Kuparadza Zvinhu—Nei?
“HAPANA zvandingataura.” Mashoko aya akanga akanyorwa namavara mahombe pamudhuri wakanga uchangobva kupendwa mune imwe nharaunda yakaisvonaka yeSão Paulo. Ungafunga kuti, kuparadza zvinhu kwakaitwa. Uye kunyora-nyora runongova rumwe rudzi rwokuparadza zvinhu.
Fungidzira kuti vanhu vanoparadza zvinhu vasinei nezvinhu vakuvadza motokari yako itsva. Kana kuti ungaona kuti zvinhu zvevanhu vose—zvinoshandiswa nevakawanda—zvakuvadzwa kana kuparadzwa nevanhu vanoparadza zvinhu. Nei? Hungu, nei? Wati wamboshamiswa here kuti nei zviito zvokuparadza zvinhu zviri kuwanda? Munzvimbo dzakawanda, vanhu vanoparadza zvinhu vanoita sevanonakidzwa nokukuvadza kana kuti kuparadza nzvimbo dzinoroverwa nhare. Zvifambiso zvevanhu vose, zvakadai sezvitima kana mabhazi, ndizvo zvinowanzoparadzwa. Zvinoita sokuti, vanhu vanoparadza havana basa nechinhu chero chipi zvacho. Asi chii chinokonzera kuparadza zvinhu kwakawanda kwatinoona kana kuti kwatinotambura nako?
Marco,a imwe pwere inobva kuRio de Janeiro, akagumbuka apo chikwata chake chakakundwa pamutambo wenhabvu—kugumbuka chaizvo zvokuti akatanga kupotsera matombo kubhazi rakanga rakazara vatsigiri vechikwata chakanga chakunda. Kana kuti funga nezvaClaus. Paasina kubudirira kuchikoro, akatsamwa chaizvo zvokuti akakanda matombo ndokupwanya mahwindo. Zvisinei, “kunakidzwa” kwacho kwakapera apo baba vake vakanzi vabhadhare zvakanga zvaparadzwa zvacho. Imwe pwere, Erwin, yakanga ichidzidza chikoro uye ichishanda. Iyo nevamwe vaiva vezera rayo vaionekwa sepwere dzine tsika. Nepo zvavaipedza nguva vachinakidzwa nazvo kwaiva kuparadza nharaunda. Vabereki vaErwin hapana chavaiziva nezvazvo. Valter akanga ari nherera yakanga isina zvayaigona kuita kunze kwokugara mumigwagwa yeSão Paulo. Shamwari dzake dzepamwoyo chaiva chikwata chevanhu vanoparadza zvinhu, uye akaita zvavaiita uye akadzidzawo unyanzvi hwokuzvidzivirira. Mienzaniso yakadai inoratidza kuti kune vanhu vanotsigira kuparadza zvinhu, uye chinokonzera, kana kuti manzwire anobatanidzwa pakuparadza zvinhu, anosiyana-siyana.
“Kuparadza zvinhu kungava chiito chokutsiva kana kuti nzira yokuratidza nayo zvinofungwa nezvezvamatongerwe enyika. Vose vanhu vaduku nevakuru dzimwe nguva vanopara mhosva yacho kuti vango‘nakidzwa’ chete,” inodaro The World Book Encyclopedia. Zvisinei, pane kungova kunakidzwa kwoupwere chete, kuparadza zvinhu kungakuvadza zvinhu zvakanyanya, nyange kutouraya. Chimwe chikwata chepwere chaida “kumbonakidzwa,” uye pachakaona mumwe murume akarara, chakamudira mushonga unobatira moto ndokumutungidza moto. Nyakutungidzwa moto, muIndia, akazofira muchipatara. Maererano nemumwe mushumo, “majaya acho anonzi akati haana kumbofunga kuti pane aizoita hanya nazvo sezvo vapemhi vakawanda vakanga vapiswa mumugwagwa, uye hapana zvakanga zvaitwa.” Nyange zvazvo kuparadza zvinhu kuchiita sokusina wakunokuvadza kana kuti kuchiva newakunokuvadza, mutengo wacho, wemari uye wemupfungwa, wakakurisa. Saka, chii chingadzora kana kuti kugumisa kuparadza zvinhu?
Ndiani Angamisa Kuparadza Zvinhu?
Mapurisa kana kuti zvikoro zvingadzivisa kuparadza zvinhu here? Rimwe dambudziko nderokuti zviremera zvingava zvakabatikana nemhosva dzakati kurei chaizvo, dzakadai sokutengesa zvinodhaka kana kuti mhosva dzokuuraya, panzvimbo pemhosva “dzisina wadzinokuvadza.” Maererano nemumwe mupurisa, pwere painopinda mudambudziko, vabereki vanowanzo“pomera vana vainotamba navo, kana kuti chikoro, kana kuti mapurisa nokuti vakaibata.” Dzidzo nekuchengetwa kwomutemo zvingaderedza kuparadza zvinhu; asi, zvakadini kana pfungwa dzevabereki dzisingachinji? Mumwe mukuru-mukuru wepanzvimbo inochengeterwa vana anoti: “Kuora mwoyo uye mukana. [Vana] vanenge vari kunze kusvikira kwasviba, uye havana chokuita. Uye pamwe havatarisirwi—dai zvisina kudaro vaisazova kunze.”
Nyange zvazvo kuparadza zvinhu riri dambudziko guru munzvimbo dzakawanda, funga kuti zvinhu zvingachinjwa sei. Vanhu vaduku vanoparadza zvinhu vadudzwa pamavambo vakachinja; zvino vanodzivisa zvachose maitiro asingadiwi. Chii chakaita kuti sindimari idzi dzichinje mararamire adzo? Uyezve, waizoshamiswa here kudai kuparadza zvinhu kwaisazongoderedzwa chete asi kupedzwa? Tinokukumbira kuti urave nyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.