RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 6/15 pp. 4-7
  • Kuparadza Zvinhu Kunogona Kupedzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparadza Zvinhu Kunogona Kupedzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikonzero Zvakakura Zvokuparadza Zvinhu
  • Nhungamiro Yakanaka Nokuda Kwevechiduku
  • Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Kupikisa
  • Nyika Itsva Isina Kuparadza Zvinhu Inogona Kuvapo
  • Kuparadza Zvinhu—Nei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Ruvengo Rwakazara Pasi Rese
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Chinobatsira Kupedza Misikanzwa Yepwere
    Mukai!—2000
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 6/15 pp. 4-7

Kuparadza Zvinhu Kunogona Kupedzwa

“KUPARADZA zvinhu kunoitwa nevari kuyaruka nguva dzose kwave kuchionekwa sokusaremekedza uye kuitira utsinye vakuru nenzira yavanoita nayo zvinhu,” vanotsanangura kudaro vanyori Jane Norman naMyron W. Harris. Nepo pwere dzakawanda dzichifunga kuti hapana chingaitwa kuti mamiriro ezvinhu acho achinjwe, “imwe munhatu inofunga kuti kuparadza zvinhu kunoitwa nevari kuyaruka kungadziviswa dai vabereki vaiongorora vana vavo zvakanyanya, uye dai vechiduku vasingafinhwi kudaro,” vanyori vacho vakashuma kudaro. Nepo kuita kuti vechiduku varambe vakabatikana nokuvadzora zvakafanira sevabereki kungaderedza kuparadzwa kwezvinhu, izvozvo zvoga zvingasvika pane zvinokonzera zvacho here?

Pavanenge vari voga, vechiduku vakawanda havakonzeri matambudziko, asi pavanenge vari chikwata kana kuti vane vamwe, vangaedza kuzviita kuti vaonekwe, vachiita zvinhu zvoupenzi uye zvakashata. Ndizvo zvakanga zvakaita Nelson, uyo aiwanzoratidza hasha dzake nokusagutsikana kuburikidza nezviito zvokuparadza zvinhu achipesvedzerwa nezvinodhaka kana kuti zvinwiwa zvinodhaka. José, anyandurwa nemharidzo dzaipiwa muChechi yeKaturike dzaitaura nezvekugovewa kwenyika uye kodzero dzevashandi, akafunga kuti aifanira kuitawo zvokuramwa basa nokuparadza zvinhu kwakarongwa senzira yokupikisa nayo. Zvisinei, Nelson naJosé vose vakawana chimwe chinhu chiri nani chaizvo kupfuura mabongozozo kana kuti kuparadza zvinhu.

Zvikonzero Zvakakura Zvokuparadza Zvinhu

Ngatinyatsoongororai kuti nei vamwe vechiduku vachiparadza zvinhu. Vakawanda vari kuyaruka vakavhiringidzika uye “vanorondedzera nyika seyakavhiringika, nzvimbo isina kutsarukana, yakazara nevanhu vanopenga.” Nyange zvakadaro, uye kusiyana nezvinodavirwa nevamwe, mumwe mushumo wakati: “Vari kuyaruka vanonetseka nekwakananga upenyu hwavo. Vanonetseka zvakanyanya kupfuura izvo vakuru vanofunga kuti vanoita.” Ichiziva kana kuti isingazivi, pwere inoita zvokuparadza zvinhu ingava ichiratidza nenzira iyi kuora mwoyo kwayo kwayagara nako, matambudziko asina kugadziriswa, kana kuti zvinodiwa zvisingawanikwi. Maererano nokuongorora kwadudzwa pamavambo, “hapana nomumwe wavakabvunzwa akatsigira kuparadza zvinhu kana kuti akati kwakarurama, nyange avo vaka[nga vambo]kuita.”

Pwere ingasambonzwa shoko rokuonga kana rokukurudzira. Sezvo dzidzo iri kuramba ichikosha uye mabasa akawanda achida zivo yemberi-mberi kana kuti unyanzvi hwokugadzira zvinhu, ingashayiwa chivindi. Uyezve, vabereki, vadzidzisi, kana kuti vezera rimwe vangava vanonyanya kutsoropodza uye kuda zvakawanda, vachikoshesa zvinowanwa nepwere yacho uye kwete zviri munhu wacho. Vakawanda vanopandukira kana kuti vanoparadza zvinhu nemhosva chete yokuti vazvitsamwira ivo. Rudo nokutarisira kwevabereki hazvingaderedzi kuora mwoyo kwakadaro zvikuru here?

Ungava wakaona kuti nepo zvimwe zviremera zvichiratidzika kuva zvakarega kuedza kudzora kunyora-nyora nemamwe marudzi okusindimara, vanhu vane hanya vachiri kutarisira kuti vadzidzisi nevashandi vepachikoro vadzore kuparadza zvinhu. Nezvekuchengetwa kwemutemo, The World Book Encyclopedia inoti: “Chirango chokuparadza zvinhu ifaindi kana kuti kuiswa mujeri. Dzimwe hurumende dzomunharaunda dzine mitemo inoti vabereki ndivo vane mhosva yokuparadza zvinhu kunoitwa nevana vavo. Asi kuparadza zvinhu kwakawanda hakurangirwi munhu. Kuchengetwa kwomutemo kwakaoma munhau dzakadai, uye muripo wezviito zvoga zvoga zvokuparadza hauna kukura zvakaringanira kuti paitwe chiito chepamutemo.” Mumwe mushumo wakaratidza kuti vatatu muzana chete vevakapara mhosva ndivo vakabatwa.

Ungangobvuma kuti kurera kwakakwana ndikwo kungava nzira yakanakisisa yokubata nechinokonzera kusindimara. Asi apo upenyu hwemhuri hunoderera, nzanga dzinotambura. Purofesa Ana Luisa Vieira de Mattos, wokuSão Paulo University, Brazil, anotaura kuti zvimwe zvikonzero zvematambudziko epwere ku“tarisira kusina kusimba kwevabereki, kushayikwa kwemitemo, kushayikwa kwekukurukurirana, kuregeredza, kusakendenga kana kuti kushaya hanya.”

Munguva yedu tanyatsoona kuzadzika kwemashoko aJesu anoti: “Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda.” (Mateo 24:12) Uye ndiani acharamba kuti mashoko akanyorwa pana 2 Timotio 3:1-4 ari kuva echokwadi? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.” Chokwadi ndechokuti, kungorarama nevanhu vane unhu hwakadai kunoita kuti usindimare. Zvisinei hatifaniri kurega. Nzanga dzose hadzo dzatadza kubvisa kuparadza zvinhu, asi tinogona kuona vanhu vakabudirira kuchinja mararamire avo pachavo, vasisina tsika dzakaipa kana kuti vasingachaiti zvinhu vasingafungi. Kwavari kuparadza zvinhu kwakatomiswa.

Nhungamiro Yakanaka Nokuda Kwevechiduku

Chii chakabatsira vanoparadza zvinhu nevamwe kuti vachinje unhu hwavo? Nyange zvazvo zvingaita sezvisingadaviriki kune vamwe vadzidzisi nevabereki, Bhaibheri rinopa nhungamiro yakanakisisa uye inofambirana nenguva. Pavakaitevera, vaimbova vaparadzi vezvinhu vakanzwa vachida kuteerera mutemo waMwari wakajeka unoti: “Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa.” (Eksodho 23:2) Vakawanda vakakwezviwa nechokwadi chinobva muShoko raMwari pamusoro pezvitendero nedzidziso dzavakanga vasina kumbonzwisisa kare, uye zvavakadzidza zvakavaita kuti vaite zviri nani. Funga nezvechakaitika kuna José pwere iri kuSão Paulo. Akarerwa achidavira kushandiswa kwemifananidzo pakunamata. Paakadzidza kuti Mwari ane zita, rokuti Jehovha, uye kuti Haatenderi kunamatwa kwemifananidzo, José akachinja kuti aite zvinofadza mumeso aMwari.—Eksodho 20:4, 5; Pisarema 83:18; 1 Johane 5:21; Zvakazarurwa 4:11.

Panzvimbo pokuramba achiodzwa aodzwazve mwoyo muzvikwata zvechisimba nokuramwa basa, Nelson akawana tariro chaiyo nokuda kwenguva yemberi, uye izvozvo zvakamusunungura zvikuru. Anoti: “Panzvimbo pokurambwa nemhuri yangu nemhosva yeshamwari dzakaipa uye upenyu somunhu akapindwa muropa nezvinodhaka, zvino ndini ndava munhu anonyanya kuremekedzwa pamba. Kakawanda baba vangu vanondikumbira kuti nditsiure madzikoma angu. Kubva zvandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndava nemufaro nokuti zvino ndava nechinangwa muupenyu.” Uye kune pwere yomuguta yakadai saMarco—akajaira kugara munharaunda inoitwa zvechisimba—kuziva kuti Umambo hwaMwari huchaita kuti pasi rive paradhiso chokwadi kwave kuchifadza.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Fungawo nezvezvakaitika kune aichimbova nhengo yechikwata, murwi womumugwagwa, uye muparadzi wezvinhu. Zvaakanga ari nherera yainzwisa tsitsi pauhwana hwake, Valter akaororwa kuti Mwari ane vanhu vake pakati pegadziriro yakaora, yakaipa. Vanoedza zvechokwadi kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo, vachiratidza tsitsi, kufunga nezvevamwe, uye mutsa. Valter anotsanangura kuti: “Maererano nezvakavimbiswa naJesu, zvino ndava nemhuri yakakura, ‘madzikoma nehanzvadzi, navanamai, navanababa.’ Nezvenguva yemberi, ndinotarisira mberi kunguva apo vanhu vachagara vachifara uye vakabatana muhurumende yaMwari yakarurama.”—Marko 10:29, 30; Pisarema 37:10, 11, 29.

Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Kupikisa

Kuwedzera pakufunga nezvevamwe uye kuda vamwe vavo, ava vaichimbova vaparadzi vezvinhu vakadzidza ku‘venga zvakaipa.’ (Pisarema 97:10; Mateo 7:12) Zvakadiniko newe? Nyange zvazvo uri mumwe wevanotambura nezvinoparirwa nokuparadza zvinhu kwakapararira, kudzidza Shoko raMwari kuchaita kuti Jehovha ave wechokwadi kwauri saBaba vokudenga vane rudo vanoda kukutarisira. (1 Petro 5:6, 7) Mwari anogona kukubatsira kuti ukure mumudzimu, pasinei zvapo nezvisingagonekwi nomunhu kana kuti urombo. Izvozvo zvoga zvinoshamisa!

Jehovha noMwanakomana wake Jesu Kristu, vanoda zvechokwadi kuti vanhu vemarudzi ose vave nomukana wokudzidza chokwadi cheBhaibheri. Shoko raMwari rinogona kuita zvakawanda kupfuura kubatsira vanhu kuti varege kuva vaparadzi vezvinhu iko zvino. Rinogona kuvaita kuti vaendererezve mberi pakushandisa mitemo yaMwari. Zvinozoguma zvaitika ndezvokuti, vanova nhengo dzouhama hwemarudzi ose dzinozivikanwa nokuda kworucheno rwadzo netsika dzakanaka, ungano yenyika yose yeZvapupu zvaJehovha. Maererano naVaEfeso 4:24, vaKristu vechokwadi ava, vaka“fuk[a] munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.” Nenguva isipi nyika ichava yazadzwa nevanhu vakadaro nokuti ava ndivo chete vachapukunyuka ndokurarama nokusingaperi.—Enzanisa naRuka 23:43.

Nyika Itsva Isina Kuparadza Zvinhu Inogona Kuvapo

Unodavira kuti kuparadza zvinhu kunogona kubviswa chaizvoizvo here? Kana zvakadaro, kuchinja kunokosha kwakadaro kuchaitika sei? Umambo hwaMwari huchakurumidza kubvisa gadziriro ino yezvinhu yakaipa. Vanogara munyika vachava nemhosva yokuputsa mitemo yaMwari yakarurama noune. (Enzanisa naIsaya 24:5, 6) Nepo “vadariki, vachaparadzwa pamwe chete,” avo vanoda kururama vachaponeswa. “Jehovha u[cha]vabatsira, nokuvarwira; u[cha]varwira kune vakaipa, nokuvaponesa, nokuti vakandovanda maari.”—Pisarema 37:38-40.

Chaizvoizvo, midzi yokuparadza zvinhu ichabviswa zvachose. Uye ndizvo zvichaitawo utsotsi hwose, kudzvinyirira, kutambura, nouipi. Panzvimbo pezvo, rugare, kururama kwechokwadi, kunyarara, nekuchengeteka zvicharatidza upenyu hwomunyika itsva. Isaya 32:18 inotsanangura zvichanyatsoitika chaizvo: “Vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.” Hungu, paradhiso yakanaka, yepasi pose ichava ichigarwa nevanhu vanoratidza rudo nokuva nehanya nevamwe.

Pamwe nemamiriyoni evamwe, vaimbova vaparadzi vezvinhu vava kutonakidzwa neukama chaihwo naJehovha Mwari. Havachaitizve zvokuparadza zvinhu. Iwewo uchabvumira Shoko raMwari kuti rikutungamirire kuupenyu munyika yake itsva here? Wadii watevedzera munyori wepisarema wekare akanyora chiziviso chaJehovha chokuti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.”—Pisarema 32:8.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kutarisira kwevabereki norudo kunodzivirira pwere

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe