Gomo reAthos—I“Gomo Dzvene” Here?
KUNHENGO dzeChechi yeOrthodox dzinopfuura mamiriyoni 220, Gomo reAthos, nhongonya isina kuenzana iri kuchamhembe kweGreece, ndiro “gomo dzvene kwazvo muchiKristu cheOrthodox.” Nokuda kwevakawanda vavo, kushanyira “gomo dzvene” reAthos ivavariro inokosha. “Gomo dzvene” iri chii? Rakasvika sei pakukosheswa zvakadaro? Uye ndiro here “gomo” vanhu vanotya Mwari vanofanira kutarisa nokuda kwenhungamiro yemudzimu nokunamata kwechokwadi?
Mashoko ekuti “gomo dzvene” anowanikwa muBhaibheri. Anofambidzana nekunamata kutsvene, kwakachena, kwakakwirira kwaMwari wechokwadi, Jehovha. Gomo reZioni muJerusarema rekare rakava “gomo dzvene” Mambo Dhavhidhi paakaendesa areka yesungano ikoko. (Pisarema 15:1; 43:3; 2 Samueri 6:12, 17) Temberi yaSoromoni yavakwa paGomo reMoriya, “Zioni” rakasvika pakubatanidza nzvimbo yetemberi; saka, Zioni rakaramba riri “gomo dzvene” raMwari. (Pisarema 2:6; Joere 3:17) Sezvo temberi yaMwari yaiva muJerusarema, pane dzimwe nguva guta iroro rainziwo “gomo dzvene” raMwari.—Isaya 66:20; Dhanieri 9:16, 20.
Zvakadini nanhasi? Gomo reAthos—kana imwe nhongonya chero ipi zvayo—ingava here “gomo dzvene” vanhu kwavanofanira kuenda kunonamata Mwari zvinogamuchirika?
“Gomo Dzvene” reMamongi
Gomo reAthos riri kwakaperera mabvazuva eChalcidice Peninsula panogumira kamukwavarara kenyika kanonopinda muGungwa reAegean nechokumabvazuva kweThessaloníki yamazuva ano. Inhongonya inoorora yedombo rinonyuka mugungwa richikwira kusvika mamita 2 032.
Kugara nokugara Athos yave ichionekwa senzvimbo tsvene. Mungano dzevaGiriki waiva musha wevanamwari, Gomo reOlympus risati rava musha wavo. Imwe nguva pashure paConstantine Mukuru (wemuzana remakore rechina C.E.), Athos yakava nzvimbo tsvene kumachechi echiKristu. Maererano neimwe ngano, “mhandara” Mariya, ichiperekedzwa naJohani muEvhangeri parwendo rwayo rwekunoona Razaro kuKupro, yakamira paAthos nemhaka yedutu rine simba rakangotanga kuitika. Yaororwa nekunaka kwegomo racho, yakarikumbira kuna Jesu. Saka, Athos yakasvikawo pakuzivikanwa se“Bindu reMhandara Tsvene.” Pakazosvika pakati nepakati penguva yeByzantine, nzvimbo yacho yose ine matombo yakasvika pakuzivikanwa seGomo Dzvene. Zita iri rakatanga kushandiswa zviri pamutemo ndokusimbiswa pakati pezana remakore rechi11 nomutemo waMambo Constantine IX Monomachos.
Nemhaka yekusaenzana kwayo nekuva kwayo yoga, Athos inzvimbo inoita kuti zvive nyore kuita tsika yokuzvinyima. Mumazana ose emakore, yakakwezva vanhu vechitendero vanobva muzvitendero zvose zvechiOrthodox—vaGiriki, vaSerbia, vaRomania, vaBulgaria, vaRussia, nevamwe—vakavaka dzimba dzakawanda dzemamongi, nemachechi nenzanga dzavo. Dzinenge 20 dzenzvimbo idzi dzichiripo.
Gomo reAthos Nhasi
Nhasi, Athos idunhu rinozvitonga, rine bumbiro remutemo rakatenderwa muna 1926. Pashure pemakore okuramba achiderera, nhamba yemamongi anogarako yawedzera neinopfuura 2 000.
Imba yega yega yemamongi ine mubatanidzwa wayo wemapurazi, makamuri ekunamatira, nepokugara. Nzvimbo tsvene kupfuura dzose yevanamugarandega inowanwa mumusha weKaroúlia, uri pamusoro pemawere anonzwisa dzungu pakaperera Gomo reAthos. Pano dzimba dzevanhu dziri pedyo nepedyo dzinogona kungosvikwa nekutevera tsoka dzinovhiringidza, uye nhano dzematombo dzine cheni mumativi. PaAthos, mamongi anongopfuurira kuita tsika yawo yekare yezuva nezuva, achishandisa wachi yeByzantine (zuva richitanga panonyura zuva) uye karenda yaJulius (iri shure nemazuva 13 pane yaGregory).
Kunyange zvazvo nzvimbo iyi yechitendero yakanzi i“tsvene” nemhaka yaMariya, kwemakore 1 000 mamongi ayo nevanamugarandega vakarambidza zvisikwa zvose zvechikadzi kusvika mune chimwe chikamu chakati—vanhu nemhuka—pamwe chete nemurume asingabereki kana asina ndebvu. Nguva ichangopfuura, mutemo wokuti vasina ndebvu nedzimwe mhuka hadzi dzisasvike wakarerutswa, asi vakadzi vachiri kurambidzwa kusvika pedyo nemamita 500 pamhenderekedzo yeAthos.
“Gomo Dzvene” Kune Vose
Athos ndiro “gomo dzvene” rekunamatira rinofanira kuendwa nevaKristu vanotya Mwari here? Achitaura nemukadzi weSamariya aifunga kuti Mwari anofanira kunamatirwa paGomo reGerizimi, Jesu akaratidza pachena kuti hapana gomo chairoiro raizonzi ndiro nzvimbo yekunamatira Mwari. “Awa iri kuuya apo musingazonamatiri Baba mugomo iri [Gerizimi] kana muJerusarema,” akadaro Jesu. Nei? “Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.”—Johani 4:21, 24.
Achitaura nezvenguva yedu, muprofita Isaya akafanotaura kuti “gomo reimba yaJehovha” rekufananidzira raizo“simbiswa pamusoro pamakomo” uye ku“kwiridzwa kupfuura zvikomo,” uye vanhu vemarudzi ose vaizomhanyira kwariri nenzira yokufananidzira.—Isaya 2:2, 3.
Varume nevakadzi vanoda kuva neukama hunotenderwa naMwari vari kukokwa kuzonamata Jehovha ne“mudzimu nechokwadi.” Mamiriyoni mupasi rose akawana nzira inoaendesa ‘kugomo raJehovha.’ Ivo, pamwe nevamwe, vanotaura mashoko akataurwa negweta rechiGiriki maererano nezveAthos kuti: “Handina chokwadi kana mudzimu uchiwanikwa mumipanda yakavharwa kana kuti mudzimba dzemamongi.”—Enzanisa naMabasa 17:24.
[Bhokisi riri papeji 31]
Pfuma Inokosha Yave Yakavanzwa Kwenguva Refu
Mumazana ose emakore, mamongi ekuAthos akaunganidza pfuma inokosha inobatanidza manyoro anofungidzirwa kuva 15 000, mamwe anonzi ndeemuzana remakore rechina, zvichiaita kuti ave kuunganidza kunokosha kwazvo munyika yose. Pane mipumburu, mavhoriyamu akakwana nemapeji eEvhangeri, mapisarema nenziyo, tisingatauri mifananidzo yekare kwazvo, zvidhori, zvivezwa, nezvinhu zvesimbi. Zvinofungidzirwa kuti Gomo reAthos rine chikamu chimwe muzvina chemanyoro echiGiriki, kunyange zvazvo akawanda acho angada kuiswa pandaza. Kekutanga, muna 1997, mamongi akabvumira imwe yepfuma yawo kuratidzwa muThessaloníki.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Telis/Greek National Tourist Organization