RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 9/8 p. 31
  • Chinobatsira Kupedza Misikanzwa Yepwere

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinobatsira Kupedza Misikanzwa Yepwere
  • Mukai!—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chichaitika Kumaguta Munguva Yemberi?
    Mukai!—2001
  • Kuparadza Zvinhu Kunogona Kupedzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Nei Vachizoita Chisimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Kuparadza Zvinhu—Nei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 9/8 p. 31

Chinobatsira Kupedza Misikanzwa Yepwere

NOMUNYORI WEMUKAI! MUFRANCE

ZVAKAITIKA munguva ichangopfuura zvakaratidza pachena kutyorwa kwomutemo nokugadzikana pamwero unotyisa mumadhorobha akawanda ane urombo muFrance. Maererano nemagazini yokuFrance inonzi L’Express, “chisimba mumadhorobha chawedzera zvakapetwa kanenge kashanu mumakore matanhatu.” Pamusoro paizvozvi, nhamba yevaduku vanobatanidzwa muutsotsi hwechisimba yawedzera zvinotyisa.

Mukuwedzera pakuparadza zvinhu, kutengesa zvinodhaka, ugororo, kupisa zvinhu, uye umbavha, vane misikanzwa vave vachinanga vamiririri veNyika. Mapurisa, vanodzima moto, uye vanoshandira zvokufambisa zvavose, kungotaura vashoma vacho, vari pakati paavo vanosangana nokumukira kwechisimba nguva dzose.

Nei kuine chisimba chakawanda zvakadai? Nyanzvi mbiri dzezvemagariro evanhu dzakatsanangura kuti: “Nemhaka yokuparara kwemhuri; izvi zvinoratidza kurwisana nezvose zvinotaurwa nevane simba.” Vanotaurawo “nezvokunzwa kwe[vechiduku] sevasiyiwa nevane simba” uye vasina “tariro yenguva yemberi ine chinangwa.”

Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza mashoko eBhaibheri etariro nguva dzose munharaunda dzakazara nousindimari. Pachirongwa chakaitwa munguva ichangopfuura panhepfenyuro yeterevhizheni yokuFrance, mumwe mutori wenhau akati: “Zvapupu zvaJehovha zvinobvongodza munogara vanhu uye nharaunda dzine urombo—nharaunda dzinoita sedzakasiyiwa nevanobatsira vanhu, mapurisa, nehurumende. Muzvivako izvi nemigwagwa, zvinotaura uye zvinoteerera.” Basa razvo rine simba rakanaka, sezvakaratidzwa netsamba inotevera yakabva kumuverengi muduku weMukai!

“Ndinoda kukutendai nomwoyo wangu wose nokuda kwemabhuku enyu. Hamuna kubatsira ini bedzi asi ukama hwangu nevabereki vangu hwava nani. Ndine makore 16 chete uye ndiri muMuslim.

“Zvandinoda kutaura ndezvokuti makabudirira pakuita kuti ndisava ane misikanzwa. Somugumisiro, ndinonyatsotevera chitendero changu, asi ndinoverengawo Bhaibheri. Ndinokutendai, ndiri kuendererawo mberi nedzidzo yangu. Uyewo, nemagazini enyu mabatsira vanhu vanoverengeka munharaunda yangu kurega misikanzwa—ndinovakweretesa magazini acho mwedzi nemwedzi. Ndinokutendai zvikuru uye ndinonzwa kuti ndine mungava.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe