Nei Kune Kutya Apocalypse?
“KWEMAKUMI emakore, vaKristu vanoomerera pane zvokutanga vave vachiprofita kuti kuparadzwa [kunenge] kwenzanga yose kwava pedyo,” anodaro mumwe munyori wechitendero, Damian Thompson, mumagazini inonzi Time. “Zvino, zvinotovashamisawo kuti zviitiko izvi hazvisi kungokosheswa chete, asi zviri kuparadzirwa nevanhu ivavo vaigarovaseka: vagadziri vemapurogiramu emakombiyuta, vatungamiriri vemabhizimisi nevezvematongerwo enyika.” Anoti kutya kutadza kushanda zvakanaka kwemakombiyuta munyika yose mugore ra2000 “kwanyatsochinja vanhu venyika kuva vaya vanodavira makore ane chiuru vasingafungidziriki” vanotya kutanga kwenjodzi dzakadai se“kutya kwevanhu vose, kushaya simba kwehurumende, mhirizhonga yezvokudya, kurovera kwendege pazvivako zvirefu.”
Kuwedzera pakuzvidya mwoyo uku pane zvinhu zvinokangaidza zvezvitendero zviduku zvakasiyana-siyana, zvinowanzonzi zve“apocalypse.” Muna January 1999, munyaya yainzi “Jerusarema neZviratidzo zveApocalypse,” pepanhau rinonzi Le Figaro rekuFrance rakati: “Sangano rinoona nezvekudzivirira reku[Israel] rinofungidzira nhamba inopfuura zana ye‘vanodavira makore ane chiuru’ vari paGomo reMiorivhi kana pedyo naro vakamirira kudzoka kwaKristu kana kuti apocalypse.”
The 1998 Britannica Book of the Year rine mashoko anokosha pamusoro pe“Zuva Rokutonga Zvitendero.” Pakati pezvimwe, rinotaura nezvezvitendero zvekuzviuraya, zvakadai seHeaven’s Gate, People’s Temple, uye Order of the Solar Temple, neAum Shinrikyo (Supreme Truth), zvakaronga gasi rine muchetura unouraya mumugwagwa wepasi muTokyo muna 1995, richiuraya vanhu 12 nokukuvadza zviuru. Achigumisa mashoko aya, Martin E. Marty, purofesa wezvitendero paYunivhesiti yeChicago, akanyora kuti: “Kuvhurwa kwepeji yekarenda ya2000 kunokurudzira—uye zvechokwadi kuchabudisa marudzi ose ouprofita nemasangano. Mamwe angava nenjodzi. Ichava nguva isingafaniri kutorwa zvachero.”
Nhau Yokutya Apocalypse
Apocalypse, kana kuti Zvakazarurwa, izita rebhuku rokupedzisira muBhaibheri, rakanyorwa zana remakore rokutanga C.E. rava kunopera. Sezvo bhuku iri riri reuprofita uye rine mutauro wakakwirira wekufananidzira, chipauro chokuti “apocalyptic” chakatanga kushandiswa mumabhuku akatanga kushandiswa kare bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa risati ranyorwa. Ngano dzekufananidzira dzebhuku iri dzinodzoka shure kuPersia yekare uye kunyange nguva iyoyo isati yasvika. Saka, The Jewish Encyclopedia inotaura “zvakajeka nezverimwe gamba rechiBhabhironi muzvizhinji zviri mubhuku iri [reapocalypse rechiJudha].”
Mabhuku eapocalypse echiJudha akawanda pakutanga kwezana remakore rechipiri B.C.E. kusvika pakupera kwezana remakore rechipiri C.E. Ichitsanangura chikonzero chemanyoro aya, imwe nyanzvi yeBhaibheri yakanyora kuti: “VaJudha vakakamura nguva yose kuva zvizvarwa zviviri. Kwaiva nechizvarwa chamazuva ano, chakaipa kwazvo . . . Saka, vaJudha vakamirira mugumo wezvinhu sezvazviri. Kwaiva nechizvarwa chaizouya chaizova chakanaka kwazvo, nguva yomufaro mukuru yaMwari maizova nerugare, kubudirira nekururama . . . Chizvarwa chazvino ichi chaizova chizvarwa chinouya sei? VaJudha vaidavira kuti kuchinja kwacho kwaisagona kukonzerwa nesangano revanhu, saka, vaitarisira kupindira kwakananga kwaMwari. . . . Zuva rokuuya kwaMwari rainzi Zuva raShe uye raizova nguva yakaoma inotyisa nekuparadza uye kutonga zvaizova kurwadza kwokutanga kwechizvarwa chitsva. Mabhuku ose eapocalypse anotaura nezvezvinoitika izvi.”
Kutya Apocalypse Kunonzi Kwakarurama Here?
Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinotaura nezve“hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose,” kana kuti Amagedhoni, pachaparadzwa vakaipa, zvichitevera nguva yemakore ane chiuru (dzimwe nguva inonzi Mireniyumu) Satani paachakandirwa mugomba rakadzika-dzika uye Kristu paachatonga vanhu. (Zvakazarurwa 16:14, 16; 20:1-4) Munguva yokuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E., uprofita uhwu hwakanga husinganzwisiswi nevamwe nokuti “Musande” weKaturike Augustine (354-430 C.E.) akanga ati Makore Ane Chiuru akatanga pakazvarwa Kristu uye aizoteverwa noKutonga Kwekupedzisira. Sezviri pachena Augustine haana kufungisisa nezveurefu hwenguva, asi sezvakasvika gore ra1000, kutya kwakawedzera. Vezvenhau havabvumirani nezvekuti kutya apocalypse kwekuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E. kwakadaro kwakasvika papi. Zvisinei nekupararira kwakwakanga kwakaita, zvechokwadi hakuna kunzi kwakarurama.
Nhasiwo, kune rutyo rwezvitendero nerwenyika rwokuti gore ra2000 kana kuti 2001, richaunza mugumo wenyika unotyisa. Asi kutya uku kunonzi kwakarurama here? Uye mashoko ari mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, kana kuti Apocalypse, chimwe chinhu chinofanira kutyiwa here kana kuti chimwe chinhu chatinofanira kutarisira? Tapota pfuurira kurava.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Kutya “Apocalypse” kwekuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E. hakuna kunzi kwakarurama
[Kwazvakatorwa]
© Cliché Bibliothèque Nationale de France, Paris
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Maya/Sipa Press