RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/07 p. 6
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Muumbi Mukuru Nebasa rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Ziva Kuti Jehovha Ndiye Muumbi Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Bvuma Kuumbwa Nechirango chaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 8/07 p. 6

Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo

Musoro wepurogiramu yezuva regungano chairo regore rebasa ra2008 unoti, “Isu Tiri Ivhu—Jehovha Muumbi Wedu,” unobva pana Isaya 64:8. Mirayiridzo yomuMagwaro iri mupurogiramu iyi ichawedzera kunzwisisa uye kukoshesa kwatinoita uchenjeri hwaJehovha, kururamisira, simba uye rudo soMuumbi Mukuru.

Hurukuro yomutariri wedunhu inoti, “Kushumira Semidziyo Inokudzwa Muushumiri,” icharatidza kuti vanhu vanoramba vachiwedzera vari kuwana sei zvikomborero zvakawanda zvokuziva chokwadi uye kuchiudza vamwe. Hurukuro inoti, “Kufungisisa Kuchakuchengetedza” icharatidza kudzivirirwa kwatinoitwa nokufungisisa mirayiro yaJehovha yakarurama. Mukurukuri anoshanya achakurukura misoro inoti, “Musa‘zvienzanisa Nemamiriro Ezvinhu Epanguva Ino’” uye “Umbwai noMuumbi Mukuru.” Vabereki nevaduku vachakurudzirwa nehurukuro dzinoti, “Vechiduku Vari Kushandiswa naJehovha” uye “Basa Rinokosha Revabereki Pakuumba.” Kuburikidza nemienzaniso uye kubvunzurudza, tichanakidzwa nokunzwa uye kuona zviri kuitwa nehama nehanzvadzi dzedu muushumiri hwadzo. Vaya vanoda kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura vanofanira kuzivisa mutariri anotungamirira nokukurumidza sezvavanogona. Ivai nechokwadi chokuuya neNharireyomurindi inenge ichidzidzwa vhiki yezuva regungano chairo.

Chero zvipi zvinorongwa noMuumbi Mukuru anozviita. Asi zviri kune mumwe nomumwe wedu kusarudza kuti tichaita sei nokuumba kwaanotiita. Sevhu riri mumaoko omuumbi, vaya vanobvuma nokuchenjera zvinodiwa naJehovha uye kugadziridzwa vanogona kunatsiridzwa, kuvandudzwa uye kuchinjwa kuva midziyo inoshandisika. Patinoshandira pamwe naJehovha, tinokudza uchangamire hwake uye tinowana zvikomborero zvakawanda.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe