14-37 C.E.)
[Kwazvakatorwa]
Musée de Normandie, Caen, France
Photograph taken by courtesy of the British Museum
[Mufananidzo uri papeji 8]
Ngirozi yaJehovha yakaitira nyasha vafudzi vanozvininipisa nokuvapa mashoko akanaka okuzvarwa kwaKristu