Kuchinja Kwave Kuchiita “chiKristu”—Kunogamuchirwa naMwari Here?
NGATITII unopa munyori wemifananidzo basa rokuti aite mufananidzo wako. Paanopedza, unofara; mufananidzo wacho wanyatsobuda. Unofunga nezvevana vako, vazukuru, navazukuru vavo vachitarira mufananidzo wacho vachidada zvikuru.
Zvisinei, kwadarika makore akawanda, mumwe wavazukuru vako anofunga kuti munogumira bvudzi pamufananidzo wacho mave muchidzimika hamufadzi, saka anoita kuti bvudzi riwedzerwe. Mumwe haafariri maumbirwe akaitwa mhuno, saka anoita kuti ichinjwe. Kumwe “kugadzirisa” kunotevera nezvizvarwa zvinouya pashure, zvokuti pakupedzisira mufananidzo wacho unenge usisina kutombofanana newe. Dai waiziva kuti izvi zvaizoitika, waizonzwa sei? Pasina mubvunzo waitsamwa.
Zvinosuruvarisa kuti nyaya yomufananidzo uyu, chaizvoizvo, ndiyo yakaitika kuchechi yechiKristu chezita. Nhau inoratidza kuti vaapostora vaKristu vachangofa, “chiKristu” chinozivikanwa chakatanga kuchinja, sokungofanotaura kwakaita Bhaibheri.—Mateu 13:24-30, 37-43; Mabasa 20:30.a
Chokwadi, hapana chakaipa kushandisira nheyo dzeBhaibheri kutsika nenguva zvakasiyana-siyana. Izvozvo zvakanyatsosiyana nokuchinja dzidziso dzeBhaibheri kuti dzikodzere kufunga kwakakurumbira. Asi, izvi ndizvo chaizvo zvakaitika. Somuenzaniso, funga kuchinja kwakaitwa munzvimbo dzinokosha dzinoverengeka.
Chechi Inobatana Nehurumende
Jesu akadzidzisa kuti kutonga kwake, kana kuti Umambo, ndehwokudenga hwaizoparadza kutonga kwose kunoitwa navanhu ndokutonga pasi rose, munguva yakafanira. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10) Hahuzotongi mugadziriro yavanhu yezvamatongerwo enyika. “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino,” akadaro Jesu. (Johani 17:16; 18:36) Saka, vadzidzi vaJesu, nepo vaiteerera mutemo, havana kubatanidzwa mune zvamatongerwo enyika.
Zvisinei, pakazosvika nguva yaMambo weRoma Constantine muzana remakore rechina, vakawanda vaizviti vaKristu vakava vasingashiviriri kumirira kudzoka kwaKristu uye kugadzwa kwoUmambo hwaMwari. Zvishoma nezvishoma, maonero avaiita zvamatongerwo enyika akachinja. “Constantine asati avapo,” rinodaro bhuku rinonzi Europe—A History, “vaKristu vakanga vasina kutsvaka kuva nesimba [rezvamatongerwo enyika] senzira yokufambisira mberi zvinangwa zvavo uye zvavanotenda. Pashure paConstantine, chiKristu nezvamatongerwo enyika zvapamusoro zvakashamwaridzana.” ChiKristu chakachinja chakava chitendero chakabvumirwa zviri pamutemo “chapose pose,” kana kuti “chechikaturike,” choUmambo hweRoma.
Enisaikoropidhiya inonzi Great Ages of Man inotaura kuti nemhaka yokubatana uku kwapedyo kweChechi neHurumende, “pakazosvika A.D. 385, makore 80 bedzi pashure pokutambudzwa zvakasimba kwokupedzisira kwavaKristu, Chechi pachayo yakanga yava kutanga kuuraya vapanduki, uye vafundisi vayo vakanga vava nesimba rakada kungoenzana neramadzimambo.” Saka nguva yakabva yatanga umo bakatwa rakatsiva kunyengetedza senzira yokutendeutsa, uye vafundisi vanoda simba zvakanyanya vakatsiva vaparidzi vanozvininipisa vezana remakore rokutanga. (Mateu 23:9, 10; 28:19, 20) Munyori wenhau dzakaitika H. G. Wells akanyora nezve“misiyano mikuru pakati” pechiKristu chezana remakore rechina “nokudzidzisa kwaJesu weNazareta.” Iyi “misiyano mikuru” ine zvayakatoita padzidziso dzinokosha pamusoro paMwari naKristu.
Kuchinja Mwari
Kristu navadzidzi vake vakadzidzisa kuti kunongova na“Mwari mumwe Baba,” anosiyaniswa nezita rake oga, rokuti Jehovha, rinowanikwa ka7 000 mumanyoro eBhaibheri apakuvamba. (1 VaKorinde 8:6; Pisarema 83:18) Jesu akasikwa naMwari; ndiye “dangwe rezvisikwa zvose,” inodaro Shanduro yeBhaibheri yeKaturike yeDouay pana VaKorose 1:15. Saka, somunhu akasikwa, Jesu akataura zvakajeka kuti: “Baba vakuru kwandiri.”—Johani 14:28.
Asi pakazosvika zana remakore rechitatu, vamwe vafundisi vane simba, vada dzidziso youtatu yomuzivi wechihedheni wechiGiriki Plato, vakatanga kuchinja Mwari kuti akodzere dzidziso yoUtatu. Mumazana emakore akatevera, dzidziso iyi yakakwidziridza Jesu zvisingawirirani naMagwaro kuti aenzane naJehovha ndokuita kuti mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, rive munhu.
Nezvokugamuchira kwechechi pfungwa yechihedheni yoUtatu, New Catholic Encyclopedia inoti: “Dzidziso yokuti ‘Mwari mumwe muVanhu vatatu’ yakanga isina pakasimba payakavakirwa, chaizvoizvo isina kupinzwa zvakazara muupenyu hwechiKristu nedzidziso yayo yokutenda, zana remakore rechina risati rapera. Asi chaizvoizvo idzidziso iyoyi yakatanga kushandisa musoro wokuti dzidziso yoUtatu. PaMadzibaba enguva yaVaapostora, pakanga pasimborina chinhu chaisvika pedyo namafungiro akadaro kana kuti pfungwa.”
Saizvozvowo, The Encyclopedia Americana inoti: “Dzidziso yoUtatu yomuzana remakore rechina haina kuratidza zvakarurama dzidziso yapakuvamba yechiKristu pamusoro pezvakaita Mwari chaizvoizvo; mukusiyana, yakanga yakatsauka padzidziso iyoyi.” The Oxford Companion to the Bible inodana Utatu kuti kumwe kwo“kuumbwa kwedzidziso dzinotendwa kwakazoitwa pava paya.” Asi, Utatu hwakanga husiri ihwo pfungwa yechihedheni yoga yakapinzwa muchechi.
Kuchinja Mweya
Zvinotendwa navanhu vakawanda nhasi kuti vanhu vane mweya usingafi unopukunyuka kufa kwomuviri. Asi unoziva here kuti dzidziso yechechi iyi yakawedzerwawo pava paya? Jesu akasimbisa chokwadi cheBhaibheri chokuti vakafa “havana chavanoziva,” kuti vakarara, sokunge zvakadaro. (Muparidzi 9:5; Johani 11:11-13) Upenyu hwaizodzorerwa norumuko—‘kumirazve’ kubva mukurara kwokufa. (Johani 5:28, 29) Mweya usingafi, kana waivapo, waisazoda kumutswa, sezvo kusafa kuchidzivisa rufu.
Jesu akatoratidza dzidziso yeBhaibheri yorumuko nokumutsa vanhu murufu. Tora muenzaniso waRazaro, akanga afa kwamazuva mana. Jesu paakamumutsa, Razaro akabuda muguva ari munhu mupenyu, anofema. Hapana mweya wakapinda mumuviri make uchibva kumufaro wokudenga Razaro paakamuka kuvakafa. Dai zvaiva zvakadaro, Jesu aisazodai akamuitira nyasha nokumumutsa!—Johani 11:39, 43, 44.
Saka, pfungwa yokuti mweya haufi yakabva kupi? The Westminster Dictionary of Christian Theology rinoti pfungwa yacho “inonyanya kubva kuruzivo rwechiGiriki kupinda kune zvakaziviswa muBhaibheri.” The Jewish Encyclopedia inotsanangura kuti: “Chitendero chokuti mweya unoramba uripo pashure pokufa kwomuviri inhau yokufungidzira kwavazivi kana kuti kwavafundisi pane kungova kutenda chete chete, uyewo hapana pachinodzidziswa zvakananga muMagwaro Matsvene.”
Kazhinji, nhema dzimwe dzinotungamirira kune dzimwe, uye ndizvo zvakaita dzidziso yomweya usingafi. Yakazarurira nzira pfungwa yechihedheni yokutambudzwa kusingaperi muhero yomoto.b Asi, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti “mubayiro unoripa chivi rufu”—kwete kutambudzwa kusingaperi. (VaRoma 6:23) Saka, ichirondedzera rumuko, King James Version inoti: “Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri; uye rufu nehero zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” Saizvozvowo, Bhaibheri rinonzi Douay rinoti “gungwa . . . uye rufu nehero zvakabudisa vakafa vazvo.” Hungu, zvichitaurwa zviri nyore, vaya vari muhero vakafa, ‘vakarara,’ sezvakataura Jesu.—Zvakazarurwa 20:13.
Unotenda zvechokwadi here kuti dzidziso yokutambudzwa kusingaperi muhero inokwevera vanhu kuna Mwari? Kana. Mupfungwa dzavanhu vakarurama navane rudo, ipfungwa inoodza mwoyo! Ukuwo, Bhaibheri rinodzidzisa kuti “Mwari rudo” uye kuti utsinye, kunyange kumhuka, anohushora kwazvo.—1 Johani 4:8; Zvirevo 12:10; Jeremia 7:31; Jona 4:11.
Kushatisa “Mufananidzo” Wacho Munguva Ino
Kushatiswa kwaMwari nechiKristu kuri kupfuurira nhasi. Mumwe purofesa wechitendero munguva pfupi yapfuura akarondedzera kuparapatika muchechi yake yechiPurotesitendi sokwe“chiremera chaMagwaro nedzidziso dzinotendwa zvinopesana nechiremera chepfungwa dzakasiyana kana kuti dzavanhu, pakati pokutendeka kwechechi kukuva ishe kwaKristu zvichipesana nokuyanana uye kuchinja chiKristu kuenda kumafungiro enguva ino. Nhau iri kunetsa ndeiyi: Ndiani anoronga zvinoitwa nechechi . . . Magwaro Matsvene here kana kuti pfungwa dzinodzora dzanhasi?”
Zvinosuruvarisa kuti “pfungwa dzinodzora dzanhasi” dzichiri kuita sedzinokunda. Somuenzaniso, zviri pachena kuti chechi dzakawanda dzakachinja kutsigira kwadzaiita nhau dzakasiyana-siyana kuti dziite sedzinofambira mberi uye sedzisingasaruri. Zvikurukuru munhau dzetsika, chechi dzasununguka zvikuru, sezvataurwa munyaya yokutanga. Asi, Bhaibheri rinonyatsotaura kuti ufeve, upombwe, uye ungochani zvivi zvikuru mumaziso aMwari uye kuti vaya vanoita zvivi zvakadaro “havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:9, 10; Mateu 5:27-32; VaRoma 1:26, 27.
Muapostora Pauro paakanyora mashoko adzokororwa pamusoro apa, vanhu vechiGiriki nevechiRoma vakanga vakamupoteredza vakanga vakazara namarudzi ose ouipi. Pauro angadai akafunga kuti: ‘Hungu, Mwari akaita kuti Sodhoma neGomora ave madota nokuda kwezvivi zvikuru zvounzenza, asi aiva makore 2 000 akapfuura! Zvechokwadi hazvishandi kuchizvarwa chino chinoziva.’ Zvisinei, haana kupa zvikonzero zvenhema; akaramba kushatisa chokwadi cheBhaibheri.—VaGaratiya 5:19-23.
Tarira “Mufananidzo” Wokutanga
Achitaura kuvatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzuva rake, Jesu akataura kuti kunamata kwavo kwakanga ‘kuri pasina nokuti vaidzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’ (Mateu 15:9) Vafundisi ivavo vakaita zvakafanana chaizvo kuMutemo waJehovha wakapiwa nokuna Mosesi neizvo vafundisi vechiKristudhomu vakaita, uye vachiri kuita, kudzidziso yaKristu—vakasasa “pendi” yetsika pachokwadi chaMwari. Asi Jesu akabvisa nhema dzose kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vabatsirwe. (Mako 7:7-13) Jesu akataura chokwadi, kunyange chakanga chichidiwa kana kuti chisingadiwi. Shoko raMwari raiva chiremera chake nguva dzose.—Johani 17:17.
Musiyano wakadini wakaitwa naJesu kune vakawanda vaizviti vaKristu! Zvechokwadi, Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Vanhu vachada zvitsva zvamazuva ano ndokuzviunganidzira . . . vadzidzisi maererano nezvavanoda pachavo; uye ipapo, pane kuteerera chokwadi, vachateerera ngano.” (2 Timoti 4:3, 4, The Jerusalem Bible) “Ngano” idzi dzine shoma dzadzo dzatakurukura, dzinouraya mumudzimu, asi chokwadi cheShoko raMwari chinovaka, uye chinotungamirira kuupenyu husingaperi. Ichi ndicho chokwadi icho Zvapupu zvaJehovha zvinokukurudzira kuongorora.—Johani 4:24; 8:32; 17:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Sokuzivisa kwakaita Jesu mumufananidzo wegorosi namasora uye mumuenzaniso wake womugwagwa wakafara nowakamanikana (Mateu 7:13, 14), chiKristu chechokwadi chaizoramba chichiitwa navashoma mumakore aizotevera. Zvisinei, vaizofukidzwa noruzhinji rwakafanana namasora, rwaizozvisimudzira irwo nedzidziso dzarwo sechiKristu chaicho. Ndizvo zvakaita chiKristu zviri kutaurwa nenyaya yedu.
b “Hero” ishanduro yeshoko rechiHebheru rokuti Sheori uye shoko rechiGiriki rokuti Hadhesi, ose anongoreva “guva.” Saka, nepo vashanduri vechiNgezi veKing James Version vakashandura shoko rokuti Sheori ka31 se“hero,” vakarishandurawo ka31 se“guva” uye katatu se“gomba,” nenzira iyoyo vachiratidza kuti mashoko aya anoreva zvikurukuru chinhu chimwe.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]
Pakatangira Zita Rokuti muKristu
Kwaanenge makore gumi Jesu afa, vateveri vake vaizivikanwa kuti ndeve“Nzira.” (Mabasa 9:2; 19:9, 23; 22:4) Nei? Nokuti mararamire avo akanga akavakirwa pakutenda muna Jesu Kristu, uyo ari “nzira nechokwadi noupenyu.” (Johani 14:6) Zvadaro, imwe nguva pashure pa44 C.E., muSiriya yeAndiyoki, vadzidzi vaJesu “vakatanga kutumidzwa kuti vaKristu nokutungamirira kwaMwari.” (Mabasa 11:26) Iri zita rakakurumidza kugamuchirwa, kunyange pakati pavakuru vakuru vehurumende. (Mabasa 26:28) Zita idzva harina kuchinja mararamire echiKristu, akapfuurira kuenzaniswa neaKristu.—1 Petro 2:21.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Noushumiri hwazvo hwapachena, Zvapupu zvaJehovha zvinotungamirira vanhu kuShoko raMwari, Bhaibheri
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]
Yechitatu kubva kuruboshwe: United Nations/Photo by Saw Lwin