Une Kutenda Kwakafanana nokwaAbrahama Here?
“Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?”—RUKA 18:8.
1. Nei zvakaoma kuramba une kutenda kwakasimba nhasi?
HAZVISI nyore kuramba une kutenda kwakasimba nhasi. Nyika inodzvinyirira vaKristu zvakasimba kuitira kuti vachinje vasanyanyofunga nezvezvinhu zvomudzimu. (Ruka 21:34; 1 Johane 2:15, 16) Vakawanda vanofanira kutamburira kuti vararame pasinei zvapo nehondo, ngwavaira, zvirwere, kana kuti nzara. (Ruka 21:10, 11) Mumarudzi akati wandei, mune tsika dzenyika dzakasimba, uye vapi kana vapi vanorarama maererano nokutenda kwavo vanoonwa sevasingafungi, vanotonyanyisa. Uyezve, vaKristu vakawanda vanotambudzirwa kutenda kwavo. (Mateo 24:9) Mubvunzo waJesu, wakabvunzwa makore anoda kusvika 2 000 apfuura, wakakodzera zvechokwadi: “Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?”—Ruka 18:8.
2. (a) Nei kutenda kwakasimba kuchikosha kumuKristu?(b) Muenzaniso waani wokutenda watingaita zvakanaka kufunga nezvawo?
2 Zvisinei, chokwadi ndechokuti kutenda kunokosha kana tichizobudirira muupenyu ikozvino ndokugamuchira upenyu husingaperi hwakavimbiswa munguva yemberi. Achidzokorora zvakataurwa naJehovha kuna Habhakuki, muapostora Pauro akanyora kuti: “Wakarurama wangu uchaponeswa nokutenda; zvino kana akadzokera shure, mwoyo wangu haungafari naye. . . . Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza [Mwari].” (VaHebheru 10:38–11:6; Habhakuki 2:4) Pauro akaudza Timotio kuti: “Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise upenyu husingaperi, hwawakadanirwa.” (1 Timotio 6:12) Ipapo, zvinobvira sei kuva nokutenda kusingaputsiki? Tichifunga nezvemubvunzo iwoyo, tingaita zvakanaka kutarira murume akararama makore anenge 4 000 apfuura, asi ane kutenda kuchiri kutaurwa nezvako zvakanyanya muzvitendero zvikuru zvitatu—chiIslam, chiJudha, uye chiKristu. Murume iyeye ndiAbrahama. Nei kutenda kwake kwakajeka kudaro? Tinogona kumutevedzera here nhasi?
Kuteerera Nhungamiro yaMwari
3, 4. Nei Tera akatamisa mhuri yake kubva kuUri kuenda kuHarani?
3 Abrahama (akatanga achinzi Abrama) anotaurwa kwokutanga-tanga muBhaibheri. Pana Genesi 11:26, tinorava kuti: “Tera . . . akabereka Abrama naNahori, naHarani.” Tera nemhuri yake vaigara muUri yavaKardhia, guta raiva rakabudirira raiva kumaodzanyemba kweMesopotamia. Zvisinei, havana kugara ikoko. “Tera wakatora mwanakomana wake Abrama, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanakomana womwanakomana wake, naSarai [Sara], mukadzi womwanakomana wake Abrama; vakatama navo vakabva Uri yavaKardhia, kuti vaende kunyika yeKanani, vakasvika Harani, vakagarapo.” (Genesi 11:31) Munun’una waAbrahama Nahori akatamisirawo mhuri yake kuHarani. (Genesi 24:10, 15; 28:1, 2; 29:4) Zvisinei, nei Tera akatama kubva kuUri yakabudirira achienda kunyika yaiva kure yeHarani?
4 Kwapera makore anenge 2 000 Abrahama afa, murume akatendeka Stefano, achitaura kuSanihedrini yechiJudha, akatsanangura kutama uku kusingawanzoitiki kwakaitwa nemhuri yaTera. Akati: “Mwari wokubwinya wakazviratidza kuna baba vedu Abrahama, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, akati kwavari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza. Ipapo vakabuda munyika yavaKardhia, akagara Harani.” (Mabasa 7:2-4) Tera akateerera zvaida Jehovha kuna Abrahama paakatamisira mhuri yake chaiyo kuHarani.
5. Abrahama akaendepi baba vake pavakafa? Nei?
5 Mhuri yaTera yakagara muguta rayo idzva. Kwapera makore akawanda Abrahama paaitaura nezve“nyika yangu,” aireva nharaunda yeHarani, kwete Uri. (Genesi 24:4) Zvisinei hazvo, Harani yakanga isingazovi musha waAbrahama wechigarire. Maererano naStefano, “baba vake [Abrahama] vakati vafa, Mwari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere zvino.” (Mabasa 7:4) Achiteerera nhungamiro yaJehovha, Abrahama, ana Roti, akayambuka rwizi Yufratesi ndokupinda munyika yeKanani.a
6. Jehovha akataura vimbiso ipi kuna Abrahama?
6 Nei Jehovha akaita kuti Abrahama atamire kuKanani? Chikonzero chacho chaiva nechokuita nezvinangwa zvaMwari nokuda kwomurume iyeye akatendeka. Jehovha akanga ati kuna Abrahama: “Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo; ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe. Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.” (Genesi 12:1-3) Abrahama aizova baba vorudzi rukuru rwaizodzivirirwa naJehovha uye rwaizova varidzi venyika yeKanani. Ivimbiso yakaisvonaka! Asi Abrahama aifanira kuchinja zvikuru muupenyu hwake kuitira kuti agare nhaka nyika iyoyo.
7. Abrahama aifanira kuva akagadzirira kuchinja chii kuitira kuti agare nhaka vimbiso yaJehovha?
7 Abrahama paakabva kuUri, akasiya guta rakabudirira uye zvimwe hama dzababa vake—zvinhu zvaikosha zvikuru mukuchengeteka munguva idzodzo dzamadzitateguru. Paakabva Harani, akazviparadzanisa nemhuri yababa vake, kubatanidza mhuri yomunun’una wake Nahori, uye akatamira kunyika isingazivikanwi. MuKanani haana kutsvaka kuchengeteka mumasvingo eguta racho. Nei asina kudaro? Abrahama achangobva kupinda munyika yacho, Jehovha akati kwaari: “Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo.” (Genesi 13:17) Abrahama aiva nemakore 75 nemudzimai wake aiva nemakore 65, Sara, vakatevera mirayiridzo iyi. “Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende.”—VaHebheru 11:9; Genesi 12:4.
Kutenda Kwakafanana nokwaAbrahama Nhasi
8. Tichifunga nezvemuenzaniso waAbrahama nezvimwe zvapupu zvakare, tinofanira kutanga kuitei?
8 Abrahama nemhuri yake vanotaurwa pakati pe“gore reZvapupu [zvakatangira chiKristu]” zvinodudzwa muna VaHebheru ganhuro 11. Achifunga nezvekutenda kwaava vabatiri vaMwari vokutanga, Pauro anokurudzira vaKristu kuti va‘bvise zvose zvinoremedza, nezvivi [kusava nokutenda] zvinongotinamatira.’ (VaHebheru 12:1) Hungu, kusava nokutenda kunogona ‘kutinamatira nyore nyore.’ Asi muzuva raPauro neredu, vaKristu vechokwadi vakakwanisa kuva nokutenda kwakasimba kungaenzaniswa nokwaAbrahama navamwe vomunguva dzakare. Achitaura nezvake navaKristu vaainamata navo, Pauro anoti: “Isu hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponeswe mweya.”—VaHebheru 10:39.
9, 10. Uchapupu hupi huripo hwokuti nhasi vakawanda vane kutenda kwakaita sokwaAbrahama?
9 Chokwadi, nyika yachinja kubva panguva yakafa Abrahama. Kunyange zvakadaro, tichiri kunamata “Mwari waAbrahama” iyeye, uye haachinji. (Mabasa 3:13; Maraki 3:6) Jehovha anofanira kunamatwa nhasi sezvaaiitwa munguva yaAbrahama. (Zvakazarurwa 4:11) Vakawanda vanozvitsaurira zvakakwana kuna Jehovha uye, kufanana naAbrahama, vanochinja zvose zvinodiwa muupenyu hwavo kuitira kuti vaite zvinoda Mwari. Gore rapera, 316 092 vakaratidza pachena kuzvitsaurira kwavo nokubhabhatidzwa mumvura “muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene.”—Mateo 28:19.
10 Vakawanda veava vaKristu vatsva vakanga vasingafaniri kufamba kuenda kunyika dzokumwe dziri kure kuti varatidze kuzvitsaurira kwavo. Zvisinei, mupfungwa yomudzimu, vakawanda vavo vakafamba daro rakati rebei. Somuenzaniso, muMauritius, Elsie aiita zvemashiripiti. Vanhu vose vaimutya. Mumwe piyona chaiye akaronga kufunda Bhaibheri nomwanasikana waElsie, uye izvi zvakazarura nzira yokuti Elsie ‘abve murima achienda muchiedza.’ (Mabasa 26:18) Achiona kufarira kwomwanasikana wake, Elsie akabvuma kufunda bhuku raBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Kufunda kwake kwakaitwa katatu pavhiki nemhaka yokuti aida kuramba achikurudzirwa. Miitiro yake yemashiripiti haina kumuunzira mufaro, uye aiva nezvinetso zvomunhu oga zvakawanda. Zvisinei, pakupedzisira akakwanisa kupedza rwendo rwurefu rwokurega chidhimoni ndokutanga kunamata kwechokwadi. Vanhu pavaiuya kuzorapwa naye, aitsanangura kuti Jehovha bedzi ndiye aigona kuvadzivirira pazvakaipa. Elsie zvino ava Chapupu chakabhabhatidzwa, uye vanhu 14 vomumhuri yake nevaanozivana navo vakagamuchira chokwadi.
11. Vaya vanozvitsaurira kuna Jehovha vanodisisa kuchinja chii?
11 Vakawanda vakazvitsaurira kunamata Mwari gore rapera vakanga vasingafaniri kuchinja zvikuru kudaro. Asi vose vakachinja kubva pakuva vakafa mumudzimu ndokuva vapenyu mumudzimu. (VaEfeso 2:1) Kunyange zvazvo vachiri munyika, ivo havasisiri rutivi rwayo. (Johane 17:15, 16) Kufanana navaKristu vakazodzwa, vari “vagari vokumatenga,” vakafanana ne“vagari vokune imwe nyika uye vagari venguva duku.” (VaFiripi 3:20, NW; 1 Petro 2:11, NW) Vakaita kuti upenyu hwavo huwirirane nezvinodiwa naMwari, vachikurudzirwa nokuda Mwari nokuda muvakidzani kupfuura zvose. (Mateo 22:37-39) Havaiti zvinangwa zvoudyire, zvokudisa pfuma kana kuti kufunga nezvekuzvigutsa munyika ino. Panzvimbo pezvo, vanoisa maziso avo pa‘matenga matsva nepasi idzva muchagara kururama’ zvakavimbiswa.—2 Petro 3:13; 2 VaKorinte 4:18.
12. Ibasa ripi rakashumwa gore rapera rinopa uchapupu hwokuti Jesu munguva yokuvapo kwake akawana “kutenda panyika”?
12 Abrahama paakatamira kuKanani, iye nemhuri yake vaiva voga vachingova naJehovha bedzi aivatsigira nokuvadzivirira. Zvisinei, ava vaKristu vachangobva kubhabhatidzwa 316 092 havasimbori voga. Chokwadi, Jehovha anovatsigira nokuvadzivirira nomudzimu wake, sezvaakaita Abrahama. (Zvirevo 18:10) Zvisinei, mukuwedzera, anovatsigira ne“rudzi” rune simba, rwamarudzi ose rwakakurumbira zvikuru kupfuura mamwe marudzi enyika nhasi. (Isaya 66:8) Gore rapera, nhamba yakakwirira yevagari vorudzi irworwo ye5 888 650 yakapa uchapupu hwokutenda kwavo kwokushingaira vachiita kudaro nokutaura nevavakidzani vavo pamusoro pevimbiso dzaMwari. (Marko 13:10) Vakapedza maawa akawanda zvikuru ane 1 186 666 708 mubasa iri, vachitsvaka kuti vawane vanhu vanofarira. Somugumisiro, fundo dzeBhaibheri 4 302 852 dzakatangwa navamwe vanoshuva kutanga kuva nokutenda. Sokumwe kuratidzirwa kwokushingaira kwavo, vane 698 781 mu“rudzi” urwu vanoita basa rokupayona, ringava renguva yakazara kana kuti kwemwedzi kana kuti kupfuura. (Mashoko akawanda ebasa reZvapupu zvaJehovha gore rapera anowanwa pamapeji 12 kusvika ku15.) Iyi nhamba inoshamisa imhinduro yakanaka, mhenyu yomubvunzo waJesu wokuti, “Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?”
Kutendeka Pasinei Zvapo Nemiedzo
13, 14. Rondedzera zvimwe zvinetso zvakava naAbrahama nemhuri yake muKanani.
13 Zvinhu zvaiwanzova zvakaomera Abrahama nemhuri yake muKanani. Pane imwe nguva, makava nenzara yakakomba yakamutamisa muKanani achienda kuEgipita. Uyezve, vose mutongi weEgipita nomutongi weGerari (pedyo neGaza) vakaedza kuzvitorera mudzimai waAbrahama, Sara. (Genesi 12:10-20; 20:1-18) Pakavawo nokuitirana nharo pakati pavafudzi vezvipfuwo zvaAbrahama navafudzi vezvipfuwo zvaRoti, uye izvi zvakaparira kuparadzana pakati pemhuri mbiri idzi. Achiratidza kusava noudyire, Abrahama akati Roti atange kusarudza nyika, uye Roti akasarudza kugara muRuwa rweJoridhani, rwairatidzika seEdheni nemhaka yokuorera kwarwo nokunaka.—Genesi 13:5-13.
14 Zvadaro, Roti akabatanidzwa muhondo yaiva pakati pamambo weErami yaiva kure nevatsigiri vake namadzimambo emaguta mashanu aiva muMupata waSidhimi. Madzimambo okumwe akakurira madzimambo omunzvimbomo ndokupamba zvinhu zvakawanda, kubatanidza Roti nezvinhu zvake. Abrahama paakanzwa zvakanga zvaitika, akatevera madzimambo okumwe asingatyi uye akakwanisa kutora Roti nemhuri yake, pamwe nezvinhu zvamadzimambo omunzvimbomo. (Genesi 14:1-16) Zvisinei, ichocho chakanga chisiri chiitiko chakaipisisa chakaitika kuna Roti muKanani. Hamheno chaakagarirawo munyika yeSodhoma, pasinei zvapo nemukurumbira weguta racho wounzenza.b (2 Petro 2:6-8) Paakanyeverwa nengirozi mbiri kuti guta raizoparadzwa, Roti akatiza nomudzimai wake navanasikana. Zvisinei, mudzimai waRoti haana kuteerera mirayiridzo yakananga yengirozi, uye akazopedzisira ava churu chomunyu. Roti akaninipiswa nokugara mubako kwechinguvana muZoari navanasikana vake vaviri. (Genesi 19:1-30) Zviitiko izvi zvinofanira kuva zvakanetsa Abrahama zvikuru, kunyanyanyanya sezvo Roti akanga apinda muKanani somumwe wemhuri yaAbrahama.
15. Pasinei zvapo nezvinetso zvaitarisana naAbrahama paaigara mumatende munyika yokumwe, kufunga kupi kusina kunaka kwaakadzivisa sezviri pachena?
15 Abrahama akambofunga kuti iye naRoti vaifanira kuva vakagara vakachengeteka muUri nehama dzababa vake kana kuti muHarani nomunun’una wake Nahori here? Akamboshuva kuti dai akagara zvakanaka akachengeteka muguta rine masvingo panzvimbo pokugara mumatende here? Zvichida iye, akambopokana uchenjeri hwokurega zvimwe zvinhu kwaakanga aita nokuva mudzungairi munyika yokumwe here? Achitaura nezvaAbrahama nemhuri yake, muapostora Pauro akati: “Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka.” (VaHebheru 11:15) Asi, havana kudzoka. Havana kuodzwa mwoyo nezvinetso, vakagara uko Jehovha aida kuti vave.
Kutsungirira Nhasi
16, 17. (a) VaKristu vakawanda vane zvinetso zvipi nhasi? b) VaKristu vane mafungiro api akanaka? Nei?
16 Kutsungirira kwakafanana kunoonekwa muvaKristu nhasi. Kunyange hazvo kunamata Mwari kuchivaita kuti vafare zvikuru, upenyu hausi nyore kuvaKristu vechokwadi mumazuva ano okupedzisira. Kunyange hazvo vachirarama muparadhiso yomudzimu, vanotambura nemari sezvinoita vavakidzani vavo. (Isaya 11:6-9) Vakawanda vakava vanyajambwa vasina mhaka muhondo dzamarudzi, uye vamwe vakaninipiswa kuva varombo vakanyanyisa isiri mhaka yavo. Uyezve, vanotsungirira zvinetso zvokuva vashoma vasina kukurumbira. Munyika dzakawanda vanoparidza mashoko akanaka pasinei zvapo nokusakendenga kwakapararira. Mune dzimwe vanodenhwa zvinotsausa naavo vano‘funga kuita zvakaipa nemitemo’ uye vano“pa mhosva ropa risina mhosva.” (Pisarema 94:20, 21) Kunyange munyika umo vaKristu vasiri kudenhwa uye mavanorumbidzwa nevamwe nemhaka yetsika dzavo dzakanaka, vanoziva kuti vanofanira kusiyana navavanodzidza navo nevavanoshanda navo—zvakada kufanana naAbrahama, aigara mumatende nepo vanhu vakawanda vaaigara navo vaigara mumaguta. Hungu, hazvisi nyore kurarama munyika asi “vasi rutivi” rwayo.—Johane 17:14, NW.
17 Saka, isu tinodemba kuzvitsaurira kwakatakaita kuna Mwari here? Tinoshuva here kuti dai takaramba tiri rutivi rwenyika, takafanana navamwe vanhu vose? Tinodemba kuzvipira kwatakaita mubasa raJehovha here? Nyangwe! Panzvimbo pokutarira shure tichidemba, tinoziva kuti zvinhu zvose zvatingava takarega zvakanga zvisingakoshi chaizvo kana zvikaenzaniswa nezvikomborero zvatinazvo zvino nezvatichava nazvo munguva yemberi. (Ruka 9:62; VaFiripi 3:8) Kunze kwezvo, vanhu vari munyika vari kufara here? Chokwadi ndechokuti, vakawanda vavo vari kutsvaka mhinduro dzatinotova nadzo. Vanotambura nemhaka yokusatevera nhungamiro yatinotevera inobva kuna Mwari nomumapeji eBhaibheri. (Pisarema 119:105) Uye vakawanda vavo vanoshuva rudzi rwoushamwari hwechiKristu hwatinahwo navatinotenda navo.—Pisarema 133:1; VaKorose 3:14.
18. Chii chinozoguma chaitika vaKristu pavanoratidza kutenda kwakaita sokwaAbrahama?
18 Chokwadi, isu pane dzimwe nguva tinofanira kuva vakashinga saAbrahama paakatandanisa vapambi vaRoti. Asi patinodaro, Jehovha anokomborera zvinozoitika zvacho. Somuenzaniso, muNorthern Ireland ruvengo rwakaparirwa zvakasimba somugumisiro wechisimba chesekete, uye zvinoda kushinga kuti usava nekwawarerekera. Asi, vaKristu vakatendeka vakatevera mashoko aJehovha kuna Joshua anoti: “Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.” (Joshua 1:9; Pisarema 27:14) Mumakore akapfuura kusatya kwavo kwakaita kuti varemekedzwe, uye nhasi vanogona kuparidza vakasununguka munzanga dzose dzenyika iyoyo.
19. VaKristu vanofara kuva kupi, uye vanokarira mugumisiro wei nechivimbo pavanotevera nhungamiro yaJehovha?
19 Hatimbofaniri hedu kusava nechokwadi chokuti kunyange zvinhu zvikatimirira sei, kana tikatevera nhungamiro yaJehovha, zvichazoitika pakupedzisira zvichamupa mbiri uye zvichatibetsera nokusingaperi. Pasinei zvapo nezvinetso nezvatakarega, hapana nzvimbo yatingambova kunze kwokuva mubasa raJehovha, tichishamwaridzana nehama dzedu dzechiKristu nokutarira mberi nechivimbo kunguva yemberi isingagumi yakavimbiswa naMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Abrahama angangodaro akatanga kurera mwana womunun’una wake Roti, pakafa baba vaRoti, munun’una waAbrahama.—Genesi 11:27, 28; 12:5.
b Vamwe vakataura kuti Roti akagara muguta kuitira kuti achengeteke zvikuru pashure pokutapwa namadzimambo mana.
Unoyeuka Here?
◻ Nei kutenda kwakasimba kuchikosha?
◻ Abrahama akaratidza sei kuti akanga ane kutenda kwakasimba?
◻ Kuzvitsaurira kunobatana sei nokuchinja kwomunhu muupenyu hwake?
◻ Nei tichifara kunamata Mwari pasinei hapo nezvinetso zvatingawana?
[Mifananidzo iri papeji 7]
Abrahama aida kuchinja zvikuru muupenyu hwake kuitira kuti agare nhaka vimbiso yacho
[Mifananidzo iri papeji 9]
Uchapupu hunoratidza kuti Jesu akawana “kutenda panyika” munguva yokuvapo kwake