‘Moto Wokuda Kuziva Mumwoyo Nepfungwa’
“Mashoko haagoni kuratidza mufaro nokunakidzwa kunoramba kuchiwedzera sezvandinonakidzwa zvikuru nebhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? Rinongoita kuti munhu ave nechishuvo—aiwa, kuda kuziva zvakawanda. Ndinokutendai nokutungidza moto wokuda kuziva mumwoyo wangu nepfungwa.”
NDIWO manzwire akaita chimwe Chapupu chaJehovha chokuNorth Carolina, U.S.A., nezvebhuku rakabudiswa neWatch Tower Society paKokorodzano Dzeruwa dze“Nzira yaMwari Youpenyu” muna 1998/99. Nyange usina kopi yebhuku racho, cherekedza zvakataurwa nevamwe.
Kwapera mazuva anoverengeka awana kopi pakokorodzano yokuSan Diego, California, U.S.A., mumwe murume akanyora kuti: “Ndiri kuwana kuti bhuku iri rinosimbisa kutenda chaizvo. Rinozadza mwoyo wangu nokuonga nomwoyo wose mabasa aJehovha okusika. Ndava papeji 98, uye handisi kufarira zuva randichasvika pamagumo aro! Mufaro unogutsa wakakura chaizvo.”
Mumwe mukadzi wokuMabvazuva akanyora kuti: “Mukurukuri wepakokorodzano yacho wakashandisa kutaura kwokuti ‘bhuku rakasiyana nemamwe,’ uye kutaura ikoko kunonyatsoenderana nezviri mukati. Chinhu chinokosha ndechokuti bhuku racho harimanikidziri muravi kuti adavire kuvapo kwaMwari, asi rinotaura chokwadi chacho.”
Chokwadi chacho chinobatanidza zvinhu zvinofadza zvakawanikwa nesayenzi pamusoro pezvose zvakasikwa, upenyu, nesu. Izvi zvakaorora vakawanda. “Handina mashoko okuratidza kuti bhuku duku iri rakandibatsira zvikuru sei,” akanyora kudaro mumwe mukadzi wokuCalifornia. “Ndakanga ndisingagoni kurega kurava bhuku racho sezvo peji yoga yoga yaitsanangura zvinhu zvakawanda zvakaonekwa pamusoro pezvinhu zvose zvakasikwa noupenyu pachahwo. Ndakadzidza zvakawanda chaizvo! Ndichakoshesa bhuku duku iri uye ndichataura nezvaro nevakawanda sevanobvira.”
Chinhu chakanakidza vakawanda inzira iyo bhuku racho rinopfupikisa nayo Bhaibheri, richibudisa pachena unhu hwoMusiki. “Zviri muBhaibheri, zvinotaurwa necheshure kwebhuku racho, ndezvimwe zvakanakisisa zvandati ndamborava,” ndeimwe tsinhiro yakanaka. Imwe kokorodzano yokutanga muNew York, U.S.A. ichangopera, mumwezve akanyora kuti: “Bhuku idzva rakabudiswa rinofanira kuva bhuku rinonakidza zvikurusa ramakadhinda. Ndakashamiswa nezvinotaurwa nesayenzi zvinoratidza kuti kune Musiki. Pfupiso duku yeBhaibheri pachayo yakaringana kutsanangura pfungwa dziri kutaurwa nokupa havi yokurava zvakawanda.”
Sayenzi Inonzwisisika
Mashoko esayenzi ari muzvitsauko zvokutanga angaita seakaoma kunzwisisa, asi hezvino zvimwe zvakaitika zvinofadza.
Mumwe murume wokuCanada akanyora kuti: “Rakasiyana sei nemamwe mabhuku evanyori vanoedza kutiorora nemashoko avo anoshamisira. Ruzivo rwenyu rwukuru pakuita kuti nhau dzakadai sephysics, chemistry, DNA, chromosomes, zvichingodaro, dzinzwisisike zvikuru kwatiri. Dai murimi makanga manyora mabhuku okuyunivhesiti andakadzidza makore akawanda akapfuura!”
Mumwe purofesa wephysics wepayunivhesiti akanyora kuti: “[Ri]nonyatsotaura nhau dzinobatanidzwa pasina kuvhiringidzwa nemashoko ounyanzvi. Bhuku racho rinoita kuti muravi afunge uye rinodzokorora zvakataurwa nevasayendisiti vakawanda vanotungamirira. Ichi chinhu ‘chinofanira kuraviwa’ nemunhu chero upi zvake anoda kuziva kwakabva zvakasikwa zvose noupenyu, zvimwe somusayendisiti kana kuti munhuwo zvake.”
Mumwe mukadzi muduku anoita kosi youkoti akataura kuti: “Handina kugona kuzvidavira pandakavhura chitsauko 4 ndokurava mashoko akatorwa mubhuku ratiri kushandisa mukirasi! Ndakapa purofesa wedu bhuku racho ndokumuudza kuti ndaiziva kuti aizowana mashoko acho achifadza. Ndakamuratidza peji 54 inotaura nezveuropi. Akazviravira ndokuti, ‘Riri kunakidza! Ndichanyatsoriongorora.’”
Imwe nhengo yeparamende muBelgium yakanyora kuti: “Chakandishamisa uye chakandifadza kutaura kwesayenzi kunosimbisa kuti sayenzi yemazuva ano haipikisani nedzidziso yeBhaibheri yokuti kuna Mwari mumwe, asi, inotobvumirana nayo. Aya maonero anokosha.”
Kuziva Musiki Zviri Nani
Bhuku racho rakabatsira vanhu vari munyika dzakawanda kuti vazive Mwari zviri nani uye kuti vanzwe vari pedyo naye zvikuru. Mumwe muravi ari muFukuoka City, Japan, akataura kuti: “Zvakaita sokuti magirazi anokudza zvinhu akanga ataridziswa pana Jehovha kwenguva yokutanga. Bhuku racho rinogutsa zvinoshamisa. Ndakakwanisa kusvika pakuziva Jehovha nenzira yandakanga ndisina kumbofunga nezvayo kusvikira zvino.” Murume anobva kuEl Salvador akanyora kuti: “Munotsanangura zvakajeka kuti Mwari ane ngoni, ane nyasha, anonoka kutsamwa, uye ane rudo zvakadini. Chokwadi, izvi ndizvo chaizvo zvatinoda kuti tive pedyo naye uye noMwanakomana wake. Ndiro bhuku rokutanga rinotsanangura mashoko aJehovha nemanzwire aiita Mwanakomana wake, Jesu somunhu.” Uye mumwe muravi muZambia akati: “Jehovha ava kureva zvitsva kwandiri.”
Zvinonzwisisika kuti, Zvapupu zvaJehovha zvinofara kutaurira vamwe nezvebhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? Mumwe akati: “Zvandakapedza kurava chitsauko 10 [“Kana Musiki Ane Hanya, Nei Kune Kutambura Kwose Uku?”], hapana zvandaigona kuita kunze kwokutaura kuti, ‘Ndiro bhuku chairo ratinoda muJapan!’ Ndinoda kuti ndiyeuke mashoko ari muchitsauko ichi ndokuashandisa mubasa romumunda kakawanda.” Mumwe mukadzi ari kudzidza Bhaibheri nemumwe musikana akarererwa mutemberi umo baba vake vari mupristi. “Ari kuomerwa kuti abvume pfungwa yokuti kune Musiki. Hapana chinotsanangurwa nebhuku iri chinomanikidzira, asi chokwadi chirimo, saka ndinofunga kuti nyange vaBuddha vanogona kurirava vasingatyi. Rinoitawo kuti tinzwe rudo rwaJehovha zvakanyanya.”
KuEngland kunobva mashoko aya: “Ndichangopedza kurava bhuku rinonzi Creator uye ndava kuda kutangisazve kurirava. Ibhuku rinoshamisa zvakadini! Munhu chaangaita kuda Jehovha chete paanenge achirirava. Ndakapa muvakidzani wangu rimwe, uyo wakati arava zvitsauko zviviri chete chete akati, ‘Handigoni kurega kurirava, riri kunakidza chaizvo.’ Ndine chokwadi chokuti izvi zvichabatsira vanhu kuti vazive nokuda Musiki wedu Mukuru.”
Mumwe murume wokuMaryland, U.S.A., akati: “Chokwadi rakandikurudzira mumudzimu! Ndiri kuronga kupa vose vandinoita navo bhizimisi kopi imwe. Dzimwe nguva ndinoona zvichinetsa kutanga kupupurira vanhu vakabatikana zvakadaro, vakadzidza. Nebhuku iri ndichachiwana masvikire anofadza, anoshanda.”
Pasina mubvunzo, bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? richabatsira vanhu zvakanaka pasi pose.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
Pikicha yepabutiro iri pamusoro, Eagle Nebula: J. Hester and P. Scowen (AZ State Univ.), NASA