Vakaita Kuda kwaJehovha
Munhu Mukurusa Anoita Basa Rinoda Kuzvininipisa
JESU aiziva kuti maawa ake okupedzisira nevaapostora vake aizova anokosha kwazvo. Pasina nguva refu, aizosungwa, uye kutenda kwake kwaizoedzwa zvisina kumboitika. Jesu aizivawo kuti zvikomborero zvakawanda zvakanga zviri mberi. Nenguva isipi aizokwidziridzwa kuruoko rworudyi rwaMwari ndokupiwa “zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika.”—VaFiripi 2:9, 10.
Asi, hapana kufungisisa pamusoro perufu rwake rwakanga rwuri kuswedera pedyo kana kuti kuda kwazvo mubayiro wake wakanga wavimbiswa zvakatadzisa Jesu kuziva zvinodikanwa zvavaapostora vake. “Wakavada kusvikira pakuguma,” Johane gare gare akanyora izvi muEvhangeri yake. (Johane 13:1) Uye mumaawa aya anokosha okupedzisira oupenyu hwake semunhu akakwana, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake chidzidzo chinokosha.
Chidzidzo Mukuzvininipisa
Vaapostora vaiva naJesu muimba yepamusoro muJerusarema kuti vachengete Paseka. Jesu akanga ambovanzwa vachiitisana nharo pamusoro pokuti ndiani aiva mukuru kupfuura vose pakati pavo. (Mateo 18:1; Marko 9:33, 34) Akanga ambokurukura navo nhau iyi uye amboedza kugadzirisa mafungire avo. (Ruka 9:46) Zvisinei, zvino akasimbisa zvidzidzo izvozvo achishandisa maonere akasiyana. Akasarudza kwete bedzi kuvataurira nezvekuzvininipisa asi kukuratidzira.
Jesu “akasimuka pakurayira, akabvisa nguo dzake,” anonyora kudaro Johane. “Akatora mucheka, akazvisunga chiuno. Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipisika nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.”—Johane 13:4, 5.
Mumamiriro okunze aidziya emuMiddle East yekare, vanhu kazhinji kazhinji vaipfeka manyatera sezvavaifamba mumigwagwa ine huruva. Pakupinda muimba yomunhuwo zvake, vaikwaziswa neanotambira vaeni, uyo aivapa mvura nemudziyo wokugezera kuitira kuti vageze tsoka dzavo. Mumisha yakapfuma, muranda ndiye aiita basa rokugeza tsoka.—Vatongi 19:21; 1 Samueri 25:40-42.
Muimba yepamusoro, Jesu nevaapostora vake vaisava vaeni vomumwe munhu. Pakanga pasina aitambira vaeni aifanira kuvapa midziyo yokugezera, uye pakanga pasina varanda vokugeza tsoka. Jesu paakatanga kugeza tsoka dzavo, vaapostora vakatanga kunyara. Pano Uyo akanga ari mukuru kupfuura vose pakati pavo anoita basa rakaderera kupfuura ose!
Pakutanga, Petro akaramba kubvumira Jesu kugeza tsoka dzake. Asi Jesu akamuudza kuti: “Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.” Jesu apedza kugeza tsoka dzevaapostora vose, akati: “Munoziva zvandakakuitirai here? Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.”—Johane 13:6-15.
Jesu akanga asiri kutanga tsika yokugeza tsoka. Asi, akanga ari kubatsira vaapostora vake kuti vagamuchire mafungire matsva—okuzvininipisa uye okuda kuitira hama dzavo mabasa aya anonzi akaderera kune mamwe ose. Sezviri pachena, vakawana zvaaireva. Chimbofunga zvakaitika makore akatevera apo mubvunzo wekudzingiswa wakamuka. Kunyange zvazvo “nharo huru” dzakaitika, vaivapo vakachengetedza runyararo zvakanaka ndokuterera pfungwa dzomumwe nomumwe nokuremekedzana. Kupfuurirazve, zvinoratidzika kuti uyo aitungamirira musangano wacho aiva mudzidzi Jakobho—kwete mumwe wevaapostora, sezvataizotarisira, sezvo vakanga varipo. Nhoroondo iyi pfupi iri muna Mabasa inoratidzira kuti vaapostora vakanga vafambira mberi pamwero wakati mukuratidzira kuzvininipisa.—Mabasa 15:6-29.
Chidzidzo Kwatiri
Nokugeza tsoka dzevadzidzi vake, Jesu akaratidzira chidzidzo chine simba mukuzvininipisa. Chokwadika, vaKristu havafaniri kufunga kuti vanokosha zvikuru zvokuti vamwe vanofanira kuvashandira nguva dzose, kana kuda kutsvaka nzvimbo dzinokudzwa nedzepamusoro. Asi vanofanira kutevedzera muenzaniso wakagadzwa naJesu, uyo “usina kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateo 20:28) Hungu, vateveri vose vaJesu vanofanira kuda kuitirana mabasa okuzvininipisa.
Nechikonzero chakanaka Petro akanyora kuti: “Pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5) Shoko rechiGiriki rokuti “pfeka” rinobva mushoko rinoreva “epuroni yomuranda,” apo chipfeko chaisanyatsobata zvakanaka chainyatsosungwa. Petro akanga ari kunongedzera kuchiito chaJesu chokuzvisunga pachake nemucheka ndokugeza tsoka dzavaapostora vake here? Izvi hazvigoni kutaurwa sechimwe chinhu chiri chechokwadi. Kunyange zvakadaro, basa raJesu rokuzvininipisa rakaita kuti Petro asakanganwe izvi mumwoyo wake, sezvazvinofanira kuitawo mumwoyo yevose vaizova vateveri vaKristu.—VaKorose 3:12-14.