RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 9/1 pp. 19-24
  • Itai Kuti Upenyu Hwenyu Hubudirire!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Itai Kuti Upenyu Hwenyu Hubudirire!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero nei Tichida Mitemo yaMwari
  • ‘Kuverenga Mazuva’
  • Dzivisa Kuchiva Vanoita Zvakaipa
  • Ngwarira Shamwari Dzako!
  • Kubatsira Kwokurava Bhaibheri
  • Kutevera Nzira yaMwari Kunoita Kuti Tibudirire
  • Budiriro Inogona Kuedza Kutenda Kwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vechiduku Vanofadza Mwoyo waJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nei Dzimwe Pwere Dziine Mufaro Wose?
    Mukai!—1996
  • Zvaungaita Kuti Ubudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 9/1 pp. 19-24

Itai Kuti Upenyu Hwenyu Hubudirire!

“Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa . . . Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.”—PISAREMA 1:1, 3.

1. (a) Pwere dzakawanda dziri munyika dzinoona sei kubudirira? (b) Bhaibheri rinorondedzera sei munhu anobudirira?

KUBUDIRIRA—shoko iroro rinorevei kwauri? “Vavariro yangu inonyanya kukosha ndeyokuva nebhizimisi rinobudirira,” rakadaro rimwe jaya. Mumwe musikana akati: “Zvandinonyanya kufunga nezvazvo ndezvokuva nemhuri inobudirira.” Asi mumwezve musikana anoti: “Zvandinoda kungova nechimwe chinhu chakanaka chandinoti ndechangu, mota yakanaka . . . Ndinongozvifarira pachangu.” Dambudziko nderokuti mari, kana mhuri, kana basa rinopa mari yakawanda handizvo zvinotema kubudirira kwechokwadi. Pana Pisarema 1:1-3, tinorava kuti: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa . . . Unofarira [mutemo, NW] waJehovha . . . Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.”

2. Kubudirira chaikoiko kunowanika kupi, uye nzira chete yokukuwana nayo ndeipi?

2 Pano Bhaibheri rinovimbisa chimwe chinhu chisingagoni kupiwa nomunhu—kubudirira kwechokwadi! Asi harisi kutaura nezvekuwana mhindu yemari. Bhaibheri pacharo rinonyevera kuti: “Kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose.” (1 Timotio 6:10) Kubudirira chaikoiko kunowanikwa mukufadza Mwari—kubatanidza kutevera mutemo waJehovha. Izvi chete ndizvo zvinogona kuunza kugutsikana chaiko nomufaro wechokwadi! Zvimwe pfungwa yokuva pasi pomutemo waJehovha nokuudzwa zvokuita haifadzi. Asi, Jesu akati: “Vakaropafadzwa varombo pamweya.” (Mateo 5:3) Nyange uchizviona kana kuti kwete, wakasikwa une zvaunoda mumudzimu—kusanganisira kugara uchinzwa uchida kuziva Mwari nokunzwisisa zvinangwa zvake. Saka, unogona kuwana mufaro wechokwadi kana chete ukawana zvaunoda izvozvo ndokutevera “mutemo waJehovha.”

Chikonzero nei Tichida Mitemo yaMwari

3. Nei tichifanira kufara kuita kuti Jehovha a‘ruramise nhano dzedu’?

3 Muprofita Jeremia akanyora kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haisi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Izvi ndizvo zvinoitika kuvanhu vose, vaduku nevakuru. Hatingoshayiwi chete uchenjeri, ruzivo rwezvakamboitika, nezivo zvokururamisa nhano dzedu; hatitombovi nekodzero yokuita kudaro. Pana Zvakazarurwa 4:11, Bhaibheri rinoti: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanirwa kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.” SoMusiki wedu, Jehovha ndiye “tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Sezvaakadaro, anoziva zviri nani kupfuura chero munhu upi zvake kuti tinofanira kushandisa upenyu hwedu sei. Saka akaita mitemo, kwete kuti atitorere mufaro, asi kuti atibatsire kuti tiite zvinotibatsira. (Isaya 48:17) Kana ukarega kuteerera mutemo waMwari uchakundikana.

4. Nei vechiduku vakawanda zvikuru vachikuvadza upenyu hwavo?

4 Somuenzaniso, wati wamboshamiswa here kuti nei vechiduku vakawanda vachikuvadza upenyu hwavo nezvinodhaka, unzenza, nehumwe uipi? Pisarema 36:1, 2 rinotsanangura kuti: “Kudarika kwowakaipa kunoreva mumwoyo [make], kuchiti: Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake. Nokuti unozvibata kumeso kwake, achiti zvakaipa zvake hazvingazivikanwi zvikavengwa.” Nemhosva yokuti havana “kutya Mwari” kwakafanira, vechiduku vakawanda vanozvinyengedza kuti vadavire kuti hapana zvinoguma zvaitika kumufambiro une ngozi. Zvisinei, vanozofanira kutarisana nenheyo iyi yakaoma: “Zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti unodyarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama; asi unodyarira mweya, uchacheka upenyu husingaperi, hunobva kumweya.”—VaGaratia 6:7, 8.

‘Kuverenga Mazuva’

5, 6. (a) Nei pwere dzichifanira ‘kuverenga mazuva adzo,’ uye kuita kudaro zvinorevei? (b) ‘Kurangarira Musiki wedu’ zvinorevei?

5 Ungaita sei kuti upenyu hwako hubudirire ndoku“cheka upenyu husingaperi”? Mosesi akanyora kuti: “Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, kana tine simba makore makumi masere . . . Gare gare aenda, nesu tabhururuka taenda.” (Pisarema 90:10) Kashoma kuti umbofunga nezverufu, ndokunge uchizombofa wakazvifunga. Zvinoitika ndezvokuti, pwere dzakawanda dzinoita sokuti hadzifi. Asi Mosesi anoita kuti titarisane nechokwadi chinorwadza chokuti upenyu hupfupi. Hapana kana chinombovimbisa kuti tichazova nemakore 70 kana 80. “Nguva nezvinoitika” zvinogona kudimburira nyange upenyu hwevaya vachiri vaduku uye vakasimba. (Muparidzi 9:11) Saka, uchashandisa sei upenyu hunokosha hwaunahwo zvino? Mosesi akanyengetera kuti: “Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.”—Pisarema 90:12.

6 Kuverenga mazuva ako zvinorevei? Hazvirevi kuti unofanira kunetseka nokuti ungararama kwenguva yakareba sei. Mosesi akanga achinyengeterera kuti Jehovha adzidzise vanhu Vake mashandisire avangaita mazuva avo anenge asara nenzira inounza rukudzo kwaAri. Uri kuverenga mazuva oupenyu hwako here—uchiona zuva roga roga sechinhu chinokosha chokuunzira Mwari kurumbidzwa? Bhaibheri rinopa vechiduku kurudziro iyi: “Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvina maturo. Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.” (Muparidzi 11:10–12:1) Kurangarira Musiki wedu kunoreva zvinopfuura kusangokanganwa kuti ariko. Apo tsotsi rakakumbira Jesu kuti, “Mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu,” raida kuti Jesu aite zvinopfuura kuyeuka zita raro. Raida kuti Jesu aite chiito, arimutse! (Ruka 23:42; enzanisa naGenesi 40:14, 23; Jobho 14:13.) Nenzira yakafanana, kurangarira Jehovha kunobatanidza chiito, kuita zvinomufadza. Zvinganzi uri kurangarira Jehovha here?

Dzivisa Kuchiva Vanoita Zvakaipa

7. Nei dzimwe pwere dzichisarudza kukanganwa Musiki wadzo? Ipa muenzaniso.

7 Vechiduku vakawanda vanosarudza kukanganwa Jehovha nokuti vanofunga kuti kuva Chapupu kunonyanya kukudzora. Imwe hama yokuSpain inoyeuka kuti yainzwa sei payaiva muduku: “Ndakakwezviwa nenyika nokuti chokwadi chaiita sechainetsa uye chakaoma. Zvaireva kugara, kudzidza, kuenda kumisangano, kusunga tayi, uye ndakanga ndisinganakidzwi nokuita zvinhu izvozvo.” Dzimwe nguva unofunga kuti uri kushayiwa chimwe chinhu nokuti uri kunamata Mwari here? Zvimwe zvichakushamisa kuziva kuti mumwe wevanyori veBhaibheri akanzwawo manzwire iwayo. Tapota, vhura Bhaibheri rako ndokurava Pisarema 73.

8. Nei Asafi ai“godora vane manyawi”?

8 Ngationgororei pisarema iri zvakadzama. Pis 73 Ndima 2 ne3 dzinoti: “Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; makumbo angu akanga otedzemuka. Nokuti ndakanga ndichigodora vane manyawi, pakuona kwangu kufara kwavakaipa.” Maererano nemashoko ari parinotangira, iri pisarema rakanyorwa naAsafi. Akanga ari muRevhi airidza mimhanzi uye airarama panguva imwe naMambo Dhavhidhi. (1 Makoronike 25:1, 2; 2 Makoronike 29:30) Nyange zvazvo aiva neropafadzo yakanaka yokushumira mutemberi yaMwari, ‘akava anogodora’ vanhu vaivhaira nokuda kwokusateerera kwavo mutemo. Zvinhu zvaiita sokuti zvaivafambira zvakanaka; zvimwe vaiva norugare nokuchengeteka. Chaizvoizvo, kunenge kubudirira kwavaiita ‘kwakapfuura zvaifungidzirwa nemwoyo yavo.’ (Pis 73 Ndima 5, 7) Vaitaura nezvezvavaiita “vachizvikudza,” kureva kuti, nomutoo wokuzvitutumadza. (Pis 73 Ndima 8) ‘Vaitaurira kudenga nemiromo yavo, ndimi dzavo dzichifamba-famba pasi,’ vasina basa naani zvake—nyange mudenga kana pasi pano.—Pis 73 Ndima 9.

9. Dzimwe pwere dzechiKristu nhasi dzinganzwa saAsafi sei?

9 Pamwe zvakafanana zvinogona kutaurwa nezvevezera rako vokuchikoro. Ungavanzwa vachivhaira vasinganyari nezveunzenza hwavo, mitambo yavo yakaipa, nokunyanya kunwa kwavanoita doro nokuputa zvinodhaka. Paunoenzanisa upenyu hwavo hweunonzi mufaro nenzira yakamanikana yaunofanira kufamba mairi somuKristu, dzimwe nguva unganzwa uchi“godora vane manyawi.” (Mateo 7:13, 14) Asafi pachake akasvika paakati: “Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu pasina, nokushambidza maoko angu ndisina mhosva. Nokuti ndakatambudzwa zuva rose.” (Pis 73 Ndima 13, 14) Hungu, akatanga kusava nechokwadi nokukosha kwokunamata Mwari nokuva neupenyu hwakarurama.

10, 11. (a) Chii chakaita kuti Asafi achinje mafungiro ake? (b) Vanoita zvakaipa vari “panotedza” sei? Ipa muenzaniso.

10 Sezvineiwo, Asafi haana kugara akaora mwoyo kudai kwenguva yakareba. Akakurumidza kuziva kuti rwaiita sorugare rwevakaipa rwaingova bata kumeso—uye rwenguva pfupi chete! Akati: “Zvirokwazvo munovaisa panotedza; munovawisira pasi kuti vaparadzwe. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa.” (Pis 73 Ndima 18, 19) Vakawanda vezera rako variwo “panotedza.” Pane imwe nguva zvavanoita izvi zvisingadiwi naMwari zvichavawana, zvimwe voguma vava nepamuviri pavasingadi, chirwere chinotapurirwa nokusangana pabonde, nyange kuiswa mujeri kana rufu! Zvakatonyanya, vanoparadzaniswa naMwari.—Jakobho 4:4.

11 Chimwe Chapupu chechiduku chokuSpain chakazvionera izvi pachacho. Pachaiva pwere, chairarama upenyu huviri, chichishamwaridzana chaizvo nechikwata chepwere dzakanga dzisingadi Mwari. Nenguva isipi, chakadanana nomumwe wavo—akapindwa muropa nezvinodhaka. Nyange chisina kushandisa zvinodhaka icho pachacho, ndicho chaimutengera zvinodhaka. “Ndaitomubatsira kupinza tsono yacho,” chinobvuma kudaro. Sezvineiwo, hanzvadzi iyi yakapengenuka ndokusimbazve mumudzimu. Asi yakarohwa nehana sei payakaziva pava paya kuti mukomana wayo aishandisa zvinodhaka akanga afa neAIDS. Hungu, sezvakanga zvangotaurwa nomunyori wepisarema, vanhu vasingadi Mwari vari “panotedza.” Vamwe vangaerekana vafa nemhosva youpenyu hwavo hwachero. Kana vari vamwe vose, kutoti vakachinja nzira dzavo, mune ramangwana riri pedyo vachatarisana noku“onekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri evhangeri yaShe wedu, Jesu.”—2 VaTesaronika 1:7, 8.

12. Imwe pwere yokuJapan yakasvika sei pakuona kuipa kwokuchiva vanoita zvakaipa?

12 Saka, ufuza hwakadini kuchiva “avo vasingazivi Mwari”! Chaizvoizvo, ndeavo vanoziva Jehovha uye vane tariro yokurarama nokusingaperi vanofanira kuchiviwa. Imwe hama yechiduku yokuJapan yakazoziva izvozvo. Payaiva pwere, naiyowo ya“ida kusununguka chaizvo.” Inotsanangura kuti: “Ndaifunga kuti pane chimwe chinhu chandaishayiwa. Ipapo ndakaziva zvaizova upenyu hwangu ndisina chokwadi. Ndaigona kuzviona ndichirarama makore 70 kana 80 ndobva ndafa. Asi Jehovha ane tariro youpenyu husingaperi! Kuziva izvi kwakandibatsira kuti ndinzwisise zvandakanga ndinazvo chaizvo.” Nyange zvakadaro, kuramba wakatendeka paunenge wakapoteredzwa nevanhu vasingateveri mitemo yaMwari hazvisi nyore. Zvii zvaungaita kuti udzivise matambudziko iwayo?

Ngwarira Shamwari Dzako!

13, 14. Kana uchida shamwari nei zvichikosha kuti unyatsosarudza?

13 Ngatitarirei zvakare rondedzero yomunhu anobudirira, yakanyorwa pana Pisarema 1:1-3: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa, usingamiri panzira yavatadzi, usingagari panogara vadadi. Asi unofarira [mutemo waJehovha; unorava mutemo wake nenzwi riri pasi, NW] masikati nousiku. Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.”

14 Chokutanga cherekedza kuti shamwari dzako dzine zvikuru zvadzinoita. Zvirevo 13:20 inoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” Izvi hazvirevi kuva asina tsitsi, asina ushamwari, kana kuti kushaya basa nepwere dzisiri Zvapupu zvaJehovha. Bhaibheri rinotikurudzira kuda vavakidzani vedu nokuva “norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18; Mateo 22:39) Zvisinei, ungazviwana ‘uchifamba panorangana’ vaya vasingateveri mitemo yeBhaibheri kana ukanyanya kushamwaridzana navo.

Kubatsira Kwokurava Bhaibheri

15. Pwere dzingapanga sei kurava Bhaibheri?

15 Munyori wepisarema akacherekedzawo kuti munhu anobudirira anofarira kurava mutemo waMwari “nenzwi riri pasi masikati nousiku.” (Pisarema 1:1, 2, NW) Chokwadi, Bhaibheri harisi rokurava mutserendende, uye mune “zvimwe zvikukutu kunzwisiswa” zviri mariri.” (2 Petro 3:16) Asi kurava Bhaibheri hakufaniri kuitwa zvokunyozera. Zvinoita ku‘panga mukaka usina kushatiswa’ weShoko raMwari. (1 Petro 2:2) Edza kurava zvishoma zuva roga roga. Kana pane zvinhu zvausinganzwisisi, nzvera. Kana wapedza, funga nezvezvawarava. (Pisarema 77:11, 12) Kana uchinetseka kuisa pfungwa dzako pane zvauri kurava, edza kurava “nenzwi riri pasi.” Pashure penguva yakati, kuda kwako kurava Bhaibheri kuchatowedzera chete. Imwe hanzvadzi yechiduku yokuBrazil inoyeuka kuti: “Nguva dzose Jehovha aiita seaiva kure neni. Asi zvino kwemwedzi yakati kuti, ndave ndichivandudza fundo yangu ndoga uye kurava kwangu Bhaibheri. Zvino ndinonzwa kuti ukama hwangu naJehovha hwasimba chaizvo. Ava wechokwadi chaizvo kwandiri.”

16. Tingawana sei zvakawanda mumisangano yeungano?

16 Kupinda misangano yeungano kunokoshawo kuti ukure mumudzimu. Kana uka‘chenjerera mutoo waunonzwa nawo,’ uchakurudzirwa zvikuru. (Ruka 8:18) Unombonzwa kuti misangano haisi kunyanya kunakidza here? Zvakanaka, zvibvunze kuti, ‘Ndinoitei kuti misangano inakidze? Ndinoteerera here? Ndinogadzirira here? Ndinotsinhira here?’ Pashure pezvose, Bhaibheri rinotiudza kuti ti“rangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, . . . tirayirane.” (VaHebheru 10:24, 25) Kuti uite izvi unofanira kutsinhira! Ichokwadi kuti, kuti utsinhire unofanira kufanodzidza. Imwe hanzvadzi yechiduku inobvuma kuti: “Zviri nyore chaizvo kutsinhira mumisangano paunogadzirira.”

Kutevera Nzira yaMwari Kunoita Kuti Tibudirire

17. Muravi anoshingaira weBhaibheri aka“fanana nemuti wakasimwa pahova dzemvura” sei?

17 Munyori wepisarema anorondedzerazve munhu anobudirira se“akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura.” Hova dzemvura dzingadaro dzaiva makomba emvura yokudiridzisa aishandiswa kudiridzira minda yemiti. (Isaya 44:4) Kurava Bhaibheri zuva nezuva kwakaita sokubatanidzwa netsime iroro risingapwi rokutsigira nokuzorodza. (Jeremia 17:8) Mazuva ose uchawana simba raunoda kuti ushinge mumiedzo nenhamo. Zvaunenge wadzidza mafungiro aJehovha, uchava neuchenjeri hwaunoda kuti uite zvisarudzo zvokuchenjera.

18. Chii chingavimbisa kubudirira kwomunhu wechiduku pakushumira Jehovha?

18 Dzimwe nguva, kushumira Jehovha kungaita sokwakaoma. Asi usambofa wakafunga kuti kwakanyanyisa kuoma kuita. (Dheuteronomio 30:11) Bhaibheri rinokuvimbisa kuti ‘chinhu chipi nechipi chaunoita chichabudirira’ pakupedzisira, chero bedzi chinangwa chako chikuru chiri chokufadza Jehovha ndokuita kuti mwoyo wake ufare! (Zvirevo 27:11) Uye yeuka, hausi woga. Jehovha naJesu Kristu vari kukutsigira. (Mateo 28:20; VaHebheru 13:5) Vanoziva dambudziko raunaro, uye havambofi vakakusiya. (Pisarema 55:22) Uri kutsigirwawo ne“hama dzose” nevabereki vako kana vachitya Mwari. (1 Petro 2:17) Uchitsigirwa zvakadaro, pamwe nokutsunga kwako nokuedza, uchava noupenyu hunobudirira kwete zvino chete asi nokusingaperi!

Mibvunzo Yokuhwirudzura

◻ Kubudirira chaikoiko chii?

◻ Nei tichida kuti Jehovha aruramise nhano dzedu?

◻ Pwere dzinga‘verenga sei mazuva adzo’?

◻ Nei huri ufuza kuchiva vanoita zvakaipa?

◻ Kurava Bhaibheri zuva nezuva nokupinda misangano nguva dzose kungabatsira sei pwere kuva noupenyu hunobudirira?

[Mufananidzo uri papeji 20]

Nemhosva yokuti hadzina “kutya Mwari” kwakafanira, pwere dzakawanda dzinoita mufambiro unoparadza

[Mufananidzo uri papeji 22]

Pwere dzinowanzokanganwa kuti zviito zvadzo pane zvazvinozoguma zvaita

[Mufananidzo uri papeji 23]

Iva norudo rwokurava Bhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 23]

Uchanakidzwa zvikuru nemisangano kana uchitsinhira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe