Jehovha Anoda Zvakanyanyowanda Kwatiri Here?
“Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”—MIKA 6:8.
1. Chii chingava chikonzero nei vamwe vasingashumiri Jehovha?
JEHOVHA anoda chimwe chinhu kuvanhu vake. Asi kana warava mashoko ari pamusoro apa akatorwa muuprofita hwaMika, ungatogumisa kuti zvinodiwa naMwari zvine musoro. Zvisinei, vakawanda havashumiri Musiki wedu Mukuru, uye vamwe vaimbomushumira vakarega kudaro. Nei? Nokuti vanofunga kuti Mwari anoda zvakanyanyowanda kwatiri. Anodaro here? Kana kuti pangava nechinetso nemaonero anoita munhu zvinodiwa naJehovha here? Imwe nhoroondo yakakurumbira inojekesa nhau iyi.
2. Naamani aiva ani, uye muprofita waJehovha akamuudza kuti aitei?
2 Mukuru wehondo yeSiria Naamani aitambura nemaperembudzi, asi akanyeurirwa kuti muIsraeri maiva nomuprofita waJehovha aigona kumurapa. Saka Naamani nevarindiri vake vakaenda kuIsraeri uye pakupedzisira vakasvika pamba pomuprofita waMwari Erisha. Panzvimbo pokubuda kuti akwazise mueni wake airemekedzwa, Erisha akatuma muranda wake kundoudza Naamani kuti: “Undoshamba kanomwe muna Joridhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.”—2 Madzimambo 5:10.
3. Nei Naamani akambotanga aramba kuita zvaidiwa naJehovha?
3 Dai Naamani aizoita maererano nezvaidiwa zvakataurwa nomuprofita waMwari, aizopora chirwere chake chaisemesa. Saka, Jehovha akanga achida zvakanyanyowanda kwaari here? Kwete chaizvoizvo. Asi, Naamani akanga asingadi kuita zvakanga zvichidiwa naJehovha. “Ko Abhana neFarpari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsraeri here?” akapopota achidaro. “Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here?” Adaro, Naamani akaenda atsamwa kwazvo.—2 Madzimambo 5:12.
4, 5. (a) Mubayiro wokuteerera kwaNaamani waiva wei, uye akanzwa sei paakauwana? (b) Chii chatichakurukura nezvacho zvino?
4 Naamani akanga ane chinetso chei chaizvoizvo? Chakanga chisiri chokuti zvaidiwa zvacho zvakanga zvakanyanyooma kuita. Varanda vaNaamani vakataura nokungwarira kuti: “Dai muprofita akakurayirai kuita chinhu chikuru, hamuzaichiita here? Ndoda zvaati kwamuri: Shamba, uve wakanaka?” (2 Madzimambo 5:13) Chinetso chaiva maonero aiita Naamani. Akafunga kuti akanga asina kuremekedzwa zvaaifanira uye kuti akanga audzwa kuita chimwe chinhu zvimwe chaakafunga kuti chaisabatsira uye chinonyadzisa. Zvisinei, Naamani akaita maererano nezano rokungwarira revaranda vake ndokunyura muRwizi rwaJoridhani kanomwe. Fungidzira mufaro wake apo “nyama yake [ya]kadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka”! Akanzwa achionga zvikuru. Uyezve, Naamani akazivisa kuti kubvira panguva iyoyo, aisazonamata mumwe mwari kunze kwaJehovha.—2 Madzimambo 5:14-17.
5 Munhau yose yevanhu, Jehovha ave achida kuti vanhu vaite maererano nemirayiro yakasiyana-siyana. Tinokukumbira kuti uongorore mimwe yayo inoverengeka. Paunenge uchidaro, zvibvunze kuti waizodai wakaita sei kudai Jehovha akanga ada kuti uite zvinhu zvakadaro. Gare gare, tichaongorora zvinodiwa naJehovha kwatiri nhasi.
Zvaidiwa naJehovha Munguva Yakapfuura
6. Vanhu vaviri vokutanga vakanzi vaitei, uye waizodai wakaita sei kumirayiridzo yakadaro?
6 Jehovha akarayira vanhu vaviri vokutanga, Adhama naEvha, kurera vana, kurima pasi, uye kudzora mhuka. Munhu nomudzimai wake vakakomborerwawo nemusha wakakura wakaita sepaka. (Genesi 1:27, 28; 2:9-15) Asi paiva nezvairambidzwa. Vaisafanira kudya mumwe muti, mumwe pakati pemiti yakawanda yaibereka michero yaiva mubindu reEdheni. (Genesi 2:16, 17) Ikoko kwakanga kusiri kuda zvakanyanyowanda, kwaiva here? Waisazonakidzwa here nokuita basa rakadaro, netarisiro yokurarama nokusingaperi muutano hwakakwana? Nyange zvazvo muedzi akauya mubindu, ungadai usina kuramba zvaakataura here? Uye ungadai usina kubvuma here kuti Jehovha aiva nekodzero yokurambidza kamwe chinhu chimwe chete ichocho?—Genesi 3:1-5.
7. (a) Noa akapiwa basa rei, uye akashorwa sei? (b) Unoona sei zvaidiwa naJehovha kuna Noa?
7 Gare gare, Jehovha akaudza Noa kuti avake areka senzira yokudzivirira nayo upenyu nomumafashamo. Tichifunga nezvemakurire eareka yacho, basa racho rakanga risiri nyore uye zvimwe rakaitwa pane kushora noruvengo zvakakura. Asi, Noa aiva neropafadzo yakadini yokukwanisa kuponesa mhuri yake, tisingatauri nezvemhuka dzakawanda! (Genesi 6:1-8, 14-16; VaHebheru 11:7; 2 Petro 2:5) Kudai wakanga wapiwa basa rakadaro, ungadai wakashanda nesimba kuti uriite here? Kana kuti ungadai wakagumisa kuti Jehovha akanga ari kuda zvakanyanyowanda kwauri here?
8. Abrahama akanzi aitei, uye chii chakafananidzirwa somugumisiro wokuteerera kwake?
8 Mwari akaudza Abrahama kuita chimwe chinhu chakanga chakaoma zvikuru, achimuudza kuti: “Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa.” (Genesi 22:2) Sezvo Jehovha akanga avimbisa kuti Isaka akanga asina mwana panguva iyoyo aizova nevana, kutenda kwaAbrahama kuti Mwari aikwanisa kudzorera Isaka kuupenyu kwakaedzwa. Apo Abrahama akaedza kubayira Isaka, Mwari akadzivirira jaya racho. Chiitiko ichi chakafananidzira kuti Mwari aizopa mwanakomana wake pachake nokuda kwevanhu uye ozomumutsa.—Genesi 17:19; 22:9-18; Johane 3:16; Mabasa 2:23, 24, 29-32; VaHebheru 11:17-19.
9. Nei Jehovha akanga asiri kuda zvakanyanyowanda kuna Abrahama?
9 Vamwe vangafunga kuti Jehovha Mwari akanga ari kuda zvakanyanyowanda kuna Abrahama. Asi akanga achidaro here? Kushayiwa rudo kwoMusiki wedu here, uyo anogona kumutsa vakafa, kuti atiudze kuti timuteerere nyange izvozvo zvichizoguma nokurara kwedu kuduku murufu? Jesu Kristu nevateveri vake vokutanga havana kufunga kudaro. Vaida kubatwa zvisina kufanira, nyange kufa chaiko, kuti vaite zvinodiwa naMwari. (Johane 10:11, 17, 18; Mabasa 5:40-42; 21:13) Kana mamiriro ezvinhu achida kuti udaro, ungada kuita zvakafanana here? Funga nezvezvimwe zvinhu zvaidiwa naJehovha kune avo vaibvuma kuva vanhu vake.
Mutemo waJehovha Kuna Israeri
10. Ndivanaani vakavimbisa kuita zvose zvaidiwa naJehovha, uye akavapei?
10 Vazukuru vaAbrahama vaakava navo nokumwanakomana wake Isaka nomuzukuru wake Jakobho, kana kuti Israeri, vakakura vakava rudzi rwaIsraeri. Jehovha akanunura vaIsraeri muuranda muEgipita. (Genesi 32:28; 46:1-3; 2 Samueri 7:23, 24) Izvozvo zvichangoitika, vakavimbisa kuita chero Mwari zvaaida kwavari. Vakati: “Zvose zvakataurwa naJehovha tichazviita.” (Eksodho 19:8) Achiita maererano nechido chevaIsraeri chokudzorwa naye, Jehovha akapa rudzi rwacho mitemo inopfuura 600, kusanganisira Mirayiro Gumi. Pashure penguva yakati, iyi mitemo yaMwari, yakapiwa achishandisa Mosesi, yakazongozivikanwa seMutemo.—Ezra 7:6; Ruka 10:25-27; Johane 1:17.
11. Ndechipi chaiva chimwe chinangwa choMutemo, uye ndeipi mimwe mirayiro yaishanda pakuchiita?
11 Chimwe chinangwa choMutemo chakanga chiri chokudzivirira vaIsraeri nokuvapa mirayiro yakanaka yaidzora nhau dzakadai setsika dzokurara kwevanhu pamwe, nhau dzebhizimisi, nokutarisira vana. (Eksodho 20:14; Revhitiko 18:6-18, 22-24; 19:35, 36; Dheuteronomio 6:6-9) Mitemo yakapiwa pamabatire avaifanira kuita vamwe vanhu saivo uyewo zvipfuwo zvomunhu. (Revhitiko 19:18; Dheuteronomio 22:4, 10) Zvinodiwa zvaiva nechokuita nemitambo nokuungana nokuda kwokunamata zvakabatsira kudzivirira umudzimu hwevanhu.—Revhitiko 23:1-43; Dheuteronomio 31:10-13.
12. Ndechipi chaiva chinangwa chikuru choMutemo?
12 Chinangwa chikuru choMutemo chakataurwa nomuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana [Kristu] wakapikirwa izvozvo achizouya.” (VaGaratia 3:19) Mutemo wakayeuchidza vaIsraeri kuti vakanga vasina kukwana. Saka, zvinonzwisisika kuti vaida chibayiro chakakwana chaigona kubvisa zvivi zvavo zvachose. (VaHebheru 10:1-4) Saka Mutemo wakanga wakaitirwa kugadzirira vanhu kugamuchira Jesu, akanga ari Mesiya, kana kuti Kristu. Pauro akanyora kuti: “Murayiro wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda.”—VaGaratia 3:24.
Mutemo waJehovha Wairema Here?
13. (a) Vanhu vasina kukwana vaiona sei Mutemo, uye nei? (b) Mutemo wairema chaizvoizvo here?
13 Nyange zvazvo Mutemo waiva “mutsvene, wakarurama, wakanaka,” vakawanda vaiuona seunorema. (VaRoma 7:12) Nemhosva yokuti Mutemo wakanga wakakwana, vaIsraeri vaisagona kuita zvawaida zvakakwirira. (Pisarema 19:7) Ndokusaka muapostora Petro akaudana kuti “joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu.” (Mabasa 15:10) Chokwadi, Mutemo pachawo wakanga usingaremi, uye kuuteerera kwaibatsira vanhu.
14. Mienzaniso ipi mishomanana inoratidza kuti Mutemo waishanda chinangwa chaibatsira zvikuru vaIsraeri?
14 Somuenzaniso, muMutemo, mbavha yaisaiswa mujeri asi yaifanira kushanda kuti ibhadhare zvayakanga yaba zvakapetwa kaviri kana kupfuura. Saka ainge abirwa aisarasikirwa, uye vanhu vaishanda nesimba vaisaremedzwa nokutsigira gadziriro yejeri. (Eksodho 22:1, 3, 4, 7) Zvokudya zvakanga zvisina kuchengeteka zvairambidzwa. Nyama yenguruve, kana isina kubikwa zvakanaka, inogona kuva nechirwere chetrichinosis, uye tsuro inogona kuva nechirwere chetularemia. (Revhitiko 11:4-12) Saizvozvowo, Mutemo waidzivirira nokurambidza kubata zvitunha. Kana munhu aibata chitunha, ainzi azvigeze pamwe nezvipfeko zvake. (Revhitiko 11:31-36; Numeri 19:11-22) Tsvina yaifanira kufushirwa, zvichidzivirira vanhu pakupararira kweutachiona, hwakatozozivikwanwa kuti huripo nevasayendisiti mumazana emakore achangobva kupfuura.—Dheuteronomio 23:13.
15. Chii chakaremera vaIsraeri?
15 Mutemo waisada zvakanyanyowanda kuvanhu. Asi hatigoni kutaura zvakafanana nezvevarume vaiita basa revadudziri voMutemo. Richitaura nezvemitemo yavakaisa, A Dictionary of the Bible, rakapepetwa naJames Hastings, rinoti: “Murayiro wose womuBhaibheri wakanga wakakomberedzwa netumirayiro twakawanda. . . . Saka zvakaedzwa kuita kuti nhau yose yaigona kufungwa iitwe maererano noMutemo, uye kuganhurira zvisina tsitsi maitiro ose omunhu vachishandisa ruzivo rwomumusoro. . . . Zvaidiwa nehana zvaidzvinyirirwa; simba benyu reshoko raMwari rakashayiswa basa ndokuiswa pasi pemitemo yakawanda yokumwe.”
16. Jesu akatii nezvemitemo netsika zvairema zvevatungamiriri vechitendero?
16 Jesu Kristu akashora vatungamiriri vezvitendero vaiita mitemo yakawanda, achiti: “Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.” (Mateo 23:2, 4) Akaratidza kuti mitemo yavo netsika zvevanhu zvairema, kusanganisira kuzvichenesa kwemaoresa, zvai“torera shoko raMwari simba.” (Marko 7:1-13; Mateo 23:13, 24-26) Zvisinei, nyange Jesu asati ava pasi pano, vadzidzisi vechitendero muIsraeri vaisadudzira nemazvo zvinonyatsodiwa naJehovha.
Zvinonyatsodiwa naJehovha
17. Nei Jehovha akanga asingafadzwi nezvipiriso zvevaIsraeri vaisava nokutenda?
17 Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akati: “Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondohwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.” (Isaya 1:10, 11) Nei Mwari akanga asingafadzwi nezvipiriso zvaakati iye aida muMutemo? (Revhitiko 1:1–4:35) Nemhosva yokuti vanhu vakanga vasingamuremekedzi. Saka, vakarayirwa kuti: “Shambai, muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa; dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.” (Isaya 1:16, 17) Izvi hazvitibatsiri kunzwisisa zvinodiwa naJehovha kuvashumiri vake here?
18. Jehovha akanga achinyatsodei kuvaIsraeri?
18 Jesu akaratidza zvinonyatsodiwa naMwari. Akaita kudaro paakabvunzwa mubvunzo wokuti, “Murayiro mukuru pamirayiro ndoupiko?” Jesu akapindura kuti: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako, sezvaunozvida iwe. Murayiro wose navaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.” (Mateo 22:36-40; Revhitiko 19:18; Dheuteronomio 6:4-6) Muprofita Mosesi aireva zvakafanana paakabvunza kuti: “Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nokushumira Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose, nokuchengeta mirayiro yaJehovha.”—Dheuteronomio 10:12, 13; 15:7, 8.
19. VaIsraeri vakaedza sei kuratidzika sevatsvene, asi Jehovha akatii kwavari?
19 Pasinei zvapo nokukanganisa kwavo, vaIsraeri vaida kuratidzika sevatsvene. Nyange zvazvo Mutemo waida kuti vanhu vazvinyime zvokudya paZuva Rokuyananisira, vakatanga kuzvinyima zvokudya kakawanda. (Revhitiko 16:30, 31) Asi Jehovha akavatsiura, achiti: “Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti wakamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here? Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako noune nzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako here? Kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?”—Isaya 58:3-7.
20. Jesu akatsiurirei vashori vechitendero?
20 VaIsraeri ivavo vaizviruramisa vaiva nechinetso chakafanana nechiya chevashori vechitendero vakanzi naJesu: “Munopa chegumi cheminte, neanise, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti: Kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuita izvi, nokusarega kuita izvozvo.” (Mateo 23:23; Revhitiko 27:30) Mashoko aJesu haatibatsiri kunzwisisa zvinonyatsodiwa naJehovha kwatiri here?
21. Muprofita Mika akataura sei zvinodiwa nezvisingadiwi naJehovha kwatiri?
21 Kuti ajekese zvinodiwa nezvisingadiwi naJehovha kwatiri, muprofita waMwari Mika akabvunza kuti: “Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndichikotamira pamberi paMwari wokumusoro? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimwe here? Ko Jehovha ungafadzwa nemakondohwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi here? Ndingamuvigira dangwe rangu pamusoro pokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pezvivi zvomweya wangu here? Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”—Mika 6:6-8.
22. Jehovha ainyanyodei kune avo vairarama vachidzorwa noMutemo?
22 Saka, zvino, Jehovha ainyanyodei kune avo vairarama vachidzorwa noMutemo? Chokwadi, vaifanira kuda Jehovha Mwari. Uyezve, muapostora Pauro akati: “Murayiro wose unozadziswa neshoko rimwe chete, rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” (VaGaratia 5:14) Zvakangofanana, Pauro akaudza vaKristu vaiva muRoma kuti: “Unoda mumwe, wazadzisa murayiro. . . . Rudo runozadzisa murayiro.”—VaRoma 13:8-10.
Hakusi Kunyanyisa
23, 24. (a) Nei zvisingambofaniri kuva zvakanyanyisa kwatiri kuti tiite zvinodiwa naJehovha? (b) Chii chatichazokurukurazve?
23 Hatiororwi nokuti Jehovha ndiMwari ane rudo, anofunga, ane tsitsi zvakadini here? Mwanakomana wake akaberekwa mumwe oga, Jesu Kristu, akauya pasi pano kuzoratidza rudo rwaMwari—kuzoita kuti vanhu vazive kuti vanokosha sei kuna Jehovha. Achienzanisira rudo rwaMwari, Jesu akati pamusoro peshiri dzakaderera: “Imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwababa venyu.” Saka akagumisa achiti: “Musatya; munopfuura shiri zhinji.” (Mateo 10:29-31) Chokwadi, hazvimbofaniri kuva zvakanyanyisa kwatiri kuti tiite chero chinodiwa naMwari ane rudo akadaro!
24 Zvisinei, Jehovha anodei kwatiri nhasi? Uye nei vamwe vachiita sevanofunga kuti Mwari anoda zvakanyanyowanda? Nokuongorora mibvunzo iyi, tinofanira kuona kuti nei kuri kuropafadzwa kwakanaka kuita zvose zvinodiwa naJehovha.
Unogona Kupindura Here?
◻ Nei vamwe vangaramba kushumira Jehovha?
◻ Zvinodiwa naJehovha zvave zvakasiyana-siyana sei mumakore ose aya?
◻ Mutemo wakashanda chinangwa chei?
◻ Nei zvinoda Jehovha kwatiri zvisina kunyanyowanda?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Mitemo yakaitwa nevanhu, yakadai sokunyanyozvichenesa, yakaita kuti kunamata kureme